Loading...
Larger font
Smaller font
Copy
Print
Contents
KURWISANA KUKURU - Contents
  • Results
  • Related
  • Featured
No results found for: "".
  • Weighted Relevancy
  • Content Sequence
  • Relevancy
  • Earliest First
  • Latest First
    Larger font
    Smaller font
    Copy
    Print
    Contents

    CHITSAUKO 30—RUVENGO PAKATI PEMUNHU NASATANI

    “Ndichaisa ruvengo pakati pako nemukadzi,nepakati porudzi rwako nembeu yake; achapwanya musoro wako, iwe ugoruma chitsitsinho chake.” Genesi 3:15. Mutongo wakapihwa Satani mushure mekuputsika kwemunhu chaiva chiporofita panguva imwechete, Chaibata mazera kusvikira kukupera kwenguva uye chiri chimumvuri mvuri chehondo huru inobatanidzira marudzi ose avanhu anorarama pamusoro panyika.KK 307.1

    Mwari anoti,“ndichaisa ruvengo.” Ruvengo urwu haruna kugara rwuripo. Munhu paakadarika murairo mutsvene, chimiro chake chakabva chaipa, pakava nekuwadzana kwamandorokwati pakati pake naSatani, panzvimbo yeruvengo. Ruvengo zvarwo pakati pomutadzi nemuvambi wezvivi rwaisavapo. Vose vakasvibiswa nekupandukira Mwari. Wakaipa haana zororo kusvikira awana chita chinomira naye kuburikidza nekukwezva vamwe kuti vamutevere. Nechikonzero ichochi vatumwa vakawa nevanhu vezvivi vanobatana muhushamwari hwakadzama. Dai Mwari asina kutopindira, Satani nemunhu vaidai vakasunga chishwe chekubatana kurwisana nedenga; kunze kwekuti vanhu vavengane naSatani,vaitozobatana kuti vapikisane nemusiki.KK 307.2

    Satani akayedza munhu kuti atadze, sezvaakangoita vatumwa kuti vapandukire Mwari nekumutsa chimurenga nedenga vaine humwe .Pakanga pasina kupokana pakati pake nevatumwa vakawa pakuvenga kwavo Kristu; kunyangwe paiva nekukwesherana pazvimwe zvose, paiva nesungawirirano pakupandukira simba nechigaro chemutongi wazvose. Satani paakangonzwa chirevo chekuti ruvengo ngaruvepo pakati pake nemudzimai napakati perudzi rwake nembeu yemudzimai, akazviziva kuti mano ake kuparadza chimiro chemunhu achavhiringidzwa; uye kuti neimwe nzira munhu aizobatsirwa kupikisa simba rake.KK 307.3

    Moto weruvengo rwaSatani kuvanhu unokuchidzirwa nekuti Mwari anenyasha zhinji uye rudo nemunhu. Anodisa kwazvo kuparadza zano raMwari rekuponesa munhu, kuunza kuzvidzwa kwaMwari nenzira yekuvhiringa basa ramaoko ake; aidisa kukonzera marwadzo mudenga, ozadza nyika nenhamo nekuparara obva apomera zvakaipa izvi kukukonewa kwaMwari; kwaanopangidza pazano rekusika munhu.KK 307.4

    Inyasha dzinoiswa naKristu mumunhu dzinosika kuvenga Satani mumunhu. Pasina nyasha idzi nesimba raKristu rekushandura, munhu aizoramba iri nhapwa yaSatani, achiita kuda kwake nemufaro. Asi pfungwa itsva mumwoyo yakasika hondo pakanga paine rugare. Simba rinodyarwa naKristu ndorinogonesa munhu kupikisa mharadzi nembava iyi. Aninani anovenga chivi, ochisiya nekukurira mhangwa dzacho dzinotapa munhu anoratidza pfungwa inobva kudenga inotonga mumunhu.KK 307.5

    Makakatanwa aripakati pemweya waKristu nemweya waSatani akanyatsojeka pakatambirirwo kakaitwa Jesu nenyika. MaJudah havana kumuramba nekuti akauya asina pfuma, kuratidzira nekuzvikudza kwamambo.Vakaona kuti aiva nerimwe simba ririnani kudarika rezvioneka zvekunze izvo. Kuchena nehutsvene hwaKristu kwakamukokera ruvengo navatadzi. Upenyu hwekuzviramba nekusema zvivi hwaishoora hunyerere, vanozvikudza nekurarama munyama. Ndozvakamutsa ruvengo neMwanakomana waMwari. Satani nevatumwa vakaipa vakabatana navanhu vakaipa.Masimba ose ezvivi akabatana kurwisa mhare yezvokwadi.KK 308.1

