Loading...
Larger font
Smaller font
Copy
Print
Contents
KURWISANA KUKURU - Contents
  • Results
  • Related
  • Featured
No results found for: "".
  • Weighted Relevancy
  • Content Sequence
  • Relevancy
  • Earliest First
  • Latest First
    Larger font
    Smaller font
    Copy
    Print
    Contents

    CHITSAUKO 39—NGUVA YEKUTAMBUDZIKA

    “Nenguva iyo Mikaeri uchasimuka, iye muchinda mukuru unorindira vana vavanhu vako; ipapo nguva yenjodzi ichavapo, isina kumbovapo yakadaro kubva pakumuka kwemarudzia avanhu kusvika panguva iyo; nenguva iyo vanhu vako vacharwirwa, ivo vose vakangorwa mubhuku” Daniel 12:1. Mutsa uchavharwa mushure meshoko rengirozi yechitatu. Vanhu vaMwari vanenge vapedza kuparidza evhangeri. Vanenge vagamuchidzwa mweya mutsvene kekupedzisira, kuti vakwanise kumira pamatambudziko ekupedzisira. Ngirozi dziri kumhanya pose pose mukati medenga. Imwe ngirozi ichadzoka ichideedzera kuti basa rapera apo inenge ichibva mukati medenga. Vose vakarurama vachange vaiswa chisimbiso chaMwari. Jesu anobva amira basa rake rekumiririra mutembere kudenga. Anosimudza maoko ake achideedzera kuti ” Zvapera.” Ngirozi dzose dzichabvisa korona: ” Usina kururama ngaarambe achiita zvisakarurama, unetsvina ngaarambe achisvibiswa wakarurama kaarambe achiita zvakarurama, mutsvene ngaarambe achiitwa mustvene. Zvakazarurwa 22:11. Nyaya dzose dzapera kutongwa. Kristu anenge apedza mumiririra nyaya dzevanhu vake, zvivi zvose zvinenge zvadzimwa. Vanenge vavapedyo kupihwa bushe nesimba. Jesu ari Ishe wemadzishe naMambo wemadzimambo. KK 370.1

    Pachava nerima guru panyika yose apo Jesu achabuda mutembere kudenga. Panguva iyi vatsvene vachamira pamberi paMwari vasina mumiririri. Satani anenge apihwa mukana wekushandisa simba rake rose kuvanhu vari panyika. Nyasha dzaMwari dzinenge dzavharwa. Nyika yakazvidza nyasha dzake nerudo rwake, pakuramba mutemo wake. Mweya WaMwari wakapedzisira watama panyika. Vose vakaramba mutemo WaMwari vanenge vasina anovadzivirira kubva kuna satani. Satani achaisa nyika pakutambudza kukuru kwekupedzisira.KK 370.2

    Nyika ichaparara kupfuura kuparara kwakaita Jerusalem rekare. Ngirozi imwechete yakaparadza matangwe eEgipta, nyika yose ikazara nekuchema kukuru. Mwari akatumira ngirozi imwechete kuparadza mushure mekunge David amutsa hasha dzaMwari paakaverenga vanhu.KK 370.3

    Simba rimwechete rakashandiswa nengirozi tsvene richashandiswa nengirozi dzakaipa kana Mwari vatendera. Pane mweya yakamirira kuparadza nyika kana Mwari vatendera. Vanochengeta mutemo waMwari vachapihwa mhosva yekuunza matambudziko aya panyika. Kuparidza kweyambiro yekupedzisira kuchatsamwisa nyika pamwechete naSatan. Vachavamba kutambudza vana vaMwari. Mweya WaMwari pawakabviswa kubva kuvaJudha, maPrista havana kuzviziva. Kunyangwe vachashandiswa naSatan vacharamba vachifungu kuti vachiri vasanangurwa vaMwari . Vakaramba vachipa zvipiriso paartari dzavo dzakasviba. Vanhu vakaramba mutemo waMwari vacharamba vachinamata asi mweya mutsvene unenge wabviswa kwavari. Mweya wasatan unenge woshanda pakati pavo uchizviita semweya WaMwari.KK 370.4

    Nyika yose ichabatana kurwisa avo vanenge vachichengeta Sabata zuva rechinomwe kuti vachengete Svondo.KK 370.5

    Vachataura kuti vanhu vashoma havafaniri kuzvidza dzidziso dzeRoma uye mutemo wenyika yose. Zvirinani kuti vanhu ava vashoma vaparadzwe pakuti nyika yose iwirwe nenyonga nyonga.KK 371.1

