Loading...
Larger font
Smaller font
Copy
Print
Contents
KURWISANA KUKURU - Contents
  • Results
  • Related
  • Featured
No results found for: "".
  • Weighted Relevancy
  • Content Sequence
  • Relevancy
  • Earliest First
  • Latest First
    Larger font
    Smaller font
    Copy
    Print
    Contents

    CHITSAUKO 18—MUPARIDZI WESHANDUKO WEKUAMERICA

    Mumwe murimi akanga ari murume akatendeka, aine moyo unorevesa, akanga ambodzidziswa kusatenda kusimba reBhaibheri, asi iye pachake aiva nechido chekuziva zvokwadi, ndiye murume akasarudzwa naMwari kuti atungamirire basa rekuparidza kudzoka kwaKristu kwechipiri. Sezvakaitawo vamwe Vaparidzi veRuvandudzo vazhinji, William Miller munhu akakura achirwisana nehurombo kubva pahudiki hwake, zvinova zvakamudzidzisa zvidzidzo zvikuru zvekushandisa simba nekuzviramba. Mhuri yekwaakazvarwa yaizivikanwa nekusununguka, nerudo rwekupa, nekugona kutsungirira, nerudo rwenyika yavo—zvinova tsika dzainyanyo onekwa muchimiro chake. Baba vake vakanga vari musoja akarwa muuto reChimurenga, zvekuti kuoma kwakanga kwakaita hupenyu hwaMiller mumakore ehudiki hwake kuonogona kuva kwakakonzerwa nekutambudzika nekuzvipira kwakaita baba vake mumguva yehondo yakakura iyi. KK 200.1

    Miller akanga ari murume akasimba panyama, kunyangwe pahudiki hwake akaratidza kuti aiva nepfungwa dzakapinza. Paaikura, minongedzo iyi yakaramba ichikurawo pakuonekera. Pfungwa dzake dzaishanda dzichikura zvakanaka, uye aivawo nenyota yekuda kuwana zivo. Kunyangwe zvazvo asina kuwana mukana wekuwana dzidzo kuchikoro chepamusoro, rudo rwake rwekuverenga mabhuku netsika yake yekunyatsofungisisa nekunyatsocherechedza yakamuita kuti ave murume aiva nepfungwa yekupa mutongo wakarurama pamaonero nezvinhu. Akanga ari munhu ane chimiro chinehunhu husina zvipomerwa, achinyanyo zivikanwa nekutendeka, kugona kurarama nezvishoma, uye ruoko rwunopa. Nekuda kwesimba raaknga anaro, akakasika kuva munhu anokwikwidza muhupenyu, asi tsika yake yekuverenga haana kuisiya. Akashanda Mabasa akawanda munezvekutongwa kwematunhu nemuchiuto, zvekuti mikana yekuita pfuma nekukudzwa yakanga yakavhurika kwaari. KK 200.2

    Amai vake vakanga vari mukadzi anoda zvekunamata, zvekuti pahudiki hwake Miller akanga adzidziswa zvinechekuita nechitendero. Mumakore ehujaya hwake, Miller akapindawo muboka revanhu vaitenda munezvamwari, izvo zvaionekwa pakuti vaiva vanhu vaigara zvakanaka munyika, varume vaiva nechimiro chinehunhu nerudo rwekupa. Nekuda kwemararamiro aya, mukati memapoka eChiKristu, zvimiro zvevanhu ava zvakakwezva nekuumbawo zvimiro zvevamwe munharaunda. Kugona kwavo nekurarama kwakavawanisa ruremekedzo, ivo vaifanira kupa mbiri kuBhaibheri; asi kwete nokuti zvipo zvakanaka izvi zvkavarasisa kuzvika pakufurira vanhu kusatenda Bhaibheri. Nekuda kwekushamwaridzana nevanhu ava, Miller akagamuchirawo pfungwa dzavo. Madudziriro avaiita Bhaibheri, akasiya Miller aiine mibvunzo inorema; asi kunyangwe kutenda kwake kutsva uku, kwaisiya Bhaibheri parutivi, kwakaita kuti ashaye chimwe chirinani chaangaisa panzvimbo yaro, saka haana kuwana kugutsikana. Akaramba hake aiine kutenda uku kwemakore angasvika gumi nemaviri. Asi paakasvika makore makumi matatu nemana, Mweya Mutsvene akazadza moyo wake nepfungwa yekuzviona chimiro chake semutadzi. Akaona kuti muchitendero chake, akanga asina vimbiso yerufaro museri meguva. Ramangwana rake rakanga riine dima risina kujeka. Mumakore emberi paakazenge akutaura nezvehupenyu hwakwe hwazuro, Miller akataura kuti: KK 200.3

    “Nyaya yekumedzwa nekunyangarika yaiva pfungwa inorwadza kugamuchira, uye pfunga yekuzozvidavirira yaiparadza vazhinji. Denha ndairiona seNdarira yaiva pamusoro pangu uye nyika seDare pasi petsoka dzangu. Kusingaperi—chaiva chii ichocho? Rufu—Sei rwaivapo? Pandairamba ndichifungisisa, ndairamba dzischiswedera kure nekunzwisisa. Pandaiwedzera kufunga, ndipo paiwedzerawo kepararira kwemhinduro dzangu. Ndakaedza kumira kufunga, asi pfunga dzangu handina kuona kudzimisa. Ndakatambudzika zvechokwadi, asi handina kunzwisisa chikonzero. Ndakagunun’una nekunyunyuta, asi handina kuziva kuti ndaizviitira kunani. Ndaiziva kuti panechinhu china kunaka, asi ndaisaziva kuti ndochiwana kupi uye ndochigadzirisa sei. Ndakachema asi ndisina Tariro.”KK 201.1

    Akararama muchimiro ichi kwemwedzi mizhinji. Anoti iye: “Nekukasika, chimiro chaMuponesi chakatanga kujeka mupfungwa dzangu. Zvakatanga kuuya mupfungwa kuti kunofanira kunge kuine munhu akanaka anetsitsi kuti iye atakure kudarika kwedu, kuti atiponese kubva mukutambudzika pasi pechitema netuso racho. Nekukasika ndakatanga kufunga kuti munhu akadaro iyeye anofanira kunge aine rudo, ndikafungakuti zvaizodii kana ndikazvikandira mumaoko ake, nekuvimba mutsitsi dzeakadaro. Asi mubvunzo wakauya ndewekuti, Zvingazikanwa sei kuti kune munhu akadaro anorarama? Kunze kweBhaibheri, handina humbowo hwekuti kune muponesi akadaro, kana muneramangwana…. KK 201.2

    “Ndakaona kuti Bhaibheri rinenge raidudisa muono wekuti Muponesi akadaro sewandaitsvaga ariko; asi chakandinetsa ndechekuti bhuku rakadaro risina kufemerwa raingabudisa sei zvimiso zvingawirirana nezvinodiwa kubatsira nyika yakawa. Izvi zvakandimanikidza kubvuma kuti Bhaibheri raiva zvakazarurwa zvaMwari. Magwaro akatanga kuva Rufaro rwangu; ndikabva ndawana shamwari munaJesu. Muponesi kwandiri akava mukurusa pakati pevanezviuru gumi; uye Bhaibheri, iro randaimboona mariri kupikisana nedima, iyezvino rakava kwandiri mwenje patsoka dzangu, nechiedza panzira yangu. Pgungwa dzangu dzakatanga kugutsikana. Ndakawanawo kuti Jehovha Mwari ndiye Dombo mukati megungwa rehupenyu. Bhaibheri ndiro rakava chidzidzo change chikuru, uye muchokwadi ndingataura ndichiti, ndkarinzvera nemufaro mukuru. Ndakaona kuti chikamu charo chikuru ndakanga ndisina kumboudzwa nezvacho. Ndakanetseka kuti sei ndakanga ndina kuona kunaka nekujeka uku nezuro, ndikashamisika kuti sei ndaimboriramba. Ndakaona zvidiso zvemoyo wangu zvese zvichibudiswa pachena, ndikaonawo mariri mushonga unorapa zvirwere zvemweya zvose. Ndakasara ndisiisna havi yekuverenga zvimwe zvese, ndikazvipra moyo wangu kutsvaga uchenjeri kubva kunaMwari.” (S. Bliss, Memoirs of Wm. Miller, pages 65-67) . KK 201.3

    Miller akaparidza pachena kutenda kwake muchitendero chaaimbozvidza. Asi shamwari dzake dzaisingatendi hadzina kunonoka kuunza nharo dzemiono iyo iye akanga amboshandisa pakuramba hutsvene hweMagwaro. Panguva iyi akanga asina kugadzirira kuvapindura; asi akafunga achiti, kana Bhaibheri raiva rabva kuna Mwari, raifanira kunge riine mhinduro dzaro mukati maro; uye sezvo rakanga rapiwa kuti ridzidzise munhu, rinofanira kunge richinzwisisika nepfungwa dzake. Akazvipira kudzidza Bhaibheri ega, kuti aone kuti zvese zvainzi zvinopikisana mariri zvingabatana sei.KK 201.4

