Go to full page →

Kuchengeteka naJesu TaH 25

Tinowana pekuhwanda uye rudzikinuro musimba ririnane ramuponesi. Tinonyatsovhara dzimba dzedu nezvihuri, nemasimbi kuitira kuchengetedza midziyo nehupenyu hwedu kubva kuvanhu vakaipa, asi hatitongofungi nezvengirozi dzakaipa idzo dzinotirwisa. Kana dzikatenderwa, dzinogona kutikanganisa mifungo, kurwadzisa miviri yedu uye kuparadza pfuma nehupenyu hwedu. Ngirozi dzinesimba guru, dzinotumwa kutidzivirira. Wakaipa haakwanisi kupaza pakachengetedzwa naMwari. TaH 25.2