Loading...
Larger font
Smaller font
Copy
Print
Contents
Tariro Huru - Contents
  • Results
  • Related
  • Featured
No results found for: "".
  • Weighted Relevancy
  • Content Sequence
  • Relevancy
  • Earliest First
  • Latest First
    Larger font
    Smaller font
    Copy
    Print
    Contents

    Zvakaitwa nekuda Kwemunhu

    Denga rose rakaona kururamisira kwaMwari kuchiiswa pachena. Rusifa ainge ati rudzi rwakatadza urwu haruchadzikinuriki. Asi shamhu yemurairo yakawira panalye ainge akaenzana naMwari. Munhu ainge akasununguka kugamuchira hutsvene hwaKristu uye nekuzvininipisa kukuru aizokurira simba raSatani.TaH 14.2

    Asi Kristu haana kuuya panyika nekuzofa pamuchinjikwa nechinangwa chekudzikinura munhu chete, kwete. Kristu akauyawo kuzoratidza nyika dzose kuti mutemo waMwari haushanduki. Rufu rwaKristu runoratidza kuti mutemo uyu haushanduki uye kuti, ngoni nekururamisira ndizvo zviri nheyo yehurumende yaMwari. Mukutonga kukuru zvichaoneswawo kuti hapana chikonzero chechivi chingawanikwa. Apo mutongi wepasi rose achabvunza Satani, “nemhaka yei iwe wakandimukira?” muvambi wezvakaipa haawani chikonzero kana pembedzo.TaH 14.3

    Mukuchema kwake Tenzi achifa pamuchinjikwa, ” Zvapera”, kwakavawo kuridzwa kwebhera rerufu rwaSatani. Hondo huru yamakore yakaratidza mukundi zvino, kubviswa kwechivi kukava chokwadi apa. “...Zuva rinouya, rinopisa sechoto; ipapo vose vanozvikudza, navose vanoita zvakaipa vachava samashanga; zuva rinouya richavapisa rikasavasiyira mudzi kana davi...”( Mal 4:1). Chivi hachichazovipozve. Mutemo waMwari uchakudzwa semutemo wekusununguka. Zvisikwa zvese zvakaedzwa zvikakunda hazvichazombopandukiri iye akaratidzwa ari rudo rusinganzwisisiki uye ruzivo rusingagumi.TaH 15.1

    Larger font
    Smaller font
    Copy
    Print
    Contents