Loading...
Larger font
Smaller font
Copy
Print
Contents
  • Results
  • Related
  • Featured
No results found for: "".
  • Weighted Relevancy
  • Content Sequence
  • Relevancy
  • Earliest First
  • Latest First
    Larger font
    Smaller font
    Copy
    Print
    Contents

    RUDAWIRO NE RUGASHIRO

    Soezvo hana yako yakurumidzisva ne Mudzimu Unoyera, wavona chimwe chiro chekuipa kwe chitema, kwe simba racho, kwe mhosva yacho, kwe dambudzo racho; zvino wave kuchinangisa nge ruvengo. Wave kunzva kuti chitem chakuparadzanisa na Mwari, kuti zvino wave muvubatwa ve simba rekuipa. Kunyanya kurwisa kuti upukunyuke uko unoita, ndiko kunyanya kuzivisisa uko unoita kuti hauna simba. Zvimiso zve pfungwa dzako hazvina kuchena; mwoyo wako unetsvina. Wave kuvona kuti upenyu hwako hwazadzva ne mbayo ne chitema. Unodisa kuregererwa, kuchenurwa, kusunungurwa. Kukwadzana na Mwari, kufanana Naye — ungaite sei kuti uzvivane?MKK 36.1

    Runyararo urwo unoda — ruregerero rwe denga ne runyararo ne rudo mu mweya. Mari hainga-zvitengi; mfungo haungazvibati; uzivi hahunga goni kuva nazvo; haunga-simbiri ne kuidza kwako kuti uzviwane. Asi Mwari anokupa se chipo, “pasina mari pasina mutengo. Isaya 55: 1. Nge zvako kana ukatambanudza ruvoko ukazvibata. Jehova anoti, “Kana zvitema zvenyu zvakaita se jira (mucheka) dzvuku, zvichachena se chero; kana zviri zvitsvuku se muti mutsvuku, zvichaita se makushe emakwai.” Isaya 1. 18. “Ndichakupai vo mwoyo mutsva, nekuisa mukati menyu mweya mutsva.” Ezekieri 36: 26.MKK 36.2

    Varevurura zvitema zvako, ukazvirasa mu mwoyo. Vazvimisira kuzvipira kuna Mwari. Zvino enda kwa Ari ukumbire kuti asambidze zvitema zvako, akupe mwoyo mutsva. Zvino davira kuti achaita izvi ngekuti akatsidzira. Ichi ndicho chidzidzo icho Jesu akadzidzisa apo akange ari pano pasi, kuti chipo icho Mwari anoti tsidzira, takafanira kudavira kuti tichagashira, zve ngechedu. Jesu airapa vanhu hosha dzavo apo vakange vaine rudaviro musimba Rake; aiva batsira muzviro izvo vaigona kuvona, zvino achivaudzira kuti vasimbire kwaari muzviro izvo vasinga goni kuvona — zvichi vatungamirira kuti vadaire musimba Rake rekuregerera zvitema. Izvi akazvitaura pachena pakurapa kwake munhu airwara ne hosha ye nhetemwa: “Asi kuti muzive kuti Murumbwana ve munhu anesimba rekusunungura zvitema, ‘Akati kuna iye vakange ane nhetemwa, Simuka, tora bonde rako, uende kumba kwako.’ ” Mateyu 9: 6. Zvino na Johane Muvangeri anoti, pakutaura ne zvishamiso zva Kristu, “Asi izvi zvakanemberwa, kuti mudavire kuti Jesu ndi Kristu, Murumbwana va Mwari; muchidavira mupone nge zita Rake.” Johane 20: 31.MKK 36.3

    Munyaya dziri pachena dze mu Baiberi dzekuti Jesu airapa sei vanorwara, kubvira imomo tinga dzidze kuti tingadavire sei kuna Iye mukuregererwa zvitema. Ngatidzokere kunyaya ye chirema ehe Bethesda. Murwere anotambura akange asina ne simba rese, akange asina kumbosandisa nhengo dzemuviri wake kwe makore makumi matatu ne masere. Asi Jesu akamuudza, “Simuka, tora bonde rako, ufambe.” Murwere anodai akati, “Tenzi kana mukandi ita ndive vadi, ndinozoterera izvi renyu.” Asi kwete, akadaira izvi ra Kristu, akadaira kuti ave vadi, akabva aedza ipapo; aida kufamba, ndizvo akafamba. Akaita sezvataura izvi ra Kristu3 Mwari akapa simba, akabva ave vadi.MKK 37.1