    Sezvakataurwa naCaiaphas kuti “vuye hamurangariri kuti zvirinani kwamuri, kuti munhu mumwe afire vanhu, rudzi rwose rurege kufa” zvinofanira kuitika kuvanhu vanochengeta murairo WaMwari. John 11:50. Pachaiswa chirewo chinosungira vose vanochengeta Sabata kuti varangwe zvakaomara, mushure vozotongerwa rufu.KK 371.2

    Kereke yeRoma nevose vakabuda musangano iri vachabatana kuti vatambudze vana vaMwari vanochengeta Sabata. Vana vaMwari vachapinda pakushungurudzika sezvakaita Jacob paakarwa nemutumwa husiku hwose achida kundosangana nemukoma wake. “Nokuti zvakanzi naJehova: Takanzwa inzwi rinodederesa, rinotyisa, risati riri rerugare. . . . Nezviso zvose zvacheneruka. Maiwe! Nokuti zuva iri iguru, hakuna rakafanana naro: inguva yekutambudzika kwaJacob, asi uchasunungurwa pazviri” Jeremiah 30:5-7. Nguva yakanamata Jacob husiku achinamatira kuti asangane naEsau, inomirira nguva yekutambudzika kwevana vaMwari (Genesis 32:24-30). Jacob akanga atiza mukoma wake aida kumuuraya nokuti akanga amubira hudangwe.KK 371.3

    Akanga atiza kwemakore akawanda. Mwari akamuraira kuti adzoke kunyika yake nemhuri yake nepfuma. Paakanga avakusvika kunyika kwake akabatwa nekutya kukuru paakanzwa nezvemukoma wake Esau akanga avekuuya nehondo kuzomurwisa. Jacob nemhuri yake vaisakwanisa kurwisa Esau. Jacob akaziva kuti chivi chake ndicho chakanga chamupinza munjodzi iyi. Tariro yake yakanga iri kuna Mwari nepaminamato. KK 371.4

    Akaita zvose zvaaigona kuti ayanane nemukoma wake, asaparadzwe nemhuri yake.KK 371.5

    Vana vaMwari vanofanira kuita zvose zvinoita kuti vasawanirwe mhosva pamberi paMwari. Jacob akatungamidza mhuri yake mberi kuti awane nguva naMwari zvakare vasawone kushungurudzika kwake. Akakumbira kuregererwa chivi chake, awanirwe nyasha pamberi paMwari paBethel.KK 371.6

    Mwari vanokoshesa kuzvininipisa kupfuura kunaka kwekunze. Kusazvidzora nekushamisira chiratidzo chakazara chepfungwa dzinofunga zvenyika ino chete. Izvi zvinounzwa naSatani kuti vanhu vakanganwe ramangwana ratakagadzirirwa naMwari. Kunamata kwekunze ndekwe avo vanemoyo isati yatendeuka. Kuratidzira kweRoma kunesimba rekunyengera vazhinji pakunamata. Vamwe vanotofunga kuti ndiro suwo rekupinda kudenga naro. Vakaverenga nekunzwisa ndivo vega vanogona kuramba vakamira pachokwadi. Vazhinji vachagamuchira kunamata kwekunyengera uku nekuti ndiko kwavanofarira. Dzidziso yekuti sangano reRoma rinesimba rekuregerera zvivi, yakaita kuti kereke yeRoman irambe ichirarama iri muchivi. Vose vanopfugama vachinamata munhu vanozvidzikisira vachizvidza mweya yavo. Kuita kwakadai ndiko kuchazvidza nyika kusvika yaparadzwa naJehova. Zvirinyore kuvanhu vezvivi kutenga ruponeso nemari pane kureurura zvivi nekuzvisiya. Mutoro unoshuvirwa kutakurwa nevanhu unorema kupfuura joko raKristu. Panekufanana kuripo pakati pekereke yeRoma neye vaJudha. Munguva yaKristu paakauya kekutanga vaJudha vaiputsa murairo waMwari asi vachiita zvose zvaitarisirwa pamitambo yaMoses. Vanokoshesa tsika dzevanhu, vachiremedza vanhu.KK 371.7

    Satani achatuma vanhu vake, sezvakaita kunaEsau apo akanga achida kuparadza Jacob, kundo paradza vana vaMwari, achivaisa pakushungurudzika kukuru.KK 372.1

