Loading...
Larger font
Smaller font
Copy
Print
Contents
Tariro Huru - Contents
  • Results
  • Related
  • Featured
No results found for: "".
  • Weighted Relevancy
  • Content Sequence
  • Relevancy
  • Earliest First
  • Latest First
    Larger font
    Smaller font
    Copy
    Print
    Contents

    Mukana Wekusvika kunaMwari

    Nhanho imwe- neimwe yekutenda nekuteerera inoswededza mweya pedo naiye, Chiedza Chenyika. Chadzera chikuru chezuva rekururama chinovhenekera varanda vaMwari kuti varatidzewo kupenya uku panyika. Nyeredzi dzinotiudza kuti kudenga kune chiedza icho chinodziita dzipenye kudero. Nokudaro maKristu anoratidzawo kuti kudenga kuna Mwari agere pachigaro anechimiro chinokodzera kutevedzerwa. Kuera kwechimiro chake kunooneswa muvateveri vake variwo zvapupu zvake. Kubudikidza nezvipiwa zvaKristu tine mukana wekusvika pachigaro chaMwari wemasimba asingagumi. ” Iye usina kuramba, kunyange noMwanakomana wake asi wakamupa chose nokuda kwedu tose, ungarega seiko kutipavo zvose pamwe chete naye?” Jesu woti, ” Naizvozvo kana imi makaipa muchiziva kupa vana venyu zvipo zvakanaka, Baba venyu varikudenga vachapa zvikuru sei Mweya Mutsvene vanokumbira kwaaari?”. ” Kana muchikumbira chinhu kwandiri muzita rangu ndichachiita”. ” Kusvikira zvino hamuna kukumbira chinhu muzita rangu; kumbirai muchapiwa, mufaro wenyu azadzike”. ” Chinhu chipi-nechipi chamunokumbira muzita rangu, ndichachiita”. “Kumbirai, muchapihwa mufaro wenyu uzadziswe” ( vaRoma8:32;Ruka 11:13; Joh 14:14; 16:24).TaH 70.3

    Mukana wakanaka kuti munhu ararame zvinoita kuti Mwari afare nazvo uye kuti munhu iyeye akomborerwe. Hakusi kuda kwaMwari kuti tinge tiri pakuraswa uye kuva murima. Kufamba une musoro padivi uye uine mwoyo uzere chindini hazviratidze kuzvidzora kweidi. Ngatiendei kunaJesu ticheneswe tomira pamberi pemutemo tisinganyari.TaH 71.1

    Kuburikidza naJesu, vana vaAdama vakange vawa vakanzi vana vaMwari. ” Haanyari kuvaita hama dzake”. Hupenyu hwemukristu hunofanira kuva hwekutenda, kukunda uye hwemufaro muShe. “Mufaro waTenzi ndiro simba rako. Fara ufarisise. Rambai muchinyengetera. Tendai pazvinhu zvose, nokuti ndiko kuda kwaMwari munaKristu pamusoro penyu” (vaHeb 2:11 ;Neh 8:10; 1 Tess 5:16-18).TaH 71.2

    Izvi ndizvo zvibereko zvenhendeuko yeidi nekukura munyasha kwechokwadi. Chinotadzisa kuti zvakanaka kudai zviitike imhosva yekuti mitemo mikuru kururama inoshairwa hanya zvobva zvaita kuti kushaikwe mweya waimbovepo munguva yemarumutsiriro ekare.TaH 72.1

    Tinoshandurwa kubudikidza nekuramba takatarira. Vanhu vakarega kuteerera mitemo yaMwari inoera iyi kururama nehutsvene hwaMwari zvinoshairwa hanya. Pfungwa dzevanhu dzinobva dzakwezverwa kudzidziso dzevanhu. Nzira imwe chete ingaunze rumutsiriro rwekunamata nekutenda kwekare muvatendi ndeyekuisa mutemo waMwari panzvimbo yawo chaipo.TaH 72.2

    Larger font
    Smaller font
    Copy
    Print
    Contents