    Ne nzira yakadaro uri munyangadzi. Haunga goni kuripira zvitema zvako zvakapfuura, haunga goni kupindura mwoyo wako, uzvnte uve mutsvene. Asi Mwari anotsidzira kukuitira zvese izvi kubudikidza ndi Kristu. Unodavira ichi chitsidzo. Revurura zvitema zwako, uzvipire ive kuna Mwari. Ude kumusandira, kana ukaita izvi nge chokwadi, Mwari anozoza dzisa izvi Rake kuneve. Kana uka davira chitsidzo — davira zve kuti varegererwa ne kuchenurwa — Mwari anopa chaizvo; unoitwa vakaperera, sezvo I Kristu akapa chirema simba rekufamba apo munhu akadaira kuti arapwa. Zvakadaro kana uchi zvidavira izvi.MKK 37.2

    Rega kumirira kuti utange vanzva kuti wave vadi, asi uti, Ndinodavira kuti zvakadaro, pasiri pamsana pekuti ndinozvinzva, asi pamsana pekuti Mwari akatsidzira.” Jesu anoti, “zvese izvo munoda, kuti muchikumbira, daviranyi kuti munotambira, munova nazvo.” Marka 11: 24. Pane imwe nzira pachitsidzo ichi — kuti tinamate ne nzira inodikanwa na Mwari. Asi kuda kwa Mwari kutichenura kubva munzitema, kutiita vana Wake, kutiita tigone kugara upenyu utsvene. Ndizvo tinga kumbire zvikombo- rero izvi, tidavire kuti tinozvitambira nekutenda Mwari kuti tazvitambira. Inguva yedu yekuenda kuna Jesu kundochenurwa, nekumira pamberi pemutemo tisina manyadzi ne urombo hwe zvitadzo zvedu. “Ndizvozvo hakuchina kurasva kuna ivo vari kuna Kristu Jesu, vasingafambi nge kwe nyama, asi vachifamba nge kwe Mudzimu.” Maroma 8:1.MKK 37.3

    Kubvira ipapa hauchi wako ive; vatengwa nge mutengo. “Zvo muchiziva kuti hamusakatengwa nge zviro zvinovora, se siriva ne ndarama, ... asi nge maropa anokosha a Kristu, se nyenye isina mhosva ne chakanyangara.” 1 Pita 1: 18, 19. Kubudikidza ngezvenyore izvi zve kudavira kuna Mwari, Mudzimu Unoyera vabereka upenyu utsva mu mwoyo wako. Vakaita se mwana mucheche aberekwa mu mhuri ya Mwari, zvino anokuda sezvo achida Murumbwana Wake.MKK 38.1

    Zvino sezvo vazvipira kuna Jesu, rega kudzokera sure, rega kuzvibvisa kwaari, asi zuva nge zuva uti, “Ndiri va Kristu; ndakazvipira kwa Ari;” umukumbire kuti akupe Mudzimu Wake, akuchengete pedyo ne tsitsi Dzake. Sezvo kuri ngekuzvipira ive kuna Mwari, nekudaira kuna Iye, uko ungazova mwana Wake, ndizvo vakafanira kugara muna Iye. Mupostori anoti, “Sezvo makagashira Kristu Tenzi Jesu, fambai kuna Iye.” Wakorosi 2: 6.MKK 38.2

    Vamwe vanonzva vakafanira kuva pakuidzva, zvino vakafanira kutanga vapangidza Tenzi kuti vasanduka, kutanga vasati vatora chikomborero Chake. Asi vangatore chikomborero kana na zvino. Vakafanira kuva ne tsitsi dzake, Mudzimu va Kristu, kuvabatsira mu kunyorova kwavo, dzimwe nguva havanga goni kudzivirira chitema. Jesu anoda kuti tiuye kwa Ari sezvo takaita, tirivanyangadzi, takasendama kwaari. Tinga uye ne unyoro hwedu hwese, kuzingaira kwedu, kunyangadza kwedu, tiputsikire pamakumbo ake tine urombo hwe zvitadzo zvedu. Imbiri kuna iye kuti atikomberedze mumavoko Ake erudo rwake, nekusunga zvironda zvedu, kutichenura mukusachena kwedu kwese.MKK 38.3

    Apa ndipo panotadza makumi emazana evanhu; havadairi kuti Jesu anovaregerera mumwe ne mumwe. Havadairi Mwari pa izvi Rake. Inguva ye vese vanofambirana ne mitemo kuti vazive kuti ruregerero runotambanudzirwa ku chitema chese nge rusununguko. Rasa pfungwa dzekufungidzira kuti zvitsidzo zva Mwari hazvina kuitirwa ive. Ngezve mutadzi vese anonga apinduka. Simba ne tsitsi zvakapiva kubudikidza na Kristu kuti dziunzve ne ngerosi dzinosanda kune mweya vese unodaira. Hapana vakanyangara kwekuti haingavani simba, kuchena, nekururama kuna Jesu, uyo akavafira. Akamirira kuvabvisa nguvo dzavo dzakazodzva nekunyangadzva ne chitema. Kuti avapfekedze nguvo chena dzekururama; anova udza kuti vararame, vasafe.MKK 38.4

