Loading...
Larger font
Smaller font
Copy
Print
Contents
Tariro Huru - Contents
  • Results
  • Related
  • Featured
No results found for: "".
  • Weighted Relevancy
  • Content Sequence
  • Relevancy
  • Earliest First
  • Latest First
    Larger font
    Smaller font
    Copy
    Print
    Contents

    Nzwisisai Magwaro

    Mweya yaSatani ichitora zvimiro zvehama neshamwari dzedu dzakafa ichauya kuzotinyaradza yobva yaita zvishamiso. Tinofanira kuidzivisa kuburikidza nezvokwadi yeBaiberi tichiti, ” vakafa Havana chavanoziva, saka ava vatinoona sevafí vedu vamutswa inotove zvayo mweya yakaipa iri muzvimiro zvevanhu.TaH 55.3

    Vose vane kutenda kusina kudzika midzi mushoko raMwari vachanyengerwa pamwe nekukurirwa. Satani anoshanda nokunyenyera kwose kwekusarurama, uye kunyengera uku kuchawedzera zvikuru. Asi avo vanotsvaga ruzivo rwechokwadi vachichenesa mweya yavo vachawana chengetedzo yeidi munaMwari weidi. Nokukasika muponesi angatuma ngirozi dzose dzedenga kuitira kuchengetedza vanhu vake pane kusiya mumwe chete anotenda maari achikundwa naSatani. Avo vanozvinyaradza nenhema vachiti hakuna murango kune anotadza, anoshora chokwadi chakapihwa nedenga sechidziwiriro pazuva rekutambudzika, vanogamuchira manyepo anounzwa naSatani.TaH 56.1

    Vaseki vanoshora zvikuru zvinorehwa nemagwaro pamusoro pezano reruponeso nemirango ichapuhwa avo vanoramba chokwadi. Vanosvooredza vaya vane mifungo mitete, vasinesimba uye vagaravo vachizengurira kutenda dzidziso dzeBaiberi nemutemo waMwari. Vakazviisa pasi pemunyengeri zvakazara, uye vakabatana naye zvakasimbarara zvekuti havachina chichavabatsira mavari kuti vadambure misungo iyi.TaH 56.2

    Nheyo dzebasa raSatani dzakaiswa nevimbiso yakapihwa Eva muEdeni, ” hamungafi zvirolcwazvo”” Nyoka ikati kumukadzi: Hamungafí zvirokwazvo, nokuti Mwari unoziva kuti nomusi, wamunozvidya navo, meso enyu achasvinudzwa mukava saMwari muchiziva zvakanaka nezvakaipa” (Gen 3:4-5). Nhongonya yekunyengera kwake ichasvika mumazuva ekupedzesera” Ipapo ndakaona mweya yetsvina mitatu yakaita sematafí, ichibva mumuromo weshato, nomumuromo wechikara, nomumuromo wemuporofíta wenhema, nokuti ndiyo mweya yakaipa inoita zviratidzo, inoenda kumadzimambo enyika yose, kuvakokera kukurwa pazuva iro guru raMwari wamasimba ose” ( Zvaka 16:13,14).TaH 56.3

    Nyika yose ichakukurwa nekunyengera kukuru vobatana nevashumiri vaSatani kunze kweavo chete vakakotsekana musimba raMwari kubudikidza nekutenda mushoko rake.TaH 57.1

    Larger font
    Smaller font
    Copy
    Print
    Contents