Loading...
Larger font
Smaller font
Copy
Print
Contents
Tariro Huru - Contents
  • Results
  • Related
  • Featured
No results found for: "".
  • Weighted Relevancy
  • Content Sequence
  • Relevancy
  • Earliest First
  • Latest First
    Larger font
    Smaller font
    Copy
    Print
    Contents

    Kusagutsikana Kwomutsa Hondo

    Mukuchenjera kwake Mwari akabvumira Satani kuti aenderere mberi nebasa rake iri kusvikira mweya wekusaagutsikana wakomba ukamutsa hondo. Zvainge zvakakodzera kuti zano rake iri ritumbuke kuitira kuti chimiro charo chose chionekwe navose. Rusifa aidikanwa kwazvo nezvisikwa zvedenga uye zvaaikonzeresa zvaigamuchirwa kwazvo. Hurumende yaMwari yaisangova nevagari vemudenga chete asi vagari venyika dzose dzaainge asika; uye Satani akafunga kuti akakonzeresa ngirozi dzedenga kuti dzimutevere muhondo yake aigonawo kuzokonzeresa dzimwe nyika idzi.TaH 10.1

    Achishandisa hutandi hwese hwepfungwa dzakatesva, pamwe chete nekubiridzira simba raSatani rekunyengera rakange rakakura kwazvo. Kunyangwe ngirozi dzaiteerera hadzina kutongoziva kana kunzwisisa chimiro chezano rake iri uye nekwarainge rakananga. Satani ainge aichikudzwa kwazvo uye mabasa ake ainge akashonga kushamisa kukuru kwakavanzika zvekuti zvainetsa kuti ngirozi dzione chakavanzika chezvaaironga. Chivi hachina kunyatsoobudisa rumborera rwacho kusvikira chatumbuka. Zvisikwa zvinoera hazvina kuva nemuono wezvaizokonzerwa nekusiya mutemo wedenga parutivi. Pakutanga Satani akaratidza sekunge aida kukwidziridza mbiri yaMwari uye kubatsiridza chimiro chevagari vekudenga kuti chive nani.TaH 10.2

    Mukubata nyaya yechivi Mwari aigona chete kushandisa kururama nezvokwadi. Ukuwo Satani aigona kushandisa izvo Mwari aisagona kushandisa- nhema nekunyengera. Chimiro chaicho chemupanduki chinofanira kuzivikanwa nevose. Anofanira kupihwa nguva yekuti aratidze chimiro chake kubudikidza nemabasa ake.TaH 11.1

    Kudzongonyedza kwaakakonzeresa mudenga Satani akazvipomera kuna Mwari. Huipi hwose akahuti hwakakonzerwa nehurongwa hwekutonga kwaMwari. Naizvozvo aifanira kuratidza shanduko yaaironga pamusoro pemitemo yedenga. Basa rake raifanira kumurasha. Zvisikwa zvose zvinofanira kuona kuiswa pachena kwemunyengeri uyu.TaH 11.2

    Kunyangwe apo zvakabvumirwa kuti haaifanira kuramba ari mudenga Mwari nehurumende yake havana kuparadza Satani. Kuteerera kwezvisikwa zvaMwari kwaifanira kuzendama pakugutsikana nekururamisira kwake. Zvisikwa zvese zvedenga nezvedzimwe nyika, izvo zvainge zvisina kugadzirira tuso rechitema, hazvaizokwanisa kuona ruramisiro yakakwana yaMwari nenyasha dzake dai Satani akaparadzwa. Dai akaparadzwa chiriporipocho zvisikwa zvose izvi zvaizoshumira Mwari kubudikidza nekutya kwete nerudo. Konzereso yemuvengi hayaizonyatsopera uyewo mweya wekumukira wairamba uripo. Kuti zvinakire vose, kose-kose kudenga napasi, Satani aifanirwa kunyatsokwenenzvera mitemo yechimiro chake kuitira kuti mhosva dzaaipomera hurumende yedenga dzibude pachena kuzvisikwa zvose.TaH 11.3

    Kumukira denga kwakaitwa naSatani uku kwaizove chapupu kuzvisikwa zvese kuti ituso rinotyisa zvakadini rinounzwa nechivi. Kutonga kwake kwaizoratidza chibereko chekusiya mirairo nehushe hwaMwari. Nhoroondo yekuzama-zama kwake zvese izvi zvinotyisa kudaro muhupanduki zvaizove yambiro yechengetedzo yaizovaponesa kuti varege kuita chivi.TaH 12.1

    Apo zvakasheedzerwa kuti mupanduki mukuru uyu nevatsigiri vake vaifanira kudzingwa kubva kudenga rinofadza Satani akatsimbidzirazve nezvivindi zvikuru kushora mutemo weMusiki. Akatsoropodza mitemo yekudenga achiiti yaidzvanyirira ichidzivisa rusununguko ndokushevedzerawo chinangwa chake chekuparadza mitemo iyi. Akati kana vagari vekudenga vasunungurwa kubva kumitemo yeko iyi vaingangopinda pachimwe chimiro chakakwirira zvirinane kupfuura chaivepo.TaH 12.2

    Larger font
    Smaller font
    Copy
    Print
    Contents