Go to full page →

Chokwadi Chinochenura TaH 27

Munyengeri mukuru anedzidziso zhinji dzenhema dzakarongerwa kuwirirana nezvimiro zveavo vaangaparadze. Izano rake kuunza mukereke vanhu vasina kuperera pakutenda kuitira kukurudzira kukahadzika, kusaagutsikana uye kushaya rutendo. Vazhinji vasina kutenda chaiko munaMwari vanogamuchira kutenda kusina kuzara uye votonzi maKristu vobva vaunza nhema chaidzo sedzidziso yemagwaro. Satani anoziva kuti zvokwadi yagamuchirwa murudo, inochenesa mweya. Nokudaro anotsvaga kuisa dzidziso dzenhema panzvimbo yedzechokwadi, tunyayawo twenhema, neimwe mharidzo yakewo. Kubva pakutanga, varanda vaMwari vairwa nevadzidzisi venhema, kwete sevanhu vehukasha chete asi sevasakuriri vemanyepo anokuvadza mweya. Eria, Jeremiya, Pauro, vakapokana zvikuru neavo vaifuratidza vanhu kubva pashoko raMwari. TaH 27.2

Kuturikirwa kwemagwaro kusina kujeka nedzidziso dzinopesana neidi muchitendero ndiro basa remhandu yedu kunyonganisa mifungo. Nyongano nekusawirirana pakati pemakereke zvinobva pakumonyorora magwaro kuitira kuti atsigire zvavanofunga. Vamwe vanotora kachidimbu kemagwaro vobatanidza nechikamu chemutsara kuti zvireve sezvavanoda asi zviri zvenhema asi chikamu chemagwaro chasiyiwa ichi chinenge chichitoreva zvakasiyana neizvi. Nekunyengera kwenyoka, vanozvibatanidza nekutaura kwakagadzirirwa kuti zviwirirane nezvido zvenyama zvakaipa. Vamwe vanotora mavara nemifananidzo, vozvirapanura kuti zvireve sezvavanofarira, zvisinei nokuremekedza magwaro, ivo vobva vazviti ndizvo zvinoreva shoko raMwari. TaH 28.1