Loading...
Larger font
Smaller font
Copy
Print
Contents
  • Results
  • Related
  • Featured
No results found for: "".
  • Weighted Relevancy
  • Content Sequence
  • Relevancy
  • Earliest First
  • Latest First
    Larger font
    Smaller font
    Copy
    Print
    Contents

    KUKURA MUNA KRISTU

    Kupinduka kwe mwoyo uko tinova nako vana va Mwari kunotaurwa mu Baiberi se kubarwa. Zve kuno enzanisva sekumera kwe mbewu dzakadyarwa ne murimi. Saizvozvo avo vachikuvamba kupindukira kuna Kristu vakaita se “vana va cheche vachikuberekwa” va chakura. 1 Pita 2: 2; Maefesu 4: 15. Mu munhu ve murume kanamukadzi muna Kristu Jesu. Kana se mbewu yakanaka yakadyarwa mu munda, vachakura vachibereka michero. Isaya anoti, “Vachazonzvi miti yakarurama, chakasimwa cha Jehova, kuti Iye akudzve.” Isaya 61: 3. Ndizvo mienzaniso inotorwa kubva pamagariro ekuberekwa, kuti tinzvisise kuvandika kwe idi re upenyu hwe mweya.MKK 48.1

    Kuziva kwe munhu kwese kana kugona kwake hakungagone kuita upenyu mu mubarirwo ve chiro kana chiduku zvacho. Asi kuburikidza nge upenyu hwa Mwari chete uhwo Iye akapa kuti chidyarwa kana mhuka zvipone. Zvino zve kuburikidza nge upenyu hwa Mwari chete apo upenyu hwe mweya vunga vanikwe mu mwoyo ye vanhu. Kunze kwe kuti munhu a “barwe nge zvekudenga.” (Johane 3: 3 kumucheto.) Haangavi mukoverwi ve upe-nyu uhwo Kristu akauya kuzopa.MKK 48.2

    Zvakaita upenyu, ndizvo zvakaita kukura. Ndi Mwari anoita pfumvudza itumbuke ne ruva riite muchero. Isimba rake rinoita muchero ukure, pakutanga muningwi, mumasure mezvi mwonzora, masure mezvi mapfunde mazhinji.” Marka 4: 28. Muprofeta Hosea anoti nezva Israeri, ‘vachakura se ruva, vachararama se zviyo, nekutunga maruva semuzambiringa.” Hosea 14: 5, 7 Jesu anoti kumbira kuti “tifunge nge maruva esango kuti anokura sei.” Ruka 12: 27. Zvidyarwa ne maruva zvinokura kusikuti pamsana pekuzvichengeta kwazvo kana kuchenjera kwazvo kana s.imba razvo, asi ngekugashira izvo Mwari anonga apa kuti zviponese upenyu hwazvo. Mwana mucheche haanga goni kuvedzera hunhu hwake ngekutamburira kana nge simba rake. Kana neve haungazviiti, kuti ngekutamburira ne kuedza kwako, uvane ku- kura nge mweya. Chidyarwa, mwana mucheche, zvinokura pamsana pekuvana zvakaenzanira upenyu hwazvo mune zvakazvi tenderedza — mweya, zuva, nekudya. Izvi zvipo zvekubarwa kumhuka nekuzvidyarwa, zvakaita sa Kristu izvo akaita kune avo vanomusimbira. Achazova “kupenya kusingaperi zuva ne nhovo.” Isaya 60: 19; Mapisarema 84: 11. Achava se “dova kuna Israeri.” Achadzika iye se mvura pa usva vakagurirwa. Hosea 14: 15; Mapisarema 72: 6. Iye imvura ye upenyu, “Chinkwa cha Mwari . . . kubva kudenga unopa upenyu kune pasi.” Johane 6: 33.MKK 48.3

    Muchipo chisinga yenzanisvi che Murumbwana Wake, Mwari akatenderedza pasi rose ne kugara kwe tsitsi, sechokwadi chine mweya unotenderedza pasi. Vese vanosarudza kufema rugare runopa upenyu urwu vachazo pona, vachikura munhu ve varume vakuru ne vakadzio kuna Kristu Jesu.MKK 49.1

