Loading...
Larger font
Smaller font
Copy
Print
Contents
  • Results
  • Related
  • Featured
No results found for: "".
  • Weighted Relevancy
  • Content Sequence
  • Relevancy
  • Earliest First
  • Latest First
    Larger font
    Smaller font
    Copy
    Print
    Contents

    CHEKUITA NGEKUPOKANA

    Vazhinji, kunyanya kune avo vachivaduku mu upenyu ve u Kristu, vanovanzo netsva nge pfungwa dze kupokana. Mu Baiberi mune zviro zvizhinji izvo vasinga goni kutsanangura, kana kunzvisisa, zvino Satani anotora izvi kuvazunza rudaviro rwavo mu Matsamba sekunge ndiko kuratidza kwa Mwari. Vanobvunza, Tinga zive sei nzira kwayo? Kana Baiberi zvirokwazvo riri Izvi ra Mwari, ndinga sunungurwe sei mukupokana uku ne kukangaidzika kwakadari?”MKK 78.1

    Mwari haatikumbira kuti tidavire tisina umbovo hwakakwana apo takafanira kudzikira rudaviro rwedu. Kuvapo kwake, chimiro Chake, idi re Izvi Rake, zvese zvakadzikwa ne umbovo hunotiudzira mupfungwa dzedu; ivo wumbovo uhu huzhinji kwazvo. Asi Mwari haana kumbo bvisa nzira inga konzere kuti kuve ne kupokana. Rudaviro rwedu rwakafanira kugara pa umbovo, kusi pakuratidza ngekuita. Avo vanoda kupokana vachavana nguva; ipapo avo vanonga vachida zvikuru kuziva idi vanovana umbovo huzhinji apo vangadzikire rudaviro rwavo.MKK 78.2

    Zvinorema mu pfungwa dzinoguma kuti dzinzvisise chimiro ehe mabasa a Iye uyo asinga Gumi. Ku pfungwa dzinonzvisisa ngekukasika, pfungwa yakadzidzisva zvikuru kuru. Munhu anoyera uyu (Mwari) akafanira kugara akapfeka kuvandika. Unganzvisise ngekutsvaka zvakadzika zva Mwari here? Ungakwanise kunzvisisa Iye ve Masimba ese here? Zvakakwira sekudenga; ive ungazive nyiko?” Jobo 11: 7, 8.MKK 78.3

    Mupostori Pauro akadaidzira achiti, “Kudzama kwe pfuma dze ungwaru nekuziva kwa Mwari! Kutonga kwake hakutsvakwe! ne nzira dzake hadzivanikwe!” Maroma 11: 33. Asi kana zwavo, “makore ne dima zvinomukomberedza, kururama nekururamisa ndidzo nheyo dzechigaro chake ehe Ushe.” Mapisarema 97: 2. R.V. Zvino apa tinganzvisise kusvikira pakutsaukanisva kwe zviito zvake kunesu, ne zvikonzero zvinomuita kuti titore basa, rekuti tivone rudo rusinga gumi ne tsitsizvakasanganisva ne simba risi- ngaperi. Tingagone kunzvisisa zvakatinakira kuti tizive ngekuita kwake, mberi kwe izvi takafanira kuramba tichindo simbira rusimbiro rune masimba ese, mwoyo uzere rudo.MKK 78.4

