Loading...
Larger font
Smaller font
Copy
Print
Contents
Tariro Huru - Contents
  • Results
  • Related
  • Featured
No results found for: "".
  • Weighted Relevancy
  • Content Sequence
  • Relevancy
  • Earliest First
  • Latest First
    Larger font
    Smaller font
    Copy
    Print
    Contents

    Kudzingwa Kudenga

    Satani nechita chake vakapa Kristu mhosva yekupanduka kwavo vachiti dai vainge vasina kutsiurwa havaidai vakapandukira denga. Vachiomesa mitsipa kudaro uye vachizviti havana mhosva mupanduki mukuru uyu nechita chake ichi vakabva vadzingwa zvachose kubva mudenga (Ona Zvaka 12:7-9).TaH 12.3

    Pano panyika mweya waSatani uchiri kungofemera vana vekusaateerera kuti vapanduke. Saiye vanovimbisa vanhu rusununguko kubudikidza nekudarika murairo waMwari. Kutsuirwa kwechivi kuchiri kungomutsa ruvengo. Satani anokonzera vanhu kuti vawane zvikonzero zvekuita chivi uye votsvaga vanhu vanovanzwira tsitsi. Panzvimbo yekuti vagadzirise zvavanenge vakanganisa, vanotodenha hasha dzeuyo avatsiura sekunonzi ndiye akonzera chinetso chaitika.TaH 12.4

    Nenzira imwe cheteyo kupomera uye kuresva chimiro chaMwari(kuti anzi mutongi ane hutsinye), Satani akakonzera kuti vanhu vatedze. Akataura asingatyi kuti mitemo yaMwari isina kururama iyi, uye inodzvanyirira ndizvo zvakakonzera vanhu kuti vatadze, sezvazvakange zvakonzeravo kupanduka kwaiye Satani.TaH 13.1

    Mukudzingwa kwaSatani kubva mudenga Mwari akaratidza nekusheedzera kukudzwa nekururamisira kwake iye Mwari. Apo munhu akatadza, Mwari akaratidza hudzamu hwerudo rwake mukutuma Mwanakomana wake kuti afire rudzi rwese rwemunhu mutadzi. Muzano reruponeso ndimo matinonyatsoona chimiro chaMwari chaicho. Mharidzo huru yemuchinjikwa ndeyekuratidza kuti chivi hachingambonzi chakakonzerwa nehurumende yedenga, kwete. Chimiro chaicho chemunyengeri mukuru uyu chakanyatsoozarurwa pachena munguva yekushumira kwaMuponesi wedu panyika ino. Kumhura kwake kukuru kwekuti Kristu amunamate, uturu hweutsinye hwaitevera Jesu kwese kwaaienda zvaikonzeresa kuti mwoyo yevaPirisita navanhu irambe rudo rwake uye kuti vadaidzire vachiti ” Ngaaroverwe! Ngaaroverwe!” izvi zvakakonzera pasi rose nedenga rose kushamiswa kuzere nehasha tsvene. Muchinda wezvakaipa uyu akashandisa simba rake rose nehuchenjeri hwake hwose kuti aparadze Kristu. Satani akashandisa vanhu kuti vaite kuti upenyu hwaJesu huzadzwe nematambudziko nekusuruwara. Mwoto yaipfuta yakapakata godo nehutsinye, ruvengo nekutsiva yakazoputikira yose paKalvary mukurwadzisa mwanakomana waMwari.TaH 13.2

    Zvino apa kuva nemhosva kwaSatani kwakabva kwaonekwa pachena zvisina angapembedza. Ainge aratidza hunhu hwake chaihwo. Mhosva dzenhema dzaipomerwa denga naSatani dzakazoratidza chimiro chadzo chaicho. Akange apomera Mwari mhosva yekuda hukuru nekufanira kuteererwa nezvisikwa zvake achitizve kunyange Musiki aida kuti kuzviramba kuitwe nevose, iye Mwari haana kuita saizvozvo kana kuzvipira kumwe chete. Zvino zvakaonekwa kuti mutongi wedenga nepasi rose ainge azvipira zvekupedzisira kubudikidza nerudo, “Nokuti Mwari akange ari muna Kristu achiyananisa nyika kwaari” ( 2 Corin 5:19). Kristu akange azvininipisa akateerera kusvika murufu kuitira kuti aparadze chivi.TaH 14.1

    Larger font
    Smaller font
    Copy
    Print
    Contents