Loading...
Larger font
Smaller font
Copy
Print
Contents
Tariro Huru - Contents
  • Results
  • Related
  • Featured
No results found for: "".
  • Weighted Relevancy
  • Content Sequence
  • Relevancy
  • Earliest First
  • Latest First
    Larger font
    Smaller font
    Copy
    Print
    Contents

    Kupinda Muguta Dzvene

    Vasingaverengeki vechita chakadzikunurwa ichi vanotarira vose kuna Jesu. Ziso rose rinoona mbiri yake uyo ane” Vazhinji sezvavakashamiswa pamusoro pako ( chiso chake chakanga chakakuvadzwa kupfuvura chavamwe vanhu, nechimiro chake kupfuvura chavanakomana vavanhu)” ( Isaya 52:14). Pamisoro yevakuriri vose Jesu anoisa korona dzekubwinya. Pane imwe neimwe panonyorwa zita idzva ( Zvaka 2:17) uye mashoko aya, ” Hutsvene kuna Tenzi”. Muruoko rumwe nerumwe munoiswa muchindwi wekukurira nemudziyo wekuridza unopenya (harp). Zvino apo vatumwa vanotungamira vakaridza kaya kekuvambisa vaimbi, ruoko rwese rwotoridzawo nehumhizha hwese. Inzwi rose rinosimudzwa munzwiyo dzekurumbidza ” ... nokunaJesu Kristu, chapupu chakatendeka, dangwe kuvakafa, mubati wamadzishe enyika. Kunaiye unotida, akatisunungura pazvivi zvedu neropa rake, akatiita vushe navaprista kunaMwari naBaba wake, kwaari ngakuve kubwinya nesimba nekusingaperi-peri. Ameni!” (Zvaka 1:5,6).TaH 109.1

    Pamberi pechita chevakadzikinurwa pane guta dzvene. Jesu anozarura magonhi, zvino ndudzi dzakachengeta zvokwadi dzinopindamo. Zvino inzwi rake rinonzwikwa, ” ... vuyai imi makaropafadzwa nababa mugare nhaka yovushe hwakagadzirirwemi kubva pakuvamba kwenyika” (Mateo 25:34). Kristu anokumikidza kuna baba vake avo vose vakatengwa neropa rake woti” Vuyezve ndichatenda kwaari. Vuyezve: Tarira, ndini navana vandakapiwa naMwari” ” Ndichiri navo ini ndaivachengeta muzita renyu, ramakandipa,ndakavarinda, hapanomumwe wavo akarashika asi mwanakomana wokurashwa, kuti Rugwaro ruitike” (vaHeberu 2:13; Johane 17:12). Kutorwa mwoyo kwakadini kwenguva iyo, apo Baba vasingagumi vachitarisa vakadzikinurwa, vachazviona mufananidzo wavo ivo Baba, zvitema nezvakanga zvaremadza mufananidzo uyu zvapera. Apa munhu ayanana zvakare nedenga.TaH 109.2

    Mufaro weMudzikinuri uri mukuona vapinda muhushe hwembiri, vose vakaponeswa nekuda kwekurwadzwa nekunyadzwa kwake. Vakadzikinurwa ava vachava vakoverani murufaro rwaKe, vanoonavo vaya vakaponeswa kubudikidza neminamato kushumira nekuzvipira kwavo. Kutendeseka kuchazadza mwoyo yavo pavanoona kuti wavakaunza kunaShe akaunzawo mumwe, iye mumwe ndokuunzawo vamwe kunaShe Jesu.TaH 110.1

    Larger font
    Smaller font
    Copy
    Print
    Contents