    Izvi ra Mwari, se chimiro ehe muvambi varo vekudenga, rine zvakavandika zvisinga zombo nzvisisvi ne pfungwa dzinoguma dze munhu, kuitwa patsva zve kumuka kwe chipiri, ne zvimwe zvizhinji zvinotaurwa mu Baiberi, kuvandika kwakadzama kuti kungatsanangurwe ne pfungwa dze munhu, kana kunzvisisva zvakarara. Asi hatina chikonzero chekupokana Izvi ra Mwari ngekuti hatinzvisisi kuvandika kwe kuita kwake. Mu nyika yakasikwa ino takatenderedzva ne zvakavandika izvo tisinga gone kuzvidumbunura. Tsika dze upenyu wuri pachena kudari dzakakonjera kana vazivi ve upenyu ve munhu vakuru kuti vadzitsanangure. Kwese kwese kune zvishamiso zvinopfuura uzivi hwedu. Zvino tingashame here kuvona kuti mu nyika ye mweya mune zviro vo izvo tisingagoni kudumbunura? Kunetsa kwazvo kuri mukusasimba ne kudukupa kwe pfungwa dze munhu chete. Mwari akatipa mu Matsamba umbovo ve zvimiro zvazvo zvekudenga, zvino tisapokane Izvi Rake ngekuti hatigoni kunzvisisa kwese kuvandika kwe kuita kwake.MKK 79.1

    Mupostori Pita anoti kune Matsamba “zviro zvinonetsa ku-nzva izvo vasinga zivi ne vasina simba vanopindurira . . . kuparadzva kwavo.” 2 Pita 3: 16. Kunetsa kwe Matsamba kunokurudzirwa ne vapokani kuti dzive nharo dzekuitirana ne Baiberi; asi kuipa kwe izvi, vanoita nharo dze umbovo hunesimba hwe kuudzirwa kwaro kwe kudenga. Dai risina mazvi a Mwari asi izvo tingagone kunzvisisa chete; kana ukuru Hwake ne ushe Hwake huchigona kubatwa ne pfungwa dzinoguma, zvino Baiberi harisaigona kuita umbovo husingakanganisi hwe simba redenge.MKK 79.2

    Ukuru hwaro ne ushe hwaro we zviro zvinopangidzva hwakafanira kufemera rudaviro mariri se Izvi ra Mwari.MKK 79.3

    Baiberi rinopfutunura idi riri pachena nekukwana kwakaperera kunoyenzanira kushaya nekusuva kwe mweya ve munhu uko kwa shamisa ne kumutsa ngekufara pfungwa dzakasimukira zvakanyanya kwazvo, ipapo zve rinogona kuti vanozvirereka ne vasinga zivi wawone nzira yekuruponeso. Asi zvakadaro aya ma- chokwadi ataurwa anobata nyaya dzakasimukira, dzirikudeng de-nga, dziri mberi kwe kunzvisisa kwe munhu ne kusingaperi, kwekuti tinga zvigashire hedu ngekuti Mwari anonga ari Iye azvitaura. Ndizvo zano reruponeso rakazarurirwa pamberi pedu, kuitira kuti mweya vese uvone tsiko iro unotora mukupindukira kuna Mwari, ne rudaviro kuna Tenzi vedu Jesu Kristu, kuti uzoponesva ngenzira yakamisva na Mwari; asi pasi pemachokwadi aya, ngekunzvisisva kwakanaka, parere kuvandika kunova ndimo munovanda mbiri Yake — kuvandika kuno kurira pfungwa mukutsvaka kwadzo, asi kuchifemera mutsvaki kwaye ve idi nge rukudzo ne rudaviro. Kutsvakisisa uko anoita mu Baiberi, ndiko kunyanya kudzama kwekusimbisika kwake kuti Izvi ra Mwari anopona, kufunga kwe munhu kunopfugama pamberi pe kuratidza kwe ushe hwe kudenga.MKK 79.4

    Kubvuma kuti hatinganzvisisi ngekuzara machokwadi makuru e Baiberi ndiko kubvuma chete kuti pfungwa inoguma hainga kwanisi kubata dze isingaperi; kuti munhu, ngepfungwa dzake dzine muganho, haangagoni kunzvisisa zvikonzero zva Iye Muzivi ve zvese.MKK 80.1

