Loading...
Larger font
Smaller font
Copy
Print
Contents
Tariro Huru - Contents
  • Results
  • Related
  • Featured
No results found for: "".
  • Weighted Relevancy
  • Content Sequence
  • Relevancy
  • Earliest First
  • Latest First
    Larger font
    Smaller font
    Copy
    Print
    Contents

    Nhema Dzokutanga

    Uyo akavimbisa hupenyu mukusateerera ndiye munyengeri mukuru. Kudaidzira kwenyoka muEden, ‘Hamungafi zvirokwazvo” kwakava mharidzo yekutanga yakaparidzwa pamusoro pekusafa kwemweya. Mharidzo iyoyi yaSatani inotoparidzwa mumakereke ichigamuchirwa neruzhinji rwavanhu sezvayakagamuchirwa nyore kwazvo nevabereki vedu vekutanga. Kutonga kwedenga, “Mweya unotadza uchafa” ( Eze 18:20), kunobva kwamonyororwa kuti kureve kuti mweya unotadza haungafi asi kuti uchararama nekusingaperi. Paakanga aputsika, dai munhu akatenderwa kuramba achisvika pamuti wehupenyu chivi chaingadai chakapfekedzwa kusafa. Asi hapana kana mumwe wemhuri yaAdamu akatenderwa kutora muti wehupenyu uyu ndicho chikonzero pasina mutadzi asingafí.TaH 36.2

    Mushure mekuputsika kwemunhu Satani akaudza ngirozi dzake kuti dziruke dzidziso dzenhema dzekuti munhu haafi zvirokwazvo. Vaita saizvozvo, vaizokonzera kuti vanhu vararame hupenyu hwekusuruwara nekusingaperi. Zvino muchinda werima anoita sekunonzi Mwari mutongi anotsiva uye ane hutsinye, achitizve anokandira vanhu vose vasingamudi mugehena, nekutizve pavanonga vachirwadziwa vari mumarimi emwoto usingaperi musiki wavo anotarira kwavari achigutsikana. Mukudaro Satani anopfekedza musiki chimiro china iye Satani wochipomera panaMwari. Hutsinye huSatani, Mwari rudo, uye rudo huMwari. Satani imhandu inoedza vanhu kuti vatadze wozovaparadza kana akazvikwanisa. Zvinopesana sei nerudo nyasha nekururamisira kuti vakafa vakaipa vanorwadziswa vari mugehena rinopfuta nekusingaperi, nokuda kwezvivi zvenguva shoma yepanyika ivo votambudzwa mazuva ose ehupenyu vasingafí.TaH 37.1

    Mumwe chiremba wedzidzo akati, ” Kuonekwa kwemarwadzo egehena kunozokudza kwazvo mufaro wevatsvene nekusingaperi, zvovaita kuti vazive kafarire kavarikuita” Ndepapi apo shoko raMwari rinodzidzisa saizvozvo? Kanzwire kevanhu zvingaiswa pachinzvimbo chehutsinye here? Kwete, uku hakuziko kudzidzisa kwebhuku raMwari. ” Nehupenyu hwangu, ndizvo zvinotaura Ishe Jehova, handifariri rufu rwavakaipa asi kuti wakaipa atendeuke panzira yake, tendeukai- tendeukai panzira dzenyu dzakaipa, nokuti muchafireiko imi imba yalsiraeri? (Eze 33:11).TaH 37.2

    Mwari anofarira kuona kushungurudzwa kwevanhu kusingagumi here? Anoda kunzwa kugomera kwezvisikwa muchoto chake here? Kunzwika kwekugomera uku kungave mimhanzi munzeve dzake here? Idzi inhema dzemhando yepamusoro. Mbiri yaMwari haikwidziridzwi nekuraramisa chivi nekusingaperi-peri.TaH 38.1

    Larger font
    Smaller font
    Copy
    Print
    Contents