Loading...
Larger font
Smaller font
Copy
Print
Contents
Tariro Huru - Contents
  • Results
  • Related
  • Featured
No results found for: "".
  • Weighted Relevancy
  • Content Sequence
  • Relevancy
  • Earliest First
  • Latest First
    Larger font
    Smaller font
    Copy
    Print
    Contents

    Nyasha kubva kunaKristu

    Kristu anodyara mumunhu ruvengo kuna Satani. Pasina nyasha dzinotendeutsa idzi uye simba rekuvandudza, munhu aingadai achingoramba ari muranda akamirira kushandiswa naSatani nguva dzose. Asi mutemo mutsva uri mumwoyo unosika kurwisana; simba rinopuhwa naKristu rinoita kuti munhu apikise mutongi nemudzvanyiriri anehutsinye uyu. Kuvenga chivi panzvimbo yekuchifarira zvinoratidza mutemo wetsika dzedenga.TaH 16.3

    Kupesana kwehukasha pakati paKristu naSatani kwakaonekwa apo nyika yakagamuchira Kristu. Kuchena nehutsvene hwaKristu zvakakonzera ruvengo rwevasingadi Mwari. Kuzviramba kwake kwakava rutsuiro rusingaperi kuvaya vanozvida uye vachida zvinofadza nyama. Satani nengirozi dzakaipa vakabatana nevanhu vakaipa kurwisana naChamangwiza wechokwadi( Kristu). Ruvengo rumwe cheterwo ndirwo rurikuratidzwa kuvateveri vaKristu. Ani naani anopikisana nemiedzo nekuikunda anodenha hasha dzaSatani. Kristu naSatani havangawirirani. “Zvino navose vanoda kunamata Mwari muna Kristu Jesu vachatambudzwa” (2 Timo3:12).TaH 17.1

    Nhume dzaSatani dzinotsvaga kunyengera vateveri vaKristu kuti vatsauswe pakuteerera nokutendeka kwavo. Vanomonyorora magwaro kuitira kuti vabudirire pazvinangwa zvavo izvi. Mweya wakauraya Kristu unofemera vakaipa kuti vaparadze vateveri vake. Zvose izvi zvinoratidzwa muchiporofíta chiya chekutanga, “Ndichaisa ruvengo pakati pako nomukadzi, napakati porudzi rwako norudzi rwake” (Gen 3:15).TaH 17.2

    Nemhaka yei Satani asingasangani nekupikiswa kukuru? Nokuti mauto aKristu haana ukama hwakasimba panaKristu wacho. Kwavari, chivi hachivasemesi sezvachaiita tenzi wavo achiri panyika. Havasangani nacho nesimba rekupikisa chairo. Vakapofumadzwa kuchimiro chaicho chemuchinda werima. Ruzhinji haruzivi kuti muvengi wavo mutungamiri mukuru wehondo anoshanda kurwisa Kristu. Kunyangwe vafundisi veshoko vanotarisira nyaya iyi pasi. Vanoita sekunonzi Satani haapo.TaH 17.3

    Larger font
    Smaller font
    Copy
    Print
    Contents