    Sezvo ruva richitenderukira kuzuva, kuti maranzi anopenya avedzere kuperera kwe kunaka kwaro nekufanana, ndizvo takafanira kutenderukira ku zuva re Kururama, kuti kupenya kwe kudenga kupenye kwatiri, kuti zvimiro zvedu zvikure mu mufananidzo va Kristu.MKK 49.2

    Jesu anodzidzisa chiro chakafanana apo anoti, “Garai kuneni, neni kunemwi. Sezvo nhavani isinga kwanisi kubara michero yega, kuti isinga gari mu vine; ndizvo hamungabari kuti musingagari kuneni. . . . Zvo musingakwanisi kuita chiro kuti musi neni.” Johane 15:4, 5. Makasimbira kuna Kristu kuti mupone upenyu vutsvene, se zvakaita nhavani pakubereka nekukura pamuti apo yakatunga. Kunze kwake hamuna upenyu. Hamuna simba rekudzivirira kuedzva kana re tsitsi ne kuyera. Garai kuna Iye munozo kura. Muchitora upenyu venyu kwa Ari, hamuzowuni kana kusabereka. Munozova se muti vakadyarwa pedyo ne ndwizi dze mvura.MKK 49.3

    Vamwe vazhinji vanepfungwa dzekuti vangaite basa pachavo vega. Vasimbira kuna Jesu nge ruregerero rwe chitema, asi zvino wave kutsvaka nge simba ravo kugara nge kunaka. Asi kwese kuyedza kwakadaro kwakafanira kutadza chete. Jesu anoti, “Zvomusingakwanisi kuita chiro kuti musineni.” Kukura kwedu mutsitsi, rufaro rwedu, kuva ne basa kwedu — zvese zvakasimbira pakusangana kwedu na Kristu. Kukwadzana kwedu Naye, mazuva ose, nguvadzese ngekugara muna Iye uyo takafanira kukura mutsitsi. Haasi muvambi chete asi mupedzisi zve ve rudaviro rwedu. Ndi Kristu pakuvamba ne pakuguma ne nguva dzose. Akafanira kuva nesu, kusiri pakuvamba kana pakuguma kwe rwendo rwedu, asi pakutsika kwedu kwese munzira. Davidi anoti, “Ndakaisa Jehova pamberi pangu nguva dzose: zvo ari kurudyi rwangu handinga-zungunuki.” Mapisarema 16: 8.MKK 49.4

    Munobvunza here kuti, “Ndingagare sei muna Kristu?”— Munzira iyoyo yavakamutambira nayo kutanga. “Sezvo makagashira Kristu Jesu Tenzi, fambai kuna Iye.” “Asi vakarurama vanopona nge rudaviro.” Wakorosi 2: 6; Mahebru 10: 38. Vakazvipira kuna Mwari, kuti uve Wake ngekuperera, kumusandira nekumuterera, ukatora Kristu sa Muponesi wako. Hausaigona kuripa zvitema zwako kana kupindura mwoyo wako; asi apo vakazvipira kuna Mwari, vakadayira kuti Iye pamsana pa Kristu akakuitira izvi svese ive. Ngerudaviro vakava va Kristu, ndizvo nge rudaviro vakafanira kukura muna Iye ngekupa nekutora. Wakafanira kupira zvese — mwoyo wako, kuda kwako, rusando rwako — zvipire ive kuna iye kuterera zvese izvo anoda; vakafanira kutora zvese — Kristu kuzara kwe zvikomborero zvese, kuti zvigare mumwoyo wako, kuti zvive simba rako, kururama kwako, mubatsiri wako asingaperi — kukupa simba rekuterera.MKK 50.1

    Zvipire kuna Mwari mangwanani; ita izvi zvive basa rako rekutanga. Munamato wako ngauve, “Nditorei, O Jehova, ndive venyu vakaperera. Ndinoisa mazano angu pamakumbo enyu. Ndisandisei nhasi murusando rwenyu. Garai neni, muite basa rangu rese rive kunemwi. Iyi inyaya ye mazuva ese. Mangwanani ese zvipire kuna Mwari kwe zuva iroro. Pira ose mazano ako kuna Iye, kuti aitwe kana apedzisve se kuda uko anonga apangidza Iye. Naizvozvo zuva nge zuva unonga urikupira upenyu hwako mu mavoko a Mwari, ndizvo upenyu hwako hwunozo umbwa zvakanyanya se upenyu hwa Kristu.MKK 50.2