    Satan achapomera mhosva kuvana vaMwari, sezvaakaita kuna Jacob. Anenge achida kuparadza kaboka aka kaduku kuti nyika yose ive mumaoko ake zvakazara.KK 372.2

    Satani paanoona kuti vana vaMwari vakachengetwa nengirozi tsvene, anotanga kuvarangaridza mhosva dzavakaita, dzikaregererwa kudenga. Anoziva zvivi zvose zvaakakonzeresa vanhu. Anozviisa pamberi paMwari achiwedzereredza. Anonyepa kuti Mwari haagoni kuregerera vanhu zvivi zvavo saka vanhu vose ndevake. Mwari anomutendera kuti avaise pamiyedzo yakasimba. KK 372.3

    Kutenda nekutendeka kwevana vaMwari kuchaidzwa zvinesimba. Moyo yavo inobatikana pavano tarisa kumashure vachiwona kukundikana kukuru kwavaiita. Satan anoita kuti vafunge kuti havachina tariro yekuponeswa. Anenge achida kuparadza tariro yavo yose vabve pana Mwari. Asi vacharangarira shoko raMwari: “ndichakuchengetawo panguva yokuidzwa yodokuuya panyika yose, kuidza vanogara panyika.” Zvakazarurwa 3:10. Kana vainechivimbiso chekurevererwa zvivi, havangadzoki kumashure. Kumativi ose vanonzwa vachirongerwa kuparadzwa.KK 372.4

    Vanozvidemba kuti dai vakanyatso shandira Mwari satani aizoshaya mukana wekuvarwisa. Vanonongedzera Mwari pamabasa akanaka nekutendeuka kwavakaita pazvivi zvavo: “Kana asingadaro ngaabate simba rangu, ayanane neni, ngaayanane neni.” Isaya 27:5. Kutenda kwavo hakuzununguswi nekuda kwekunonoka kupindurwa kweminamato yavo.Vanoramba vachinamata. Vanoramba vakabatirira panaMwari sezvakaita Jacob kungirozi. Dai Jacob asina kureurura chivi chake chekubira mukoma wake hudangwe, munamato wake ungadai usina kunzwika kudenga. Dai paine zvimwe zvivi zvisina kuregererwa, vana vaMwari vaishaya simba rekuramba vachinamata kuti vasunungurwe. Kunyange vachiwona vasingakodzori kupukunyuka matambudziko aya ose, vanoshaya chivi chimwechete chavasina kureurura. Zvivi zvavo zvose zvakarongwa, zvikadzimwa zvekuti havachazvirangariri. KK 372.5

    Satani anoita kuti vamwe vanhu vafunge kuti kune zvimwe zvivi zvisina basa pamberi paMwari, asi Mwari vanoratidza panyaya yaJakobho kuti havayanane nezvivi. Vose vanosiya zvivi zvavo zvakanyorwa mumabhuku ekudenga, zvisina kuregererwa, vachakundwa naSatani. Chivi chose chinoita kuti vanhu vasakwanise kumira kana Satani ovaedza. Vose vanononoka kugadzirira mazuva ekutambudzika havazokwanisi kumira panguva iyi. Mamwe makristu vakaramba murairo WaMwari vachasekwa nenyika pavanenge vavekukumbira kuregererwa zvivi nekuda kweku rwadziwa nematambudziko. Kurevurura kwakadai mwakafana nekwa Esau naJudas. Vanochema nekuda kwekutya zvichavawira nekuda kwezvivi zvavo kwete nekuti vatendeuka. Vanorangarira chivi chavo, nekutya murango wacho, sezvaiita Pharaoh vanodzokera pakuita kwavo kwakaipa. KK 372.6

    Nhoroondo yaJacob inotidzidzisa kuti Mwari anoregerera vose vakareurura zvivi zvavo kuna Mwari mushure mekungenyengerwa naSatani. Mwari achatuma ngirozi dzake kuchengeta nekusimbisa vana vaMwari kuti vasaparadzwe naSatan. Kutambudzwa uku kwose kunoita kuti vaite segoridhe rakaburwa mumoto. Rudo rwaMwari rucharamba ruchiratidzwa kuvana vake panguva iyi. Matambudziko ari mberi kwedu anoda vanhu vanokwanisa kuramba vakashinga munzara, mukuneta nemukumirira. Jacob akakurira nekuti akaramba akasimba. Kukurira kwake kunoratidza munamato wemunhu akatsungirira. Vose vachatsungirira nekutendeka paminamato vachabudirira. Vose vachatsungirira vachawanirwa nyasha pamberi paMwari. Vanhu vashoma vanokwanisa kumira pakutenda kana matambudziko aya asvika. Vose vanekutenda kuduku nguva iyi isati yasvika havakwanisi kumira pakutambudzika uku nekuti havana kubvira vaisa vimbo yavo yose munaMwari. Tinofanira kuva nehukama naMwari panguva ino apo nguva yekutambudzika isati yasvika. Ngirozi dzinonyora pasi munamato wese wanamatwa nekurevesa. Ngatitorei nguva yedu kunamata.KK 373.1

