Loading...
Larger font
Smaller font
Copy
Print
Contents
  • Results
  • Related
  • Featured
No results found for: "".
  • Weighted Relevancy
  • Content Sequence
  • Relevancy
  • Earliest First
  • Latest First
    Larger font
    Smaller font
    Copy
    Print
    Contents

    KUFARA MUNA TENZI

    Vana va Mwari vanodaidzva kuti wave vamiriri va Kristu, vapangidze kunaka ne nyasha dza Tenzi. Sezvo Jesu akaratidza kunesu chimiro chedi cha Baba; ndizvo nesu ngati ratidze Kristu mu nyika isinga zivi tsitsi dzake nyoro, rudo rwe ngoni. “Sezvo vakandituma pasi,” akadaro Jesu, . . . kuti pasi rizive kuti vakanditumira.” Johane 17: 18, 23. Mupostori Pauro anoti kune vadzidzi va Jesu, “Muri tsamba ya Kristu, inozikwa inoverengwa ne vanhu vese.” 2 Wakorinte 3:2, 3. Ngemumwe ne mumwe vese ve vana Wake, Jesu anotumira tsamba ku pasi. Kana uri muteveri va Kristu, anotuma neve tsamba yekumhuri, musha, mu mugwagwa, apo unogara. Jesu, achigara kuneve, anoda kutaura mu mwoyo ye vasina kuzivana Naye. Dzimwe nguva hava verengi Baiberi, vasinganzvi izvi rinotaura kwavari kuburikidza nge mu mapepa aro; hava voni rudo rwa Mwari mu mabasa Ake. Asi kana uri mu miriri vedi va Jesu dzimwe nguva kungave kuburikidza neve kungatungamirire kuti vanzvisise chimwe chiro ngekunaka kwake, vaunzve mukumuda ne muku musandira.MKK 85.1

    Ma Kristu akamisva se vatakuri ve mwenje pa nzira inoenda kudenga. Vakafanira kupfuudzira kupasi kupenya kunosvika kwavari kuchibva kuna Kristu. Upenyu wavo ngahuve uho hunozoti pamsana pavo vamwe vavane kududzirwa kwakanaka na Kristu ne rusando rwake.MKK 85.2

    Kana tichi mumirira Kristu tinozoita rusando rwake runake, seizvo rwakaitavo. Ma Kristu anounganidza kusvipa kwe mwoyo ne kusuva mu mweya yavo, vachi nyunyuta nekugurukuta, varikupa kune vamwe umiriri hwe manyepo wa Mwari neve upenyu ve u Kristu. Vanopa pfungwa dzekuti Mwari haafari kuti vana Wake vafare, zvino nge izvi vanopa umbovo we manyepo na Baba vedu vekudenga.MKK 85.3

    Satani anonzva achizvikudza kwazvo akange atungamirira vana va Mwari mukusadavira nemukurasikirwa nerusimbiro. Anofadzva ngekutivona isu tisinga simbiri Mwari, tichipokana nge- kuda kwake ne simba Rake rekutiponesa. Anoda kuti tifunge kuti Mwari achati kuvadza nge izvo anoita. Ibasa ra Satani rekumirira nzvimbo ya Mwari kuti avonekwe sekunge asina nyasha ne tsitsi. Anotaura nge nzira isiri iyo ye idi Rake. Anozadza kufungidzira nge pfungwa dze manyepo na Mwari; panzvimbo yekugara pa idi nge zva Baba vedu ve kudenga, tinovanzo isa pfungwa dzedu zvikuru pamanyepo anopangidzva na Satani, toshaya kukudza Mwari ngekusamusimbira nekugurukutira Iye. Satani anongwarira kuti zviro zvese zve upenyu we rudaviro ruitirwe mwoyo mutema ne vanhu. Anoda kuti ruvonekwe serune basa rinorema kwazvo nerinokonja kuita; zvino kana mu Kristu ave kupangidza mu upenyu hwake mbune rudaviro urwu, anonga atopeaza kwese kusadavira kwake, zvino ave kutsivira pamsoro pe manyepo a Satani.MKK 85.4

