Loading...
Larger font
Smaller font
Copy
Print
Contents
Tariro Huru - Contents
  • Results
  • Related
  • Featured
No results found for: "".
  • Weighted Relevancy
  • Content Sequence
  • Relevancy
  • Earliest First
  • Latest First
    Larger font
    Smaller font
    Copy
    Print
    Contents

    Baiberi Rinoitwa seNgano

    Mweya yenhema, inouya sevaapositora vaKristu yotaura zvinopesana nezvavakanyora vachiri panyika. Satani anoita kuti nyika itende kuti Baiberi inganowo zvadzo, bhuku rakangokodzerawo vacheche vedu. Bhuku iri richazomutonga iye nevashumiri vake anoriisa pasi panoshoreka. Muponesi wevanhu anomuita kuti angovewo munhu nje. Vanotenda minana yaSatani vanoedza kuratidza kuti hapana chingashamisa pane zvose zvakaitwa naKristu. Minana yavo vanoiti inotove nani zvikuru kudarika yaKristu.TaH 53.2

    Zvemweya-mweya zvava kutora chimiro chechitendero chechiKristu asi dzidziso yacho haingarambiki kana kuvanzwa. Muchimiro chayo nhasi yakatonyanyisa kuipa, ine kunyengera kwakahwandisisa. Yava kuti inogamuchira Baiberi asi ava vanomonyorora Baiberi racho kuti rireve zvinofadza mwoyo yavo. Rudo runonzi ndicho chimiro chikuru chaMwari, asi runoshorwa neava rwonzi kafungirewo kevamwe vanhu. Kushorwa kwechivi naMwari nezvimiso zvemitemo yake inoera hazvionekwi napaduku pose naivava. Nhema dzinokonzera vazhinji kuti varambe Baiberi senheyo dzekutenda kwavo. Kristu anorambwawo sekare asi kunyengera uku hakuoneki.TaH 53.3

    Vashoma ndivo vanoziva simba rekunyengera kwemweya yakaipa inoshanda muchimiro chazvino- zvino. Vazhinji vanoshanda nekutamba nemweya iyi kuti vazadzise chidokwa-dokwa chekuziva nezvayo. Vanozozadzwa nekutya kukuru pakufunga nezvekuzvipira kumweya iyi kuti ivatonge. Zvakadaro vanotambira munharaunda isingatenderwi, zvino muparadzi obva ashandisa simba rake kuvakanganisa ivo vasingadi. Vakangobvumira kuti pfungwa dzavo dzishandiswe nemuvengi kamwe chete zvako, vanobva vangobatwa muhutapwa hwaSatani. Hakuna rimwe simba ringavadzikinura kunze kweraMwari , atokumbirwa kubudikidza neminamato yeidi. Vose vanofarira kujairira kuita chivi chavanoziva vanokoka miyedzo yaSatani. Vanozviparadzanisa naMwari uye nechengetedzo yengirozi dzake. Nokudaro havana chidziviriro. ” Zvino kana vachiti kwamuri; Bvunzai masvikiro navavuki vanorira nokuita zeve-zeve-ko vanhu havafaniri kubvunza Mwari wavo here? Ko vanofanira kubvunza vakafa pamusoro pavapenyu here? Dzokerai kumurayiro nekuzvipupuriro! Kana vasingatauri sezvinoreva shoko iri havangavi nechiyedza chamangwanani” (Isaya 8:19-20).TaH 54.1

    Dai vanhu vaida kugamuchira chokwadi pamusoro pechimiro chemunhu nechavakafa, vaidai vaiona kunyengera kwaSatani muzvinhu izvi zvemweya-mweya yamazuva ano. Asi veruzhinji vanotsinzina meso avo kuti varege kuona chiedza Satani vobva akandira mimbure yake pamusoro pavo. ” nokunyengera kwose kwokusarurama kunavanorashika; nokuti havana kugamuchira rudo rwezvokwadi kuti vaponeswe. Saka unovatumira simba rokukanganisa, kuti vatende nhema ( 2 Tesa 2:10-11).TaH 55.1

    Vose vanopikisana nemweya yakaipa iri muchimiro chanhasi vanodenha Satani nengirozi dzake. Satani haazombotenderi mukana kunze kwekutoti adzingiri'rwa nengirozi dzedenga. Anotoshandisa magwaro sezvaaiita munguva yaKristu. Anodarozve obva amonyorora dzidziso dzemagwaro iwayo. Avo vachamira munguva yekuidzwa kukuru kwakadai vanofanira kunzwisisa pachavo kupupura kwemagwaro.TaH 55.2

    Larger font
    Smaller font
    Copy
    Print
    Contents