Loading...
Larger font
Smaller font
Copy
Print
Contents
Tariro Huru - Contents
  • Results
  • Related
  • Featured
No results found for: "".
  • Weighted Relevancy
  • Content Sequence
  • Relevancy
  • Earliest First
  • Latest First
    Larger font
    Smaller font
    Copy
    Print
    Contents

    Kuparidzira Vanoda Zvemafaro eZvivi

    Kune vanoda zvekufadza nyama yavo, dzidziso dziya dzezvemweya mweya dzinongowana nzira yekunyengerwa yakazaruka. Mukuipisisa kwayo ava vanowana zvakawanda zvinowirirana nezvavanoita. Satan anocherechedza zvivi zvinofarirwa nemumwe-nemumwe wedu wobva atsvaga kamukana kekufurira. Anonyengera vanhu Kubudirikidza nekusaazvidzora kunetesa masimba epfungwa neenyama. Anoparadza ruzhinji kubudikidza nekufarira kuchiva kwenyama, woparadza chimiro chose chemunhu. Kuti apedzise nekuzadzisa basa rake, mweya iyi inotiwo ” Ruzivo rweidi runokwidziridza munhu pamusoro pemutemo waMwari; kuti zvese zviripo zvakana; kuti Mwari haarambidzi chiro; kuti zvivi zvose hazvina mhosva”. Kana vanhu vakatenda kuti zvidiso zvenyama ndiwo wave mutemo mukuru, kuti rusununguko ndicho chitambi, kuti munhu anozvitonga ndiani angafunga kuti zvakaipa zviri pedyo? Ruzhinji runogamuchira kwezvero yeruchiva rwenyama. Satani anokukuzva mumumbure wake zvuru nezvuru zvevanozviti vanoteera Kristu. Asiwo Mwari akapa chiedza chakakwana kuti tikurumidze kuona misungo yaSatani.TaH 51.3

    Hwaro chaihwo hwezvemweya yakaipa huri pahondo neshoko raMwari. Baiberi rinotaura kuti, vakafa Havana chavanoziva, mifungo yavo yapera; havachina mugove pamufaro kana kuchema kwevari panyika.TaH 52.1

    Larger font
    Smaller font
    Copy
    Print
    Contents