    Vazhinji, vachifamba munzira ye upenyu, vanogara pamsoro pe kukanganisa kwavo nekutadza nekupererwa ne simba kwavo, zvino mwoyo yavo yo zara ne kusuva ne kushaya simba. Apo ndakange ndiri mu Europe, handzvadzi yakange ichitiita izvi, ikange yave mukati me rushambwa, yakandi nyorera tsamba, ichikumbira izvi rerusimbiso. Usiku iwowo vandakange ndaverenga tsamba yake ndakarota ndiri mu munda, zvino mumwe aitarisika semuridzi ve munda akange achinditungamirira munzira dzavo. Ndakange ndiri kutanha maruva ndichifadzva nekunuhwira kwavo kwakanaka, apo handzvadzi iyi, yakange irikufamba parutivi rwangu yakandi pangidza zvimwe zvimagwenzi zvinobaya zvakange zvisinga vonekwi asi zvaidzivirira nzira yake. Hoyo akange ariapo, achichema nekusuva. Akange asingafambi munzira, achitevera mutungamiri, asi akange achifamba mukati me zvitataunga ne minzva. “O,” akachema, “hazvinzvisi urombo here kuti munda vakanaka ukadari ungazare ne minzva?” Zvino mutungamiri akati, “Rega minzva iyo, ngekuti inokukuvadza chete. Tanha maruva ive, akanaka, ne akatsvukuruka.”MKK 86.1

    Hakuna kumbova ne zviro zvakanaka here mu upenyu hwako? Hakuna kumbova ne imwe nguva here mugore apo mwoyo wako vakazara ngekufara uchidavira Mudzimu va Mwari? Kana uchinangisa upenyu hwako hwakapfuura, unovona zvimwe zvi- tsauko zvaifadza here? Hausi ve zvitsidzo zva Mwari here, semaruva anonuhwirira zvakanaka, anokura parutivi pe nzira yako kwese-kwese kumativi ako? Haunga regi kunaka kwako kuzadze mwoyo wako nge rufaro here?MKK 86.2

    Zvitataunga ne minzva zvinokukuvadza nekukusuvisa chete; ndizvo kana uka unganidza izvozvi chete, uchizvipangidza kune vamwe, kunze kwekuti uri kuderedza kunaka kwa Mwari ive pachako, mbune, unonga usikudzivirira vamwe vakakutenderedza kuti vasafambe munzira ye upenyu here?MKK 87.1

    Hakusikungwara kuunganidza zvese zvisinga fadzi zve upenyu hwako hwakapfuura — kushata kwazvo nekupedza simba kwazvo kutaura nyaya yazvo ne kuzvichemera dakara tikundwe ne kushaya simba. Mweya unoshaya simba uzere ne dima, kupfigira kunze kupenya kwa Mwari mu mweya Wake, nekudzikatira vamwe mu nzira kwayo.MKK 87.2

    Tendai Mwari ngemifananidzo inopenya iyo akapangidza kunesu. Ngati unganidze pamwe zvisimbiso zvakakomborerwa zve rudo rwake, kuti tirambe takazvinangisa nguva dzese, Murumbwana wa Mwari pakubva pachigaro cha Baba Wake ehe Ushe, achipfekedza ushe hwake hwekudenga ne unhu, kuti aponese munhu kubva musimba ra Satani; kufara kwake kudivi redu, kuzarurira denga kumunhu, kuratidza pfungwa dzemunhu mipanda apo Mwari anofukura mbiri Yake; rudzi rwakaputsika ruchisimudzva kubva mugomba rekuparara umo rwakange rwakandwa ne chitema, rwuchiunzva kuti rusangane na Mwari asinga peri, nekunge rwashingirira kuedzva kwe denga kuburikidza ngerudaviro kuna Mununuri vedu, rwuchi pfekedzva nge kururama kwa Kristu, nekukudzirwa kuchigaro Chake ehe Ushe — iyi ndiyo mifananidzo iyo Mwari anoda kuti isu tiyi fungisise zwikuru.MKK 87.3

