Loading...
Larger font
Smaller font
Copy
Print
Contents
  • Results
  • Related
  • Featured
No results found for: "".
  • Weighted Relevancy
  • Content Sequence
  • Relevancy
  • Earliest First
  • Latest First
    Larger font
    Smaller font
    Copy
    Print
    Contents

    KUZVIPIRA

    CHITSIDZO cha Mwari ngechekuti, “Muchanditsvaka mukandivana, kana mukanditsvaka ne mwoyo venyu vese.” Jeremia 29: 13.MKK 31.1

    Mwoyo vese vakafanira kuzvipira kuna Mwari dzimwe nguva hakungavi nekusanduka kunesu uko kunozo-tidzosera mumufananidzo Wake. Ngekusikwa tirikure na Mwari. Mweya Unoyera unotsanangura mugariro vedu nge mazvi aya: “Makafa muzvitadzo ne zvitema; Musoro venyu unorwadza, ne mwoyo vese va ziya; hapana pakukutu pauri.” “Tiri mumuravu va Satani; takabatwa ndiye nge rudo rwake.” Maefesu 2:1; Isaya 1:5, 6; Timoti 2: 26. Mwari anoda kutiponesa, kutisunungura. Asi izvi zvinoda kusanduka chaiko, kuva vatsva kwerugare rwedu. takafanira kuzvipira ngekuperera kwa Ari.MKK 31.2

    Kurwisana ne kuzvida ihondo huru kwazvo isina kumborwiva pano pasi. Kukurirwa kwe kuzvida, kupira zvese kurudo rwa Mwari, zvinoitika mamborwisana; asi mweya vakafanira kuzviisa pasi pa Mwari kutanga usati va mutsidzirwa mukuyera.MKK 31.3

    Hurumende ya Mwari haina kuita sezvo Satani achida kuti hudaro, kuva ne kuzvirereka kwe ubofu, nekutonga kusina maturo Iho hunonyengerera kune ane pfungwa ne ane mwoyo ve hana. Chiuyai zvino titaurirane” (Isaya 1: 18), ndiko kukoka kwe Musiki kune zvisikwa izvo akasika. Mwari haamanikidzi kuda kwe zvisikwa zvake. Haagashiri rukudzo rusina kuitwa ngekuda ne pfungwa kwadzo. Kuzvirereka kwe kumanikidzwa kungadzivirire kukura kwe pfungwa kana chimiro, kungaite munhu ave se mucheni unosanda usina pfungwa. Uku handiko kuda kwe Musiki. Anoda kuti munhu se basa re ushe hwe simba Rake rekusika risvike pakukura kukuru kwazvo. Anoisa pamberi pedu zvikomborero zvakakwirira izvo anoda kutiunza kwazviri kubudikidza nge tsitsi dzake. Anotikoka kuti tizvipire kwa ari, kuti aite kuda Kwake mukati medu. Izvi zvasara kwatiri kuti tisarudze zvimwe ticha sunungurwa here mu ubatwa ve chitema, kukoverana rusununguko rune mbiri rwe vana va Mwari.MKK 31.4

