Loading...
Larger font
Smaller font
Copy
Print
Contents
Tariro Huru - Contents
  • Results
  • Related
  • Featured
No results found for: "".
  • Weighted Relevancy
  • Content Sequence
  • Relevancy
  • Earliest First
  • Latest First
    Larger font
    Smaller font
    Copy
    Print
    Contents

    Kukurira KweRudo rwaMwari

    Ipapo kunzwira nerudo zvakasimwa naMwari mumwoyo zvichawana kashandisirwe kechokwadi kanotapira kwazvo. Kutandara kutsvene nengirozi uye nevakavimbika vemazera ose enguva, zvisungo zvehukama zvinoera, mhuri yose iri kudenga napasi, ndizvo z vichabatsira kuvaka rufaro wevakadzikinurwa (vaEfeso 3:15).TaH 127.1

    Ikoko pfungwa dzisingagumi dzicharangarira nemufaro usingadzimwi zvishamiso zvesimba rekusika, zvakavanzika zverudo runodzikinura. Pfungwa dzose nehunhu hwose zvichasimudzirwa, simba rose rovedzerwa. Kudzidza hakuzopedzi simba remunhu. Mabasa akakosha achafambiswa zvakanaka kuti aende mberi, zvivavarirwa nehutsvene hwevakadzikinurwa zvinozadzikiswa. Zvakadaro kunoramba kuchiva nenhongonya dzinoda nekudarikwa, zvishamiso zvitsva zvekuyemura, zvokwadi itsva yekunzwisisa uye zvinhu zvitsva zvinokoka simba repfungwa, mwoyo nemweya.TaH 127.2

    Zvinokosha zvose zvedenga nepasi zvicharatidzwa kune vakadzikinurwa vaMwari. Vachakwanisa kubhururukira kune dzimwe nyika dziri kure nokuti vanenge vapfeka kusaora. Vana vedenga vanopinda murufaro neruzivo rwezvisikwa zvisina kumbotadza vokowerana pfuma yeruzivo rwakawanikwa kubva kunemazera enguva kusvikira mumamwe mazera enguva. Vachiona zvisina madzerere vanoona mbiri iri muzvisikwa, nyeredzi zhinji, mazuva mazhinji nendzudzi dzazvo, zvose zviri mumironga yazvo zvinofamba zvakakomberedza chigaro che Vedenga.TaH 127.3

    Makore ehupenyu husingaperi achingopindana zvawo achaunzazve kumwe kuzarurwa kwezvimwe zvaJesu naMwari Baba. Mukudzidza nezvaMwari kazhinji vanhu vanowedzerawo kuyemura kwavanoita tsika dzake. Apo Jesu anovazarurira pfuma yerudzikinuro nezvakakwaniswa pahondo huru naSatani, mwoyo yevadzikinurwa inozadzwa nekurumbidza nekunamata. Zvino zviuru zvezviuru zvechita ichi zvinobva zvabatana mumanzwi erwiyo rwekurumbidza.TaH 128.1

    ” Ndikanzwa zvisikwa zvipenyu zvose zviri kudenga napanyika, nezviri pasi penyika napagugwa nezvose zviri mukati mazvo zvichiti,’ Kurumbidzwa, nokukudzwa, nokubwinya nesimba ngazvive kunalye ugere pamusoro pechigaro chovushe nokuGwayana nokusingaperi-peri.” (Zvaka 5:13).TaH 128.2

    Hondo huru yapera zvino. Chivi nevatadzi havachisipo. Denga nepasi rose zvachena. Kuyanana nekuwirirana chete ndikwo kwotonga. Kubva kunalye akasika vose, kunowerera hupenyu nechiedza nekufara kwekugutsikana kusvikira kunzvimbo dzese. Kubva pakachisikwa kadukwana kusvika kune nyika yose, zvinhu zvose, zvinoonekwa nezvisingaonekwi mukunaka kwazvo kwakaperera uye mukufara kwazvo kuzere zvinodaidzira kuti MWARI RUDO.TaH 128.3

    Larger font
    Smaller font
    Copy
    Print
    Contents