    Akazvipira kusiya parutivi zvese zvaaimboziva, nokusiya mabhuku ese anodudzira pamusoro pebhaibheri, kubva atanga kuenzanisa vhesi ne mavhesi, achibatsirwa nezvaknyorwa kumupendero kwaro nerimwe bhuku rinobatsira kuwana nekukasika imwe ndima inotaura zvimwechetezvo. Akaenderera mberi achidzidza Bhaibheri zvakarongeka kubvira mubhuku raGenesisi, achiverenga ndima nendima, asingamhanyi kusvika anzwa zvinoreva ndima dzimwe zhinji idzo dzaibhendenuka dzichimusiya asina kushushikana. Kana iwana pamwe pasina kujeka, yakanga iri tsika yake kuenzanisa veshi iyoyo nedzimwe ndima dzairatidza kuti dzinotaura nezvepfungwa imwecheteyo. Vara rimwe nerimwe aiiritendera kuti rireve zvarinoreva mundima yarakanyirwa, uye kana maonero ake iye akawirirana nezviri mundima, zvaibvisa kuoma. Zvaidaro kuti pese paaisangana nendima yakaoma kunzwisisa, ainowana tsanangudzo munedzimwe ndima dzemuBhaibheri. Paidzidza nekunamata achitsvaga kujekeserwa, izvo zvakanga zvambomuomera kunzwisisa pekutanga zvitanga kujekeswa. Akatanga kuona chokwadi chinotaurwa muPisarema rinoti: “Kuzarurwa kwemashoko enyu kunopa chiedza; kunopa njere kuna vasina mano” Mapisarema 119:130.KK 202.1

    Nechido chikuru Miller akadzidza bhuku raDanieri pamwe neraZvakazarurwa, achingoshandisa nzira imwechetewo yekududzira sezvaaingoita mamwe matsamba., ndokubva awana, nemufaro mukuru kuti mifananidzo yechiporofita inogona kunzwisisika. Akaonawo kuti zviporofita izvo zvakanga zvatozadziswa, zvaknga zvazadzikiswa chaizvo semanyorerwo azvakaitwa; uye kuti minongedzo mizhinji, mazwi ekufananidzira, mifananidzo, masoko anofanana, nezvimwe zvakadaro, zvaitsanangurwa panedzimwe nzvimbo, mundima yacho iyoyo, kana munemamwewo mavhesi ari munemamwe mabhuku, uye kuti kana zvatsanangurwa, zvaizwisisika sezvazviri muupenyu. Miller anoti: “Ndakagutsikana, kuti Bhaibheri chirukwa chezvokwadi yakazarurwa, zvikapiwa pachena uye zvakareruka kumunhu mufambi, zvokuti kunyangwe benzi, haringafaniri kurashika munzira.” — (Bliss, page 70). Hoche koche yezvokwadi yakaita seketani yakabatsira basa rekudzidza bhaibheri kwaMiller, apo aitevedza nhanho nenhanho mumitsara mikuru yezviporofita. Ngirozi dzedenga dzaitungamirira pfungwa dzake nekuzarura kunzwisisa kwake Magwaro. KK 202.2

    Musure mekusherechedza kazadzisirwo kakaita zviporofita kare semunongedzo wekuzadziswa kuchaitwa zviporofita zveramangwana, Miller akanzwisisa kuti pfungwa yaigamuchirwa nevazhinji yekutonga kwaKristu pamweya, uye kuzovapo kwekazororo kemakore chiuru kaizopera asi nyika isati yaguma, zvese izvi zvaisatsigirwa neShoko raMwari. Dzidziso iyo yainongedzera kuti makore chiuru aizovapo ekururama nerugare asi Kristu asati adzoka kechipiri, yaibvisa panzvimbo munongedzo wekutambudzika kuchavapo nezuva raJehovha. Asi kunyangwe zvichifadza kunzwa, zvaipikisana nedzidziso yaKristu pamwe nevadzidzi vake, ava vakataura kuti zviyo nemashawi zvichakurirana pamwechete kuzvikira pakukohwa, kunova kuguma kwenyika; uye kuti “vanhu vakaipa navanyengeri vachanyanyisa pakuipa;” kuti “namazuva okupedzisira nguva dzokutambudzika dzichasvika;” uye kuti umambo hwerima huchavapo kusvikira pakuonekwa kwaJesu uye huchazoparadza nemweya wemuromo Wake nekuputswa nekupenya kwekuuya kwake (Mateo 13:30, 38-41; 2 Timotio 3:13, 1; 2 Vatesaronika 2:8).KK 202.3

    Dzidziso yekutendeuka kwenyika yose nekutonga kwaKristu pamweya haina kumbodzidziswa neKereke yevaApostora. Haina kumbobvira yagashirwa neMaKristu kusvikira mumakore ekuvamba kweSenjuri yegumi nemasere. Sedzimwe mhosho dzese, dzidziso iyi yaiva nematuso akaipa mairi. Inoda kudzidzisa vanhu kuti vatarisire kuuya kwaJesu munguva irimberi-mberi, asi ichivatadzisa kuona zviratidzo zvinodaidzira kusvika kwake. Dzidziso iyi inoisa muvanhu pfungwa yekugutsikana nekunzwa vasina chavanotya zvichivaita kuti varege kugadzirirra kusangana naTenzi. KK 203.1

    Miller akaona muBhaibheri kuuya kwaJesu kwechokwadi kuri pachena. Pauro anoti: “Ishe amene achaburuka kudenga nekudanidzira, nezwi romutumwa mukuru, nehwamanda yaMwari” 1 VaTesaronika 4:16. Uyewo Muponesi akataura kuti: “Vachaona mwanakomana womunhu achivuya pamusoro pamakore okudenga nesimba nokubwinya kukuru,” “nokuti semheni inobva kumabvazuva ichipenyera kumavirira ndizvo zvichaita kuvuya kwoMwanakomana womunhu” (Mateo 24:30, 27). Achange achiuuya nehondo dzokudenga. “Zvino kana Mwanakomana womunhu achvuya nokubwinya kwake, navatumwa vatsvene vanaye (Mateo 25:31). “Uchatuma vatumwa vake nehwamanda huru, vachavunganidza vasanangurwa vake” (Mateo 24:31) .KK 203.2

    Pakuuya kwake vatsvene vakafa vachamutswa, ukuwo vapenyu vakarurama vachashandurwa. Pauro anoti: “Hatingavati tose, asi tichashandurwa tose, pakarepo, nokubwaira kweziso, nehwamanda yokupedzisira; nokuti hwamanda icharira, ipapo vakafa vachamutswa nokusavora, nesu tichashandurwa. Nokuti ichi chinovora chinofanira kufuka kusavora, nechichi chinofa chinofanira kufuka kusafa’ (1 VaKorinte 15:51-53). Uye mutsamba yake kuVatesaronika, musure mekutsanangura kuuya kwaTenzi, anoti: “Vakafa munaKristu vachatanga kumuka; isu vapenyu vakasara tichakumbana navo mumakore, kuti tichingamidze ishe mudenga: ipapo tichava naShe nguva dzose.” (1 VaTesaronika 4:16, 17). KK 203.3

    Vanhu vaKristu havazowani humambo kusvikira iye pachake avuya. Muponesi akati: “Zvino kana Mwanakomana womunhu achivuya nokubwinya kwake, navatumwa vatsvene vanaye, uchagara pachigaro chake chovushe chokubwinya. Namarudzi ose achavunganidzwa pamberi pake, ucharavura somufudzi unoravura makwai nembudzi: Uchaisa makwai kurudyi rwake, mbudzi kuruboshwe. Zvino ishe uchati kunavari kurudyi vuyai imi makaropafadzwa naBaba, mugare nhakayovushe hwakagadziriremwi kubva pakuvamba kwenyika” (Mateo 25:31-34) . Taona kubva mumagwaro apiwa pamusoro kuti kana Mwanakomana womunhu achuya, vakfa vachamutswa nokusavora, uye vapenyu vachashandurwa. Neshanduko iyi huru vachagadzirirwa kugamuchira humambo; nokuti Pauro anoti: “Nyama neropa hazvingagari nhaka youshe hwaMwari, nokuvora hakungagari nhaka yokusavora.” (1 VaKorinte 15:50) . Munhu muchimiro chake zvino anofa, anovora; asi humambo hwaMwari hauna kuvora, hunogara nokusingaperi. Saka munhu muchimiro chake zvino haangapindi muhumambo hwaMwari. Asi kana Jesu ouya, achapa kusafa kuvanhu Vake; obva avashebedza kuti vagare nhaka yovushe uhwo parizvino vangoriri vadyi venhaka yahwo.KK 203.4

    Izvi nemamwe Magwaro zvakaburitsa pachena kunaMiller kuti zviitiko zvaitarisirwa kazhinji kuti zviitike Jesu asati auya, zvakafanana nekuvapo kwerunyararo mupasi rese nekugadzwa kwehumambo hwaMwari panyika, zviafanira kuzouya mushure mekuuya kwaKristu kwechipiri. Pamusoro pazvo, zviratidzo zvose zvenguva nechimiro chenyika zvaiwirirana netsanangudzo dzemazuva ekupedzesera muchiporofita. Mushure nekudzidza Bhaibheri rega, Miller akamanikidzwa kutenda kuti nguva yakanga yatarirwa nyika ino muchimiro chairi yakanga yave kupera. KK 204.1