    Upenyu kuna Kristu upenyu muzororo. Hakungavipo kuzvinzva kune simba asi kwakafanira kuva ne kugara, kwe rusimbiro rwe runyararo. Rusimbiro rwako harusi kwauri; ruri kuna Kristu. Unyoro hwako hwakabatanidzva ne simba Rake, kusaziva kwako kwabatana ne uzivi Hwake, hundonda hwako kune kusimba Kwake kukuru. Ndizvo chirega kuzvinangisa ive, usarege mutondero ugare pakuzvifunga ive mbune, asi unangise kuna Kristu. Rega mutondero ugare pa rudo rwake, kunaka, kuperera, kwe chimiro chake. Kristu pakuzvi-ramba kwake, Kristu pakuderedzva kwake, Kristu mukuchena nekuyera kwake, Kristu murudo rwake rusingaenzanisvi — iyi inyaya yekufunga ne mweya. Kumuda iye, kutevedzera iye, kusimbira kuna Iye mune zvese, apo munozo-pindurirwa mu mufananidzo Wake.MKK 50.3

    Jesu anoti, “Garai kuneni.” Aya mazvi anoti udza zororo, kugadzikana, rusimbiro. Zvakare anoti koka, “Wuyai kunei . . . ndinomupai zororo.” Mateyu 11: 28, 29. Mazvi emuimbi anotaura pfungwa dzakafanana zve: “Nyarara pamberi pa Jehova, umurindire unyerere.” Na Isaya anotipa chisimbiro, “Pakunyarara nepakutenda, ndipo pachava ne simba renyu.” Mapisarema 37: 7; Isaya 30: 15. Uku kuzorora hakuvanikwi mukusaita chiro; ngekuti mukukoka kwa Muponesi chitsidzo chezororo chakasanganisva ne kudaidzira kwe kuita basa: “Torai joki rangu . . . munovana zororo” Mateyu 11: 29. Mwoyo unozorora ngekuzara kuna Kristu unozo musandira ngekusimba nekudairika mubasa Rake.MKK 51.1

    Kana pfungwadzikagara pakuzvifunga, dzinofuratira Kristu, Muvambi vesimba ne upenyu. Kubvira ipapo rave simba ra Satani rekuramba achifuratirisa pfungwa kubva kuna Muponesi, ndizvo odzivirira kusangana nekukwadzana kwe mweya na Kristu. Rufaro rwe nyika, utsanana hwe upenyu ne kukangaidzika ne urombo, mhosva dze vamwe, kana mhosva dzako mbune ne kusaperera — kune chimwe kana zvese zve zviro izvi anozotswaka kutsausa mutondero wako. Usatsausve ne mazano ake. Vazhinji vanepfungwa kwadzo, vanoda kupona kuna Mwari, anovanzo vatungamirira kuti vagare vachinetsva ne mhosva dzavo neunyoro hwavo, ngekuvatsaura kubva kuna Kristu, anokarira kuvana kukunda. Tisazviite isu chiro chekunyanya kufunga zvikuru, tizvipire kugara tine hana ye kutya kwe kuti zvimwe tichaponesva here. Zvese izvi zvinotenderudza mweya yedu kubva kutsime re simba redu. Pira kuchengetwa kwe mweya wako kuna Mwari, usimbire kuna Iye. Taura nekufunga nezva Jesu. Zvekuzvifunga ive ngazvirasikire kuna Iye. Rasa kupokana kwese; dzinga kutya kwako. Iti na mupostori Pauro pamwe, “Asi ndiri kupona; asi handini, asi ndi Kristu anopona kuneni: upenyu uhwo ndinogara munyama zvino, ndinowugara ngerudaviro kune Murumbwana va Mwari, akandida, akazvipira ini.” Magarati 2: 20. Zorora kuna Mwari. Anokwanisa kuchengeta izvo unonga vamupira Iye. Kana ukazvipira mu mavoko Ake, anozokuita mukundi kupinda vakundi kuburikidza na Iye akakuda.MKK 51.2

