Loading...
Larger font
Smaller font
Copy
Print
Contents
Tariro Huru - Contents
  • Results
  • Related
  • Featured
No results found for: "".
  • Weighted Relevancy
  • Content Sequence
  • Relevancy
  • Earliest First
  • Latest First
    Larger font
    Smaller font
    Copy
    Print
    Contents

    Kumutswa Kwevanhu vaMwari

    Inzwi reMwanakomana waMwari rinodaidza vatsvene vavete. Kubva mupasi rose vakafa vachanzwa inzwi rake, uye avo vachanzwa vachararama, hondo huru inobva kumarudzi ose nendudzi dzose, nendimi dzose navanhu vose. Kubva mudzimba dzerufu dzematirongo vanobuda, vakapfekedzwa mbiri yekusaora, vachichema vachiti,” Iwe rufu, rumborera rwako ruripi? Iwe guva kukunda kwakokuripi?”( 1 vaKori 15:55).TaH 107.2

    Vose vanobuda mumakuva avo vaine zvimiro sezvavaive nazvo pavakavigwamo. Zvino pakumuka vanomuka vaine hutsva munyama nesimba rehukomana kana musikana nekusingaperi. Kristu akauya kudzoredzanisa icho chakange charasika. Achashandura miviri yedu yekuora iyi oipfekedza chimiro sechake chemuviri wekubwinya. Chimiro chemuviri wekuora wakambobvumburudzwa nechivi zvino wova wakanaka wakarurama usisina kuora. Mavanga nezviratidzo zvekuremara nehutera zvinosara muguva. Vakadzikinurwa “vachakura”( Maraki 4:2) kuenzana nechimiro chaAdama asati atadza, kana zvese zvine chekuita nechivi zvabviswa. Vakatendeka vaKristu ava vacharatidza chimiro chaKristu chaicho mupfungwa, panyama nepamweya.TaH 108.1

    Vatsvene vanenge vari vapenyu pakuuya kwaJesu vanobva vasandurwa ipapo, sekubwaira kweziso. Pakushevedzwa nenzwi raMwari vanobva vatopfeka kusaora uye pamwe chete nevatsvene vanosangana mudenga kuti vachingamidze Tenzi wavo pamwe chete. Ngirozi dzinounganidza vatsvene vose kubva kumhepo ina ( Mateo 24:31). Twana tudiki tunoiswa pamaoko avanamai vatwo. Shamwari dzakange dzaparadzaniswa nerufu kare dzinosanganiswa zvekusaazopatsanazve, uye nedzimbo dzekutenda dzinokwira kudenga kuguta raMwari.TaH 108.2

    Larger font
    Smaller font
    Copy
    Print
    Contents