Loading...
Larger font
Smaller font
Copy
Print
Contents
Tariro Huru - Contents
  • Results
  • Related
  • Featured
No results found for: "".
  • Weighted Relevancy
  • Content Sequence
  • Relevancy
  • Earliest First
  • Latest First
    Larger font
    Smaller font
    Copy
    Print
    Contents

    Chitsauko 8—Kurwira Chokwadi

    Basa rekunamata Mwari rinozendama pakuti ndiye musiki. ” Zivai kuti Jehova ndiye Mwari; ndiye wakatiita. Tin vanhu vake, namakwayi anofudzwa naye”. ” Vuyai tinamate, tikotamire pasi; ngatifugame pamberi paJehova Muiti wedu” (Mapisa 100:3; 95:6).TaH 79.1

    MunaZvakazarurwa 14 vanhu vanokurudzirwa kunamata Musiki nekuchengeta mirairo yaMwari. Mumwe wemitemo iyi unonongedzera pachena kutiMwari ndiye musiki. ” Zuva rechinomwe isabata raJehovha Mwari wako.... Nokuti namazuva matanhatu Mwari wakasika denga nenyika negungwa nezvese zviri mukati mazvo akazorora nezuva rechinomwe: naizvozvo Mwari akaropafadza zuva rechinomwe akariita dzvene” (Ekiso 20:10-11).TaH 79.2

    Pamusoro peSabata Tenzi vanotizve, chiratidzo.... ” Kuti muzive kuti ndini Tenzi Mwari wenyu” ( Eze 20:20). Dai Sabata rakachengetwa mupasi rose pfungwa nezvidiso zvemunhu zvaingadai zvakatungamirirwa kuneMusiki sechinhu chimwe chete chingayereswa nekunamatwa. Hapaizombova nekunamata vamwe vamwari kwete, kana kuve navanoti hakuna Mwari. Kuchengeta Sabata chiratidzo chekuteerera Mwari weidi, “Iye wakasika denga nenyika negungwa nematsime emvura” Zvinoitika kuti shoko rinoita kuti vanhu vanamate Mwari nekuchengeta mirairo yake richavasheedzerazve nenzira kwayo kuti vachengete mutemo wechinomwe. TaH 79.3

    Larger font
    Smaller font
    Copy
    Print
    Contents