Loading...
Larger font
Smaller font
Copy
Print
Contents
Tariro Huru - Contents
  • Results
  • Related
  • Featured
No results found for: "".
  • Weighted Relevancy
  • Content Sequence
  • Relevancy
  • Earliest First
  • Latest First
    Larger font
    Smaller font
    Copy
    Print
    Contents

    Kusagutsikana Pamusoro peBaiberi

    Dzidziso dzenhema mumakereke dzinobvisa zvimiso zvakaiswa neshoko raMwari. Vazhinji vanorasa zvidzitsi zvechokwadi kusvikira vave vakaipa kwazvo.TaH 32.1

    Nhema dzedzidziso dzezvitendero zvinembiri dzakarasisa vazhinji kuti varege kugutsikana neBaiberi. Hazvigoni kuti munhu agamuchire dzidziso yagara ichipikisana nekururamisira kwake uye netsitsi. Nokuti izvi zvinomirira kudzidzisa kweBaiberi uyu anotoramba kugamuchira seshoko raMwari.TaH 32.2

    Shoko raMwari rinotariswa nekushora nokuti rinotsiura chitema. Vose vanoramba kuteerera zvarinoreva vanozama kupidigura hushe nekutonga kwaro. Vazhinji vanotadzira Mwari vachida kupa chikonzero chekusaita basa sezvarinofanirwa. Vazhinji vanonzwa sezvakanaka kumira kudivi rekusatenda nekusateerera. Vakadai vanenge vazere nekuzvida nekuzvivimba. Vazhinji vanofarira kuwana chimwe mumagwaro chekushamisa nekuvhundutsa nacho vamwe. Vamwe vanorasika nokuda kwekufarira gakava chete. Asi vanoratidza kusatenda kwavo pachena, vanobatana nevasingadi Mwari.TaH 32.3

    Larger font
    Smaller font
    Copy
    Print
    Contents