Loading...
Larger font
Smaller font
Copy
Print
Contents
Tariro Huru - Contents
  • Results
  • Related
  • Featured
No results found for: "".
  • Weighted Relevancy
  • Content Sequence
  • Relevancy
  • Earliest First
  • Latest First
    Larger font
    Smaller font
    Copy
    Print
    Contents

    Kusagutsikana Pakati Pengirozi

    Rusifa achingobva pamberi paMwari akaenda kundonyonganisa nekukonzeresa kusagutsikana pakati pengirozi. Achishandisa kuhwanda kunoshamisa akaita sekunonzi anokudza Mwari. Rusifa akazama kukonzera kusagutsikana pamusoro pemitemo yaitungamirira zvinhu zvekudenga achivafurira kuti vafunge kuti mitemo iyi yaivadzvanyirira. Nokuda kwekuti ngirozi dzinoera, akadziudza kuti dzaifanirwa kutevedzera madiro adzo. Mwari ainge aresva pakururamisira kwake paakapa masimba ose kuna Kristu. Rusifa akati aiita izvi kwete nokuda kwekuzvikudza asi kutoti aibatsira kuti vagari vese vedenga vawane kusununguka kuzere kuitira kuti vawane kurarama kwakakwirira chiyero chako.TaH 8.1

    Mwari akava nemwoyo murefu kuna Rusifa. Iye haana kuderedzwa kunyange paakatanga kufurira ngirozi. Akapuhwa mikana mizhinji yekanganwiro kana chete aratidza kutendeuka uye kuzviisa pasi paMwari. Izvi zvose zvaive chiratidzo cherudo rusingagumi zvaiitirwa kuratidza Rusifa kurasika kwake. Kusaagutsikana hakuna kumbenge kwawanikwa kana kuzivikanwa mudenga kare. Iyewo Rusifa haana kunyatsoonzwisisa pakutanga kwazvo ichi chimiro chaicho chezvaainzwa. Pakazowanikwa kuti kusaagutsikana kwake kwaive kusina chikonzero, Rusifa akagutsikana kuti zvairehwa nedenga zvainge zvakarurama uye iye aifanira kuzvitambira wozvireva mbune sezvazviri pamberi pechita chese chekudenga. Dai akaita izvi aidai akazviponesa iye pamwe chete nedzimwe ngirozi zhinji. Dai aida kudzokera kuna Mwari achigutsikana nenzvimbo yake aidai akadzoserwa panzvimbo iyoyo asi kuzvikudza nekuzvida kwakamutadzisa kuzvirereka. Akaramba achizviti haaida kutendeuka nokudaro akazvipira kurwisana nemusiki wake.TaH 8.2

    Masimba ose oumhizha hwake akaakungira kukunyengedza kukuru kuitira kuti ngirozi dzimunzwire tsitsi.Satani akaita sekunonzi ainge asina kutongwa zvakanaka uye kuti rusununguko rwake rwainge rwadzongonyedzwa chaizvo. Mukunyonganisa mashoko aKristu akaenderera mberi nemanyepo ake ekupomera Mwanakomana waMwari mhosva yekuda kunyadzisa Satani pamberi pechita chose chevagari vekudenga. Vose vaakatadza kunyengera akavapomera mhosva yekuti vaishaya hanya nezvinhu zvedenga. Akatanga kunemera musiki. Raive basa rake kushungurudza ngirozi netunharo twakachenjera asi tuine kufurira maturi pamusoro pezvinangwa zvaMwari. Zvose zvainge zviri pachena aizvimonyorora kuti zvireme kunzwisisa achizviitira kuti ngirozi dzikahadzike uye dzirase vimbo pamashoko aive pachena, aiye Mwari. Chinzvimbo chake chakapa simba guru kune zvose zvaaiita nokudaro vazhinji vakamutevera muhupanduki hwake.TaH 9.1

    Larger font
    Smaller font
    Copy
    Print
    Contents