    Tikava nenguva yemunamato, Mwari achabvisawo pfungwa dzedu papfuma yenyika ino. Hakuna munhu wechidiki anonyengerwa kana vachitungamirirwa naMwari nguva dzose. Dai vanhu varikuparidza pamusoro peyambiro yemazuva ekupedzisira vainamata nemazvo vaigara vachiwona kubata kwaMwari: “Ndakaonana naMwari , hupenyu bwangu vukachengetwa.” Genesis 32:30. Vanenge vainesimba rekumiririra Mwari nevanhu.KK 373.2

    Nguva yekutambudzika isina kumbovapo panyika, iri pedyo nekuitika mberi kwedu. Hapana mashoko anokwanisa kutsanangura nguva iyi. Munhu wese achazvimiririra pamberi paMwari. “Kunyangwe Noah naDanieri naJobo vaivamo nehupenyu bwangu, ndizvo zvinotaura Jehovah, havangarwiri mwanakomana kana mwanasikana, vangarwira mweya yavo vega, nekururama kwavo.” Ezekiel 14:20. Ngativei vakarurama apo Kristu achiri kutimiririra. Jesu haana kumbofunga zvakaipa. Satani anoshandisa kamukana kadukuduku pakuunza muedzo kumunhu. Jesus anoti: “Muchinda wenyika unouya; asi haane chinhu kwandiri.” John 14:30. Satani akashaya chaangapomere Mwanakomana WaMwari, izvo zvakamupa simba rekukurira. Vose vachamira panguva yekutambudzika vanenge vakachengeta murairo WaMwari sezvaitwa naJesu.Tinofanira kusiya chivi panguva ino kubudikidza neropa raKristu.KK 373.3

    Tinofanira kuva pamwe naKristu kuti atibatsire pakushaiwa simba kwedu. Tinofanira kudzidza kuzvininipisa saKristu. Zviri kwatiri kubatana nevatumwa vaMwari vatibatsire kugadzirisa hunhu hwedu.KK 373.4

    Munhu wese anorega basa iri anozvigadzirira njodzi pamweya wake. John mumuwono anonzwa inzwi guru richiti: “Saka farai kudenga nemi munogara ko. Munenhamo imi nyika negungwa nokuti mweya wakaipa wakaburukira kwamuri akatsamwa kwazvo nokuti unoziva kuti uchine nguva duku” Zvakazarurwa 12:12. Mashoko anobva kudenga aya anotyisa. Kutsamwa kwasatani kunoita kuchi wedzera apo nguva yake yekuparara ichiswedera.. Zvishamiso zvemweya yakaipa zvichaonekwa muchadenga nepanyika. Mweya yakaipa ichaenda kumadzimambo enyika ichi vanyengera kuti vapandukire Mwari. Vanhu venyika vachanyengerwa nemweya yakaipa. Vachamuka vana kristu venhema vachiti ndivo Muponesi. Vachaita zvishamiso vachitaura mashoko anopesana neshoko raKristu. Satani achazvishandura achizviita Kristu.KK 373.5

    Kereke yakamirira kuuya kwaMuponesi setariro yega yasara. Munyengeri achazvishandura achiita sekunge ndiKristu adzoka. Kunyika dzakapararira Satan achazviratidza sengirozi yekupenya sezvakanyorwa kuna Zvakazarurwa. Zvakazarurwa 1:13-15. Kubwinya kwake kuchashamisa vakawanda. Vamwe vachadeedzera nemanzwi ekukurira vachiti Kristu awuya. Vamwe vachapfugama vachimunamata, iye achasimudza maoko achitaura mashoko ekuropafadza sezvakaita Kristu. Inzwi rake rinenge rakatsetseka, richinakidza kuteerera. Achadzidzisa zvimwe zviri mushoko raMwari asi achaudza vanhu Sabata akarishandura kuenda paSvondo. Acharapa varwere achiita zvishamiso. Achaudza vanhu vose varikuchengeta Sabata zuva rechinomwe kuti havasi kuteerera. KK 374.1

