Loading...
Larger font
Smaller font
Copy
Print
Contents
  • Results
  • Related
  • Featured
No results found for: "".
  • Weighted Relevancy
  • Content Sequence
  • Relevancy
  • Earliest First
  • Latest First
    Larger font
    Smaller font
    Copy
    Print
    Contents

    KUREVURURA

    ANOFUKIDZA zvitema zvake haabudiriri: asi anozvirevurura achizvisiya achawananyasha.”—Muparidzi 28:13.MKK 27.1

    Nzira dzekuwana nadzo nyasha dza Mwari dziri nyore nekururama ne kunanga. Mwari haadi kuti tiite chiro chakaipisisa kuti tizowana ruregerero rwe chitema. Hazvidikanwi kuti tidzikane tiite rwendo rwekuenda kune nzvimbo tsvene, kana kuita zvino tirwadzisa, kurumbidza mweya yedu kuna Mwari vekudenga kana kuripa kudarika kwedu ngekurangwa; asi uyo anorevurura nekurasa chitema chake achawana nyasha.MKK 27.2

    Mupostori anoti, “Revururiranai zvitadzo zvenyu, munamatirane kuti murapwe.” Jakobe 5: 16. Revururai zvitema zve-nyu kuna Mwari, anova ndiye chete anozviregerera, ne zvitadzo zvenyu kune mumwe ne mumwe. Kana vatadzira shamwari yako kana mubanzi wako, vakafanira kubvuma kutadza kwako, iyevo ibasa rake kuti akuregerere nekusununguk. Zvino vozotsvaka kuregererwa na Mwari, ngekuti hama iyo vatadzira ngeya Mwari, zvino pakumukuhunisa ive vatadza kune Musiki neMununuri wake. Mhosva inounzva pamberi pe Mumiriri ve chokwadi, Mupristi vedu Mukuru, uyo, “vakaedzva muzviro zvese, sesu, asine chitema,” uyo ano “tinzwira kunyorowa kwedu” (Maheberu 4: 15) anogona kuchenura rese vara re kuipa.MKK 27.3

    Avo vasina kuninipisa mweya yavo pamberi pa Mwari mukubvuma mhosva yavo havasati vazadzisa mutemo vekuvamba vekugashirwa. Kana tisati tanzwa uku kupinduka kusina kuzvishorazve, tisatizve tazvideredza mweya yedu pachokwadi nekutyoka kwe mweya tika bvuma zvitema zvedu, tichivenga kuipa kwedu, hatisati tatsvaka ruregero rwechitema; kuti tisati tatsvaka, hatisati tawana runyararo rwa Mwari. Chikonzero chete chinoita kuti tisave ne kuregererwa zvitema zvedu zvakapfuura pamsana pekuti hatidi kuderedza mwoyo yedu nekuti tifambirane ne nzira dze Izwi re idi. Kurayira kuri pachena kunopiva mu nyaya iyi. Kurewurura chitema, kana pamberi pe vanhu kana pakavandika, kwakafanira kunzwikwa ne mwoyo vese, kutaurwe nenzira yakasununguka. Hakuna kufanira kumanikidzwa kubva kumutadzi. Hakuna kufanira kuitwa ne nzira yekuseka kana nekushaya hanya, kana kumanikidzwa kune avo vasati wave nekuziva kwekuvengeka kwe chimiro chechitema. Kurevurura kunodururwa kuchibva mukati me mweya kunowana nzira yako kuna Mwari ve mutsa usingagumi. Muimbi anoti, “Tenzi aripedyo nevane mwoyo yadimbukirwa; nekuponesa vane mweya yakapwanyika.” Mapisarema 34: 18.MKK 27.4

    Kurevurura kwedi nguva dzese kune nzira yako, bvuma zvitema nemazita azvo. Zvingave zvakafanira kuunzwa pamberi pa Mwari chete; zvingave zvitadzo zvakafanira kubvuma kune vanhu vakasarudzwa avo vanonga vakatadzirwa; kana kuti dzimwe nguva zvingawe zvepachena, zvino zvofanira kuti zvibvumwe pachena. Asi kwese kurevurura kwakafanira kunanga (kusonza) chiro chi-iiwe, uchi bvuma izvo zvitema zvauyine mhosva nazvo.MKK 28.1

    Mumazuva a Samueri valsraeri vakapumhuka kubva kuna Mwari. Vakatambudzwa nematuso echitema; ngekuti vakange varasa rudaviro rwavo kuna Mwari, varasa kuona kwavo simba Rake ne uzivi hwekutonga rudzi, varasikirwa nerusimbiro kwaari rwekuti angagone kuva dzivirira nekupangidza simba rake. Vakatenderuka kubva kune Mutongi mukuru ve matenga, vakadisa kutongwa semarudzi akange akavatenderedza. Kutanga vasati vawana runyararo vakaita kurevurura kwakananga: “Tawedzera pazvitema zvedu zvese chiro ichi chakaipa, kuzvikumbirira mambo.” 1 Samueri 12: 19. Chitema ichocho vakange vakoneswa nacho chakange chakafanira kubvumwa. Kusatenda kwavo kwakatsikinra mweya yavo, kukava patsanisa na Mwri.MKK 28.2

