Loading...
Larger font
Smaller font
Copy
Print
Contents
Tariro Huru - Contents
  • Results
  • Related
  • Featured
No results found for: "".
  • Weighted Relevancy
  • Content Sequence
  • Relevancy
  • Earliest First
  • Latest First
    Larger font
    Smaller font
    Copy
    Print
    Contents

    Ngirozi Dzakaipa Dzinopikisa Mazano aMwari

    Ngirozi dzakaipa dzakasikwa dzisina chivi uye dzakanga dzakaenzana pachimi'ro, nesimba nekubwinya nedzaMwari idzo dzaanoshandisa sevatumwa vake. Asi padzakawa kubudikidza nechivi dzakawirirana pamwe chete kuti dzishore Mwari uye kuti dziparadze vanhu. Dzakabatana naSatani pakupanduka ikoko, dzinoshanda pamwe mukurwisana nemasimba aMwari. Munhoroondo ye Testament yakare tinoona ngirozi idzodzi, asi munguva dzakauya Kristu panyika ngirozi dzakaipa dzairatidza simba radzo nenzira inoshamisa kwazvo. Kristu ainge avinga rudzikinuro rwevanhu, naizvozvo Satani akazvipira kutungamira nyika yose. Ainge akunda pakudyara kunamatwa kwezvifananidzo pasi rose kunze kweParastaini. Kunyika iyo isati yanyanya kuzvipira kumunyengeri Kristu akauya akazarura maoko ake erudo achikoka vose kuti vawane ruregerero nerugare maari. Hondo dzerima dzakaziva kuti kana chinangwa chaKristu chikabudirira basa radzo raibva rangoperawo.TaH 22.1

    Testament Itsva inoisa pachena kuti vanhu vaigarwa nemadhimoni. Vese vaibatwa nemadhimoni vaisarwara nekuda kwekungorwara kwakajairika kwete. Kristu aiona huwepo hwemweya yakaipa pakurwara ikoku. Vaya vepaGadara vainge vachinetswa nemadhimoni, vaipupa furo, vachiita kuvhundutsira kukuru kwesimba vaizvikuvadza uye vaiisa panjodzi vose vaiuya kwavari. Miviri yavo yainge ichibuda ropa uye yakuvadzwa zvikuru, nepfungwa dzavo dzakafuratidzwa zvakaratidza chimiro chaifadza muchinda werima. Rimwe dhimoni rainge riri mumwe vavo rakadaidzira richiti, “Zita rangu ndiRigion, nokuti takawanda” (Mako 5:9). Muhondo yeMaroma rigiyoni inokwana varume zviuru zvitatu kana zvishanu. Jesu akaraira mweya yetsvina, ikabuda pakarepo ndokuvasiya vadzikama uye vave kuziva. Asi madhimoni akakukura danga renguruve rikapinda rose mugungwa. Kuvagari veGadhara kurasikirwa nenguruve kwakakunda chikomborero chakaunzwa naKristu ichi. Nokudaro Murapi Mukuru mutsvene uyu akakumbirwa kunzi abude munyika yavo ( Matt 8:23-34). Mukupomera Kristu mhosva yekurasikirwa Satani akamutsa kutya kwechindini kuitira kuti vanhu varege kuteerera mashoko ake.TaH 22.2

    Kristu akabvumira kuti nguruve dziparadzwe nemadhimoni senzira yekutsiura maJuda aipfuya mhuka idzi dzakasviba kuti vazvipfumise. Dai Kristu asina kuratidza madhimoni aya gwara rekuenda naro aingadai asina kunyudza nguruve chete asi aitodai akanyudza navafudzi navaridzi vadzowo. Pamusoro pazvo chiitiko ichi chakaitirwa kuti vadzidzi vaJesu vaone hukasha hwesimba raSatani kuvanhu nemhuka kuitira kuti varege kunyengerwa nemazano ake. Kwaivewo kuda kwaKristu kuti simba rake rionekwe nevazhinji, iro simba rinoparadza misungo yaSatani kuti vasungwi vaponeswe. Kunyangwe Jesu akabva zvake ipapo, vasunungurwi ava vakasara vachipupura nyasha dzaiye muriritiri nemubatsiri wavo, Jesu Kristu.TaH 23.1

    Zvimwe zviitiko zvakanyorwa hezvi;TaH 24.1

    • Mukunda wemukadzi weSairofonishiya ainge achishungurudzwa kwazvo naSatani uyo akarairwa neshoko raKristu akabuda (Mako 7:25-30).TaH 24.2

    • Mukomana aive nemweya waisimuwisira muchoto nguva zhinji nemumvura zhinji kuti aparadzwe (Mako 9:17-27).TaH 24.3

    • Murume aive nemweya yetsvina musinagoge akadzongonyedza runyararo rweSabata paKapenaume (Ruka 4:33-36).TaH 24.4

    Vose ava vakarapwa naMuponesi. Pachiitiko chimwe nechimwe, Kristu aiudza dhimoni irero sechinhu chine njere achiraira kuti richiregedza kushungurudza munhu uyu zvakare. Vanamati vepa Kapenaumu ” vakakatyamara vose vataurirana vachiti, Ishokoi iri! Nokuti anoraira mweya yetsvina nesimba, iyo yotobuda” (Ruka 4:36).TaH 24.5

    Nechinangwa chekuda kushanda nemasimba (kuromba) makuru vamwe vakagamuchira dzidziso nezviito zvaSatani. Ivava havana kutongokanganiswa nemadhimoni. Pakati peava paive nevakaromba mweya wekuvuka saSimon Magusi, n'anga, Elimas muroyi uye musikana uya akateverera Pauro naSairosi paFiripo (Mabasa 8:9,18; 13:8; 16:16-18).TaH 24.6

    Larger font
    Smaller font
    Copy
    Print
    Contents