Loading...
Larger font
Smaller font
Copy
Print
Contents
Tariro Huru - Contents
  • Results
  • Related
  • Featured
No results found for: "".
  • Weighted Relevancy
  • Content Sequence
  • Relevancy
  • Earliest First
  • Latest First
    Larger font
    Smaller font
    Copy
    Print
    Contents

    Kuburikidza neKutenda Chete

    Basa iri rinogonekwa chete kuburikidza nekutenda munaKristu nesimba raMwari rinogara. Mukristu anonzwa kunyengetedza kwechivi asi anoramba achirwisana nacho. Apa ndipo patinoda rubatsiro rwaKristu. Hutera hwemunhu hunobatana nesimba redenga, uye kutenda kwoti...” Zvino Mwari ngaavongwe uyo unotipa kukunda naShe wedu, Jesu Kristu” (1 vaKori 15:57). Basa rekukura munyasha ririkuenderera mberi. Apo mutadzi anenge achitaura naMwari, anowana rugare maari, hupenyu hutsva hwechiKristu hwatanga “Naizvozvo ngatisiye shoko rokutanga kwaKristu, tipfuvurire mberi pakukwaniswa tisingaisizve nheyo dzokutendeuka pamabasa akafa, nedzokutenda kunaMwari”. “.. .kudzimana isu tose tisvike pavumwe hwokutenda nokuziva Mwanakomana waMwari, napamunhu wakura, napachiyero chovukuru hwokuzara kwaKristu”. ” Ndinoshingairira kunharidzano kuti ndipiwe mubairo wokudana kwaMwari kunobva kudenga munaKristu Jesu” (vaHeb 6:1; vaEfeso 4:13, vaFiripi3:14).TaH 66.2

    Vanokura munyasha chaizvo vanoratidza kuzvininipisa. Vanoona kusakodzera kwavo zvichienzaniswa nekuperera kwekururama kwalye asingagumi. Muporofíti Danieri akava muenzaniso wemunhu akakura munyasha sezvinoreva shoko. Panzvimbo yekuzviti akachena uye mutsvene Danieri akazvibatanidza nevatadzi velsiraeri kwave kunamata akavamiririra (Danieri 10:11; 9:15, 18, 20; 10:8-11). Hapambozovi nekuzvikudza, kana kudadira vamwe kune avo vanofamba mumumvuri wemuchinjikwa weKaruvari. Vanonzwa kuti chivi chavo ndicho chakatsemura mwoyo weMwanakomana waMwari, uye pfungwa iyi inotungamirira kuzvideredza kukuru. Vanogara pedo naMwari vanonyatsonzwisisa hutera nehuipi hwevanhu, nokudaro tariro yavo chete inowanikwa mukukosha kweuyo muponesi akaroverwa akamuka.TaH 67.1

    Hutsvene hwekukura munyasha hwatekeshera mumakereke hwavakutora chimiro chekuzvitutumadza nekushaya hanya nemutemo waMwari vachiti haunei nechekuita neBaiberi. Vadzidzi ava vanoti kukura munyasha kunongoitika chiriporipocho, vanhu vobva vatowana hutsvene hwakaperera chero vachitenda, ” Tenda chete iwe, uye zvikomborero ndezvako” vanodaro vadzidzisi avo. Hapachinazve zvichadiwa pamutendi. Vanorambazve simba remutemo waMwari, vachiti vakasunungurwa kubva mukuchengeta mitemo. Asi zvinogonekawo here kuva mutsvene usingawirirane nezvimiso zvinoratidza chimiro chaMwari nezvidiso zvake?TaH 67.2

    Kupupura kweshoko raMwari kunopokana nedzidziso dzinonyengera idzi dzekutenda kusina mabasa. Hakuzi kutenda kweidi kunoti Mwari anongokomborera nekufambidzana nemunhu asingadi kugamuchira zvimiso zvakatarwa zvinoita kuti nyasha dzacho dzidirwe (Jakobo 2:14-24).TaH 67.3

    Ngakurege kuva nevanozvinyengera vachiti vanogona kuva vatsvene ivo vachiputsa mumwe wemitemo kana zvimiso zvaMwari. Chitema chinozivikanwa chinonyaradza inzwi reMweya rinopupura, choparadzanisa munhu naMwari. Kunyange Johani achitaura kwazvo pamusoro perudo, haanonoki kufumura chimiro chaicho cheboka iri rinozviti rakachenurwa uye rakatosvika pahutsvene asi richigara richiputsa mutemo waMwari44 Uyo unoti ndinomuziva asingachengeti mirairo yake, murevi wenhema, zvokwadi haizi maari; asi uyo unochengeta shoko rake, rudo rwaMwari rwakwaniswa maari zvirokwazvo. Ndizvo zvinotizivisa kuti tiri maari” (1 Johani 2:4-5). Ndipo pane kuedzwa kwekutenda kwemunhu wese. Kana munhu akashora nekutsoropodza mitemo yaMwari, “Nokuti zvirokwazvo ndinoti kwamuri, kusvikira denga napasi zvichipfuvura yota imwe kana tsanga imwe yomurairo hazvingatongopfuvuri zvisati zvaitika zvose. Naizvozvo aninani unoputsa mumwe wemirairo miduku iyi, akadzidzisa vanhu kuita saizvozvo, uchanzi muduku muvushe hwokudenga; asi unoiita akaidzidzisa uchanzi mukuru muvushe hwokudenga” (Mateo 5:18-19) tobva taziva kuti zvavanoreva hazvina nheyo.TaH 68.1

    Kutaura kwekuti haana chivi kunoratidza kuti nyakudaro iyeye achiri kure kwazvo nekuva mutsvene. Haana ruzivo kwarwo pamusoro pekuchena nehutsvene hwaMwari, uye kuipa nehukasha hwechivi. Kukura kwemukaha pakati pake naKristu ndikowo kunzwa kwaanoita sekuti anove pedyo nehutsvene pakuona kwake. Uku kuzvinyengera.TaH 68.2

    Larger font
    Smaller font
    Copy
    Print
    Contents