Go to full page →

Kuparidzira Mifungo TaH 51

Kuvanhu vakarongeka nekudzidza kukuru Satani anoshandisawo kunyengera kwakadzidza. Anotungamirira vanhu kuti vazvikudze nekuda kwefundo nenjere dzavo zvekuti mumwoyo yavo vashore Mwari wekusingaperi. TaH 51.1

Satani anonyengera vanhu nhasi sekunyengera kwaakaita Eva mubindu kuburikidza nekukuridzira kuda nekuvavarira kuzvikudza “nokuti Mwari unoziva kuti nomusi wamuzvidya navo meso enyu achasvinudzwa mukava saMwari muchiziva zvakanaka nezvakaipa”( Gen 3:5). “Mweya yakaipa inodzidzisa kuti munhu chisikwa chinoramba chichiita nane nokufamba kwenguva kusvikira chafanana naMwari”. Uyezve Rutongo runenge rwakanaka, nokuti unenge uchizvitonga. Chigaro cheushe chiri mauri” Mumwewo anoti... ” Munhu mumwe nomumwe akarurama ndiKristu. Naizvozvo Satani anotora munhu nehutera hwake omuisa pachinzvimbo chemutemo waMwari. Uku kudzokera shure chose. Munhu haangazombokuri kupfuura paakapuhwa naMwari. Kana chindini iriyo nhongonya yepfungwa dzake, munhu haangambosviki pachinhanho chinopfuura paari nhasi. Nyasha dzaMwari chete ndidzo dzinogona kukwidziridza munhu. Akasiiwa ega, munhu anoramba achiderera. TaH 51.2