    Zvino ngekuti havangagoni kunyurura nekunzvisisa kuva ndika kwese kwazvo, vapokani nevasingadaviri vanoramba Izvi ra Mwari; zve handi vese vanoti vanoziva Baiberi vanopona mu ngozi iyi. Mupostori anoti, “Chengetanyi hama, kuti pamwe kungavepo kune mumwe venyu mwoyo vakaipa vekusadavira, ngekubva kuna Mwari anopona.” Mahebru 3: 12. Zvakanaka kunyaso dzidzira zvididziso zve Baiberi, nekutsvaka mu “zviro zvakadzama zva Mwari (1 Wakorinte 2: 10), sezvo zvichipangidzva mu Matsamba. Ipapo “zviro zvakavanzva nge zva Jehova Mwari vedu, asi zviro zvakaratidzva pachena ngezvedu.” Deut. 29: 29. Asi ibasa ra Satani kupindurira masimba ekutsvaka e pfungwa. Kudada kushoma kuno sanganisva ne kufunga idi re Baiberi, kwekuti vanhu vanozvinzva vasisina kugarisika nekukurirwa kana vasingacha gone kutsanangura chimedu chese ehe Tsamba ngenzira inova gutsa ivo. Kudzikira kwazvo kwavari kuti vabvume kuti havagoni kunzvisisa mazvi akafemerwa. Havadi kumirira ngekutiva dakara Mwari adzikane avone kuti zvakafanira kuti achiva ratidza idi. Vanonzva kuti uzivi hwavo husingabatsirwi hwakakwana kuvaita vanzvisise Matsamba, kana vakatadza kuita izvi, vanobva varamba simba ravo nge simba. Ichokwadi kuti kumwe kutaura nezvimwe zvidzidziso zvinozivisva kune vanhu vese sekunge zvakabva mu Baiberi hazvina nheyo mu zvidzidziso zve Baiberi, zvirokwazvo zvakapesana ne zvakafemerwa. Izvi zviro ndizvo zvakavamba kupokana nekukangaidzika kwe pfungwa. Hazvisi, kana nepaduku, zvingaverengerwe ku Izvi ra Mwari, asi kune kutsauka kwe munhu kubva kuna iro.MKK 80.2

    Dai zvaitika kuti munhu akasikwa agone kunzvisisa ngekuzara mamirire a Mwari ne mabasa Ake, zvino, apo anonga asvika pane iyi nzvimbo, havangazovi ne kuvana rimwe zve idi re pamberi, hakuzovi nekukurakwe uzivi, hakuchavi nekukura kwe pfungwa kana mwoyo. Mwari haangachazovi mukuru; zvino munhu, achinge asvika pamuganho pakaguma zvese izvo angavane, anozobva aguma kuenda mberi. Ngati tende Mwari ngekuti hazvisaka daro. Mwari haaperi; kuna Iye kune“pfuma dzese dze ungwaru nekuziva.” Wakorosi 2: 3. Ne kune vese vanhu ve upenyu vusingagumi vanoramba vachitsvaka, vachidzidza, asi vasingapedzi pfuma ye uzivi Hwake, kunaka Kwake, ne simba Rake.MKK 81.1

    Mwari anoda kuti kana mu upenyu vuno machokwadi e Izvi Rake arambe achipfutunuka kune vanhu Wake. Kune nzira imwe basi iyo uzivi uhu hungavanikwa nayo. Tingavane kunzvisisa kwe Izvi ra Mwari chete kuburikidza nge kupenyeserwa nge Mudzimu uyo Izvi rakapiva ndiye. “Hakuna munhu anoziva zviro zva Mwari, asi Mudzimu va Mwari basi;” “ngekuti Mudzimu unotsvaka zviro zvese, hunde, ne zviro zvakadzama zva Mwari.” 1 Wakorinte 2: 10, 11. Chitsidzo cha Muponesi kune vateveri Wake chakava ichi, ‘Asi kuti asvika Mudzimu vedi, anomutungamidzira kune idi rese. . . . zvo anogashira zvangu, anozvivonesa kunemwi.” Johane 16: 13, 14.MKK 81.2