    Kurevurur hakugashirwi na Mwari kusina kupinduka nekusanduka kwedi. Kwakafanira kuva ne kusanduka chaiko muupenyu; zvese zvino tsamwisa Mwari zvakafanira kusiyiva kunze Iri nnova tuso rerusuvo chairwo rwe chitema. Basa iro takafanira kuita kurutivi rwedu rakaiswa pachena pamberi pedu: “Simbai zvic enesei; bvisai zvakaipa zve mabasa enyu pamberi pangu’ tsyetai zvakaipa; dzidzai kuita zvakanaka; tsvakai kururama nunura! vakatsikinrwa, ruramisirai nherera, mureverere shirikdzi.” Isaya 1: 16, 17. “Kana vakaipa akadzosera zve chipiko chake akadzosera zve izvo akange aba achifamba mu mitemo ye upenyu, asingaiti zvakaipa, zviro kwazvo achararama, haangafi.” Ezekieri 33: 15. Pauro achitaura nge basa rekupinduka noti: “Mkasuva nenzira yeumwari, kungwarirai zvakaunza kunemwi, kuzvichenurai, hunde kushatirwa hunde kutyai, hunde, nekuchamirai, hunde, kudisisai, hunde kudzokeserai. Muzviro zvese makazvivonisa kuti makachena muichi chiro.” 2 Karonite 7: 11.MKK 28.3

    Kana chitema chichinge chauraya pfungwa dzekunatsa, munyangadzi haachavoni zve kunyangara kwe chimiro chake, kana kuti azive kukura kwe zvitema izvo anonga ayita; kunze kwekuti azvipire kune simba rechokwadi re Mudzimu Unoyera, anoramba arimudima rekusavona zvitadzo zvake. Kurevurura kwake hakusi kwechokwadi kana kwakananga. Mukubvuma kwake kwese anovedzera chikonzero neruregerero rwekuti kusaka atadza nge nzira yakadaro, achiti dayi pange pasina chekuti ne chekuti, anodai asina kuita icho chiro anonga arikushorerwa.MKK 29.1

    Mumasure Adamu na Eva vadya muchero vakarambidzwa vakazara ne nyadzi ne kutya. Kwe nguva iyoyo pfungwa yavo yakava yekuti vangapukunyuka sei muchitema chavo, vatize kutongwa kunotyisa kwe rufo. Apo Jehova akabvunza nge chitema chavo, Adamu akapindura, achishora Mwari rimwe divi achishora hama yake iyo akange apiva: “Mukadzi uyo makandipa kuti ave neni, ndiye vakandipa muti kuti ndidye.” Mukadzi akashora nyoka achiti, “Nyoka yakandinyengedza ndikadya.” Genesisi 3. 12, 13. Ngei makaita nyoka? Ngei makaibvumira kuti ipinde mumunda ve Edeni? Iyi ndiyo yakange iri mibvunzo yacho muchikonzero chake chekutadza, zvino kwakave kupa Mwari mhosva yekuti ndiye akonzera kuti vaputsike. Mweya vekuda kuzvinatsira vakavamba kuna baba ve manyepo vekutanga, ukaramba uchipangidzwa ne vanakomana ne vakunda vese va Adamu. Kubvuma chitadzo kwakadari hakusundwi ne Mweya vekudenga, hakugashirwi na Mwari. Kupinduka kwe chokwadi kunotungamira munhu kuti atakure mhosva yake pachake mbune, abvume kutadza kwake pasina kuzviitisa. Se mupetesi, asina kusimudzira maziso ake kudenga, anozochema, “Mwari ngaave ne mutsa ku- neni munyangadzi;” avo vanobvuma kutadza kwavo vanoraramisva, ngekuti Jesu anozo-nyengerera nge ropa Rake kumweya unonga vapinduka.MKK 29.2

    Zviratidzo zve mu Izvi ra Mwari zvekupinduka kwe chokwadi nekuzvideredza zvinovonesa mweya vekurevurura usina ruregerero rwe chitema, kana kuidza kuzvinatsa. Pauro haana kumbo zvidzivirira; akapangidza chitema chake se kuipa kwachakaita, asingaidzi kuderedza kuipa kwacho. Anoti: “Ndakapfigira mutirongo vanoyera vazhinji, ndichipiva simba nge vapristi vakuru; zvo vakaurava, ndikabvuma. Ndikavanera kazhinji mumasinagogo ese, ndikavasunda kuti vatuke, ndichipenga kuna ivo, ndikavadzinga kumisha iri kure.” Mabasa 26: 10, 11. Haapokani kutaura izvi “Kristu Jesu akauya pasi kuzoponesa vanyangadzi; ndirimukuru kuna ivo.” 1 Timoti 1: 15.MKK 30.1

    Mwoyo unozvirereka vakatsemuka, vakundwa ngekupinduka kwedi, unozofarira zvimwe zve rudo rwa mwari ne zvakaparadzirwa pa Kalvari; zvino sezvo mwanakomana achirevurura kuna baba wake vanodikanwa, ndizvo anonga apfidza zvechokwadi anounza zvitema zvake pamberi pa Mwari. Kwakanyorwa kuti, Kuti tichirevurura zvitema zvedu, vakarurama nekunaka kuti sunungura zvitema zvedu, nekutichenura mukusarurama kwese.” 1 Johane 1: 9.MKK 30.2

    Larger font
    Smaller font
    Copy
    Print
    Contents