    Apo Kristu akatora mugariro ve munhu akasungira hunhu kwa Ari chisungo che rudo chisinga-dimburwi ne rimwe simba kunze kwe kusarudza kwe munhu pachake mbune. Satani anozoramba achiedza kuti anyengedze nge zviro izvo anotipangidza kuti tityore chisungo ichi — kusarudza kuzvitsaura kubva kuna Kristu. Apa ndipo takafanira kungwarira, kurwisa, kunamata, kuti pasave ne chimwe chinotinyengedza kuti tisarudze mumwe tenzi; ngekuti nguva dzese takasununguka kuita izvi. Asi ngatigare maziso edu akanangisa kuna Kristu, Iye anozoti chengeta. Pakunangisa kuna Jesu, tinopona. Hapana chingati bvute kubva mu mavoko Ake. Mukumunangisa nguva dzese, tiri “kusandurwa mu mumwe mufananidzo mumbiri ne mbiri, sa Tenzi mu Mudzimu.” 2 Waro-rinte 3: 18.MKK 52.1

    Ndiyo nzira iyo vadzidzi vakavana nayo mufananidzo wavo va Muponesi anodikanwa. Apo vadzidzi avo vakanzva mazvi a Jesu, vakanzva kumushaya kwavo. Vakatsvaka, vakavana, vakamutevera. Vakange vanaye mumba, patafura, pakavandika, ne mu munda. Vakange vanaye sevadzidzi vane mudzidzisi wavo vachxgashira mazuva ese kubva pamuromo wake mazwi ezvidzidziso zvedi zvinoyera. Vakanangisa kwa Ari, se varanda va tenzi avo kuti vadzidze basa ravo. Ava vadzidzi vakange vari varume “vakafanana nesu.” Jakobe 5: 17. Vakange vaine dzivo (kurwa) rakafanana nesu rekurwa ne chitema. Vaitsvakavo mutsa vakafanana kuti vagare upenyu hunoyera.MKK 52.2

    Kana Johane, mudzidzi anodiva, anovandiye ayipansidza zvikuru kufanana na Muponesi, akange asina pakubarwa kwake chi- miro chakanaka chakadaro, akange asingaedzi kuzvimanikidza nekuzvikwidziridza kuti avane rukudzo chete, akange aine chinya nekutsamwira zviro zvinomukuvadza. Asi sezvo chimiro cheve Kudenga chakavonesva kwaari, akavona kutadza kwake, akativisva ne kuziva izvozvo. Simba nekutiva, simba ne kupfava, ushe nekunyorova, izvo akavona mu upenyu we misi ye Murumbwana va Mwari, zvakazadza mweya wake nekukanuka ne rudo. Zuva nge zuva mwoyo wake vakapfuvirwa kuna Kristu, dakara akarasikirwa ne mweya vekuzvifunga iye pamsana perudo rwake kuna Tenzi wake. Mwoyo wake vekuvenga, nekuva nechinya vakapirwa kune simba ra Kristu rinoumba. Mweya ve Mudzimu Unoyera unomutsidzira vakamutsidzira patsva mwoyo wake. Simba re rudo rwa Kristu rakaunza kusanduka kwe chimiro. Izvi ndizvo zvinovonekwa pakusangana na Jesu kwedi. Kana Kristu akagara mu mwoyo, chimiro chekuberekwa chese chinosanduka. Mudzimu va Kristu, rudo Rwake, zvinonyorovesa mwoyo, nekukurira mweya, zvomutsa pfungwa nekuda Mwari ne denga Rake.MKK 52.3

