Loading...
Larger font
Smaller font
Copy
Print
Contents
Tariro Huru - Contents
  • Results
  • Related
  • Featured
No results found for: "".
  • Weighted Relevancy
  • Content Sequence
  • Relevancy
  • Earliest First
  • Latest First
    Larger font
    Smaller font
    Copy
    Print
    Contents

    Sabata Rechokwadi Ragara Richingochengetwa

    Kubva pazuva irero Sabata rakaramba richichengetwa kusvika nanhasi. Kunyangwe ” Munhu weChivi” akabudirira kutsikatsika sabata remutemo waMwari pasi petsoka dzake vakatendeka vaMwari vairichengeta vasingaoneki munzvimbo dzakahwanda. Kubvira nguva yeReformation pane vanhu vaichengeta Sabata reidi munguva dzemazera ose avanhu.TaH 83.1

    Zvokwadi yose ichibatanidzwa ne”Evangeri Isingaperi” icharatidza pachena sangano raKristu pakuuya kwake. ” ndivo vanochengeta mirairo yaMwari nekutenda KwaJesu” (Zvaka 14:12).TaH 83.2

    Avo vakagamuchira chiedza chtsanctuary nemitemo yaMwari vakazadzwa nemufaro apo vakaona kuwirirana kwezvokwadi. Vakashuwira kuti dai chiedza ichi chaingapararira kuvatendi vose. Asi chokwadi chinopesana nezvenyika hachina kugamuchirika kune vamwe vaizviti vateveri vaKristu.TaH 83.3

    Pakaratidzwa zvinodikanwa pamusoro peSabata vazhinji vakati, ” Takajaira kuchengeta Sondo isu. Madzibaba edu akarichengeta uye vanhu vazhinji vakanaka vakafa vachirichengeta. Kuti titange kuchengeta Sabata idzva iri zvichatibvisa pakuwirirana kwedu nepasi rose. Kaboka kaduku kanochengeta Sabata reSaturday kangaita chiyi chaizvo tichienzanisa nemhomho yose inochengeta Sondo seSabata?”TaH 83.4

    Nekafungiro kakaita saikaka maJudha akazvipembedza pakuramba Kristu. Naizvozvo, munguva yaLuther vanapapa vakagutsikana kuti vatendi vechokwadi vakafira muchitendero chechiKaturike nokudaro chitendero ichochi chakatokwana chakadaro. Kufunga ikoko kwaizotadzisa kuvandudzwa nekukura kwezvokwadi yaShe nechitendero. Vazhinji vakataurirana vachiti kuchengetwa kweSondo yaive tsika yakakurumbira nekutekeshera kwemakore mazhinji. Nokudaro zvakaratidzwa kuti Sabata nekuchengetedzwa kwaro zvainge zvanyanyisa kuchembera kutoenzana nezera renyika pachayo.TaH 84.1

    Vasingaverengi Baiberi vanoti, ” Sei vakuru vedu vasinganzwisisi nyaya yeSabata iyi? Hazvigoni kuti imi vashoma moga ndimi muri mugwara kwaro reidi ivo vanhu vese vakadzidza vonzi vakarasika”.TaH 84.2

    Apa paingoda chete kudoma magwaro nokuratidza kabatirwe kaaitwa vanhu naMwari munhoroondo yake. Chikonzero chinoita kuti arege kusarudza vanhu vakadzidza uye vakakurumbira nguva zhinji kuti vatungamirire kuvandudzwa kwemweya ndechekuti vanovimba nezvitendero nedzidziso dzezvitendero zvavo vobva vaona sekunge pasina chavangada kunaMwari. Avowo vanedzidzo shoma ndivo vanovanzosarudzwa naMwari kuti vaparidze chokwadi, kwete nekuti havana kudzidza asi nekuti havazvivimbi nekuzviti vakatozvikwanirwa nezivo kuti vadzidziswe naMwari. Kuzvininipisa nekuteerera kwavo kunovaita vave vakakura pamberi paMwari.TaH 84.3

    Larger font
    Smaller font
    Copy
    Print
    Contents