    Kunyengera kukuru sekunyengerwa kwakaitwa vanhu veSamaria naSimon Magus n'anga, vanhu vose vaitenda kuzvishamiso zvake vachiti, “iri isimba guru raMwari.” Mabasa Avapositori 8:10. Vanhu vaMwari havazonyengerwi. Dzidziso dzakristu uyu wenhema hadzienderani neshoko raMwari. Zvikomborero zvake zvichaenda kune vanhu vanonamata chikara nemufananidzo wacho. Ndivo vanhu vacharohwa naMwari. KK 374.2

    Satani achadziviswa naMwari kuti ateedzere kuuya kwaJesu nemazvo.KK 374.3

    Jesu akagara atiudza kauriro kaachaita paachauya kechipiri. “Vachamuka vana kristu venhema nevaporofita venhema vachiratidza zvinoshamisa, zvekuti dai zvaibvira wainyengera nevasanangurwawo ... Kana vachiti kwamuri ari kurenje musaendako, ari mumba yemukati, musatenda. Semheni inopenya ichibva kumabvazuva, ichienda kumavirira, ndizvo zvichaita kuuya kwemwanakoma wemunhu.” Mateo 24:24-27, 31; 25:31; Revelation 1:7; 1 Thessalonians 4:16, 17. Hapana anokwanisa kuuteedzera kauriro aka. Vose vakanzwisisa shoko raMwari havakwanisi kunyengerwa. Bhaibheri rinoisa pachena vanyengeri venhema ava. KK 374.4

    Vana vaMwari vanofanira kuziva Bhaibheri nemazvo kuti vakwanise kumira pamatambudziko aya. Satani anoda kuti vanhu vasagadzirire kuti vasakwanise kumira pamatambudziko. Vana vaMwari vachatiza kutambudzwa nevatongi venyika ino.KK 374.5

    Vachamhanya vachibva munerimwe guta vachienda munerimwe. Vachandovanda mumakomo. “Tichatenda Mwari nekupa nzvimbo dzehutiziro.” Isaiah 33:16. Vanhu vose vanonamata Mwari vachaiswa muhusungwa nekuda kweshoko raMwari. Vana vaMwari vachapedza nguva vari muhusungwa, vamwe vachisiiwa kuti vafe nenzara. Hapana kana munhu anoshuvira kuvabatsira. Ko Mwari angakanganwa here vanhu vake munguva yekuedzwa kwakadai? Mwari haana kukanganwa Noah, Roti, Josefa, Danieri naJeremiya pamazuva avo apo vainge vachisangana nekuedzwa kukuru.KK 374.6

    “Asi Zion rakati: Jehovah wakandisiya, Ishe wakandikangwanwa. Ko mukadzi ungakanganwa mwana wake waanonwisa, akasava netsitsi nomwanakomana wechizvaro chake here? Zvirokwazvo vose ava vangakanganwa, asi ini handingakukanganwi ” Isaiah 49:14-16. ” Nokuti zvanzi naJehova wehondo: Wakanditumira kundudzi dzakakupambai imi, kuti ndiwane kukudzwa; nokuti unokugunzvai imi, unogunzva mboni yeziso rake” Zakaria 2:8. Matambudziko aya ose haakwanisi kubvisa hukama hwaKristu nevanhu vake. Ngirozi dzaMwari dzinoshanyira vanenge vachishungurudzwa vari mumatirongo nemumakomo. Sezvakaitika kuna Pauro naSilas, ndizvo zvichaitika kuvana vaMwari. Mwari achaisa pakutongwa vose vanenge vaine chinangwa chekupradza vana vake.” Nokuti Jehovah uchasimuka sezvakaita pagomo rePerazimi, uchatsamwa sepamupata weGebeon; kuti abate basa rake, iro basa rake rinoshamisa, nokuti izvo zvaanoita, zvinoshamisa.” Isaya 28:21. Mwari haafariri kuparadza vanhu. “Handifariri rufu rwowakaipa, asi kuti atendeuke panzira yake.” Ezekeri 33:11. KK 375.1

