Loading...
Larger font
Smaller font
Copy
Print
Contents
Tariro Huru - Contents
  • Results
  • Related
  • Featured
No results found for: "".
  • Weighted Relevancy
  • Content Sequence
  • Relevancy
  • Earliest First
  • Latest First
    Larger font
    Smaller font
    Copy
    Print
    Contents

    Nhema Dzinengozi

    Pakati penzira zhinji dzemunyengeri mukuru zvishamiso zvenhema zvemweya-mweya. Apo vanhu vanoramba chokwadi vanoitwa kanyama-kanyama nenhema.TaH 30.2

    Kumwe kurasika idzidziso dzinoti Kristu haana kumborarama kudenga asati auya pano panyika. Izvi zvinopokana nezvakataurwa natenzi wedu pamusoro pehukama hwake nababa uye kurarama kwake kare asati auya panyika. Zvinoshora kutenda muBaiberi. Kana vanhu vakaramba kupupura kwemagwaro pamusoro paKristu hazvibatsiri kuvaitira nharo nokuti hapana tsanangudzo inowanikwa ingavagutsa. Hapana anotenda nhema idzi angazova nekuziva kwechokwadi pamusoro paKristu kunyange zano raMwari reruponeso.TaH 30.3

    Kumwe kurasika ndekwekuti Satani haako uye kuti zita iri rinoshandiswa mumagwaro kumirira pfungwa dzevanhu dzakaipa nezvidiso zvenyama. Dzidziso yekuti kuuya kwaKristu kwechipiri kuuya kwake kumunhu mumwe nemumwe pakufa kwake inzira yekutsausa pfungwa dzevanhu kuti varege kutenda kuti achauya nemakore. Satani anga achidzidzisa achit ” Tarirai ari mukati pakahwanda” (Matt 24:23-26). Vazhinji vakaraswa nokuda kwekugamuchira kunyengera uku.TaH 31.1

    Vescience vanotizve hakuna mhinduro kuminamato, nòkuti zvinozopesana nemitemo yezvekusikwa. Vanoti minana haiko nokuti denga nepasi zvinotevedzera mitemo iyi nokudaro Mwari pachake haati chinhu chinopesana nemitemo iyi. Vanotizve Mwari anosungwa nemitemo yake- sekunonzi mitemo yedenga haisanganisiri kusununguka kwedenga. Zvishamiso hazvina kuitwa naKristu nevadzidzi vake here? Muponesi mumwe chetewo akagadzirira kuteerera munamato wekutenda sezvaaibatsira vanhu paainge achifamba pano panyika. Zvakasikwa zvepanyika zvinobata pamwe chete nezvekudenga. Izano raMwari kutipa, mukupindura munamato wekutenda.TaH 31.2

    Larger font
    Smaller font
    Copy
    Print
    Contents