    Mwari anoda kuti munhu asandise masimba ake ekufunga; ndizvo kudzidza Baiberi kunozo musimbisa nekumusimudzira muptungwa kupinda zvingaitwe nekudzidzira zvimwe zviro. Asi takafanira kungwarira pfungwa dzekurumbidza zvikuru sechimwari, zvinova ndivo wunyoro nekuremara kwe munhu. Kana Matsamba asakadzitirwa, mukunzvisisa kwedu, kwekuti machokwadi aripachena atadza kunzvikwa, takafanira kuva pachena ne rudaviro rwedu ruve se rwe mwana muduku, tigadzirire kudzidza, tichiteta rubatsiro rwe Mudzimu Unoyera. Pfungwa dze simba ne uzivi va Mwari, ne kusagona kwedu kunzvisisa ukuru Hwake, zvakafanira kutifemera ngekuzvideredza, tifanire kuzarura Izvi Rake sezvo tingaende pamberi Pake, tine rukudzo runoyera. Kana tichiuya pa Baiberi, pfungwa ngadzibvume simba riri pamsoro padzo, ne mwoyo ne kuziva ngazvikotame pamberi pa NDINI MUKURU.MKK 81.3

    Kune zviro zvizhinji zvinovoneseka se zvinokonja izvo Mwari angaburitse pachena kune vanotsvaka kuzvinzvisisa. Asi kana tisina kutungamirwa ne Mudzimu Unoyera tinozoramba tichindo manikidza mazvi asiri ivo e Matsamba kana kuapindurira ne zvisiri izvo. Kune kuverenga kukuru kwe Baiberi kusina basa, zve munguva zhinji kunokuvadza. Kana Izvi ra Mwari rikazarurwa pasina rukudzo kana munamato; kana pfungwa kana rudo zvisina kuisva kuna Mwari, kana kukwadzana ne kuda kwake, pfungwa dzinozara mhute yekupokana; zvino mukudzidzira ikoko kwe Baiberi kupokana kunosimba. Mhandu inotonga pfungwa, iye oraira pfungwa dzekupindurira kusiri ikoba. Kana vanhu vasiri mu izvi vachitsvaka kukwadzana na Mwari, zvino, kana vakanyanya kudzidza sei, zvingaitike kuti vakangaidzike mukunzvisisa kwavo Matsamba, zvino zvine ngozi kusimbira zvikuru mukutsanangura kwavo. Avo vanonangisa mu Matsamba kutsvaka zvakapesana kuvona kwe mweya. Ngekuvona kwavo kwakatsauka vanozovana zviro zvizhinji zvinozo vaita kuti vapokane nekusadavira muzviro zviri nyore nezviri pachena kwazvo.MKK 82.1

    Kana vakanyanya kuzvisisa zvavo sei, chikonzero chedi chekusava ne chokwadi nekupokana, nguva zhinji, kuda chitema. Rudzidziso ne kurambidza kwe Izvi ra Mwari hakugashirwi mu mwoyo unozvikudza, ne unoda chitema, zvino avo vanonga vasingadi kuterera izvo rinoda vanogadzirira kupokana simba raro. Kuti tisvike pa idi ngative nekuda kwakakwana kwe kuziva idi, nekuda kwe mwoyo kuterera. Zvino vese vanouya nge mweya uyu kuzodzidza Baiberi vanovana umbovo uzhinji wekuti Izvi ra Mwari, zve vangazovane kunzvisisa kwe machokwadi anozo vaita vachenjere mu ruponeso.MKK 82.2

    Kristu akati, “Kuti munhu achida kuita rudo rwake, uchaziva rudzidziso.” Johane 7: 17, R.V. Panzvimbo yekubvunza bvunza ne kushora izvo unonga usinganzvisisi, terera kupenya uko kuri kupenya pamsoro pako, ndizvo unozo gashira kupenya kwapindiridza. Nge tsitsi dza Mwari ita rese basa iro rinonga rapiva pachena kuti unzvisise kuti uite ayo unonge urikupokana navo.MKK 83.1