    Anotaura achiti: “Chimwe chinhu chakabata pfungwa dzangu, humbowo wekurongeka zvakatevedzana kwBhaibheri … Ndakawana kuti zviitiko zvakaporofitwa zvikazadziswa munguva dzapfuura, zvakaitika munguva yakatarwa. Makore zana nemakumi maviri emurove (Genesi 6:3); mazuva manomwe mvura isati yanaya, nemazuva makumi mana ekunaya kwemvura (Genesi 7:4); Makore mazana mana ehutorwa hwevana vaAbrahama (Genesi 15:13); Mazuva matatu ekurota kwemubiki wechingwa nemusvini wewaini (Genesi 40:12-20); makore manomwe aFarao (Genesi 41:28-54); makore makumimana emurenje (Numeri 14:34); makore matatu nehafu enzara (1 Madzimambo 17:1) [ona Ruka 4:25;] ... makore makumi manomwe ehubatwa (Jeremia 25:11); nguva nomwe dzaNebukadinezari (Daniere 4:13-16); uye mavhiki manomwe, makumi matanhatu nevhiki mbiri, nevhiuki imwe, zvichigadzira mavhiki makumi manomwe, dzkatemerwa vaJudha (Daniere 9:24-27),— nguva dzakatarwa muzviitiko izvi zvose zvaingoitika nekuda kwekuporofitwa kwazvo, zvikazadzikiswa sekutaurwa kwazvakanga zvaitwa”.—(Bliss, pages 74, 75). KK 204.2

    Apo Miller, mukudzidza kwake Bhaibheri, akawana humbowo hwekutevedzana kwenguva dzemakore, sekunzwisisa kwaaiita, dzichitandavara kunosvika pakudzoka kwaKristu kechipiri, haana kukahadzika kufunga kuti nguva idzi “dzakanga dzakarongedzwa kare” dzikaratidza naMwari kuvaranda vake. Moses anotaura achiti: “Zvinhu zvakavanzika ndezvaJehovha Mwari wedu: asi zvinhu zvatakaratidzwa pachena ndezvedu, isu nevana vedu nokusingaperi,” Uye Jehovha vanotaura kuburikidza nemuporofita Amos kuti: “Havangaiti chinhu, vasina kuzarurira zvakavanzika zvavo kuvaranda vavo vaporofita.” (Deuteronomio 29:29; Amosi 3:7) . Saka vadzidzi veShoko raMwari, vanogona kumira vakasimba vachitarisira chiitiko chikuru kuti chizoitika munhoroondo yevanhu zviri pachena sezvakataurwa muMagwaro echokwadi. KK 204.3

    Miller anoti: “Apa ndainyatsogutsikana,” kuti “Rugwaro rwose rwakapiwa nekufemera kwaMwari, rwunobatsira pakudzidzisa,” (2 Timotio 3:16); kuti harwuna kutongovuya nokuda kwomunhu, asi vanhu vatsvene vaMwari vakataura vachimutswa noMweya Mutsvene (2 Petro 1:21), uye “zvakanyorwa kuti isu tidzidze tive netariro inobva pakutsungirira napakunyaradza kwaMagwaro” (Varoma 15:4), Uye ndaitorawo ndima dzinotevedzana zvakarongeka muBhaibheri sechikamu cheShoko raMwari, uye zvakakoshera kudzidza kwedu, sezvingangoita zvimwe zvikamu zvose zvemuMagwaro. Ndakanzwisisawo kuti mukuyedza kwangu kunzwisisa izvo Mwari kuburikidza nenyasha dzake akaona zvakakosha kuti buritsira pachena, ndakanga ndisina kodzero yekusiya paritivi dzimwe nguva dzemuzviporofita.”—Bliss, page 75. KK 204.4

    Chiporofita chakanyatso buritsa pachena nguva yekudzoka keaJesu kechipiri chiri muna Danieri 8:14: “Kusvikira madekwana namanganani ane zviuru zviviri namazana matatu; ipapo nzvimbo tsvene ichanatswa.” Achitevera mutemo wake wekuti Bhaibheri rinozvidudzira roga, Miller akadzidza kuti zuva rimwe mumunongedzo wechiporofita rinomirira gore rimwechete (Numeri 14:34; Ezekieri 4:6); akaona kuti nguva inomirirwa nemakore ane zviuru zviviri namazana matatu ehiporofita, kana mazuva chaiwo, kana makore chaiwo, achatandavara kusvika mberi apo mutsa uchavharwa munguva yeVaJudha. Miller akagamuchirawo pfungwa yainyanya kugamuchirwa muchiKristu yekuti nyika ino ndiyo Sangichuari, saka kunatsva kwenzvimbo tsvene kwakataurwa muna Danieri 8:14 kwaimirira kunatswa kwenyika ino nemoto pakuuya kwaJesu kechipiri. Saka kana izvi zvaiva chokwadi, kurevawo kuti akawana panotangira chaipo nguva makore ane zviuru zviviri namazana matatu, saka nguva yekudzoka kwaKristu yaizozivikanwa. Saka nguva yekuzara kwezvinhu zvose yaizova pachena, nguva iyo chimiro chiripo iyezvino, chine “kuzvizvudza kwese nemasimba, kuzvikudza pasina, huipi nehudzvinyiriri, yaifanira kuguma;” apo chituko “chaizobviswa panyika, rufu rwuchiparadzwa, varanda vaMwari vachipiwa mubairo, vaparofita nevatsvene, neavo vanotya Zita Rake, uye avo vanoparadza nyika vachiparadzwa.”—Bliss, page 76. KK 205.1

    Nechido chitsva uye chakadzika, Miller akaenderera mberi achinzvera nekuongororra zviporofita, achipedza imwenguva husiku hwose nemasikati mukudzidza izvo zvaakanga aona zvino kuti zvinokosha uye zvinodikanwa. Muchitsauko chesere chaDanieri, haana kuwana munongedzo wepangatangira nguva yemakore ane zviuru zviviri namazana matatu; nokuti ngirozi Gabrieri, kunyangwe yakarairwa kuti ipe Danieri kunzwisisa muono uyu, yakangomupa chidimbu chetsananguro yacho. Apo kutambudzwa kunotyisa kuchawira Sangano kwakarapanurwa mumuono wemuporofita, simba rake rakapera. Haana kukwanisa kuramba akamira, ngirozi ikabva yamusiya kwechinguvana. Dhanieri “akapera simba akarwara kwemazuva.” Anoti “Ndakashamiswa nezvandakaratidzwa, asi kwakanga kusina munhu wainzwisisa.” KK 205.2

    Asizve Mwari vakanga varaira kumutumwa wavo kuti: Yet God had bidden His messenger: “Gabhrieri, dudzira munhu uyu zvaakaratidzwa” saka kuraira uku kwaifanira kuzadzikiswa. Mukuteerera kurara uku, Ngirozi, munguva yakazotevera, yakadzoka kunaDhanieri ikati: “Dhanieri, ndauya zvino kukuvigira njere nokunzwisisa;” Naizvozvo chinzwa unzwisise muono” (Dhanieri 8:27, 16; 9:22, 23, 25-27). Pakanga paine chikamu chimwe chemuono wemuchitsuko chesere chakanga chasiiwa chisina kutsanangurwa, icho chinechekuita nenguva yemakore ane zviuru zviviri namazana matatu; saka Ngirozi, pakuenderera mwayo mberi nekutsanangura, inonyanyo tarisa panyaya yenguva iyi ichiti: KK 205.3

    “Vhiki dzinamakumi manomwe dzakatemerwa vanhu vako neguta rako dzvene … Naizvozvo chiziva unwisise, kuti kubva pakutemwa kwomurairo wokuvandudza nokuvaka Jerusarema kusvikira kunowakazodzwa, iye muchinda, zvichaita vhiki nomwe; uye vhiki dzinamakumi matanhatu nembiri: dzichavapo dzokuvakwa kwaro, riine misika nemigwagwa, asi zvichaitwa nenguva yokutambudzika. Zvino kana vhiki idzo dzinamakumi matanhatu nembiri dzapera, akazodzwa achabviswa, akasara asina chinhu…Zvino iye uchaita sungano yakasimba navazhinji vhiki imwe: pakati pevhiki achagumisa chibairo nechipo.” KK 205.4

    Ngirozi yakanga yatumwa kuna Danieri nechikonzero chimwe chekuti imutsanangurire chikamu icho akanga atadza kunzwisisa muchitsauko chesere, shoko rekuti— “Kusvikira madekwana namangwnani anezviuru zviviri namazana matatu, ipapo nzvimbo tsvene ichanatswa.” Mushure mekuraira Dhanyeri achiti: “Chinzwa unzwisise muono,“ mashoko ekutanga emutumwa anoti: Vhiki dzinamakumi manomwe dzakatemerwa vanhu vako neguta rako dzvene… Vara rakashandurwa apa richinzi “Dzakatemerwa” rinoreva kuti “kudimburwa.” Vhiki dzinamakumi manomwe dzinomirira makore mazana mana namakumi manomwe dzinotaurwa nemutumwa kuti dzakadimburwa sechikamu chenguva yakapiwa kurudzi rweVaJudha. Asi mubvunzo woti, ‘dzakadimburwa’ kubva payi? Sezvo mazuva anezviuru zviviri namazana matatu ariiwo nguva bedzi irikutaurwa nezvayo muchitsauko chesere, inofanira kunge iriyo nguva refu iyo vhiki dzinamakumi manomwe dzirikudimburwa kubva mairi; saka vhiki makumi mamnomwe idzi chikamu chemazuva anezviuru zviviri namazana matatu, uye nguva idzi dzose dzirimbiri dzinofanira kutanga panguva imwechete. Vhiki dzinamakumi manomwe dzinotaurwa nemutumwa kuti dzichatanga kubva panotemwa murairo wekuvandudza nekuvaka Jerusarema. Kana zuva rakatemwa murairo uyu rikawanikwa, zvinorevawo kuti panotangira nguva refu yemazuva zviuru zviviri zvinamazana matatu panobva pazikamwa. KK 206.1