    Pakuzvipira kuna Mwari takafanira kurega zvese ne nzira kwayo izvo zvinotitsaukanisa kubva kwa Ari. Ndizvo Muponesi anoti, “Ndizvozvo uyo kunemwi asingaregi zvese izvo anazvo, haangavi mudzidzi wangu.” Ruka 14: 33. Chese chinokwezvera mwoyo kubva kuna Mwari chakafanira kuregwa. Mamoni mufananidzo weva zhinji. Kuda mari, kuda kupfuma, ndiyo ketani ye ndarama yakava sungirira kuna Satani. Zita guru ne rukudzo rwe nyika zvinonamatwa ne chimwe chita. Upenyu hwakasununguka nekusaita mhosva ne zvizhinji mufananidzo ve vamwe. Asi idzo tambo dze ubatwa idzi dzakafanira kudamburwa. Hatingavi divi i kuna Mwari ne divi kunyika. Hatisi vana va Mwari kunze kweI kunge tiri vakaperera kwa Ari. Pane avo vano sandira Mwari nge zita chete, vachisimba nge simba ravo kuti vaterere mutemo Wake kuti vaite chimiro chakanaka, vazovana ruponeso. Mwoyo yavo haibatwi kana ne paduku ne rudo rwakadzama rwa Kristu, asi vanotsvaka kuita mabasa euKristu se ayo Mwari noda kuti vaite kuti vazovana denga. Rutendo rwakadaro haruna basa. Kana Kristu ave kugara mumwoyo, mweya unozara nge rudo Rwake, nerufaro rwekusangana Naye, zvekuti unozobatirira kwa Ari; zvino mukunangisa nekufunga Iye, kuzvida kunokanganikwa. Rudo kuna Kristu runozova tsime re rusando. Avo vanonzva simba re rudo rwa Mwari havabvunzi kuti zviduku zvakadini izvo vangapive kuti vasangane nekuda kwa Mwari; havakumbiri kuva panzvimbo yakadzikira zvikuru, asi vanonanga kuti vanatsve ne rudo rwe Mununuri wavo. Ngekuda kwakanaka vanopira zvese, vachipangidza kufadzva nge munhu ve chiro icho vano tsvaka. Basa ra Kristu pasina rudo rwakadzama urwu kutaura chete, tsika Jzakati kwavu, ne basa rinorema risina muripo vakarienzanira.MKK 32.1

    Tinonzva sekunge mupiro mukuru kwazvo kupira zvese kuna Kristu here? Zvibvunze pachako mbune mubvunzo uyu, “Chinyi icho Kristu akapira ini? ’ Murumbwana va Mwari akapira zvese upenyu ne rudo ne kutambudzika — kuruponeso rwedu isu. Zvino isu, tisina kufanira rudo rukuru rwakadaro, todzora mwoyo yedu kubva kuna Iye here? Nguva yese ye upenyu vedu teng tiri vakoverwi ve zvikomborero zve tsitsi dzake, zvino pamsana paizvozvi hatinyatso voni ngekuzara kwe kudzama kwe kusaziva ne ngozi iyo taponesva kubva kwa iri. Tinga nangise kuna Iye uyo zvitema zvedu zvakabaya, ne nguva iyoyo tichida zve kuita rudo rwake ne kuzvipira kwake zvenhando here? Pakuvona kudzikisirwa kusinga gumi kwa Tenzi ve mbiri, tinga gurukute here ngekuti tave kupinda mu upenyu nge kurwisana ne kuzvidzikisira?MKK 32.2

    Kubvunza kwe mwoyo mizhinji inozvikudza ngekwe kuti, Ndingasoro zvinetserei kunzwa urombo ve zvitadzo zvangu ne kuzvideredza kutanga ndisati ndave nechokwadi chekugashirwa kwangu na Mwari? Ndinokunongedzera kuna Kristu. Akange asina chitadzo, kupinda izvi, akange ari Muchinda vekudenga; asi padivi re munhu akava chitema ehe rudzi rwese. “Akaverengwa pamwe chete ne vadariki; kana zvakadaro akatakura zvitema zve vazhinji, akanyengerera vadariki.” Isaya 53: 12.MKK 33.1

    Ko chinyi icho tinorega apo tichipira zvese — Mwoyo vakanyangadza ne chitema, kuti Jesu avu chenure nge ropa Rake, nekuponesa nge rudo rwake rusingayenzanisvi. Asi vanhu vanofunga kuti zvinorema kupira zvese! Ndinonyara kuzvinzva zvichitaurwa, ndinonyara nekuzvinyora.MKK 33.2

    Mwari haadi kuti tipire zvese zvinoti pamsana pekuti zvakanakira isu tozvikotsa. Kune zvese izvo anoita, anogara akatarisa ki’natsva kwe vana Wake. Dai vanhu vese vasati vasarudza Kristu vakaziva kuti Iye ane zviri nane zvekuvapa pane izvo vanozvitsvakira ivo, vainga yedza zvikuru kuti vatevere nzira Yake. Munhu anonga achizvikuvadza nekusarurama mu mweya wake kana achifunga nekuita zvinopesana ne kuda kwa Mwari. Hakuna rufaro rwe chokwadi runga vanikwe munzira inorambidzva na Iye anozi\a zvakanaka, anomisa mazano ekunatsira zvisikwa zvake. Nzira yekutyora mutemo inzira ye nhamo ne kuparara.MKK 33.3

