Loading...
Larger font
Smaller font
Copy
Print
Contents
Tariro Huru - Contents
  • Results
  • Related
  • Featured
No results found for: "".
  • Weighted Relevancy
  • Content Sequence
  • Relevancy
  • Earliest First
  • Latest First
    Larger font
    Smaller font
    Copy
    Print
    Contents

    Kumukira Kuhupenyu Husingaperi

    Paainge oda kusiya vadzidzi vake, Jesu haana kuvaudza kuti ivo vaizokurumidza kuuya kunaiye Jesu...” Mumba mababa vangu mune nzvimbo zhinji dzokugara; dai kusaiva kudaro, ndingadai ndaikuvudzai; nokuti ndinoenda kundokugadzirirai pokugara. Kana ndaenda kundokugadzirirai pokugara, ndinozouzve ndikugamuchireyi kwandiri, kuti apo pandiri nemi mugovapowo” ( Jon 14:2-3). “Pauro anotiudzawo pachena kuti Ishe amene achaburuka kudenga nekudanidzira, nezwi remutumwa mukuru nehwamanda yaMwari... vakafa munaKristu vachatanga kumuka, nesu vapenyu vakasara tichatorwa pamwe navo mumakore, kuti tichingamidze Ishe mudenga... naizvozvo tichava naShe nguva dzose” ( 1 Tes 4:16-17). Akatizve, ” Naizvozvo nyaradzanai nemashoko aya” (vesi 18). Pakuuya kwaTenzi ngetani dzeguva dzichadamburwa, vakafa muKristu vomutswa kuhupenyu husingaperi.TaH 46.1

    Vose vachatongwa kuburikidza nezvakanyorwa mubhuku uye vachapiwa mubairo sekubata kwavo. Rutongo urwu harusikuzoitwa panofa munhu. ” Nokuti wakatara zuva raachatonga nyika naro nokururama, nomurume waakagadza; akasimbisa shoko iro kuna vose, pakumumutsa kuvakafa”. “Enoki wechinomwe kubva kunaAdama, wakaporofitera ivava achiti, Tarira Ishe akauya navatsvene vake vane zvuru zvamazana, kuti atonge vose nokurova vose vasingadi Mwari pamusoro pamabasa avo ose okusada Mwari avakaita nokusada kwavo Mwari, napamusoro pamashoko ose makukutu akataurwa navatadzi vasingadi Mwari” ( Mabasa 17:31; Judas 14,15). Kana vakafa vave kutofara vari kudenga uye vamwe kutambura murimi remwoto, ko! rutongo rwemangwana ruchine basa rei? Shoko raMwari rinogona kunzwisiswa nemunhu wese zvake. Wakarurama angagamuchira pembedzo here, yekuti” Ishe wake akati kwaari, ‘ Zvakanaka muranda wakanaka wakatendeka; wakanga wakatendeka pazvinhu zvishoma, ndichakuisa pamusoro pezvinhu zvizhinji, pinda mumufaro washe wako”. “Zvino uchati kuna vari kuruboshwe: Ibvai kwandiri imi makatukwa, muende kumwoto usingaperi, wakagadzirirwa Diaborosi navatumwa vake” ( Matt 25:21,41). Dzidziso yekuti wakafa anoramba achiziva ndiyo imwe dzidziso yakakweretwa nechiRoma kubva kutsika dzevanhu dzakatsauka. Martin Luther akayibatanidza netunyaya tusina basa tunovaka chiRoma. Baiberi rinodzidzisa kuti vakafa vavete kusvikira rumuko.TaH 46.2

    Larger font
    Smaller font
    Copy
    Print
    Contents