    Mwari haaiti sezvo munhu anoita kune mumwe wake. Pfungwa dzake ipfungwa dze ngoni, rudo ne tsitsi nyoro. Anoti, Vakaipa ngaasiye nzira yake, nemunhu asina kururama pfungwa yake, ngaadzokere kuna Jehova, Iye achamunzvira nyasha, nekuna Mwari vedu, ngekuti achamuregerera zvikuru.” “Ndakadzima kudarika kwako se gore gobvu, zvitema zvako se eore.” Isaya 5:; 744: 22.MKK 39.1

    “Ngekuti handifariri rufu rwe anofa,” anodaro Jehova: ndizvozvo pindukai murarame.” Ezekieri 18: 32. Satani akagadzirira kuba zvisimbiso zvakakomborerwa zva Mwari. Anodisa kutora kupenya kwese kwe rusimbiro ne ranzi rese re kupenya kubva mu mweya; asi musamubvumire kuita zvakadaro. Musape nzeve kune muyedzi, asi muti: “Jesu akafira kuti ndipone. Anondida, haadi kuti ndiparare. Ndina Baba ve kudenga vane tsitsi; kana ndakatadzira rudo rwake, kana nepo zvikomborero izvo akandipa zvakaparadzva, ndichasimuka ndiende kuna Baba wangu, ndichiti kun Iye, ‘Ndakanyangadzira kudenga neve, handisakafanira kunzi murumbwana wako; ndiite ndive mumwe ve varanda wako. Uyu muenzaniso unokutaurirai kuti mufambi anozogashirwa sei: “Asi zvo akange arikure, baba wake vakamuvona, akava ne nyasha, akatiza, akaputsika pamutsipa wake, akamutsvoda.” Ruka 15: 18-20.MKK 39.2

    Asi kana nyaya iyi, tsitsi ne kubata mwoyo uko inoita, haisviki pakutsanangura kwazvo tsitsi dza Baba vekudenga dzisinga pen. Jehova anotaura ne muprofeta Wake, “Ndakakuda nge rudo rusingaperi, naizvozvo ndakakukweva ne unyoro.” Jeremia 31: 3. Apo munyangadzi achinge achiri kure ne imba ya Baba, achipambadza pfuma yake munyika iri kure, mwoyo va Baba urikumu- suva kunomutsva mu mweya kwekudzokera kuna Mwari kunonga kuri kunyengerera kunyoro kwe Mudzimu Unoyera, uchinyengerera kupfuura mufambi ku mwoyo va Baba ve rudo.MKK 39.3

    Zvo une upfumi hwe chitsidzo ehe mu Baiberi pamberi pako, ungape nzvimbo kupokana here? Ungadaire kuti kana munyangadzi ave kusuvira kudzoka, ave kuda kurasa zvitema zvake, Jehova anomumisa pakuuya kuma kumbo ake nge kupinduka here? Enda kure ne pfungwa dzakadaro! Hapana chimwe chinga kuvadze mweya wako pane kuchengeta pfungwa dzakadaro dza Baba wako vekudenga. Anovenga chitema, asi anoda munyangadzi, akazvipira mumutumbi va Kristu kuti vese wanga gone vaponesve, wave ne kukomborerwa kusingaperi muvumambo hwe mbiri. Mutauroi vakasimba kana munyoro ungadai vakataurwa kupinda uyo akasarudza kutiudza navo rudo rwake kwa tiri? Anoti, “Ko mukadzi angakanganwe mwana wake uyo anomwisa here? Zviro kwazvo, avo vangakanganwe, asi ini handinga kukanganwinyi.” Isaya 49: 15.MKK 40.1

    Nangisai kudenga imwi muri kupokana nekudedera; ngekuti Jesu arikuponera kumirira isu. Tendai Mwari nge chipo Chake ehe Murumbwana Wake anodikanwa, munamatire kuti asave akafira imwi nhando. Mudzimu unokukoka ive nhasi. Uya ne mwoyo wako vese kuna Jesu ndizvo unozova ne chikomborero Chake.MKK 40.2

    Sezvo uchiverenga chitsidzo, tondera kuti kutaura kwe rudo ne tsitsi dzisinga tauriki. Mwoyo mukuru ve rudo rusingaperi vasvededzva kune munyangadzi ne nyasha huru. “Tine ruponeso kuna Iye ‘nge ropa Rake, rusununguro rwe zvitema.” Maefesu 1: 7. Hunde, daira chete kuti Mwari ndiye mubatsiri wako. Anoda kudzosera mufananidzo Wake vakanaka kune munhu. Apo uchisvedera pedyo Naye mukubvuma nemukupinduka, Iye anozo svedera kuneve ne tsitsi ne ruregerero.MKK 40.3

    Larger font
    Smaller font
    Copy
    Print
    Contents