    Apo Kristu akakwira kudenga, pfungwa dzekuvapo kwake dzakandonga dzirikune vateveri Wake. Kwakange kuri kuvapo kwake kuzere ne rudo ne kupenya. Jesu, Muponesi, uyo akange afamba nekutaura navo nekunamata navo, uyo akange ataura nge rusimbiro ne runyaradzo mu mwoyo yavo, akati, ipapo soko re runyararo richi pamuromo Wake, akatorwa kuenda kudenga kubva kwavari, zvino maungira ezvi Rake akadzoka kwavari, sezvo gore re ngerosi rakamugashira, “Wonai ndinemwi nambwe dzose, dakara pakuguma kwe pasi.” Mateyu 28: 20. Akange akwira kudenga mu mamiriro e munhu. Vakaziva kuti ari pamberi pechigaro cha Mwari, ari Shamwari yavo na Muponesi wavo basi; nekuti tsitsi dzake hadzisanduki; nekuti achirikundo fananidzva nekutambudzika kwe munhu. Akange arikupangidza pamberi pa Mwari kukodzera kwe ropa Rake rinokosha, achipangidza mavoko Ake nemakumbo zvakakuvadzva, muchitondedzo che mutengo uyo akanpira Wake vakaponesva. Vakaziva kuti akakwira kudenga kundovagadzirira nzvimbo, nekuti achadzoka zve, kuzovatora kuti wave kwa Ari. MKK 53.1

    Apo vakasangana pamwe mu masure mekukwira, vakange wavekuda kwazvo kuunza zve izvo vaida kukumbira pamberi pa Baba kuburikidza mu zita ra Jesu. Nge rukudzo rukuru vakakotama mu munamato, vachipamba chisimbiso. “Zvese izvo munokumbira Baba muzita rangu, anomupa izvo. Hamusati makumbira chiro muzita rangu: kumbirai munogashira, kuti kugara kwenyu kuzare.” Johane 16: 23, 24. Vakatambanudzira ruvoko rwe rudaviro kumusoro ne kumusoro ne nharo zvikuru, “Asi Kristu vakafa, hunde akamuka zve, ari parudyi rwa Mwari, anoti namatira.” Maroma 8: 34. Pentekosti yakava unzira kuvapo kwe Munyaradzi, uyo akange anzvi na Kristu, “zvo anogara nemwi.” Akange amboti zve “Kwakafanira imwi kuti ndiende, Munyaradzi haauyi kunemwi; asi kuti ndikaenda, ndinomutuma kunemwi.” Johane 14: 17; 16: 7. Kubvira ipapo kuburikidza nge Mudzimu, Kristu akange achizogara mu mwoyo ye vana Wake. Kukumbana kwake navo kwaizopinda munguva idzo akange ainavo pano. Kupenya, rudo, ne simba rinogara mukati mavo ra Jesu rakapenya kuburikidza navo, zvikaita kuti vanhu, vakavona, “vakashama; vakaziva kuti vakange vagara na Jesu.” Mabasa 3:13.MKK 53.2

    Sezvo Kristu akange akadaro kune vadzidzi vekutanga, anoda kuti ave akadaro zve kune vana Wake vanhasi; ngekuti mu munamato uyo vekugumisira, aine kachita kaduku ke vadzidzi vakamutenderedza, akati, “Handikumbirira ava bedzi, asi avo vanodavira kuneni nge izvi ravo.” Johane 17: 20.MKK 54.1

    Jesu akati namatira, akatikumbira kuti tive mumwe Naye, sezvo Iye ari mumwe na Baba Wake. Kukumbanai kwakadari! Muponesi akati ngezvake mbune, “Murumbwana haangaite chiro ega; asi Baba uyo anogara kuneni, anoita mabasa.” Johane 5: 19; 14: 10. Ndizvo kana Jesu achigara mu mwoyo yedu, anozosanda mukati medu “kuda ne kuita rufadzo rwake.” Wafilipi 2: 13. Tinozoshanda sezvo iye akashanda; tinozo-vonesa mweya ivoyo vakafanana. Naizvozvo, tichimuda nekugara kuna iye, tichazo “kura muzviro zvese kuna Iye, ari musoro, Kristu.” Waefesu 4: 15.MKK 54.2

    “Apo ndino tondera, muchinjiko va M’ponesi;
    Zviro zvangu ndinoshora, zvese’zvo hazvibatsiri.

    “Wona maropa anobva, Musoro, diti, mawoko:
    Hakuna rudo rumwe ba, Ne urombo wakadaro.

    Kana ini ndakashata, Ndasunungurwa na Iye.
    Chiro chimwe handichadi, Asi muchinjiko Wake.

    “Kuti ndiri nazvo zvese, Zviri chipo chiduku zve:
    Urwo rudo rwakadaro, Runoda upenyu wese.” Isaac Watts
    MKK 55.1

    Larger font
    Smaller font
    Copy
    Print
    Contents