    ” Jehovah akapfuura pamberi pake, akadanidzira achiti: Jehovah, Jehovah, Mwari uzere nenyasha nengoni, unononoka kutsamwa, anetsitsi huru . Anochengetera vane zvuuru zvamazana nyasha. Anovakanganwira zvakaipa zvavo, asi asingapembedzi munhu unemhosva anorova vana nekuda kwezvivi zvamadzibaba avo navana vavo kusvikira kurudzi rwechitatu nerwechina Eksodo 34:6, 7; Nahume 1:3. Mwari acharwira mutemo wake wakazvidzwa. Mwari achaparadza vakaipa kana nguva yakwana. Kana mutsa wavharwa hasha dzaMwari dzinoratidzwa kune vose vakagamuchira munembo wechikara. (Zvakazarurwa 14:9, 10). KK 375.2

    Matambudziko akawira nyika yeEgipita ndiwo achawira nyika asi anenge ava nesimba kupfuura kare. Johane anoti ” Wokutanga akaenda akadurura ndiro yake panyika; ronda rakaipa rinorwadza rikavapo pavanhu vakanga vane chiratidzo chechikara, vakanamata mufananidzo wacho.Wechipiri akadurura ndiro yake pagugwa, rikashanduka ropa seromunhu wakafa nezvipenyu zvose zvakanga zviri mugungwa zvikafa. Wechitatu akadurura ndiro yake panzizi nomumatsime emvura ikashanduka ropa. Ndikanzwa mutumwa wemvura achiti: Imi Makarurama muripo namakanga muripo Mutsvene nokuti makatonga saizvozvo. Nokuti vakadurura ropa ravatsvene nerevaporofita mukavapa ropa, kuti vanwe vakafanirwa naizvozvo.” Zvakazarurwa 16:2-6. Nyika inemhosva yekudeura ropa revana vaMwari. Kristu anoti vaJudha vane mhosva yekuuraya vanhu vaMwari kutanga kuna Abel. Zuva rakapihwa simba rekupisa vanhu semoto.” Verses 8, 9. KK 375.3

    ” Munda waparadzwa, nyika inochema nokuti zviyo zvaparadzwa, waini itsva yapwa, mafuta apera. Nyarai imi varimi wungudzai imi varimi vemizambiringa nekuda kwezviyo nebari nokuti zvakaberekwa neminda zvaparadzwa” Joere 1:10-12, 17-20; Amosi 8:3. Matambudziko aya anenge achiwira dzimwe nzvimbo, zvakare haazoparadzi nyika yose. Aya matambudziko anenge achirwadza zvisati zvakamboitika kubva makare kare. Matambudziko ose anowira vanhu mutsa usati wapfigwa anenge akasanganiswa nenyasha dzaMwari. Panguva iyi vanhu vachashuvira nyasha dzaMwari dzavakaramba.KK 375.4

    “Tarirai mazuva anouya, ndizvo zvinotaura Jehovah, andichatuma nzara isati iri nzara yezvokudya kana nyota yemvura, asi yokunzwa shoko raJehova. Vachadzungaira vachibva kugungwa vachienda kugungwa, vachibva kumusoro vachienda kumabvazuva, vachamhanya pose pose vachitsvaga shoko raJehova, asi havangariwani ” Amosi 8:11, 12. Kunyangwe vana vaMwari vachisangana nekuedzwa kukuru, havazosiiwi vari vega kuti vaparare. Mwari umwechete akachengetedza Eriya haazosiyi vana vake vari voga. Apo vakaipa vanenge vachiparadzwa, Mwari achachengetedza vanhu vake kubudikidza nengirozi dzake tsvene.KK 376.1

    “Ndiye unofamba nekururama, unotaura zvakarurama iye unoshovora fuma yakawanikwa nekunyengera, unozuza mavoko ake chiramba fufuro, unodzivira nzeve dzake kuti arege kunzwa mashoko eropa, unotsinzinya meso ake arege kurangarira zvakaipa. Iye uchagara pakakwirira, nhare dzamatombo dzichava utiziro hwake, zvokudya zvake uchazvipiwa, mvura yake haingapwi.” Isaya 33:15, 16; 41:17. ” “Nokuti kunyange muvonde ukasatunga maruva, nemizambiringa ikashaiwa zvibereko, Kunyange kubereka kwemuorivi kukakona. Neminda ikasabereka zvokudya; Kunyange makwai akapera muchirugu; Nemombe dzikashaikwa mumatanga. Kunyange zvakadaro hazvo ndichafara kwazvo muna Jehovah. Ndichava nomufaro muna Mwari, woruponeso rwangu. Habakuku 3:17, 18. KK 376.2

    “Jehovah ndiye muchengeti wako. Jehovah ndiye mumvuri wako paruwoko rwako rwerudyi. Zuva haringakubayi masikati, Nomwedzi husiku. Jehovah uchakuchengeta pazvakaipa zvose. Uchachengeta mweya wako.” Mapisarema 121:5-7; 91:3-10.KK 376.3