    Ruvengo rwakaitirwa Kristu runoitirwawo vateveri vake.Wose anoona kushata kwezvivi, orwisa miyedzo nesimba rekumusoro, zvirokwazvo anozvikokera hasha dzaSatani nevateveri vake. Kuvengwa kwepfungwa dzakachena dzechokwadi, kunyadziswa nekutambudzwa kwevanomira nezvokwadi, zvichagara zviriko kana zvivi navatadzi zvichiri pakati pedu.Vateveri vaKristu nevaranda vaSatani havagoni kuwadzana. Mhosva yemuchinjikwa haisati yapera. “Vose vanodisa kurarama huMwari munaKristu Jesu vachatambudzwa. “2 Timotio 3:12.KK 308.2

    Vabati vaSatani varikushanda vachirairwa pamwechete naye nguva dzose, kuti simba rake nehumambo hwake zvimiswe nekukurumbira kukunda hurumende yaMwari. Naizvozvo, vanotsvaka kunyengera vateveri vaKristu kuti vavabvise pakumira naTenzi wavo. Semutungamiri wavo, vanoshonyorora nekuminamisa magwaro kuti zano ravo ribudirire. Sezvakaita Satani, kutsvaka kuunza kushorwa kwaMwari, ndozvinoitawo vabati vake kushoora vanhu vaMwari. Mweya wakaurayisa Kristu unosunda vakaipa kuti vaparadze vateveri vake. Zvese izvi zvinoratidzwa muchiporofita chekutanga: “ndichaisa ruvengo pakati pako nemukadzi nepakati porudzi rwako nembeu yake.”Izvi zvicharamba zvichiitika kusvika pakupera kwenguva.KK 308.3

    Satani anokokorodza mauto ake ose, oisa simba rake rose muhondo iyi. Seyi asiri kurwiswa zvakanyanya? Seyi mauto aKristu avete nekushaya hanya? Nekuti vanehukama hushoma naKristu; nekuti havana zvachose Mweya Wake. Havasemi nekuvenga chivi sezvaiita Ishe wavo. Havarwisani nekuzama kuchikunda nemwoyo wese sezvaiita Kristu. Havaoni kunyanya kuipa kwacho uye vakapofomadzwa zvekukona kuona chimiro nesimba remuchinda werima. Kuvengwa kwaSatani nebasa rake kushomanene, nekuda kwekusaziva simba rake neunyengeri hwake uye zvikamu zvaafamba mukurwisa Kristu nesangano rake hazvizivikanwi. Vazhinj vakanyengerwa ipapa. Havazivi kuti muvengi mukuru wehondo anehumhare akatapa pfungwa dzavatumwa vakawa uye kuti neuseza nekufamba kwakarongeka anorwisana naKristu kuti akonese kuponeswa kwemweya. Pakati pemaKristu, kunyangwe vashumiri vevhangeri, kashoma kunzikwa kutaurwa kwezita rekuti Satani, kunze kwekungopfuura nepariri vachiparidza. Havakoshesi humbowo hwekubata kwake nekubudirira, havana hanyana neyambiro yemano ake; vanoita sekuti vanoramba huvepo hwake chaihwo.KK 308.4

    Vanhu havazivi mano ake, kunyangwe zvakadaro muvengi akasvunurira kuvaronda nguva dzose. Anopfekera pose pose mudzimba, munzira dzemumaguta, mumasangano, mumisangano yenyika, mumatare edzimhosva, achishungurudza, kunyengera, kukwezva, pose pose achiparadza mweya; miviri yavarume, vakadzi navana. Achiparadza mhuri, kudyara ruvengo, ruchiva, kunetsana kupanduka nekuuraya. MaKristu vanoita sevanoti zvinofanirwa kuva zvakatodai sekunge Mwari akati zvidaro.KK 308.5

    Satani anoramba achitsvaka kukurira vanhu vaMwari nekuparadza mukaha unovapatsanura nenyika. Israeri yakakweverwa muzvivi payakapinda mumibatanidzwa yakarambidzwa nevasingatendi. Nenzira imwe Israeri yanhasi inotsauswa,“ndangariro dzavo dzakapofomadzwa naMwari wenyika ino,vasingatendi, kuti chiedza chevhangeri rekubwinya raKristu, iye mufananidzo waMwari, risavavhenekera.” 2 Vakorinde 4:4.Vese vasina kuzvimisira kutevera Kristu, vateveri vaSatani. Mumwoyo usina kushandurwa muzere kuda zvivi, kurerekera kwazviri, kuchibhabhadzira nekuchivhikira. Mumwoyo wakashandurwa munekuvenga zvivi. MaKristu akatsvaka kuwadzana nevasingatyi Mwari, vanozviswededza pedyo nemiyedzo. Satani anozvivanza, zvishoma nezvishoma ozviswededza pedo navo vasingafungiri. Havazvioni kuti boka iri rauya kuzovavhiringa kuti hunhu nemaitiro zvifanane nenyika pahunhu, mashoko, zviito, vachipofomadzwa zvishoma nezvishoma.KK 309.1