    Muchitsauko chechinomwe chebhuku raEzra ndimo munowanikwa chirevo ichi. Mumavhesi anobva paneyegumi nembiri kusvika pamakumimaviri nenhanhatu (12-26). Mukutemwa kwechirevoo ichi, chakaitwa naArtaxerxes, Mambo wevaPersia, muna457 B.C. Asi muna Ezra 6:14 imba yaJehovha inonzi yakavakwa “zvichitevedzwa chirevo wakatemwa namambo Cyrus naDarius, na Artaxerxes, mambo wePersia.” Madzimambo matatu aya ndivo vakati umwe “akatanga”, umwe “akasimbisa”, umwe ‘akazopedzisa’ chirevo ichi, kubva achikwanisa semurairo unopa zuva repanotangira nguva yemakore zviuru zviviri namazana matatu sezvirikubuda muchiporofita. Tikatora gore ra457 B.C., nguva iryo chirevo chakatemwa chakazadziswa namambo, rikava ndiro zuva rekutemwa komurairo, zvimwe zvese zvinotaurwa nechiporofita pamusoro pavhiki makumi manomwe zvinobva zvaratidza pazvakazadziswa. KK 206.2

    “Kubva pakutemwa kwomurairo wokuvandudza nokuvaka Jerusarema kusvikira kunowakazodzwa, iye muchinda, zvichaita vhiki nomwe; uye vhiki dzinamakumi matanhatu nembiri”—kureva, vhiki dzinamakumi matanhatu nepfumbamwe, kanakuti zvichidudzirwa, makore mazana mana namakumi masere namatatu. Chirevo chamambo Artaxerxes chakatanga kubata mumasutso egore ra 457 B.C. Kubva pazuva iri, makore anamazana mana namakumi masere namatatu akatandavara kusvika mumasutso egore raA.D.27. Munguva iyi chiporofita ichi chakazadziswa. Vara rekuti ‘Mesiya’ rinoreva “uyo Wakazodzwa.’ Mumasutso egore raA.D. 27, Kristu akabhabhatidzwa naJohane akagamuchira kuzodzwa kwaMweya Mutsvene. Muapostori Petro anopupura kuti “Mwari wakazodza Jesu weNazareta neMweya Mutsvene nesimba.” (Mabasa10:38) . Uye iye Muponesi pachake akataura kuti: “Mweya WaShe uripamusoro pangu, nokuti wakandizodza kuti ndiparidze vhangeri kuvarombo.” (Ruka 4:18). Musure mekubhabhatidzwa kwake akaenda muGareria, “achiparidza vhangeri yehumambo hwaMwari, achiti, “Nguva yazadziswa.” (Marko 1:14, 15). KK 206.3

    “Iye uchaita sungano navazhinji kwevhiki imwe.” “Vhiki imwe” irikuratidzwa apa ndiyo ‘vhiki’ yekupedzisira pamavhiki makumi manomwe; zvichireva ‘makore manomwe’ ekupedisira enguva yemakore mazana mana nemakumi mapfumbamwe akatemerwa vaJudha. Munguva iyi, inotandavara ichibva mugore raA.D. 27 kusvika gore reA.D. 34, apo Kristu, pakutanga iye pachake semunhu, zvichizopedziswa nevadzidzi vake, vakaparidza vhangeri rerukoko kuvaJudha. Apo vaApostora vakafamba nenyaya dzakanaka idzi dzehumambo, rairo yaMuponesi kwavari yaiti: “Musapinda munzira dzvahedheni, kana muguta reVaSamariya: asi endai kumakwayi akarasika eimba yaIsraeri” (Mateo 10:5, 6). KK 207.1

    “Pakati pevhiki achagumisa chibairo nechipo.” Mugore raA.D. 31, makore matatu nehafu musure mekubhabhatidzwa Kwake, Ishe wedu akaroverwa pamuchinjikwa. Nechibairo chikuru chakapirwa paKarivhari, tsika yezvibairo nezvipiriso yakagumiswa iyo yakanga yaitwa kwezviuru zvemakore ichinongedzera kukuuya kweGwayana raMwari. Mufananidzo wkangwa zvino wadudzirwa nechawaimirira, uye zvibairo zvose nezviga zvemirairo yetsika zvaifanira kumiswa. KK 207.2

    Vhiki dzinamakumi manomwe, kana kuti makore mazana mana mamakumi mapfumbamwe, akanga atemerwa vaJudha akabva apera, sezvataona, mugore raA.D. 34. Panguva iyi, kuburikidza nemutongo wkaitwa nedare reSanihedhirini revaJudha, nyika yakazadzisa kuramba kwayo vhangeri nekutakwa nemabwe kwakaitwa Stepfano nekutanga kutambudzwa kwakaitwa vateveri vaKristu. Zvino shoko reruponeso, harina kuzoramba rakanangiswa kurudzi rwakasanangurwa chete, asi rakabva rapiwavo kunyika yose. Vadzidzi vaJesu, vakamanikidzwa kutiza kubva muJerusarema, “vakaenda kwese kwese vachiparidza shoko.” “Firipo akaenda kuguta reSamariya, akanoparidza Kristu kwavari.” Petro, achitungamirirwa neDenga, akazarura vhangeri kumukuru wezana weKesaria, murume aitya Mwari anonzi Konerio; ukuwo mushingi Pauro, akawana kutenda muna Kristu, akatumwa kutakura vhangeri rakanaka kuenda “kure kuVahedheni” (Mabasa 8:4, 5; 22:21). KK 207.3

    Patinoona kunyatsozadziswa kwezvirevo zvechiporofita, uye kuvamba kwemavhiki makumi manomwe kunoratidza zvisina mubvuno kuva mugore ra457 B.C., uye kupera kwadzo mugore raA.D. 34. Kubva pahubowo uhu, hazvizhanetsi kutema panoperera mazuva anezviuru makumi maviri nemazana matatu. Vhiki dzina makumi manomwe- dzinova mazuva mazana mana namakumi manomwe- kana dzichidimburwa kubva mumazuva anezviuru zviviri namazana matatu, kunosara mazuva anechiuru chimwe namazana masere anegumi. Pakupera kwemazuva mazana mana namakuni mapfumbamwe, mazuva anechiuru chimwe namazana masere anegumi akasara asina kuzadzikiswa. Kubva mugore raA.D. 34, makore anechiuru namazana masere ane akatandavara kusvika mugore ra1844. Zvazvinoreva ndezvekuti mazuva anezviuru zviviri namazana matatu emuna Dhanieri 8:14 anopera mugore ra1844. Pakupera kwechiporofita chikuru ichi, mukutaura kwemutumwa waMwari, “nzvimbo tsvene ichanatswa.” Zvinoreva kuti nguva yekunatswa kweTemberi, izvo zvaitendwa nenyika yose kuti zvichareva kuuya kwaJesu kechipiri, zvakabuda pachena.KK 207.4

    Miller neshamwari dzake pakutanga vaitenda kuti mazuva anezviuru zviviri namazana matatu aizopera munguva yekunaya kwemvura mugore ra1844, asi chiporofita ichi chaireva nguva yemasutso egore rimwechetero. Kusanzwisisa pfungwa iyoyi ndiko kwkaunza kukuhunika kukuru nekushushikana kuneavao vakanga vatara zuva rekumashure sairo apo Jesu aifanira kudzoka. Asi izvi hazvina kushaisa simba pfungwa inoratidza kuti makore anezviuru zviviri namazana matatu akapera mugore ra1844, asi kuti chiitiko chikuru chaitarisirwa kuitika gore iri, chaifungwa kuti ndicho chinomiririrwa nekunatswa kwenzvimbo tsvene ndicho chisina kuitika. KK 208.1

    Mukudzidza kwake Bhaibheri, sezvaasiita, kuti aburitse pachena kuti uyu waiva muono wakazarurwa naMwari, Miller haana kufungira kubva pakutanga kuti chidzidzo ichi chaizoumusvitsa apa paakazosvika. Iye pachake zvakamunetsa kutenda zvakazowana mukudzidza kwake uku. Asi humbowo hweMagwaro hwaiva pachena zvisingagoni kurambika. KK 208.2