    Pane umbovo vakazaruka kune vese — kune vakadzidza zvikuru, ne kune vasina kumbodzidza nepaduku umbovo we kuziva ngekuita. Mwari anoti koka kuti tizvivonere pachedu mbune idi re Izvi Rake, idi rezvitsidzo zwake. Anoti udza, “ravira uvone kuti Jehova akanaka.” Mapisarema 34: 8. Panzvimbo yekuti usimbe nge izvi re mumwe, takafanira kuzviravirira isu mbune. Anoti, ‘Kumbirai, munopiva.” Johane 16: 24. Zvitsidzo zvake zvinozadzisva. Hazvina kumbo tadza; hazvizombo tadzi zve. Sezvo tichi svendera pedyo na Jesu, tichifara mukuzara kwe rudo Rwake, kupokana kwedu ne dima zvinozo pedzva nekupenya kwe kuvapo Kwake.MKK 83.2

    Mupostori Pauro anoti Mwari “akati ponesa musimba redima, akati pindura akatiisa mu umambo we Murumbwana Wake anodiva.” Wakorosi 1: 13. Vese vanhu vakapfuura mukufa kuenda kune upenyu vanokwanisa ku “isa chivoniso chake chekuti Mwari asi idi.” Johane 3: 33. Angagone kupupura kuti, “Ndaida rubatsiro, ndikaruvana kuna Jesu. Zvese izvo ndaishaya ndakazvivana, nzara ye mweya vangu yakagutsva; zvino Baiberi kuneni rave kuratidzva kwa Jesu Kristu. Unobvunza kuti ngenyi ndichidavira kuna Jesu? — Ngekuti Ari kuneni Muponesi vekudenga. Ngenyi ndichidavira Baiberi — Ngekuti ndakavana riri Izvi ra Mwari mu mweya wangu.” Tingave ne umbovo kunesu mbune kuti Baiberi rine idi, kuti Kristu Murumbwana va Mwari. Tinoziva kuti hatisi kutevera ngano dzakaitwa nge ungwaru.MKK 83.3

    Pita anosimbisa hama dzake kuti dzi “kure mutsitsi nemukuziva kwa Tenzi na Muponesi Jesu Kristu.” 2 Pita 3: 18. Kana vanhu va Mwari wave kukura mutsitsi vanozoramba vachivana kunzvisisa kuri pachena kwe Izvi ra Mwari. Vanozovona kupenya kutsva nekunaka kwe idi rinoyera. Izvi zviri idi munyaya dze kugara kwe sangano mumakore ese, ndizvo zvinozoramba zvichidaro dakara pakuguma. “Asi nzira yakarurama yakaita se kujeka kwe mambakwedza, kunoramba kuchitutsira kujeka dakara masikati makuru.” Zvirevo 4: 18, R.V.MKK 83.4

    Ngerudaviro tinga nangise kubvira ipapo, tibate chitsidzo cha Mwari chekukura kwe pfungwa, ngekukura kwe pfungwa dze vanhu dzakasangana ne dzekudenga, ne simba rese re mweya rinounzva mukubatana nekuvamba kwe kupenya. Tingafare ngekuti zvese zvange zvichitikangaidza mukupa kwa Mwari zvinozoitwa zvive pachena; zviro zvinorema kunzvikwa zvinozo-vanikwa tsananguro yazvo, ne apo pfungwa dzedu dzinoguma dzakavona kunyongana ne mazana akaputsika, tinozovona kunaka kwakapfurikidza kwe kukumbana. Zvino tinovona mundingiriro mudima, asi apo hope dzinovonisisa; zvino ndinoziva kuti rutivi, asi apo ndinoziva sezvo ndinozivikanwa.” 1 Karonite 13: 12.MKK 84.1

    Larger font
    Smaller font
    Copy
    Print
    Contents