    Kana tave kuita sekunge tinopokana rudo rwa Mwari, nekusasimbira zvitsidzo zvake, tinonga tisingacha mukudzi zve tinokuvadza Mudzimu Wake Unoyera. Ko mai vanganzwe sei kana vana vachinge vachichema chema navo nguva dzese, sekunge vasinga vachengeti zvakanaka, nyamba upenyu hwavo vese hwangc hwakapirwa mukuti vakwirire muzviro zvavo zvese nekuvanyaradza? Zvimwe mukupokana ne rudo rwavo; zvingapwanye mwo- yo wavo. Nge upi mubari angafare ngekunzarwo ne vana wake? Zvino Baba vedu ve kudenga vangatinangise sei kana tisina rusimbiro murudo Rwake, rwakamuita kuti ape Murumbwana Wake mumwe akabarwa kuti tivane upenyu? Mupostori anonyora, “Iye asakaramba ne Murumbwana Wake, akamupa pamsana pedu tese, hatipi zviro zvese Naye here?” Maroma 8: 32. Asi vangani, ngemabasa, kana kuti ngemazvi, vanoti, “Tenzi hava revi izvi kwandiri. Zvimwe anoda vamwe, asi ini haandidi.”MKK 87.4

    Zvese izvi zvinokuvadza mweya wako ive; ngekuti rese izvi iro unotaura rekupokana rinokoka zviyedzo zva Satani; zvinosimbisa kuneve tsika yekupokana, zvinokuvadza zve ngirosi dzinosanda mukati mako. Kuti Satani achikuyedza, reka kufema kana izvi rekupokana kana re dima. Kana uka sarudza kuzarura musivo ve pfungwa dzake, pfungwa dzako dzinozo zara ne kusasimbira ne mibvunzo ye upandu. Kana ukataura izvo unonzva, kupokana kwese uko unotaura hakusandi kuneve basi, asi imbewu inozo mera ichi bereka michero mu upenyu hwe vamwe, hazvizokwanisiki kuti urwise kukunda mweya ve mazvi ako zve. Ive pachako ungagone kubuda upone kubva mukuyedzva kana mumurawu va Satani, asi vamwe, vazunguzva ne mweya ve mazvi ako, havanga goni zve kuti vatize kubva mupfungwa dzekupokana idzo unonga wava taurira. Chiro chikuru sei chekuti titaure anosimbisa upenyu we mweya chete!MKK 88.1

    Ngerosi dzamarira kuti dzinzve kuti inyaya rudzinyi iyo uchapira kupasi na Tenzi wako ve kudenga. Nyaya yako ngaive Yake iye akamirira kuku mirira ive pamberi pa Baba. Kana uchitora iuvoko rwe shamwari, rukudzo rwa Mwari ngaruve pamuromo wako ne mu mwoyo. Izvi zvinozo pfuvira pfungwa dzake kuna Jesu.MKK 88.2

    Vese vanekuedzva, ne urombo hunorema kutakura, zviyedzo zvinonetsa kuzvidzivirira. Usataure matambudziko ako kune mumwe munhu anofa, asi takura zvese kuna Mwari mu munamato. Ita zvive mutemo vekuti usataure kana izvi rimwe rekupokana kana kupererwa ne simba. Ungaite zvizhinji kupenyesa upenyu hwe vamwe nekusimbisa kuyedza kwavo nge mazvi erusimbiso ne mazvi ekufara kunoyera.MKK 88.3

    Kune mweya vakashinga asi vakatsimbidzirwa zvinorwadza nge kuyedzva, wave kuda kuto ziya ngekurwisana kwavo ne masimba e kuipa. Usapedze simba re akadaro mukurwa kwake kunorema uku. Mufadze ngekushinga, ne mazvi ekusimbisa achazomukurudzira munzira yake. Naizvozvo kupenya kwa Kristukunozo penya kuchibva kuneve. “Zvokusina munhu vedu anozviponera.” Maroma 14: 7. Ngekuita kwedu tisinga zivi vamwe vangakurudzirwe ne kusimbisva, kana kuti vangapedzve simba vaehidzingwa kubva kuna Kristu ne idi Rake.MKK 89.1