    Akanga apedza makore maviri ekudzidza Bhaibheri, apo mugore ra1818, akasvika pakutenda kuti mushure memakore angaita makumi maviri nemashanu, Kristu aifanira kuonekwa achizodzikinura vanhu vake. Miller anoti: “Handigoni kutaura, Rufaro rwkazara mumoyo mangu pandakona pfungwa iyi, kana kutaura nezvekutsunga kwakaita moyo wangu kugadzirira kuzogovana nevamwe murufaro rwevakaponeswa. Bhaibheri zvino kwandiri rakava bhuku idzva. Idi rakava semabiko akagutsa pfungwa dzangu; nokuti zvose zvakanga zvakavanzika, zvakanga zvisinagnzwisisiki, kanazvaiva murima mukudzidzisa kwaro, zvkanga zvabviswa kubva mundangariro dzangu kpakusvika kwechedza chakajeka chakabuda mumashizha anoyera endima dzaro; uye, oh, kubwinya kwakadai kwechiedza kwakaratidzwa! Zvose zvaiombita kunge zvisina sungawirirano nekupikisana muShoko, ndakaona zvino kuti zvakanga zvabviswa; uye kunyangwe kusvika zvino pakanga pachiine dzimwe ndima dzandaisanzwisisa, ndkanga ndagutsikana, asi chiyedza chakawanda chakanga chabuda mariri kupenyera pfungwa dzangu dzakambenge kare dziri mudima, zvekuti ndakanzwa mufaro wandakanga ndisina kunzwa kare nekusaziva kuti ungabuda mukudzidza Bhaibheri.” Bliss, pages 76, 77. KK 208.3

    “Nekugutsikana kuti zviitiko zvenguva izvi zvakagara zvataurwa muMagwaro zvaknga zvichazadziswa nenguva pfupi, mubvunzo wakauya kwandiri nesimba guru ndewekuti ndaizofanira kuita sei sebasa rangu kunyika, kana ndakatarisa humbowo hwkanga hwabatawo nemweya wangu.”—Ibid., page 81. Miller akanzwa kuti raitovawo basa rake kuti azivise vamwe chieyedza chaakanga agashira. Akkatarisirawo kusangana nekupikiswa nevanahu vasingadi Mwari, asi akava nehushingi hwekuti maKristu ese achafara kwazvo mutariro yekusangana naMuponesi wavaitaura kuti vanomuda. Chaangotyira ndechekuti mukufara kwavo kukuru mutariro yekudzikinurwa, uko kwakanga kwava pedyo kuzandikiswa zvakadaro, vazhinji vachagamuchira dzidziso iyi vasinakunyatsonzvera maGwaro kuti vaonewo zvokwadi yacho. Nokudaro, Miller akazeza kuparidza nyaya iyi, achitya kuti anogona kunge asina chokwadi chakzara pairi, akazoguma arasisa vamwe. Izvi zvakmutuma kuti ambocherechedza zvakare humbowo uhu kuti hunotsigira here miono yaakanga ava nayo, uye kuti anyatsocherechedza zvikukutu zvaiva zvaiva mupfungwa dzake pamusoro penyaya iyi. Akaona kuti zvose zvaida kupikisa zvainayngarika kana zvtarisana nechiyedza cheShoko raMwari sezvinoita mhute kana yasangana nemaranzi ezuva. Mushure mekupedza makore mashanu mukunzvera, zvakamusiya anyatsogutsikana kuti izvi zvaiva chokwadi.KK 208.4

    Saka zvino chidiso chebasa rekuudza vamwe zvaakanga achitenda kuti zvaidzidziswa pachena muMwagwaro, chakmusunda nesimba rakakura. Akataura kuti: “Pangaiita Mabasa enyu emazuva ese, zvairamba zvichiungira munzeve dzangu zvichiti, ‘enda unoyambira nyika nezvenjodzi iyi.’ Ndima iyi yemuBhaibheri yairamba ichiuya mupfungwa dzangu ichiti: “Kana ini ndikati kune wakaipa, iwe munhu wakaipa, uchafa zvirokwazvo, iwe ukasataura kuti unyevere wakaipa panzira yake, munhu uyo wakaipa achafa nokuda kwezvakaipa zvake, asi ropa rake ndicharubvunza paruoko rwako.’ Asi kana ukanyevera wakaipa pamusoro penzira yake, uchiti atendeuke pairi, akasataendeuka panzira yake, iye uchafa nokuda kwezvakaipa zvake, asi iwe warwira mweya wako” (Ezekieri 33:8, 9). Ndakaona kuti kana munhu wakaipa achogona kuyambirwa zvikabatsira, vazhinji-zhinji vavo vaigona kuzotendeuka; asi kana vasina kuyambirwa, ropa ravo ringabvunzwa paruoko rwangu.”—Bliss, peji 92. KK 209.1

    Miller akatanga kudzidzisa miono yake asi pakavanda kana awana mukana, achinamatira kuti pangaite muparidzi angaona simba renyaya idzi akazvipira kudziparidzira. Asi haana kugona kudzima pfungwa yaiva maari yaiti iye amene aiva nemutoro wekuendesa nyevero iyi kuvanhu. Mashoko aya airamba achiungira mupfungwa dzake: “Enda unoyaurira nyika, ropa ravo ndicharibvunza paruoko rwako.” Akamira kwemakore mapfumbamwe asati aparidza, asi mutoro wakaramba uchirema pamweya wake, kusvikira mugore ra1831 ndipo paakazotanga kubuda pachena kuvanhu zvikonzero zvekutenda kwake. KK 209.2

    Sezvakaita Erisha paakadanwa achibva pakutevera nzombe mumunga, kuti anogamuchira hanzu yekuzodzwa mubasa rehuporofita, ndizvo zvakitawo William Miller, akadanwa kuti asiye basa rake rekurima achienda kunozarurira vanhu zvkavanzika zvehumambo hwaMwari. Nekudedera, akapinda mubasa rake, achitungamirira vateereri vake danho nedanho, achitevedza nguva dzezviporofita kusvikira pakudzoka kwaKristu kechipiri. Simba raiwedzera apo aishanda, uye kusatya kwaiwedzerawo apo aiona chido chaimutswa muvanhu nemashoko ake. KK 209.3

    Mushure mekukurudzirwa nehama dzake, Miller akanzwa izwi raMwari mavari richimudana, ndipo paakabvuma kuparidza nyaya dzake paruzhinji. Panguva iyi akanga ave nemakore makumi mashanu ekuzvarwa, asina kujaira kutaura paruzhinji, achinzwa mutoro mukuru wekuzviona asina kufanira kuita basa rakanga riri pamberi pake. Asi kubvira pakutanga, basa rake rakawana chikomborero nekuponewa kwemweya muzhinji. Mharidzo yake yekutanga yakaropafdzwa zvikaonekwa nekutendeuka kwemhuri dzinosvika gumi nenhatu kunze kwevanhu vaviri vakasara. Nekukasika akakumbirwa kunoparidza kunedzimwe nzvimbo, uye munzvimbo dzese dzaakaenda kwakita rumutsiriro rwebasa raMwari. Vatadzi vakatendeuka, Vatendi vakamutsiridzwa vakawedzera kuzvipira, uyewo vanotenda kunaMwari nevasingatendii vese vakabvuma kuzvokwadi yemuBhaibheri nekuchitendero cheChiKristu. Vanhu vaaiparidzira vakapupura vachiti: “Mapoka evanhu anosvikirwa naye, asi zvisingaitwi nesimba revamwe vanhu.”—Ibid., page 138. Kuparidza kwake kwakanga kwakagadzirwa nenzira yekuti kwaimutsa pfungwa dzevazhinji uye kwaidzivisa kukura kwekuda nyika nekusazvibata kwemazuva iwayo. KK 209.4

    Mumaguta anenge ese kwaiwanikwa vanhu vanemakumi, munemamwe maguta mazana evanhu avo vaitendeuka nekuda kwekuparidza kwake. Munedzimwe nzvimbo maSangano echiProtestant emarudzi anenge ese aizarurwa kuti aparidze, uye marukoko ekuenda kunoparidza aibva kuVafundisi vemasangano mazvhinji. Yaknga iri tsika yake kuti haaendi kunoparidza munzvimbo yaasina kukokwa, asi akazogumisira asisakwanisi kuzadzikisa marukoko aiuya kwaari nekuwanda kwawo. Vazhinji vevanhu vaisatenda miono yake pakuswedera kwenguva chaiyo yokudzoka kwaJesu vakagutsikana kuti nekuswdera kwenguva yaKristu vakaonawo kukosha kwekugadzirira. Munemamwe maguta makuru, basa rake rakaita mutsauko unoonekwa. Vatengesi vezvinodhaka vakasiya Mabasa avo, vakashandura zvitoro zvavo kuzviita nzvimbo dzekusangana; dzomba dzemakasi nenjuga dzikaputsika; vahedheni, vanotenda munezvenyika, kunyangwe nevanopambadza pfuma mumafaro vakashanduka, vamwe vavo vakanga vave nemakore vasina kumbopinda imba yekunamata kwemakore. Misangano yekunamata yakarongwa nemasangano akasiyana-siyana, muzvikamu zvaksiyana-siyana, pa awa rega-rega, vanamuzvina bisimisi vaikumbana masikati kuti varumbidze nekunamata. Hakuna kuita mafaro ekupambadza pfuma, asi zvakaita kuti pfungwa dzevanhu dzirongeke munyika yose. Basa rake, sezvaitawo basa reVavandudzi, rainyanyo Shanda pakugona kubatsira munhu kunzwisisa nekumutsa pfungwa kupfuura izvo zvinomutsa nekufadza nyama. KK 210.1

