Loading...
Larger font
Smaller font
Copy
Print
Contents
Tariro Huru - Contents
  • Results
  • Related
  • Featured
No results found for: "".
  • Weighted Relevancy
  • Content Sequence
  • Relevancy
  • Earliest First
  • Latest First
    Larger font
    Smaller font
    Copy
    Print
    Contents

    Kukura muNyasha Sezvinoreva Baiberi

    Kukura munyasha kunobatanidza muviri wese nepfungwa dzemunhu ( 1 vaTess 5:23). MaKristu anokurudzirwa kupa miviri yavo sechibairo chipenyu chitsvene chinogamuchirwa kuna Mwari(vaRoma 12:1). Katsika kese kanonetesa muviri kana mifungo kuti munhu adheererwe nechivi kanokonzera kuti munhu atadziswe kushumira musiki wake. Vanoda Mwari nemwoyo wese vanogara vachiisa simba ravo rose pasi pemitemo inokurudzira kuti vakwenenzverwe kuita kuda kwake. Havasvibisi nekunetesa chipiriso chaMwari nokuda kwekusaazvidzora.TaH 69.1

    Kusasana kwezvivi kwese kunogomadza pfungwa uye nekuremadza miono yemweya zvotadzisa munhu kufarira shoko raMwari kana kuteerera Mweya waMwari.” Ngatizvinatseyi kubva patsvina dzose kuti tikwenenzverwe pahutsvene mukutya Mwari” ( 2 vaKori 7:1). Vatendi vangani varikuita zvinoshoresa miviri yavo nehunhu hwavo kubudikidza nekudyisa, kunwa waini nedoro uye nemafaro ezvivi? Nemakerekewo haana pembedzo panyaya idzi. Dai Jesu aimboburukira mumakereke edu nhasi achiona mabiko nekudyisa kunoitwamo muzita rechinamato haaidzinga vakadai sekudzinga kwaakaita vaya vaitengesa mutemberi gore riya here? ” Hamuzivi here kuti muviri wenyu itemberi yoMweya Mutsvene uri mukati menyu, wamakapiwa naMwari? Hamuzi venyu; nokuti makatengwa nomutengo; naizvozvo kudzai Mwari mumuviri wenyu” ( 1 vaKori 6:19-20) Uyo anemuviri iri temberi reMweya Mutsvene haamboitwi muranda netutsika twenhando nekuti simba rese raanaro nderaKristu. Mudziyo waMwari saka angaparadza sei zvinokoshazvisiri zvake izvi?TaH 69.2

    Vanozviti maKristu vanoparadza makunun'unu emari muzvinhu zvisina maturo. Mwari anobirwa muzvegumi nezvipo apo ava vanozvibaya nemafaro ezvivi neruchiva runoparadza. Vanozviita kudarika kabatsiriro kavanoita varombo kana kufambisa vhangeri. Dai vose vanonzi maKristu vaizvipira mukuperera nemwoyo wose vaigona kushandisa pfuma yavo muzvinhu zvaMwari. MaKristu anogona kuratidza muenzaniso wekuzvidzora pamwe nekuzvipira. Vakadero vanobva vave chiedza chenyika chaicho.TaH 70.1

    “Nokuti zvose zvirimunyika zvinoti, kuchiva kwenyama, nokuchiva kwameso, nokuzvikudza kwovupenyu hazvibvi kunaBaba asi panyika” ndizvo zvirikutungamirira mhomho yevanhu ( 1 John 2:16) asi vateveri vaJesu vane kudanwa kunoera. ” Saka budai pakati pavo, muzviravure, ndizvo zvinotaura Ishe, musabata chinhu chine tsvina; ini ndichakugamuchirai. Ndichava baba venyu, nemi muchava vanakomana navanasikana vangu, ndizvo zvinotaura Ishe unesimba rose” (2 vaKori 6:17,18).TaH 70.2

    Larger font
    Smaller font
    Copy
    Print
    Contents