Loading...
Larger font
Smaller font
Copy
Print
Contents
Tariro Huru - Contents
  • Results
  • Related
  • Featured
No results found for: "".
  • Weighted Relevancy
  • Content Sequence
  • Relevancy
  • Earliest First
  • Latest First
    Larger font
    Smaller font
    Copy
    Print
    Contents

    Chitsauko 11—Kukurira Kwerudo

    Panopera churu chamakore, Kristu anodzika panyika achiperekedzwa nevakadzikinurwa uye nengirozi. Anomutsa vakafa vakaipa mumakuva kuti vapihwe mugove wavo. Vanobuda vasingaverengeki sejecha regungwa vakatakura mavanga nezviratidzo zvechivi, kurwara nerufu. Kusiyana kwakakura sei tichienzanisa nevaya vakamutsirwa hupenyu husingaperi.TaH 115.1

    Ziso rese rinotarira kumbiri yeMwanakomana waMwari. Nenzwi rimwe vakaipa ava vanoti, ” Akaropafadzwa uyo unouya nezita raTenzi” ( Mateo 23:39). Haruzi rudo kwete runofemera kuti vataure saizvozvo asi kuti simba rechokwadi rinovamanikidza kuti vadaro. Ruvengo kunaKristu rwavakavigwa vanarwo ndirwo ruvengo rwavanomutswawo vainarwo uye nemweya mumwe chete wekupanduka. Hachawaniswi mumwe mukana wekutendeuka kwete.TaH 115.2

    Muporofíti anoti, ” Nezuva iro tsoka dzake dzichamira pagomo reMiorivi, riri pamberi peJerusarema kurutivi rwamabvazuva; gomo reMiorivi richapamuka napakati, zvichibva kumabvazuva zvichienda kumavirazuva, kukavapo mupata mukuru kwazvo, imwe hafu yegomo ikatsedukira kurutivi rwekumusoro, imwe hafu yaro kurutivi rwezasi” (Zekaria 14:4). Apo Jerusarema idzva rinoburuka kubva kudenga rinogara pakagadzirwa, Kristu, vanhu vake nengirozi dzake vanopindamo.TaH 115.3

    Ukuwo Satani akange asisina wekunyengera nguva yese yapfuura anoonekwa akasuruwara nekushungurudzika mumwoyo. Zvino panomutswa vakafa vakaipa anoona kuti vose varikurutivi rwake, ipapo zvomutsa tariro yake. Anozvipira kuenderera mberi nehondo huru iya. Anototungamirira vakaipa vaya kuti vamushandire. Mukuramba kwavo Mwari, vakatozvipa kune mupanduki, vakamirira kuita sezvaareva. Zvakadaro mukuvanyengera kwake haabvumi kuti ndiye Satani asi kuti anozviti ndiye muridzi wepasi rose akabvutirwa nhaka yaive yake zvepamurawu. Anozviti ndiye mudzikinuri achiti zvakare simba rake ndiro rainge ravamutsa kuvakafa.TaH 116.1

    Satani anosimbisa vanehutera ofemera vose nesimba rake kuvatungamirira kundotora guta dzvene raMwari. Anonongedzera kuzviuru zvezviuru zvisingaverengeki zvakamutswa kuvakafa achiti semutungamiri wavo, vanogona kutorazve hushe hwake.TaH 116.2

    Mukati mechita chikuru ichi mune vaya vakararama murove wenguva yaNowa usati wauya, hamburamakaka dzine pfungwa dzakatesva: avo vakaita kuti nyika dzivanamate nokuda kweumhizha hwavo uye vakaita hutsinye hukuru nekugonawo kutanga kuita zvinoshamisa asi zvichisutswa. nekutungamirirwa naSatani: izvo zvakazokonzera kuparadzwa kwenyika nemurove. Mune madzimambo nevakuru vemauto vasina kumbokundwa muhondo. Kufa hakuna kutendeutsa vose ava. Pavanobuda mumakuva vanotungamirirwazve neshungu dzavo dziya dzavakafa vanadzo dzekuda kukunda ndudzi dzose.TaH 116.3

    Larger font
    Smaller font
    Copy
    Print
    Contents