    Kuwadzana nenyika kunokwevera sangano munyika, kwete nyika kuna Kristu. Kujairana nechivi kunoita kuti chiite sechisingaurayi. Uyo anowadzana nevaranda vaSatani anoguma asisatyi tenzi wavo. Tikayedzwa tirimukati mebasa sezvakaitwa anaDaniel muvazhe dzamambo, tineidi rekuti Mwari anotirwira; asi tikazviisa pasi pemiyedzo tinoguma tawa chete.KK 309.2

    Muyedzi anonyanya kushanda kuburikidza nevasingafungirwe kuti varanda vake.Vanezvipo nedzidzo vanoyemurwa nekukudzwa, sekunge zvinogona kutora nzvimbo yekushaiwa kutya Mwari. Matarenda netsika, zvipo zvinobva kunaMwari; asi zvikaiswa panzvimbo yehutsvene zvikasasvitsa munhu pedo naMwari, asi zvikamusundira kure; zvinova chituko panekuva chikomborero.Vanhu vazhinji vanofunga kuti zvose zvinoita sehunhu nekurongeka zvinopangidza huMwari. Iyi imhosho huru. Zvimiso izvi zvinofanirwa kuvapo pane vanotya Mwari zvichikwevera vazhinji kuchinamato chezvokwadi, asi zvinofanirwa kupirwa kunaMwari zvakazara kana kuti zvinova simba remuvengi. Kunavazhinji vakadzidza, vanehunhu hwakanaka vasingaregi tsika dzakaipa, ivavo zvombo zvakakwenenzverwa mumaoko aSatani. Ugevha nehunyengeri zvinehwezvero nemuyenzaniso wakashata, zvinoita kuti ave mhandu inotyisa kubasa raKristu panevasina kudzidza nekuvezwa .KK 309.3

    Kuburikidza neminamato nekuvimba naMwari, Soromoni akawana njere zvakayemurwa nenyika yose. Asi paakafuratira chitubu chesimba akatanga kuzvivimba akazvikanda mumusungo wemiyedzo. Naizvozvo masimba anoshamisa akagashidzwa kumungwaru mukuru wamadzimambo akangomuita mubati akarongeka wekurwisa vatsvene.KK 309.4

    Satani anoramba achitsvaka kupofomadza pfungwa dzemaKristu kuti vakoshiwe kuti,“havarwe nenyama neropa asi nevabati, nemasimba, namadzishe erima enyika ino, nemauto ewakaipa arimuchadenga.” VaEfeso 6:12. Yambiro tsvene inodanidzira kubva kare . “Svinurai murinde nekuti muvengi wenyu Dhiyabhorosi anofamba famba seshumba inowomba, ichitsvaka waingaparadza. “1 Petro 5:8. “Pfekai nhumbi dzose dzokurwa nadzo dzaMwari, kuti mugone kumira muchirwa namano aSatani.” VaEfeso 6:11.KK 309.5

    Kubva mumazuva aAdama kusvika panguva yedu mhandu yedu huru yakaratidza masimba ayo ekudzvinyirira nekuparadza. Iko zvino avakugadzirira chimurenga chekupedzisira nekereke. Vose vanotsvaka kutevera Kristu vachapinda muhondo nemhandu huru iyi. MuKristu paanozama kuswedera pakuteera muyenzaniso wedenga, anonyanya kunangwa nemiseve yaSatani. Avo vanobatikana nebasa raMwari, kuti vayanike pachena kunyengera kwewakaipa nekuyanika Kristu kuvanhu, vanogona kupupura pamwe naPauro, apo anotaura zvekushumira Ishe nemurangariro wekuzvideredza, nemisodzi nekuyedzwa kuzhinji.KK 310.1

    Satani akarwisa Kristu nemano, nemiyedzo inotyisa asi akakurirwa pahondo imwe neimwe. Hondo idzi dzakarwirwa isu; kukunda ikoko kunoita kuti isu tikundewo. Kristu anopa simba kune vose vanoritsvaka. Hapana munhu anokurirwa kana asina kubvuma kukurirwa. Muyedzi haagoni kukuitisa zvausingadi kana kukumanikidza kutadza iwe usingade. Anogona kukushungurudza asi haagoni kukusvibisa. Anogona konzera kugomera, kwete kusviba kweupenyu. Pfungwa yekukurira kwaKristu inofanira kukuchidzira vateveri vake nekushinga kurwa semvumba hondo nechivi naSatani.KK 310.2

    Larger font
    Smaller font
    Copy
    Print
    Contents