    Kune vazhinji vane pfungwa ne mutondero isiri iyo nge upenyu ne chimiro cha Kristu. Vanofunga kuti akange asina kudziya kana zuva, nekuti aidzvokora zvakaipa nekushusha, nekusava nerufaro. Munzvimbo zhinji mu upenyu vese ve rudaviro matsotsva ne pfungwa dzine mhute yakadari.MKK 89.2

    Zvinosinyanya kutaurwa kuti Jesu akaehema, asi zvichinzvi haana kumbovonekwa achinyemwerera. Muponesi vedu zviro kwazvo akange arimunhu ve nhamo, akarovedzerana nekusuva, ngekuti aizarura mwoyo Wake kune nhamo dzese dze vanhu. Asi kana nepo upenyu hwake vakange huri hwe kuzviramba, hwakafukidzva ne kurwadza ne kuzvichengeta, mweya Wake vakange usina kupwanyika. Usu Hwake hwakange husina kupfeka chiratidzo ehe urombo kana nekusurukirwa, asi hwakange huine runyararo nekugadzikana nguva dzese. Mwoyo Wake vakange uri tsime re upenyu; kwese uko aienda aitakura zororo ne runyararo, rufaro ne mwoyo muchena.MKK 89.3

    Muponesi vedu akange aine kufunga kwakadzama nekusimba mukunaka, asi akange asina kusvipirwa mu mwoyo kana kurova ne hana. Upenyu ve avo vanomuedzesera hunozozara ne kuita kwakanaka; vanozova ne pfungwa dzakadzama dze kuziva basa ravo. Kusanyara zviro kunopera; hakuzovi ne kufara kwekuganza, kana jeye remisikanzva; asi rudaviro rwa Jesu runopa runyararo se rwizi. Harudzimi kupenya kwe rufaro; haru rambidzi kufara, kana kudzikatira usu hunonyemwerera se zuva. Kristu haasaka uya kuzo sandirwa tinozo tevera chiratidzo chake.MKK 89.4

    Tikaramba takakwidza mu pfungwa dzedu zviito zve vamwe zve kusava ne mutsa ne kusarurama, tinozozvivona zvisi nyore kuvada sezvo Kristu akatida; asi kana pfungwa dzedu dzikagara parudo runoshamisa ne tsitsi dza Kristu kunesu, mweya vakafanana unozoverera uchienda kune vamwe. Takafanira kuda nekukudzana mumwe ne mumwe, hazvinei ne mhosva ne kusarurama uko tinoramba tichivona. Kuzvidzikisira ne kusazvisimbira zvakafanira kusakurirwa, nekutiva kunyoro kune mhosva dze vamwe. Izvi zvinobva zvauraya kwese kuzvida kuduku kwasara ikoko, zvotiita tive ne mwoyo mukuru ine mutsa. Muimbi anoti, “Simbira kuna Jehova, uite zvakanaka, uchagara panyika( zvirokwazvo uchazo gutsva.” Mapisarema 37: 3.MKK 89.5

    “Simbira kuna Jehova.” Zuva rimwe ne rimwe rino mitoro yaro, nezvekungwaririra, nezvikangaidzo; zvino apo tinosangana, tinogadzirira sei kutaura ngekuremerwa kwedu ne zviyedzo zvedu. Dzimwe nhamo dzinonga dzakweretwa dzinondo zvipindiravo, nekutya kumwe kuzhinji kunopirwa, kuremerwa kukuru ne hana yekutya kunotaurwa, zvekuti mumwe zvake angafunge kuti hatina Muponesi anetsitsi ne rudo, akagadzirira kunzva zvese izvo tinokumbira, nekuti ave kwatiri rubatsiro rwenguva yese iyo tinonga ta shaya.MKK 90.1