    Kukanganisa kuchengeta pfungwa dzekuti Mwari anofadzva kuvona vana Wake vachitambudzika. Denga rese rinofadzva ne kufara kwe munhu. Baba vedu vekudenga havapfigi nzira dze rufaro kana kune chipi chezvisikwa zvavo. Zvinodikanwa ne denga kuti tirege kuzvipira muzviro zvinotiunzira matambudziko ne kupererwa ne simba, zvinozo-Tipfigira musivo verufaro ne denga. Mununuri ve pasi anogashira vanhu sezvo vakaita, ne zvese izvo vanoda, kusaperera, ne vunyoro; iye zvino haazo chenuri chete kubva muchitema achipa ruponeso kubudikidza nge ropa Rake, asi anozogutsa zvinodikanwa ne mwoyo ye avo vanobvuma kutakura jokwe Rake, kutakura mutoro Wake. Ibasa Rake rekupa runyararo ne zororo kune avo vanouya kwa Ari vachida chinkwa ehe upenyu. Iye anoda isu kuti tiite iro basa iroro rinoti tungamirira tsoka dzedu kuenda kuurefu ve kudenga ne rufaro apo asingagoni kusvika. Chokwadi, chekuva ne upenyu ve rufaro mu mweya kuvakwa kwa Kristu mukati mako rusimbiro rwe mbiri.MKK 33.4

    Vazhinji varikubvunza, “Ndingazvipire sei pachangu mbune kuna Mwari?” Unoda kuzvipira kwa Ari, asi urimunyoro mu simba rekunaka kwe muviri wako, uri mubatwa mukupokana, uchitongwa ne tsika dze upenyu hwako hwe chitema. Zvitsidzo zvako ne izvo unozvimisira zvakaita se tambo dze jecha. Haugoni kutonga pfungwa dzako, kukasika kufunga kwe mwoyo wako, ne izvo unoda. Ruzivo rwe chitsidzo chako chakatyoka nekurasikirwa ne zvipiko zvako zvinopfavisa rusimbiro rwako pakudairika kwako, zvo konzera kuti unzve sekuti Mwari haangakutambiri; asi hauna kufanira kupererwa ne simba. Chiro icho vakafanira kunzvisisa kusunda kwe chokwadi mu kuda. Simba rekusarudza Mwari akaripa kune vanhu; ngeravo kuti varisandise. Haungagoni kupindura mwoyo wako, haungagoni pachako ive mbune kupa Mwari kuda kwavo; asi ungagone kusarudza kumusandira. Ungagone kumupa kuda kwako, Iye anozo sanda mukati mako kuti ude ne kuita sezvinofarirwa na Iye. Ndizvo kugara kwako kwese kunozo unzva muzasi me simba re Mudzimu va Kristu; rudo rwako runova Kwaari chete, pfungwa dzako dzino-kwadzana Naye.MKK 34.1

    Kuda kwekunaka ne kuyera zvakanaka munzira yazvo; asi kana ukamira ipapa, hazvikuunziri chiro. Vazhinji vachazorasika ivo vachidisa kuva maKristu. Havasviki panzvimbo yekupira kuda kwavo kuna Mwari. Havasarudzi iko zvino kuti wave muKristu.MKK 34.2

    Kubudikidza nge kusandisa kuda kwako zvakanaka ungave ntkusanduka chaiko mu upenyu wako. Nge kupirakuda kwako kuna Kristu, unozvisanganisa ne simba riri pamusoro pe mitemo ycse ne masimba esc. Unozova ne simba rinobva kudenga rekukudzikamisa, zve ngekuramba uchizvipira kuna Mwari unozogona I kuitwa ugarc upenyu vutsva, kana upenyu hwc rudaviro.MKK 34.3

    Larger font
    Smaller font
    Copy
    Print
    Contents