Loading...
Larger font
Smaller font
Copy
Print
Contents
Tariro Huru - Contents
  • Results
  • Related
  • Featured
No results found for: "".
  • Weighted Relevancy
  • Content Sequence
  • Relevancy
  • Earliest First
  • Latest First
    Larger font
    Smaller font
    Copy
    Print
    Contents

    Nhanga Nyaya

    Kana matambudziko, matsurundundu nezvinorwadza zvawira misha yedu, kana zviroto zvekubudirira zvakuhuniswa, kana urwere nerufu zvashungurudza nekutora vadikanwi vedu, kune chinhu chimwe chete chichasimudzisa misoro yedu kuti titarire nekuenda mberi itariro. Tariro yeramangwana riri nani, ramangwana rakajeka, ramangwana rinofadza zvirinani. Tariro yekuti kune zvizhinji zvirimuhupenyu kupfuura zvatinonzwa munyama yedu nekuona nameso edu nhasi.TaH 3.1

    Ireri bhuku inhoroondo yetariro. Kunyagwe rakanyorwa muhurongwa hwenguva yekare( 19lh Century), Tariro Huru inopa miono inopfuta munguva dzedu dzino. Inhoroondo yaMwari werudo, Mwari akashanda kudziwirira nekuponesa vanhu kubvira ivo vanhu vasati vavepo. Pakapinda kutambudzika nerufu pano pasi Mwari haana kungomira padivi akayeva mhindigari idzi kwete. Akaratidza zano rekudzikinura nekuponesa munhu ireri zano ndiro ririkushanda zvakadzama nanhasi.TaH 3.2

    Nhoroondo yavanhu izere nenyaya dzevanhu vanozviti vanemvumo yekutsanangura nekuvandudza dzidziso dzeBhaibheri. Tariro nerugare zvagara zvichingodzimaidzwa nekudzongonyedzwa nguva nenguva nevanhu vanozviti vanoziva kumiririra nekushanda musimba rezita raMwari pakuita kwavo. Nyika yazara nerima rekusanzwisisa kuti Mwari ndiani uye kuti Mwari iyeye ariko here?TaH 3.3

    Kunyangwe zvakadaro, rudo rwaMwari kuvanhu haruna kutapudzika. Zvisinei kuti zvakambodzidziswa kana kurehwa nevaya vanozviti vanotaudzwa naye vachimumiririra, chokwadi chezvaMwari chinogona kuwanikwa mushoko rake neavo vanochitsvaga nemwoyo yakazaruka.TaH 3.4

    Uri kutsvaga chokwadi, rugare netariro here, uchacheukira kupi? Ndudzi dzinoratidza kuti dzakarerekera kuzvematongerwe enyika. Zvimiso zvehupfumi hwenyika dzose zvinovavarira kuparara. Njodzi dzinongotanga dzoga dzinovirima dzichipesana nekarongerwo kezvisikwa kuti dziparadze nharaunda apo mamiriro ekunze mupasi rose oratidza kusaagadzikana zvachose. Huchenjeri hwevanhu hworatidza kukundikana kupa ramangwana rakagadzikana kana tariro yerufaro. Asi hatingati hatina tariro! Ronda matsiko aMwari munhoroondo yevanhu kuti uone zvaakapa pachena kuti isu tipone. Wana zvokwadi inokudzivirira kubva munhema dzaSatani. Wana zvokwadi inogona kushandura hupenyu hwako nhasi, nekukuratidza vimbiso yehupenyu husingaperi.TaH 4.1

    Pakupedzisira, tarira mberi munhoroondo yezviporofita zvemagwaro izvo zvisati zvanyorwa. Apo nyika ino inoparara tarira uone kuenderera kwekusimba, kusimbisa nekusimbaradza kwekubata kwaMwari pamaoko edu. Kana ruoko rwedu rukaramba ruri mune rwake chete, ramangwana redu rakakotsekana. Zvisinei nezvirikuitika muhupenyu hwedu nhasi kunyangwe mupasi rese, tinokwanisa kuwana Tariro Huru kune zvichaitika mangwana. Zarura mwoyo wako kune Tariro Huru yaunopuhwa pachena naMwari nhasi.TaH 4.2

    Larger font
    Smaller font
    Copy
    Print
    Contents