Loading...
Larger font
Smaller font
Copy
Print
Contents
Tariro Huru - Contents
  • Results
  • Related
  • Featured
No results found for: "".
  • Weighted Relevancy
  • Content Sequence
  • Relevancy
  • Earliest First
  • Latest First
    Larger font
    Smaller font
    Copy
    Print
    Contents

    Satani Anoyedza Kuchengetedza Vanhu Pasi peSimba Rake

    Kubudikidza nekunyepa kukuru kuiri kunoti;TaH 94.2

    • Munhu kana afa mweya wake unoramba uchirarama uchiziva zvinoitika muhupenyuTaH 94.3

    • Kuyeresa zuva reSondo seSabata;TaH 94.4

    Satani uchanyengera ruzhinji rwevanhu. Apo kunyengera kwekutanga kunogadzira nheyo yezvemweya-mweya kunyengera kwechipiri kunoita kuti masangano aite mubatanidzwa wekunzwirana neRoma. Kubudikidza nedzidziso yeMweya yetsvina, Satani unoita sekunonzi ndiye muriritiri wepasi rose, achirapa vanhu nokuunzawo kutenda kutsva (zvitendero zvitsva), ukuwo achiparadza vazhinji kabisira. Kusaazvidzora kunoitisa munhu chituta, kungoda kufadza nyama, zvobereka kuvengana nekudhonzerana kunokonzera kudeuka kweropa. Hondo inosimudza kuipa kwose kungawanikwa pasi pezuva yokukura narini vayabata vasingazvidzori kana kutya Mwari. Chinangwa chake Satani kukonzera hondo kuitira kuti arasise vanhu panyaya yekufunga nezvekugadzirira kuuya kwaJesu.TaH 94.5

    Satani akadzidza zvakavanzika zvekasikirwe kezvinhu saka anoshandisa simba rake rose kutungamira zvisikwa kusvikira pose paanotenderwa naMwari. Mwari ndiye anodzivirira zvake zvisikwa kubva kumharadzi iyi. Kunyange zvakadaro vatendi varatidza kushora mutemo wake, nokudaro Mwari vachaita zvavakataura kuti vachaita-ndiko kubvisa ruzhowa rwavo kune vanomukira mutemo wake nekukonzera vamwe kuita saizvozvo. Satani anotungamirira vose vabvisirwa ruzhowa naMwari. Anoitira vamwe vacho zvakanaka ovapa kubudirira kukuru achida kuti zvaakananga zvizadziswe. Anokonzeresawo zvinetso nematambudziko kune vamwe obva oti, ndiMwari aita hutsinye kuvanhu.TaH 95.1

    Achizviita semurapi mukuru anogona kupedza marwadzo avo ose Satani anounza zvirwere ozvirapa zvakare. Anogona kukonzera zvirwere zvakakomba nekutambudzika kukuru kusvikira maguta makuru aparara. Mutsaona dzemumigwagwa nemunyanza, muzvamupupuri zvikuru nenjakenjake isingataurike, mumafungu makuru emunyanza nekudengenyeka kwenyika Satani arikuratidza simba rake. Anokukura mbesa dzainge dzoda kukohwiwa kuitira kuti kuve nenzara nekunetsa kwemari. Mumhepo anoisa mweya unokuvadza, vanhu vazhinji vofa zvisina tsarukano.TaH 95.2

    Munyengeri mukuru anowana mukana zvino wekupomera vanochengeta mirairo yaMwari achiti ndivo vakonzeresa. Zvichashevedzerwa kuti vatendi veidi ava ndivo vatsamwisa Mwari nokuti vanoramba kubatana nevatendi vazhinji kuchengeta musi weSondo. Votizve matambudziko aya haasi kuzopera kusvikira kunamatwa kweSondo kwamanikidzwa nemutemo wenyika. Vanoparadza kuyeriswa kweSondo varikutadzisa kudzoredzaniswa kwezvakanaka nekubudirira zvinoitirwa vanhu nedenga. Kupomerwa kwakaitwa vatendi vekare kuchadzokorodzwa.” Apo Ahab akaona Eriya... Ahab akati kwaari, “Ndiwe here mutambudzi walsiraeri?”( 1 Madzimambo 18:17, 18). Vanoyeresa Sabata remuBaiberi vachashorwa nekuomeserwa sevavengi vemurairo nekurongeka, vachinzi varikupunza mitemo yamagariro akanaka avanhu,uye kukonzeresa huwori zvinotungamirira kuti Mwari arove vanhu nematambudziko akadai. Vachanzi vavengi vehurumende. Vafundisiwo vaye vasingarambiri pamirairo yaMwari vachashandiswawo naSatani kuparidza vachitsigira nemagwaro kuti vanhu ngavateerere zvatongwa nehurumende nekanzuru. Vatendi vachatongerwa zvakaipa uye rufu zvichiitwa nematare edzimhosva vachishandisirwa nhema pazvose zvavanopomerwa kuitira kuvaremedza nemhosva.TaH 96.1

    Vakuru vemakereke vachabatana nevehurumende kuti vamanikidze vanhu vose kuremekedza musi weSondo. Kunyangwe kuAmerica kwakasununguka zvakadaro, vatongi navaumbi vemitemo vachabvumira kuti paiswe mutemo wepasi rose wekurangarira Sondo seSabata zvichiitwa nekumanikidzwa. Kusununguka kwemafungiro emunhu kwakatora mutengo mukuru nekuzvipira kukuru kuchashaiswa simba. Muhondo huru inouya iyi tichaona muenzaniso wezviri mumanzwi emuporofita anoti, ” Zvino shato yakatsamwira mukadzi ikaenda kundorwa navamwe vana vake vanochengeta mirairo nekubata kupupura kwaJesu”( Zvak 12:17).TaH 97.1

    Varanda vaMwari nezviso zvavo zvichipenyeswa nekuzvipira kunoera vachamhanya kwese kwese vachindoparidza shoko rabva kudenga. Minana ichaitika, varwere vachaporeswa. Satani unoshandawo nezvishamiso zvenhema zvekuti kana mwoto unoburuka uchibva kudenga ( Zvaka 13:13). Nokudaro vagari verino pasi vachafanira kutora danho ravo.TaH 97.2

    Shoko harizofambiswi nenharo asi nekufemera kweMweya Mutsvene. Zvakanaka nezvakaipa zvaiswa pachena, zvinyorwa zvaita basa razvo nemazvo asi vazhinji vakatadziswa kunyatsonzwisisa zvokwadi yaMwari. Ikozvino zvokwadi yose yaiswa pachena. Hukama hweropa remumhuri, nehukama hwekukereke hahukwanisi kumisa vana vaMwari ava zvino. Zvisineyi nekukura kwemasimba akabatana kurwisa zvokwadi yaMwari, vanhu vazhinji vamira zvakadaro kurutivi rwatenzi. Vose vanoremekedza mitemo yaMwari vachanzi ndivo vakonzeresa matsurundundu nekudeuka kweropa zhinji zvichazadza nyika munguva iyo. Simba ranga richibata pakupa yambiro yekupedzisira ratsamwisa vatadzi zvikuru uye Satani uchakonzera ruvengo rukuru kuti vaya vatendi vaomeserwe nekurwadziswa.TaH 97.3

    Larger font
    Smaller font
    Copy
    Print
    Contents