Go to full page →

Ngirozi Dzokurinda TaH 21

Ngirozi yekurinda inopuhwa muteveri wose waKristu; “Mutumwa waJehova unokomberedza vanomutya nekuvarwira” akadaro muponesi achitaura nezveavo vanotenda kwaari: ” Kudenga, ngirozi dzavo dzinosiona chiso chaBaba wangu” (Mapisa 34:7; Matt 18:10). Vanhu vaMwari vachiedzwa nezvakaipa zvemuchinda werima vanogutsikana mukuvepo kwengirozi dzokurinda. Gutsikano yevimbiso iyi iripo nokuti kune vashumiri nevabati vanotyisa vezvakaipa vanofanirwa kusanganiwa navo-vashumiri ivava vazhinji kwazvo uye vanoshanda vasinganeti vaine hukasha husingatuvidzwi. TaH 21.12