Loading...
Larger font
Smaller font
Copy
Print
Contents
Tariro Huru - Contents
  • Results
  • Related
  • Featured
No results found for: "".
  • Weighted Relevancy
  • Content Sequence
  • Relevancy
  • Earliest First
  • Latest First
    Larger font
    Smaller font
    Copy
    Print
    Contents

    Satani Anokundwa

    Sokunonzi vabatwa nechiveve vakaipa vanotarisa kugadzwa kweMwanakomana waMwari. Vanoona muruoko rwake mahwendefa emutemo wedenga wavakashora. Vanoona kukudzwa kunoitwa Kristu nevakaponeswa vake uye panonzwika kuwirirana kwemanzwi nemimhanzi vose vakaipa vanoti nenzwi guru, ” Kuita kwenyu kwakarurama uye ndekwazvokwadi, imi Mambo wevatsvene. Vachizvambarara pasi vanonamata muchinda wehupenyu (Zvaka 15:3).TaH 121.3

    Satani anoita seaoma mitezo yose. Iye aimbova kerubhi rekufukidzira anoyeuka paakawa achibva. Haachabvumirwe kupinda midare raaimbokudzwa kwazvo kareko. Anoona mumwe akamira pedo naBaba, ngirozi huru kwazvo. Anoziva kwazvo kuti nzvimbo iyoyi yakakwirira yaigona kuva yake.TaH 121.4

    Anorangarira musha waaimbogara asati atadza, rugare negutsikano zvaimbova zvake asati amukira denga. Anocherechedza mabasa ake ose erima nematuso awo-ruvengo rwemunhu kumunhu, kuparadzwa kukuru kwehupenyu, kupidigudzwa kwehushe, nyongano nekumukirana uye hondo zhinji. Anorangarira mabasa ake ekupikisa basa ralCristu Paanotarira muchero wedikita rake anoona kukundikana chete. Munhoroondo yehondo huru iyi aingokurirwa omanikidzwa kubvuma kukundwa ikoku.0TaH 122.1

    Chinangwa chemupanduki mukuru uyu chainge chiri chekuratidza kuti hurumende yedenga ndiyo inemhosva. Akatokonzera kuti vazhinji vagamuchire pfungwa iyoyo. Kwezvuru zvamakore munyengeri mukuru uyu airasa zvokwadi kure kuitira kuti nhema dziwanirwe nzvimbo.Nguva zvino yaringana yekuti chokwadi chenhoroondo nechimiro chaSatani zvibude pachena. Mukushingaira kwake kwekupedzisira kuti abvise Kristu pachigaro, woparadza vanhu vake, nekutorawo guta raMwari, ndimo mukunyatsoofumurwa kwake. Vose vakabatana naye vanobva vanyatsoona kukundikana kwake.TaH 122.2

    Satani anoona kuti kumukira kwaakata Mwari kwamutadzisa kupinda denga. Akadzidzisa masimba ake kurwisana naMwari, kuchena nekuyanana kwezvedenga kwaingamushungurudza zvinorwadza kwazvo. Anokotama wotaura achiti mutongo wake wakarurama uye wakamufanira.TaH 122.3

    Mibvunzo yose pamusoro pezvokwadi nenhema muhondo huru iyi zvaiswa pachena. Mubairo wekusendeka parutivi mitemo yedenga yaiswa pachena kuti ionekwe nepasi rose. Nhoroondo yechivi ichamira sechapupu kuti kuvapo kwemutemo waMwari ndiko kufarawo kwezvisikwa zvake zvose. Denga nepasi, vakatadza nevasina, vose vanodaidzira, ” Kuita kwenyu kwakarurama, ndokwazvokwadi, imi Mambo wevatsvene”.TaH 122.4

    Nguva yasvika apo Kristu anopihwa mbiri kupfuura zita rose. Kumufaro wakaiswa pamberi pake-kuti aunze vanakomana vakawanda kukubwinya-Akashingirira muchinjikwa. Anotarira vakadzikinurwa, vavandudzwa mumufananidzo wake. Anoona mavari zvibereko zvekutambudzika kwemweya wake, ogutsikana (Isaya 53:11). Muinzwi rinosvika kumunhu wese, mutsvene newakaipa, anoti, “Tarirai mutengo weropa rangu. Ndakatambudzikira ivava, ndakafíra ivava”TaH 123.1

    Larger font
    Smaller font
    Copy
    Print
    Contents