Loading...
Larger font
Smaller font
Copy
Print
Contents
Tariro Huru - Contents
  • Results
  • Related
  • Featured
No results found for: "".
  • Weighted Relevancy
  • Content Sequence
  • Relevancy
  • Earliest First
  • Latest First
    Larger font
    Smaller font
    Copy
    Print
    Contents

    Chitsauko 7—Nzira Imwe Chete Ingatibatsira

    MaKristu anonongedzerwa kumagwaro senzira ingavachengetedza kubva musimba rekunyengera kukuru kwemasimba emweya yerima. Satani anoshandisa zvose zvaangakwanisa kushandisa kuitira kuti munhu atadziswe kuva neruzivo rweBhaibheri. Pakumutsiridzwa kwebasa raMwari pose pose Satani anobvaashandawo zvakapetwa. Kurwiswa kukuru kwaKristu nevateveri vake kuchakurumidza kuitika. Manyepo aSatani achange akada kuita sechokwadi zvakanyanya zvekuti hazvizobviri kuzvipatsanisa kunze kwekutoti munhu acherechedza zvinorehwa neBaiberi.TaH 73.1

    Vose vanoshingairira kuteerera mitemo yaMwari vachashorwa uye kutsoropodzwa. Kuti vakunde muedzo uyu vanofanirwa kunzwisisa zvinoda Mwari uye zvinangwa zvehurongwa hwake kubudikidza neshoko rake, Baiberi vobva vazvitevedzera. Hapana vachagona kumira munguva yehondo huru irimberi kwedu kunze kweavo vanenge vazvitsigisa nezvokwadi iri muBaiberi.TaH 73.2

    Asati aroverwa muponesi akatsanangurira vadzidzi vake kuti aizondourayiwa ozomukazve. Ngirozi dzaivepo kuzarura pfungwa nemwoyo yevanhu panyaya iyi kuti mashoko aya areve chinhu muvatendi ava. Asi mashoko aya akabviswa mupfungwa dzavadzidzi. Pakasvika kutongwa kwaJesu vadzidzi vakarasikirwa netariro yose sokunonzi vainge vasina kumboyambirwa naJesu. Naizvozvo muzviporofíti, ramangwana redu rakaiswa pachena sekuve pachena kwakange kwaitwa naJesu nyaya yekuroverwa nekumuka kwake. Kunyange zvakadaro ruzhinji harutorina ruzivo urwu sokunonzi haruna kumboudzwa chinhu.TaH 73.3

    Panotumirwa yambiro naMwari anotarisira vose vanepfungwa dzinoshanda kuti vachenjere. Mirango ichapihwa vanenge vanamata chikara inofanirwa kutibatsira kuziva kuti chii munembo wechikara uye tingaunzvenga sei. Asi vazhinji havatodi chokwadi cheBaiberi nokuti chinokuhunisa zvido zvemwoyo wechivi. Satani anovapa kunyengera kwavanoda ( Zvaka 14:9-11).TaH 74.1

    Asi Mwari une vanhu vacharamba vachiramba chokwadi cheBaiberi nguva dzose sehwaro hwerumutsiriro nedzidziso. Pfungwa dzevanhu nemadzidzisiro escience nekuwirirana kwezvakasungwa mumatare emubatanidzwa yemakereke hazvifanirwe kugamuchirwa segwinyiso kana pokano yedzidziso dzipi zvadzo. Tinofanirwa kuti tibvunze kuti Baiberi rinoti kudii? Satani anotungamirira vanhu kuti vatarise kuvafundisi senhungamiri dzavo panzvimbo yekuzvitsvagira vega zvinorehwa neBaiberi. Mukutungamirira vatungamiri ivava Satani anogona kutungamirira mhomho yevanhu.TaH 74.2

    Pakauya Kristu, vanhu vakajairika vakamunzwa nyore nemufaro. Asi vakuru vemapirisita nevakuru vavanhu vakazvipfigira mukupa zvikonzero zvekumuramba. Vakaramba huchapupu hwekuva kwake Mesiya. Vanhu ndokubva vakanganiswa nazvo vakati, “Kana vanyori vakuru nevadzidzisi vakuru vachirega kumutenda zvinoreveiko izvi?” Ava vadzidzisi vakakonzera kuti rudzi rwevaJudha rurambe Mudzikinuri varwo.TaH 74.3

    Kristu aive neruzivo rurimuchiporofiti rwekusimudzirwa kwesimba revanhu kuti ritungamirire kutonga kwepfungwa zvinove chituko chikuru munguva dzese panyika. Yambiro yake yekuti vanhu varege kutevera vatungamiri vakapofumara yakanyorwa kuitira kutsiura vanhu vese vaizorarama munguva inouya.TaH 75.1

    Sangano reRoma rinoti vapirisita chete ndivo vanofanira kutsanangura zvinorehwa neBaiberi. Kunyange Reformation yakapa magwaro kuna vose tsika yeRoma iyi yakaramba ichisimba kusvika yatadzisa vanhu vazhinji mumamWe makerekewo kuva nehanya yekutsvagurudza zviri muBaiberi pachavo. Vanodzidziswa kugamuchira dzidziso dzaro sekaturikirwe karinoitwa nesangano ravo. Kunyangwe Baiberi rikareva zvakajeka sei vazhinji ava havatombogamuchiri izvozvo kana zvikangopesana chete nezvavanodzidziswa nesangano ravo.TaH 75.2

    Vazhinji vakagadzirira kuzvipira mweya yavo kunevafundisi nevapirisita. Vanocharika dzidziso yaKristu. Asi vafundisi nevapirisita havatadzi here? Tingavimbe nekutungamira kwavo here tisati taziviswa neshoko raMwari kuti ava vane chiedza here? Kusaazvipira kwevazhinji kunovaita vatevere vanhu vakadzidza zvovaita kuti vabve vasungirirwa munhema. Vanoona zvokwadi yenguva ino muBaiberi vonzwa simba reMweya Mutsvene pakuparidzwa kwechokwadi vongoramba vachiregedza vafundisi nevapirisita vachivatsausa kubva muchiyedza.TaH 75.3

    Satani anobata vazhinji kuve vake kuburikidza nekuvasungira pamwe chete nevaya vanovenga muchinjikwa. Vakadai ivava vanogona kuve vabereki, murume kana mudzimai wako, hanzvadzi kana shamwari chaiyo. Mweya irikupeperetswa kudaro haigoni kutevera zvinorehwa nemitemo yekuteerera Mwari. Vazhinjiwo vanoti, hazvinei kuti unotenda zvipi, chero kararamire kako kakanaka. Asi hupenyu hunoumbwa nekutenda. Kana zvokwadi ichisvikirika isu toishaira hanya, tinenge tatoiramba kare, tichisarudza rima pane chiedza.TaH 76.1

    Kusaziva hakupi pembedzo yekuita zvivi ipo paine mikana kwayo yekuti uzive kuda kwaMwari. Mufambi anosvika pamharadzano pane zvikwangwani zvinoratidza kunoenda nzira imwe neimwe iye ndokutora hake (nokuda kwesarudzo yakarasika) inomuendesa kusiko kunyangwe akaperera sei anopedzisira arasikakwazvo.TaH 76.2

    Larger font
    Smaller font
    Copy
    Print
    Contents