Go to full page →

Kusaora Pakuuya KwaJesu TaH 47

Kuzorora kwevakarurama vakaneta! Nguva, refu kana pfupi kwavari zvakangoita sechinhu chimwe. Vanorara; vomutswa nehwamanda yaMwari kumbiri yekusaora. “Pakarepo nekubwaira kweziso nehwamanda yokupedzisira; nokuti hwamanda icharira, ipapo vakafa vachamutswa nokusavora, nesu tichashandurwa; nokuti ichi chinovora chinofanira kufuka kusavora; nechichi chinofa chinofanira kufuka kusafa. Zvino kana ichi chinoora chafuka kusavora, nechichi chinofa chafuka kusafa, ipapo shoko rakanyorwa richaitika rinoti: Rufu rwakamedzwa nokukunda” ( 1 vaKorinte 15:52-54). Vachidanwa kubva mukurara uku vanotanga kufunga kubva pavakagumira. Chavakapedzisira kunzwa kwaive kurwadza kwerufu; pfungwa dzavo dzakagumisira kuziva kuti vainge vozoenda pasi pesimba reguva. Pavanomuka muguva chavanotanga kufarira kukunda guva “Iwe rufu, kukunda kwako kuripiko? Iwe rufu rumborera rwako ruripiko?” (1 vaKor 15:55). TaH 47.1