    Asi pakuona kwevanhu, zvinoita sekunge Mwari achatendera kuti vana vake vaurayiwe. Vachafunga kuti Mwari avasiya kuti vaparadzwe nevavengi. Vachachema husiku namasikati kuti Mwari avarwire. Vakaipa vanodanidzira vachiti, “Kutenda kwenyu kuripi? Sei Mwari wenyu asina kukurwirai pamaoko edu kana muri vanhu vake? Vana vaMwari vanorangarira mashoko vakataurwa kuna Jesu apo aiva pamuchinjiko: “Wakaponeswa vamwe haagoni muzviponesa. Ndiye mambo wava Israeri. Ngaaburuke iye zvino pamuchinjikwa titende kwaari.” Mateo 27:42. KK 376.4

    Vose vachaita mutsimba naMwari sezvakaita Jacob. Zviso zvavo zvicharatidza kushungurudzika kuri mumoyo. Zviso zvavo zvinotsvukuruka nekuda kweshungu, asi vanoramba vachinyengetera. Ngirozi dzinesimba guru dzinenge dzakavakomba mativi ose. Vachamirira dzikinuro inobva kuna Jehovah. Vana vaMwari vanofanira kunwa mukombwe uyu nekupinda murubhabhatidzo urwu. Minamato yavo ichapindurwa nekunonoka kuuya kwaJesu kuzova dzikinura. Vana vaMwari vaifanira kuratidza kutenda kwavo, kutsungirira, kuramba vane tariro nemoyo. Nekuda kwevakasanangurwa nguva yekutambudzika ichapfupiswa. “Ko zvino Mwari haangaruramisiri vakasanangurwa vake, vanodanidzira masikati nehusiku kunyange achinonoka pamusoro pavo here? Ndinoti kwamuri uchakurumidza kuvaruramisira. Asi Mwanakomana womunhu kana achisvika uchawana kutenda here.” Ruka 18:7, 8. Kuguma kuchakurumidza kusvika kupfuura zvinotarisirwa nevanhu.KK 376.5

    Zviyo zvichaunganidzwa kuti zviiswe mudura asi hundi huchaunganidzwa kuti hupiswe. Vakarurama vacharamba vakamirira nguva yekudzikinurwa. Vakaipa vachatara nguva yekuuraya nekuparadza vose vanochengeta murairo WaMwari. Asi hakuna kana mumwechete anokwanisa kupfuura ngirozi dzaMwari kuti vaparadze vakatendeka. Zvombo zvevavengi vaMwari zvichawira pasi zvoga, apo vanenge voda kuuraya vakatendeka.KK 376.6

    Vamwe vacharwirwa nengirozi tsvene dzinenge dziri muchimiro chevarwi vehondo. Ngirozi dzinogara dzichishandiswa naMwari kuchengetedza vanhu. Dzinouya dziine zvimiro zvakasiyana siyana, pamwe dzichipenga semheni, pamwe sevanhu, pamwe sevarwi vehondo. Pamwe dzaivesa moto paartari. Pamwe dzakavhura matirongo kuti vana vaMwari vabude. Dzinoshanya paungano dzevatsvene nepaungano dzevakaipa, sezvakaita paSodom kuti dziwone kupa murango kuguta iri. KK 377.1

    Mwari anodzora hasha dzake nekuda kwenyasha dzake kuti arege kuparadza vanhu nekuda kwemunhu mumwechete akatendeka. Vanhu vanotadzira Mwari havazivi kuti vanoraramiswa nevashoma vakatendeka vavanoseka nekuzvidzwa. Vatungamiriri venyika havazvizivi asi mumatare avo ngirozi dzakataura dziri muchimiro chevanhu. Ngirozi idzi dzaiita zvose kubatsira vanhu asi vanhu havana kuzvicherechedza. Mumatare edzi mhosva, dzaipinda dzichimiririra vasingakwanisi kumira voga pakutongwa. Dzaidzivisa zvose zvaikwanisa kukonesa kuti vhangeri riende mberi zvakanaka. Munguva dzekumanikidzwa “mutumwa waJehovha unokomberedza vanomutya nekuvarwira.” Mapisarema 34:7. Vana vaMwari vanomirira chipikirwa chekuuya kwaMambo mukuru. Varindi vachabvunzwa “Inguvai yehusiku?” Vachapindura vasingatyi, “Mangwanani anouya, novusikuvo.” Isaya 21:11, 12. KK 377.2

