Loading...
Larger font
Smaller font
Copy
Print
Contents
Tariro Huru - Contents
  • Results
  • Related
  • Featured
No results found for: "".
  • Weighted Relevancy
  • Content Sequence
  • Relevancy
  • Earliest First
  • Latest First
    Larger font
    Smaller font
    Copy
    Print
    Contents

    Kutenda neKushinga

    Kwaisava kuda kwaMwari kuti Isiraeri igare makore makumi mana murenje. Aitofarirawo kuvatungamirira nenzira yakatwasuka duku kuti avasime muKenani vova vanhu vatsvene vazere nomufaro. Asi kusaatenda kwavo kwakavatadzisa kusvikako (vaHeberu 3:19).TaH 85.1

    Hakuzizve kuda kwaMwari kuti kuuya kwaJesu kwechipiri kunonoke sezvakwaita ivo vanhu vake vachigara panyika yechitema nekusuruwara zvakadai. Kusatenda ndiko kwanonotsa Mwari. Kristu anonoka kuuya nokuda kwenyasha dzake kwatiri kuti vatadzi vanzwe yambiro uye kuti vatendeuke vawane pekuhwanda hasha dzaMwari dzisati dzadirwa panyika.TaH 85.2

    Zvino sakare, kutaurwa chezvokwadi kunokoka kuvengwa nekudziviswa. Vazhinji vanehutsinye vanodzivisa nekudzongonyedza basa nozvinangwa zveavo vanomiririra zvokwadi. Eriya wakanzi mushungurudzi walsiraeri, Jeremiya, mutengesi uye Pauro akanziwo musvibisi wetemberi. Kubva pazuva irero kusvikira nhasi, avo vanoteerera zvokwadi varamba vachishorwa kwazvo vachinzi vatsausi vavanhu, vanodyara kupesana uye vachidzidzisa nhema.TaH 85.3

    Kupupura kwekutenda kwakasimba kunoyemurika kwakaitwa nevaya vakafira shoko raMwari kunosimbisa vaya vave kudaidzwa kuti vave zvapupu zvaMwari. Kumuranda waMwari parizvino kurikudaidzirwa kuti, ” Danidzira kwazvo, usarega, danidzira nenzwi rako sehwamanda, uparidzire vanhu vangu kudarika kwavo, neimba yaJakobo zvivi zvavo”. ” Saizvozvovo iwe mwanakomana womunhu, ndakakuita nharirire paimba yalsiraeri; naizvozvo chinzwa shoko rinobuda mumuromo mangu, uvanyevere panzvimbo yangu” Isaya 58:1; Eze 33:7). Chimhingamupinyi chikuru pakugamuchirwa kwechokwadi ndechekuti chokwadi chakomberedzwa nenyadzi, kushorwa uye kusaajairika. Asi vateveri vechokwadi vaKristu havamiriri kuti zvokwadi yaKristu itange yakurumbira nekudikanwa. Vanogamuchira muchinjikwa pamwe naPauro muapositora vachiti, ” Nokuti kutambudzika kwedu kwakareruka kuripo chinguva chiduku, kunotiitira kubwinya kukuru kwakaisvonaka kusingaperi”. ” akati kuzvidzwa kwaKxistu ifuma huru kukufuma kwose kweEgipita, nokuti wakatarira mubairo” ( 2 vaKorin 4:17; vaHeberu 11:26).TaH 85.4

    Ngatisarudzei zvakanaka nokuti zvakanaka, tosiira zvose zvichaitika mumaoko aMwari. Nyika inofanirwa kutenda avo vari vanhu vemutemo, vekutenda nekushinga panyaya dzekuvandudzwa kwechitendero. Ava ndivozve vachagona kuenderera mberi nebasa ireri rakatangwa kare.TaH 86.1

    Larger font
    Smaller font
    Copy
    Print
    Contents