    Vamwe vanogara vachitya nguva dzese, vachizvikweretera matambudziko. Mazuva ese vakatenderedzva ne zvipo zverudo zva Mwari; mazuva ese varikuzvifadza nge kuvanda kwe izvo anova itira; asi havana hanya ne zvikomborero izvi. Pfungwa yavo inogara iri pane chimwe chisinga bvumirani, icho vanotya kuti chichauya, kana kuti imwe nhamo inonga iripo zvechokwadi, inoti, kana iri duku hayo, yodzikatira maziso avo kubva kune zvizhinji zvakafanira kutendwa. Zvinonetsa izvo vanosangana nazvo pa-nzvimbo yekuti vazvipe kuna Mwari, anova ndiko kuvamba chete kwe rubatsiro rwavo, vanozvitsaura kubva kuna Iye, ngekuti vanomutsa kusazorora ne kunzva urombo nekunyunyuta.MKK 90.2

    Tinonga tichinatsa here kana tichidavira zvakadari? Ngei tisingatendi ne kusasimbira zvakadari? Jesu ishamwari yedu; denga rese rinofadzva ngekunatsva kwedu. Tisabvumire kukangaidzika ne kunetseka kwe upenyu hwe misi yose kuti zvifukure pfungwa nekudzikatira kumeso kwedu. Kana tika daro, nguva dzese tinozova ne zvinoti tsamwisa ne kuti svotesa. Tisa zvipire mukuva ne pfumvu inozotikonzera kuti pfungwa dzisukutswe ne kusakadzva, asi kusingati batsiri kuti titakure mukuru ve kuyedzva.MKK 90.3

    Unga kangaidzike mubasa; kukarira kwako kwe kubudirira kunganangisike sekunoramba kuchisvipa kuchisvipa, dzimwe nguva ungatyisidzirwe nekurasikirwa; asi usapererwe ne simba, isa zvese izvo unonetseka nazvo kuna Mwari, ugare unyerere ne kufara. Namatira uzivi hwe kuita zviro zvako nge kungwara, ne nzira iyoyo udzivirire kurasikirwa nekuparara. Ita zvese izvo ungagone kuti divi rako ribudirire zvakanaka. Jesu akatsidzira rubatsiro Rwake, asi kusikunze kwekunge vamboyedza. Apo uchisimbira kune Mubatsiri vedu, uchingevaita zvese izvo ungagone unogashira mubairo vacho ngekufara.MKK 91.1

    Handikuda kwa Mwari kuti vanhu Wake vagare vakatsimbidzirwa nekugara vachitya zvichauya. Asi Jehova vedu haati nyengedzi. Haati kunesu, “Regai kutya, hakuna ngozi munzira menyu.” Anoziva kuti kune kuyedzva ne ngozi munzira, zvino anoita zvese kunesu nge nzira inovonekwa pachena. Haazvimisiri kubvisa vanhu Wake munyika ye chitema ne kuipa, asi anova nongedzera kune chidziviriro ehe kuvanda chisinga zotadzi. Munamato Wake kune vadzidzi Wake vakava vekuti, “Handikumbiri kuti uva bvise mupasi, asi kuti uvachengete mukuipa.” “Mupasi,” anodaro, munotambudzva: asi faranyi, ndakurira pasi.” Johane 17: 15; 16: 33.MKK 91.2