    Mugore ra1833 Miller akawana chitambi chekuti ave muparidzi kubva kuSangano remaBaptist, umo maakanga ari nhengo. Vafundisi vazhinji veSangano rake vakatenderana nebasa rake, uye kuburikidza nerutsigiro rwavo akaenderera mberi nebasa. Akatanga kufamba achiparidza zvisina zororo, asi basa rake akanyanya kushandira mudunhu reNew England nereMiddle States. Kwemakore mazhinji, mari dzekushandisa dzaibva muhomwe make, uye mumashure haana kumbowana rutsigiro rwezvikwanisiro kuti agone kufamba achienda kunzvimbo dzaaikokwa. Saka kushanda kwake, uko kusina chakwaimuwanisa muhupenyu huno, kwakabva kwaita mutoro unorema pahupfumi hwake, uhwo hwakatanga kupera zvishoma nezvishoma munguva yehupenyu hwake. Akanga ari baba vemhuri yakakura, asi nokuda kwekuti vaiva vanhu vanoshanda nesimba, minda yavo yakakwanisa kuvapa pundutso kuti vatsigirewo nebasa rake.KK 210.2

    Mugore ra1833, makore maviri musure mekunge Miller atanga kuparidzira veruzhinji minongedzo yairatidza kuti Kristu akanga achiuya nekukasika, zviratidzo zvekupedzisira zvakaonekwa izvo zvakanga zvavimbiswa naMuponesi kuti zvichava minongedzo yekudzoka kwake kechipiri. Jesu akati: “Nyeredzi dzichadonha kubva kudenga” (Mateo 24:29) . Uyewo Jojane kuna Zvakazarurwa akataura, apo aiona zviitiko mumuono izvo zvaizodanidzira kusvika kwezuva raJehovha: “Nyaredzi dzikadonha kubva kudenga, semuwonde unozunza maganga awo kana uchizununguswa neomututu mukuru” (Zvakazarurwa 6:13) . Chiporofita ichi chakawana kuzadziswa kwacho zviripachena kuburikidza nechiitiko chikuru chakanyorwa munhoroondo chakonekwa muchadenga musi waMbudzi13, mugore ra1833. Iri ndiro zuva apo kupenya kukuru kwakonekwa munyeredzi muchadenga apo dzakaratidza kudonha; “Muchadenga, munyika yose ye United States, iyo yakanga iripo munguva iyi, kwmaawa mazhinji, makanyongaiswa kunge nemwenje! Hakuna chiitiko chakadaro chati chamboonekwa munyika ino kubvira pakutanga kugarwa kwayo, chakaonekwa nekushamisika kukuru nevanhu munyika kana nekutya kukuru nevamwe vanhu.” “Kushamisa kwacho nekunaka kunokatyamadza kuchirionekw nazvino mundangariro dzevazhinji…Mvura haisati yambonaya nesimba zvakafanana sezvaita nyeredzi dzichinge dzinowira kunyika; kumabvazuva, kumadokero, kumaodzanyemba nekuchamhembe, zvakanga zvakafanana. Mushoko rimwe, tingati denga rose rakaita kunge ravekufamba…Kuraidzwa kwazvo, sekutsanangurwa kwazvinoitwa mubhuku raSilliman, kwakonekwa munyika yose ye Kumusoro kweAmerica… kubva panguva dzechipri mambakwedza, kusvikira zuva rabuda, kupenya kwenyeredzi kwaramba kuchionekwa muchadenga.”—R. M. Devens, American Progress; kana, The Great Events of the Greatest Century, ch. 28, pars. 1-5.KK 210.3

    “Hakuna rurimi rungatsanangure kubwinya kwakadaro; … hakunawo asina kuzviona akapupura kupenya uku kwakavapo. Zvakaita sekuti denga rose renyeredzi rakanga raungana pamwechete panzvimbo yakakwirira, kubva ratanga kuputika neredzi dzikandirwa kwese nekumhanya kunenge kwemheni, dzichienda kumativi ese emigumo yedenga nenyika, asi dzaisaneta kana kupera simba—zviuru zvenyeredzi zvakamnhanya zvichitevra nzira yakamhanya nezvimwe zviuru, sekunge ndizvo zvadzakanga dzasikirwa kuita. (F. Reed, in the Christian Advocate and Journal, Dec. 13, 1833). “Mufanidzo unganyatso tsanangura chiitiko ichi ndewemuwonde kana uchizunza mawonde awo kana uchizununguswa nemututu mukuru, zvisati zvamboonekwa.”— “The Old Countryman,” in Portland Evening Advertiser, November 26, 1833. KK 211.1

    Mubepanhau rinonzi ‘New York Journal of Commerce’ remusi wa14 Mbudzi, 1833, makaonekwa chinyorwa chirefu chaitsanangura chiitiko ichi, muine mutsara unoti: “Hakuna muzvinanjere kana munhu akadzidza akatsanangura kana kunyora chimwe chiitiko, ndinodavira, chakafanana nechakaitika nezuro mangwanani. Makore anosvika chiuru nemazana masere apfuura, kune muporofita akachitaura sevzachakazove, kana tiine dambudziko rekunzwisisa kuti nyerdzi dzichiwa zvinoreva kuwa kwenyeredzi, …. mupfungwa chete yazvinogona kuva chokwadi chezvinoonekwa.” KK 211.2

    Ndiko kuratidzwa kwakaitwa chiratidzo chekupedzisira chezviratidzo zvekuuya Kwake, izvo zvakanga Jesu amboudza vadzidzi vake achiti: “Kana moona izvi zvoitika, zivai kuti kwvapedyo, kunyangwe pamusiwo.” (Mateo 24:33). Musure mezviratidzo izvi, Johane akaona, chimwe chiratidzo chikuru chaizotevera, denga richibviswa sebhuku kana ichipetwa, apo nyika yaidengenyeka, makomo nezviwi zvichibviswa panzvimbo yazvo, ukuwo vakaipa vachivhundutswa nekutya vachitiza kubva pamberi peMwanakomana wemunhu (Zvakazarurwa 6:12-17). KK 211.3

    Vazhinji vakona chiitiko chekudonha kwenyeredzi, vakachiona sekudaidzira kwekuuya kwerutongo, “chishamiso chinotyisa, chinotungamirira, chiratidzo chetsitsi, chezuva guru uye zuva rinotyisa.”— (“The Old Countryman,” in Portland Evening Advertiser, November 26, 1833). Izvi zvakadzosera Tariro yevanhu kukuzadziswa kwechiporofita, vazhinji vavo vakatungamirirwa kugamuchira yambiro yekudzoka kwechipiri. KK 211.4

    Mugore ra1840, chimwe chiitko chekuzadziswa kwechiporofita chakazadza vanhu nechidiso. Makore maviri chisati chaitika, umwe muparidzi anonzi Josiah Litch, umwe wevaiparidza kudzoka kwaJesu, akaburitsa tsanangudzo yebhuku raZvakazarurwa 9, akanongedzera kuwa kweHumambo hweOttoman zvisati zvaitika. Kuburikidzwa nekuverenga kwake, humambo uhwu hwaifanira kuwisirwa pasi “mugore ra A.D. 1840, muzuva riri mumwedzi waNyamavhuvhu;” uye mazuva mashoma zvisati zvaitika akanyora achiti: “Kana tikatendera nguva yekutanga, makore zana nemakumi mashanu, akanyatso zadziswa mambo Deacozes asati agara pachigaro achitenderwa nemaTurks, uye mumakore mazanamatatu nemakumi mapfumbamwe nerimwechete (391 years), nemazuva gumi namashanu, akatanga pakupera kwechikamu chekutanga, achapera zvino nomusi wa 11 Nyamavhuvhu, 1840, apo humambo nesimba reOttoman riri muguta reConstantinople rinotarisirwa kuparadzwa. Uye izvi ndinotenda kuti zvichafamba sokudaro.”— (Josiah Litch, in Signs of the Times, and Expositor of Prophecy, August 1, 1840). KK 212.1

    Panguva iyoyo chaiyo yakanongedzwa, nyika yeTurkey, kuburikidza nevamiririri vayo, yakatendera kuchengetedzwa nevatsigiri vayo vaive nesimba muEurope, zvikaita kuti izviise pasi pesimba renyika dzechKristu. Chiitiko ichi chakazadzisa nemo-nemo zvakanga zvaporofitwa. Pazvakazikanwa, vanhu vazhinji-zhinji vakagutsikana kuti kududzirwa kwezviporfita kwaiitwa naMiller neshamwari dzake kwaiva kwechokwadi, zvinova zvakamutsa basa guru nekutanga kweboka revanhu vaitenda munyaya yekudzoka kechipiri kwaJesu. Varume vakadzidza nevanokudzwa vakabatana naMiller, zvose mukuparidza nekushambadzira miono yake, basa iri rikakura nekukasika kubva 1840 kusvika 1844.KK 212.2

    William Miller aiva munhu anepfungwa dzakasimba, anepfungwa dzakarovedzerwa nekuverega, akawedzerawo pamusoro pazvo njere dzedenga kuburikidza nekuzvibatanidza neManyuko eNjere. Akanga ari murume anoverengeka pakuziva nekuzvibata nechimiro china chaanopomerwa. Achibatanidza hunyoro hwechokwadi nemoyo wekuzvininipisa weChiKristu, uye simba rose nekuzvidzora, akava munhu anodiwa nevanhu nekuremekedzwa, nekuti akanga akagadzirira kuteerera vamwe vanhu nekuyerawo miono yavo nevzvanotaura. Asingaiti nekumanikidza kana nekufarisa, Miller aiti zvose zvavaimupa semiono nedzidziso dzavo aizviyedza pashoko raMwari, saka kunzwisisa kwake kwaitungamirirwa neruzivo rweMagwaro kwakamubatsira kuramba nhema, mhosho nemanyepo. KK 212.3

