Loading...
Larger font
Smaller font
Copy
Print
Contents
Tariro Huru - Contents
  • Results
  • Related
  • Featured
No results found for: "".
  • Weighted Relevancy
  • Content Sequence
  • Relevancy
  • Earliest First
  • Latest First
    Larger font
    Smaller font
    Copy
    Print
    Contents

    Mutemo weKusunungurwa

    Vadzidzisi vazhinji vechitendero vanoti pakufa kwake Kristu akaparadza murairo. Vamwe vanouti ijoko rinorema kwazvo, vopa rusununguko rwavanoda kuti rufarirwe nevanhu.TaH 61.2

    Vaporofita nevaapositora Havana kutongotora saizvozvo mutemo mutsvene waMwari. “Ndichasifamba ndakasununguka nokuti ndakatsvaka zvirevo zvenyu” ( Mapisa 119:45). Jakobo anoti mutemo waMwari mutemo wakarurama wekusunungurwa ( Jakobo 1:25). Zvakazarurwa inosheedzera zvikomborero pane avo ” Vanosuka nguvo dzavo vakaropafadzwa, kuti vave nesimba rokuvuya kumuti wevupenyu, vapinde napamasuvo eguta” (Z vaka 22:14).TaH 61.3

    Dai mitemo yaikwanisika kushandurwa, Kristu haaidai akafa kuti vanhu vasunungurwe kubva mumubairo wechivi. Mwanakomana wemunhu akauya nokuti, ” Zvakafadza Jehova nokuda kwokururama kwake, kukudza murairo nokuurumbidza” ( Isaya 42:21). Akati ” Musafiinga kuti ndakauya kuzoparadza murairo...“Kusvikira denga nenyika zvapfuura hapana yota imwe ingabviswa pamirairo”( Mateo 5:17-18; Mapisa 40:8).TaH 61.4

    Mutemo waMwari haushanduki, zvichiratidzawo chimiro chemunyori wawo. Mwari rudo, uye murairo wake, rudo. ” Rudo haruitiri wokwako zvakaipa; naizvozvo rudo runozadzisa murairo”. “Kururama kwenyu ndiko kururama kusingaperi, nomurau wenyu izvokwadi”. ” Rurimi rwangu ngaruimbe shoko renyu, nokuti mirairo yenyu yose yakarurama”. ” Naizvozvo murairo mutsvene, nomutemo mutsvene, wakarurama wakanaka” ( vaRom 13:10; Mapisa 119:142, 172; vaRoma 7:12). Mutemo wakadai unofanirwa kugara narini semunyori wavo. Ibasa renhendeuko nechenuro kuyananisa munhu naMwari wake kubudikidza nekuvati vaite zvinowirirana nemutemo waMwari. Pakutanga munhu ainge achiyanana nekuwirirana naMwari. Asi chivi chakakonzera ruvengo nekumuparadzanisa nemusiki wake. Mwoyo wake wakava pahondo nemurairo waMwari ” Nokuti kufunga kwenyama kunovengana naMwari nokuti hakuzviisi pasi pomurairo waMwari; hakugoniwo.” ( vaRoma 8:7). ” Nokuti Mwari wakada nyika nokudaro kuti wakapa Mwanakomana wake wakaberekwa mumwe woga kuti aninani unotenda kwaari, arege kufa asi ave nevupenyu husingaperi”( Johane 3:16).TaH 62.1

    Larger font
    Smaller font
    Copy
    Print
    Contents