    Pakushumaira kwake pamsoro pe gomo, Kristu akadzidzisa vadzidzi Wake zvidzidzo zvinokosha ngekusimbira kuna Mwari. Izvi zvidzidzo zvakange zviri zve kusimbisa vana va Mwari kuburikidza mu makore ese, zvino zvasvika munguva yedu ino zvizere nge mazvi ekuraira nerunyaradzo. Muponesi akanongedzera vadzidzi Wake kune shiri dze denga apo dzakange dzichiimba ndwiyo dzadzo dzerukudzo, dzisina kumanikidzva nge hana yekufunga zvekuita mberi, ngekuti, “Hadzidyari mbewu, hadzicheki.” Asi Baba mukuru anodzipa zvese izvo dzinoshaya. Muponesi anobvunza, “Hamudzipindi here?” Mateyu 6: 26. Mupi mukuru ve vanhu ne mhuka anotambanudza ruvoko rwake kupa zvese zvisikwa zwake. Shiri dze denga hadzisi kunze kwe pfungwa dzake. Haadonhedzeri kudya mumiromo yadzo, asi anogadzirira kushaya kwadzo. Dzakafanira kupa zvekudya manyana adzo. Dzakafanira kuunganidza mbesa idzo anonga adzi paradzira. Dzakafanira kugadzirira zviro zvekuvakisa nazvo zvitsaki zvadzo zviduku. Dzinoenda kubasa radzo dzichiimba, ngekuti, “Baba venyu vekudenga anodzipa kudya. Zvino, “hamudzipindi here?” Ive, une pfungwa, unonamata mweya, hauna kukosha unopinda shiri dze denga here? Muvambi vekusikwa kwedu, muchengeti, ve upenyu hwedu, Iye akatisika mumufananidzo Wake vekudenga, haangatipi zvese izvo tinonga tichishaya kana tichi simbira kwa Ari here?MKK 91.3

    Kristu akanongedzera vadzidzi Wake kune maruva e mumunda, aikura mu munda vakavorera zvikuru, akasimba nekunaka uko akange apiva na Baba vekudenga, pakubuditsira kwake rudo rwake kune munhu. Akati, “Tonderai nge maruva e sango, kuti anokura sei.” Kunaka kuripachena kwe maruva aya kunopfuura kunaka kwe zva Soromoni kure kwazvo. Zvipfeko zvakanaka zvikuru zwakaitwa nemugoni kwazvo hazvinga enzani nekunaka kwe kupenya kwe maruva akasikwa na Mwari. Jesu anobvunza, “Ndizvozvo kuti Mwari achipfekedza zvakadaro usva ve musango, uho huripo nhasi, asi mangwana wunorasva pa moto, haazomupfekedze here, imwi ve rudaviro ruduku?” Mateyu 6: 28, 30. Kuti Mwari, nyanzvi yekudenga, yekunyora, achipa kune maruva mavara akapatsana akanaka ivo anopera nge zuva rimwe, angachengete sei avo vakasikwa nge mufananidzo Wake? Ichi chidzidzo cha Kristu ngechekutseura iyo pfungwa inogara ichindo tambudzika, kukangaidzika ne kupokana, kwe mwoyo usina rudaviro.MKK 92.1

    Tenzi vanoda kuti vanakomana ne vana sikana Wake vafare, ngerunyararo ne kuteerera. Jesu anoti, ::Ndiri kumupai runyararo rwangu, handimupe sezvo pasi rinopa. Mwoyo wenyu ngaurege kutambudzika, ngaurege kutya.” “Ndataura izvi kunemwi, kuti kufara kwangu kugare kunemwi, kufara kwenyu kuzadzisve.” Johane 14: 27; 15:11.MKK 92.2

    Rufaro runotsvakwa nge nzira yekutsara vamwe, kunze kwe nzira ye basa, rwakarereka zvakashata, haruna kudzikama, harugan nguva ndefu; runopfuura, zvino mweya vozara nge rusuvo ne urombo; asi kune rufaro nekugutsva murusando rwa Mwari; mu Kristu haasivi achifamba mu makwanzi asina kutsarukana; haasiivi achi pambadza nguva yake ne urombo nekupererwa ne simba. Kana tisina rufaro rwe upenyu huno, tingarambe tichifara ngerukariro rwe upenyu hwe mbiri.MKK 92.3