    Asi haana kuita basa rake pasina kupikiswa kunorwadza. Sezvakangotawo vamwe vaParidzi vekare, zvokwadi yaaiparidza haina kugashirwa nevakuru vemaKereke nevadzidzisi. Ava vaitadza kumira pznvimbo dzavo vakabata rutsigiro rwemagwaro, saka vaiguma vakushandisa mukutaura kwavo izvo zvakadzidziswa netsika uye nevanhu, uyewo kutsika dzemadzibaba. Asi shoko raMwari chete ndihwo hucapupu hwaigashirwa nevaparidzi vechokwadi chekudzoka kwaJesu. Shoko ravo ravaimira naro nderekuti: “Bhaibheri, neBhaibheri roga.” Kushaikwa kwerutsigiro rwemagwaro kudidvi revapikisi vavo ndizvo zvaivatungamirira kuzotuka nekusvora. Nguva nezviwanikwa zvakapambadzwa kurwisa avo vaingova nemhosva imwechete, -yekutenda nekutarira nemufaro mukudzoka kwaTenzi wavo, uye nekushingairira kururama nehupenyu hwakachena nekuraira vamwe kuti vagadzirire kuonekwa Kwake.KK 212.4

    Pakaitwa Mabasa akasimba ekuedza kubvisa pfungwa dzevanhu kubva munyaya yekudzoka kwaJesu. Zvakaitwa kuti zvionekwe sechitema, chino chinofanira kuti munhu anyare nacho, kana achidzidza zviporofita zvinechekuita nekuuya kwaKristu nekuguma kwenyika. Saka zvakaitawo kuti vafundisi vaigamuchirika ndevaidukupisa kutenda muShoko raMwari. Dzidziso dzavo dzakaita kuti vanhu vave vahedheni, vazhinji vakasarudza kufamba nenzira dzeruchiva rwenyama. Vagadziri vezvakaipa vakpomera mhosva iyi kuvanhu vaitenda mukudzoka kwaJesu. KK 213.1

    Kunyangwe zvazvo Miller aiunganidza vanhu vazhinji dzimba dzichizara nevateereri vake, mapepanhau ezvechitendero aisataura zita rake kana kunyora nezvake, kunze kwekunge vainyora vachimunyomba nekumupomera mhosva. Vatungamiri vemaKereke nevadzidzisi vasina hanya uye vaisundwa neruvengo negodo vakasarudza kushandisa mashoko asina hanya akashata, eruvengo, nekumhura mukuedza kwavo kukonesa basa rake. Mutana, akasiya musha wake achifambamitunhu nekushandisa pfuma yake, nekushanda zvakaomarara kuyedza kuzivisa nyika pamusoro perutongo rwakanga rwave pedyo, ndiye akavengwa nekutukwa achinzi mudzidzisi wenhema nemanyepo, achinzi airotomoka zvinhi zvisingaizoitiki. KK 213.2

    Kutukwa, manyepo, nekushungurdzwa kwakaiswa pamusoro pake kwakaunzawo hasha nekushoar zvaiitwa izvi kunyangwe nemapepanhau enyika. Vakanyora vachiti: “kudukupisa nyaya yakakura zvakadaro inotyisa, kuitora nezinengetenge ichizvidzwa nemasimba enyika kuti, vanhu vatore sedambe nekushora vaparidzi, asi vachitamba nenyaya dzezuva rerutongo, vachiita musere naMwari pachake, nekudukupisa ruoko rwake rwekutonga.” Bliss, page 183. KK 213.3

    Muvambi wehuipi hwose akanga arikuedza kwete kungokonesa nyaya yekuparidzwa kwekudzoka kwaJesu bedzi, asi kuparadzawo mutumwa wacho. Miller aidudzira zvinobatika zvokwadi yeshoko raMwari kuvateereri vake, achivatsiura pazvivi zvavo, achikanganisa kugutsikana kwavo, saka mashoko ake aiva pachena akavacheka zvikamutsa ruvengo rwavo. Kupikisa kwakamukawo pakati penhengo dzesangano kwakaita kuti vavengi vasvike kure mukuedza kutora hupenyu hwake apo aibuda panzvimbo yekuparidza. Asi vatumwa vatsvene vainge varimowo mukati mechaunga, zvekuti umwe wavo, akatora chimiro chemunhu, akabata ruoko rwemuranda waMwari akamutungamirira kubva pakati peboka rakanga rakatsamwa. Basa rake rakanga risati rapera, ska Satani nevatumwa vake vakakuhunika. KK 213.4

    Zvisinei nekupikiswa kwaivapo, chidiso chekutevera boka revaitenda mukudzoka kwaJesu chakaramba chichikura. Makumi evanhu akawedzera akava mazana, ungano dzikakura kusvika kuzviuru zvevanhu. Vanhu vazhinji vakabuda kubva kunasangano avo vachibatana neboka iri, asi nekufamba kwenguva, mapoka anopikisa akamuka mukati maro, ndokubva maSangano atanga kupa mirango kuneavo vaitevera dzidziso dzaMiller. Kuita uku kwakakonzera kuti miller anyore mhinduro, achinyorera kumaKristu emasangano ese, achikurudzira kuti kana dzidziso dzake aiva manyepo, aidawo kuratidzwa mhosho dzake nezvinyorwa zvemuBhaibheri.KK 213.5

    “Akati: “Takatendeiko, kuti tirege kupiwa murairo wekutenda kushoko raMwari, iro imwi munotenda kuti mutemo, ndiro chete mutemo, wekutenda nekuita kwedu? Chii chatakatadza chingaita kuti tikandirwe mashoko akaipa kudaro kubva kuvaparidzi nemapepanhau, uye tipeiwo chikonzero chakatendeka chingaita tibviswe mumaKereke?” “kana takakanganisa, tinokumbira mutiratidze patakatadza. Tiratidzei kubva mushoko raMwari kuti tiri kurasika pokuti; tatukwa zvaringana; asi hazvisizvo zvingatiite kuti tibvume kuti takatadza; Shoko ramwari bedzi ndiro rinogona kushandura maonero edu. Zvatinotenda zvakavakwa nemunamato, sezvo takaona humbowo muMagwaro.”—Ibid., pages 250, 252. KK 214.1

    Kubva kare nakare, yambiro idzo mwari akatuma kunyika kuburikidza nevaranda vake dzakagashirwa nekusatenda nekusada. Apo zvitema zvevanhu venguva yemurove zvakaita kuti Mwari aunze mvura inoparadza pamusoro penyika, akatanga ataura chinangwa chake, kuti vapiwe mukana wekutendeuka kubva munzira dzakaipa. Kwemakore zana namakumi maviri, shoko reyambiro rakasvika munzeve dzevanhu kuti vatendeuke, kuti hasha dzaMwari dzinoparadza dzirege dzirege kuratidzwa. Asi shoko iri rakasvika kwavari vakaritora sengano, vakasaritenda. Vakaputirwa nehuipi hwavo vakatuka mutumwa waMwari, vakita musere neyambiro dzake, uyewo vakatomupomera mhosva yekutenda kuzvinhu zvisingaitiki. Sei munhu umwechete ariye aisumka achida kuzvimisa pamberi pevanhu vakuru venyika? Kana shoko raNoah raiva rechokwadi, sei nyika yese isina kuzviona nekuzvitenda? Kufunga kwemunhu umwechete mukati mezviuru zvenyika yose? Saka vakramba kutenda yambiro, kana kuona pekuhwanda mungarawa. KK 214.2

    Vaseki vaitendekera kunezvemasikirwo enyika, -kune mafafmbiro emwaka yegore isingashanduki, kudenga jena risina kumbobvira ranaisa mvura, kuminda inemiriwo mitema yainyoroveswa nedova remadekwana, vachutaura kuti: “Ko haatauri ngano here?” Munashoko ekumhura vakadaidzira kuti muparidzi wekururama akanga ari benzi resango rinofarisa; vakaenderera mberi, vachidakwairira kuwana zvinofadza zvenyika, vachiwedzera huipi munzira dzavo kupfuura mazuva ekare. Asi kusatenda kwavo hakuna kukonesa chakaporofitwa. Mwari akaita moyo murefu nkuearurama kwavo; asi pakukwana kwenguva, rutongo rwake rwakasvika pamusoro pevanoramba tsitsi dzake. KK 214.3

    Kristu anotaura kuti kuchavapo nekusatenda kwakadaro pamusoro pekudzoka kwake kechipiri. Sezvakaita vanhu venguva yaNoah “Vasina kuziva kusvikira murove uchisvika, ukavaparadza vose; saizvozvowo, ndizvo zvazvichaita pakuuuya kweMwanakomana wemunhu” (Mateo 24:39) . Kana vanhu vanozviti ndevaMwari vachibatana nenyika, vachirarama sevenyika, vachiwadzana navo munemafaro anorambidzwa; kana kugadzikana kwenyika kwava kugadzikana kweSangano; kana mabhera emitambo yokuwana achirira, uye vanhu vose vachitarisira makore mazzhinji ekubudirira panyika, ipapo, nekukasika semheni inopenya ichibva kudenga, ndizvo zvichaita kuguma kwezviroto zvavo netariro yavo yakarasika. KK 214.4