    Kuuya kwaJesu kwava pedyo. Mambakwedza nehusiku zvose zvinouya panguva imwechete. Mangwanani anouya kuvana vaMwari vanga vari pakutambudzika kukuru. Husiku huchauya kuvanhu vose vakaipa apo vanenge vavakuparadzwa nemusingaperi.KK 377.3

    “Mwari acharatidza vana vake zvavakanga vasingawone. Vanoona denga richipenya. Vanonzwa kuimbira kunotapira kwengirozi kuchibva kudenga: “Rambai makasimba pakutenda. Kusunungurwa kwenyu kunosvika” Inzwi raKristu rekusimbisa varanda vake ” Tarirai ndinemi. Musatya. Ndinoziva kutambudza kwenyu, ndakatakura marwadzo enyu. Vavengi venyu vakayerwa neni. Ndakakurwirai hondo yenyu. Muri vakundi nekupfuurisa. “Jesu vachatumira sununguro panguva chaiyo apo vanhu vake vanenge vakamirira. Ndiye anotungamira munzira yekuenda kudenga. Zvose zvatakasangana nazvo, akasangana nazvo. KK 377.4

    Nguva yematambudziko inorwadza asi, inotisimbisa pakutenda kuti tirambe takatarisa kumusoro kudenga pane zvaakavimbisa mushoko rake; “Vakasunungurwa naJehova vachadzoka, vachaenda Zion vachiimba; mufaro usingaperi uchava pamisoro yavo, vachapiwa mufaro nokufarisisa, kuchema nokugomera kuchapera. Ini iyeni, ndinokunyaradzai; ndiwe aniko, unotya munhu anozofa, kana mwanakomana womunhu achaitwa sovuswa; ukakanganwa Jehovah Muiti wako, wakatatamura denga rose, nokuteya nheyo dzenyika, uchingotya zuva rose nokuda kwehasha dzomumanikidzi, kana achizvigadzira kuparadza here? Musungwa wakatapwa uchakurumidza kusunungurwa, haangafi nokuburukira mugomba, zvokudya zvake hazvingashaikwe. Nokuti ndini Jehovah Mwari wako, unomutsa gungwa, kuti mafungu atinhire; Jehovah wehondo ndiro zita rake. Ndakaisa mashoko angu mumuromo mako, ndikakufukidza mumumvuri woruvoko rwangu, kuti ndivambe denga rose, nokuteya nheyo dzenyika.” Isaiah 51:11-16. KK 377.5

    “Naizvozvo zvino chinzwa chinhu ichi, iwe unotambudzika, wakabatwa, asi usino kubatwa newaini. Zvanzi naShe wako Jehovah, naMwari wako, unorevera vanhu vake: Tarirai ndakabvisa mukombe wokudzedzeresa paruvoko rwako, iwo mukombe uzere nokutsamwa kwangu, haungazounwi zve, ndichauisa muruoko rwavanokutambudza, ivo vakati kwauri: Kotama, tifambe napamusana pako sapasi, senzira yomumusha inofamba navanhu.” Verses 21-23.KK 378.1

    Mwari aiziva zvichaitwa nevatungamiriri venyika kuvana vake. Sevanhu vanenge vari pautapwa, vaitya kuurayiwa nenzara kana kushandisirwa nzira dzehutsinye. Mwari akapatsanura gungwa dzvuku nepakati achashandura kutapwa kwavo kuve mufaro. “Vachava wangu—ndizvo zvinotaura Jehovah wehondo- ivo vangu chaivo, nezuva randichazviita; ndichavanzwira tsitsi somunhu unonzwira tsitsi mwanakomana wake unomubatira.” Malachi 3:17. Dai Mwari akarega vana vake vachiparara panguva iyi, Satani angadai akakunda. Muimbi anoti: “Nokuti nomusi wenjodzi unondiviga mudumbu rake. Uchandikwiridza padombo.” Mapisarema 27:5. Kristu anotaura: ” Vuyai vanhu vangu, pindai mumba yenyu yemukati mupfige mikova yenyu Shure kwenyu; muvande nguva duku, kusvika kutsamwa kwapfuura.” Isaya 26:20, 21. Vana vaMwari, avo vakamumirira nekutiwira, ivo vakanyorwa mazita avo mutsamba yeupenyu, vacharwirwa zvinofadza. KK 378.2

    Larger font
    Smaller font
    Copy
    Print
    Contents