    Asi kana pano ma Kristu angave ne rufaro rwe kukwadzana na Kristu; vangave nekupenya kwe rudo Rwake, runyaradzo rwe nguva dzese rwe kuvapo kwake. Tsiko rese mu upenyu ringatiunze pedyo na Jesu, ringati uzivi vakadzama ve rudo rwake, ringatiunze tsiko rimwe pedyo ne musha vakatsidzirwa ve runyararo. Zvino tisarase rusimbiro rwedu, asi tive nechisimbiso, chakasimba kupinda chekare. “Jehova akatibatsira dakara pano” (1 Samueri 7: 12), zve anozotibatsira dakara pakuguma. Ngatinangise pamitsigo ye mufananidzo, inotitondedza kuti Jehova akaitei kuti atinyaradze nekuti ponesa kubva muruvoko rwe muparadzi. Ngadzirambe dziri itsva pfungwa dze tsitsi dzese idzo Mwari akati pangidza —misodzi iyo akapukuta, kurwadza uko akanyaradza, kutambudzika kwe mwoyo uko akabvisa, kutya uko akabvisa, nekushaya uko akapa, nezvikomborero izvo akaunza — zvino izvi zvinoti simbisira zviri pamberi pedu kuburikidza nge mutondedzi ve rwendo rwedu rwekunyika inoyera.MKK 93.1

    Hapana icho tinga ite asi kunangisa zvikangaidzo zve kurwa kuri mberi, asi tinga nangise kune zvakapfuura nezviri kuya mberi, titi, “Jehova akatibatsira dakara apa.” “Nesimba rako richa enzana ne mazuva ako.” Deut. 33: 25. Kuyedzva hakuzo pfuuri simba redu iro tinonga takapiva kuti tishingirire. Zvino ngati tore basa redu apo tinonga tarivangira, tichidaira kuti kana kukanya uya chinyi, simba rakaenzanira kuyedzva rinozopiva kunesu.MKK 93.2

    Gare-gare mazambara edenga anozo zarurwa kupinza vana va Mwari, zve kubva pamuromo va Mambo ve mbiri mazvi erukomborero anozovira panzeve dzavo se rwiyo rwe pfuma huru, “Wuyai makakomborerwa ndi Baba wangu, mugare nhaka ye umambo yakagadzirirwa imwi, pasi risati rasikwa. Mateyu 25: 34.MKK 93.3

    Ndizvo vaponesvi vanozogashirwa mu musha uyo Jesu ari kuvagadzirira. Ikoko shamwari dzavo hadzizovi vakashata ve pasi vanyepi, vanamati ve mifananidzo, vasaka chena, vasinga daviri; asi vanozonzvana ne avo vakakurira Satani, avo kuburikidza nge tsitsi dze denga vanonga vaumba zvimiro zvakaperera. Yose tsika yechitema, kwese kusaperera, kunova netsa pano, kunonga kwabvisva nge ropa ra Kristu, kururama nekupenya kwe mbiri Yake, kunonga kuchipfuura kupenya kwe zuva, kunozopiva kwavari. Nekunaka kwe muviri, nekuperera kwe chimiro Chake, kunozo penya mukati mavo, zvekunaka kunopinda kunaka kwe kunze. Vanonga vasisina mhosva pamberi pechigaro, chigaro chikuru chichena ehe umambo, vachikoverana ukuru ne nguva dzakanaka pamwe ne ngerosi.MKK 93.4

    Pamsana pe hama ine mbiri, iyi ichava yake, “Munhu angaripe ngei mweya wake?” Mateyu 16: 26. Angave murombo, asi mukati make ane pfuma ne ukuru zvisinga goni kupiva ne pasi. Mweya vakaponesva ne kuchenurwa kubva muchitema, nemasimba avo ese e ushe achipirwa murusando rwa Mwari, kukosha kunopfuura zvese; zve kune rufaro kudenga pamberi pa Mwari ne ngerosi dzinoyera pamsoro pe mweya mumwe unonga vaponesva. rufaro runopangidzva mu ndwiyo dze rufaro runoyera.MKK 94.1

    Larger font
    Smaller font
    Copy
    Print
    Contents