    Sezvakaitwa naMwari kutuma muranda wake kunoyambira nyika pamusoro pemurove waizosvika, ndizvo zvaakaita pakutuma varanda vake vakasarudzwa kuzivisa nyika nezverutongo rwekuguma rwaikasika kusvika. Uye sezvakangoitawo vanhu venguva yaNoah pakuzvidza kwavo zvakaporofitwa nemuparidzi wekururama, ndizvo zvakaitwa nevazhinji mumazuva aMiller, kunyangwe neavo vaiti vanotenda kuna Mwari, vakazvidza mashoko eyambiro.KK 215.1

    Asi Seiko dzidziso nekuparidzwa kwekudzoka kwaKristu kusina kugamuchirika mumasanagno? Apo kuuya kwashe kuchiunza nhamo nekuparadzwa kune vasakarurama, kunevakarurama kuchava chitima cherufaro netariro. Chokwadi ichi ndicho chinonyaradza vakatendeka vaMwari mumazera ese; asi sei chakaita sechigumbuso uye ibwe rinopomera mhosva kuvanhu Vake? Ishe wedu ndiye akavimbisa vadzidzi vake: “kana ndaenda kunokugadzirirai pokugara, ndinouyazve, kuti ndikugamuchirei kwandiri” (Johane 14:3) . Muponesi wenyasha, pakuziva kwake kusurikirwa nekuchema kwevateveri vake, akarira vatumwa vake kuti vanyaradze vanhu vake nekuvasimbisa neshoko rekudzoka kwake kusingakundikani, kunyangwe panguva iyo yaakakwira kudenga. Apo vadzidzi vakanga vakamira vakatarira kudenga kuti vaone kuenda kweuyo wavaidisa, nzeve dzavo dzakanzwa mashoko anoti: “Imi varume veGareria, makamirireiko makatarira kudenga? Uyu Jesu wakabviswa kwamuri akakwaidzwa kudenga, uchavuya saizvozvo sezvamamuvona achienda kudenga” (Mabasa 1:11) . Tariro yakamutswazve nemashoko aya engirozi. Vadzidzi “vakadzokera Jerusarema nomufaro mukuru: vakarambira mutemberi, vachinamata nokurumbidza Mwari” Ruka 24:52, 53) . Vakanga vasingafariri kuti Jesu wakanga abviswa pakati pavo kuti vasiiwe vachitambudzika nemiyedzo nenhamo dzenyika, asi nokuti ngirozi yakavapa vimbiso yekuti Waizodzokazve. KK 215.2

    Kuparidzwa kwekuuya kwaKristu nhasi kunofanira kuva mashoko anofadza sezvakaita kufadza kwemashoko engirozi kuvafudzi veBeterehema. Avo vanoda Muponesi nhasi, vanofanira kusimudzira nemufaro kudanidzira kweShoko raMwari kunoti uyo wava netariro yehupenyu husigaperi maari uchadzokazve, kwete sechituko, nekushoorwa, nekuranbwa, sezvakaitwa pakuuya kwake kekutanga, asi nesimba nembiri, kuti adzikinure vanhu vake. Ndeavo vasingadi Muponesi vanoshuvira kuti asadzoka, uye humbowo huripo mumasangano hunoratidza kuti vanhu vakabva pana Mwari, zvichionekwa nekusada nekuvenga shoko rinouya nevatumwa vake. KK 215.3

    Avo vakagamuchira shoko rekudzoka kwaJesu vakamutsva kuti vaone kukosha kwe kutendeuka nekuzvininipisa pamberi paMwari. Vazhinji vakanga vakamira pakati paKristu nenyika, asi zvino vakaona kuti yakanga yava nguva yekutora danho. “Zvinhu zvekusingaperi zvakva kwavari zvemazvirokwazvo. Denga rakaswededzwa pedyo, ivo vakazvinzwa vaine mhosva pamberi paMwari.”—Bliss, peji 146. MaKristu vakamutswa vakava nehupenyu hutsva hwepamweya. Vaktanga kuona kuti nguva yakanga yapera, uye kuti izvo zvaifanira kuitirwa vamwe vanhu zvaifanira kuitwa nekukasika. Nyika yakatanga kubviswa, kusingaperi kukazaruka pameso avo, uye mweya yavo yakafunga pamusoro pekusafa. Mweya waMwari wakagara pamusoro pavo ukavapa simba rekupa rukoko kuhama dzavo, kusanganisira nekuvatadzi, kuti vagadzirire zuva raMwari. Huchapupu hwekurarama kwavo mazuva ose yakavamharidzo inopomera mhosva kuvatendi avo vakanga vaine mufanidzo bedzi wekunamata. Hama idzi dzaisada kukanganiswa mumabasa adzo ekutsvaga mafaro, hupfumi hwepanyika, uye kukudzwa nenyika. Zivi ndizvo zvakamutsa ruvengo rwavo kuneavo vakanga vakatarisira kudzoka kwaJesu nevaiparidza vhangeri iri. KK 215.4

    Apo mashoko anesimba aibva muzviporofita airatidza kuti haangarambiki, vadzivisi vakazvisungira kukuhunisa avo vaida kudzidza nyaya iyi kuburikidza nekudzidzisa manyepo vachiti zviporofita zvakanga zvakavharwa. Iyi dzidziso yakva munongedzo wemaSangano akanga ave kutevera mumatsiko eSangano reRoma. Apo Sangano raPapa richiita tsika yekubvisa Bhaibheri kubva kuvanhu, Masangano akabuda mariri akatanga kutenda kuti chimwe chikamu, chinova, munguva yedu chikamu chinokosha cheShoko rinoyera, chakanga chisingagoni kunzwisisika. KK 216.1

    Vafundisi pamwe nevanhu vakatenderana kuti zviporofita zvaDanieri naZvakazarurwa zvaiva zvakavanzika zvisinaggoni kunzwisisika. Asi Kristu akatendekera vadzidzi vake kumashoko emuporofita Danieri panyaya yezviitiko zvemazuva ekupedzisira zvaizoitika munguva yavo achiti: “Uyo unorava ngaacherechedze” Mateo 24:15. Uye pfungwa yekuti Zvakazarurwa zvakavanzika, hazvigoni kunzwisiswa, inopikisana nezita rebhuku racho: “Zvakazarurwa zvaJesu Kristu, zvaakapiwa naMwari, kuti aratidze varanda vake zvinhu zvodakuitwa nekukasika … Wakaropafadzwa uyo unorava, nounonzwa mashoko okuporofita kwebhuku iyi, nokuchengeta zvakanyorw a mairi: nokuti nguva yava pedyo” Zvakazarurwa 1:1-3. KK 216.2

    Muporofita anoti: “Wakaropafadzwa uyo unorava”—kuneavo vasingaravi, chikomborero hachisi chavo. “Neavo vanonzwa”—kunevamwewo, vanoramba kunzwa chero chinechekuita nezviporofita izvi; navowo chikomborero hachizi chavo. “nekuchengeta zvose zvakanyorwamo”—vazhinji vanoramba kuteerera yambiro dziri munaZvakazarurwa; hakuna umwe vawo anogona kuwana chikomborero chakavimbiswa. Vose vanosvora zvidzidzo zvechiporfita ichi, nekushora minongedzo yakapiwamo, vose vanoramba kushanduka hupenyu hwavo kuti vagadzirire kuuya kweMwanakomana wemunhu, havazokomborerwi. KK 216.3

    Kanapo kuine kwekupupura nekufemera kwaMweya Mutsvene, sei vanhu vachidzidzisa kuti Zvakazarurwa ndechakavanzika chisingagoni kunzwisiswa nomunhu? Ndechakvanzika chakabudiswa pachena, bhuku yakazarurwa. Kudzidza Zvakazarurwa kunotungamira pfungwa kuzviporofita zvaDanieri, uye zvose zviri zviviri zvinotipa rairo inokosha, inopiwa naMwari kuvanhu, maringe nezviitiko zvichatira nzvimbo pakupetwa kwenhoroondo yenyika ino. KK 216.4

    Kuna Johane akazarurirwa zviitiko zvinomutsa pfungwa mukuziva rwendo rweSangano. Akaoneswa nzvimbo, njodzi, kupokana, uye kudzikinurwa pakupedzisira kwevanhu vaMwari. Akanyora mashoko ekuvhara achaibvisa goho yenyika ino, richiita semisumbu ichapinzwa mudenga kana hundi ichakandirwa mumoto unoparadza. Zvidzidzo zvinokosha zvakaratidzwa kwaari, kunyanya zvinofanira Kereke yekupedzisira, kuti avo vachatendeuka kubva kumanyepo kuenda kuzvokwadi vadzidziswe pamusoro pematambudziko arimberi kwavo. Hapana chikonzero chekuva murima pamusoro pezvichawira nyika ino. KK 216.5

    Seiko nhasi kuzere kushaiwa hanya pamusoro pechidzidzo chinokosha ichi. Sei kuine kushaya hanya yekutsakurudza dzidziso dzacho? Chikonzero ndechesimba remuchinda werima kuvharira vanhu kuti vasaone izvo zvingaburitsa pachena kunyengera kwake. Nechikonzero ichi, Kristu Muzaruri, achioona hondo irimberi yaizorwiwa nekudzidzwa kwaZvazarurwa, akaisa chikomborero pamusoro pavose vachaverenga, nekunzwa, nekuchengeta mashoko ekuporofita kwebhuku iyi. KK 217.1

    Larger font
    Smaller font
    Copy
    Print
    Contents