Loading...
Larger font
Smaller font
Copy
Print
Contents
KURWISANA KUKURU - Contents
  • Results
  • Related
  • Featured
No results found for: "".
  • Weighted Relevancy
  • Content Sequence
  • Relevancy
  • Earliest First
  • Latest First
    Larger font
    Smaller font
    Copy
    Print
    Contents

    CHITSAUKO 32—MISUNGO YASATANI

    Hondo huru pakati paKristu naSatani, iyo yarwiwa kwemakore angasvika 6000, yave pedyo nekupedzwa; wakaipa anowedzera masimba ake kuti awisire pasi basa raKristu kuvanhu, nekusungirira vanhu pamisungo yake. Kubata vanhu vari murima nekusatendevuka kusvikira basa raMuponesi rekuvamiririra raguma, kusisina kumiririrwa kwezvivi, ndizvo zvaakananga.KK 314.1

    Kana pasina zvaitwa nekuzvimisira kudzivisa simba rake, kana kushaya hanya kuri mukereke nemunyika, Satani haana chinomutambudza, nekuti haasi munjodzi yekurasikirwa nevaakabata muhuranda. Asi kana vanhu vakatanga kutarisa nezve kudenga, vanhu vachibvunza, “Ndingaitei kuti ndiponeswe?” anobva amira, achiedza kuratidza simba rake kupikisa raKristu, nekudzivisa simba reMweya Mutsvene.KK 314.2

    Magwaro anoti paneimwe nguva, vatumwa vaMwari pavakavuya kuzomira pamberi paJehova, Satani akavuyavo pakati pavo, (Jobo 1:6) asingavuyi kuzopfugamira Mambo anogara nekusingaperi, asi kuzosimbisa manyepo ake ekurwisana newakarurama. Nechinangwa chimwechete chakadai, anovuya panovunganwa kuzonamata Mwari. Kana nepo asingavonekwi, anoshanda nekushingaira kune huchenjeri kuti abate pfungwa dzevanamati. Semukuru wehondo ane humhizha, anogara aronga mazano ake kare. Paanovona muranda waMwari achinzvera Magwaro, anotarisa nyaya iri kugadzirirwa kunoparidzirwa vanhu. Anobva aronga mazano ekunyengera nehuchenjeri kuti adzivise shoko iri kusvika kune avo vaari kunyengera panyaya iyoyo chaiyo iri kuda kutaurwa. Munhu anofanira kubatsirika neshoko iri anokurudzirwa kune rimwe basa rekuita rinoda kuti iye avepo, kana kuti nedzimwe nzira anokanganiswa kuti asanzwa mashoko anogona kumuunzira hupenyu husingaperi. KK 314.3

    Satani anovonazve varanda vaMwari vachinetsekana nerima riri pamusoro pevanhu. Anonzwa minamato yavo yekukumbirisa nyasha dzedenga nesimba rekugona kumukurira, kubvisa kushaya hanya, nekuzviregeredza nehusimbe. Nesimba idzva anoshandisa mano ake. Anoedza vanhu kuti vasazvidzora panezvekudya kana kune chimwe chinotsvaka kuzvifadza, nenzira idzi anokwidibira ndangariro dzavo, kuti vatadze kunzwa zvinhu zvakanyanyisa kukosha kuti vadzidze.KK 314.4

    Satani anoziva kuti vose vaanogona kutungamirira kuti vashaye hanya nekunamata nekuverenga Magwaro, achavakurira nemisungo yake. Saka anogadzira nzira dzose dzinogona kuputira pfungwa. Kune vanhu vanogara vachitaura nezvekunamata, asi panekuti vatsvake kuziva chokwadi, vanotsvakira vamwe mhosva pahunhu hwavo kana pakutenda kwavo mune avo vavasingawirirani navo. Vakadaro ndivo vabatsiri vakuru vaSatani. Vapomeri vehama havasi vashoma, vanogara varimubishi kana Mwari ari mubasa, nevaranda vake vachimupa rukudzo rwakafanira. Vanoisa mavara asiri iwo pamashoko nemabasa eavo vanoda nekuteerera chokwadi. Vanotaura pamusoro pevakatendeka chaizvo, vanozvipira nekuita zvinhu zvose nemwoyo wose pakati pevaranda vaKristu vachivatora sevanyengeri sevakatenda. Ibasa ravo rekutaura zvisiri izvo pamusoro pebasa rose rechokwadi rakaperera, nekuparadzira pfungwa dzekunyepa, nekumutsa kusagutsikana mupfungwa dzevatendi vatsva. Vachaedza pavanokwanisa napo pose kuti vakonzere kuti izvo zvakanaka zvakaperera zvinzi manyepo nezvinonyengera.KK 314.5

    Asi hapana anofanira kunyengedzwa naizvozvo. Zvinogona kuva nyore kuona kuti ndivana ani, kuti vanotevedzera muenzaniso waani, uye kuti ibasa raani ravanoita. ” Muchavaziva nezvibereko zvavo” Mateo 7:16. Mabasa avo anofanana neaSatani, munyengeri akarovedzerwa, “mupomeri wehama dzedu” Zvakazarurwa 12: 10. KK 315.1

    Munyengeri mukuru uyu ane vashandiri vazhinji vanomubatsira kuisa nhema dzemarudzi akasiyana siyana kuti abate vanhu mumisungo yake dzidziso dzenhema dzakagadzirirwa kunyengedza vanhu vanezvidiso nezvimiro zvakasiyana siyana vaanoda kuparadza. Izano rake rekupinza mukereke vanhu vasingarevesi, vasina kutendevuka vanokurudzira kunyunyuta nekusatenda, nekudzivisa vose vangada kuona basa raMwari richienda mberi, nekuenda naro mberi. Vazhinji vasingatendi muna Mwari, kana mushoko rake, vanosvika pane zvimwe zvimiso zvechokwadi vototorwa semaKristu, zvinovaita kuti vakwanise kupinza manyepo avo sedzidziso yemumagwaro.KK 315.2

    Kufunga kwekuti hazvina basa kuti munhu anodavira chii, ndiko kumwe kunyengera kukuru kunoshandiswa naSatani. Anoziva kuti chokwadi, chikagashirwa murudo rwacho, chinochenesa nekunatsa hupenyu hwemunhu. Ndicho chikonzero nei achigara achitsvaka kuisa dzidziso dzenhema, ngano nerimwevo vhangeri. Kubva pakutanga, varanda vaMwari vanorwisana nevadzidzisi venhema, vasingazviiti sevanhu vane hasha dzinotyisa, asi sevanhu vanofambisa manyepo anoparadza mweya. Eria, Jeremiah, naPauro, vakapikisa zvakasimba vasingatyi avo vaibvisa vanhu kushoko raMwari. Kusununguka uku kwekutora kunamata kwechokwadi kuti hakukoshi, kwakarwiswa nevarume ava vaive vadziviriri vechokwadi.KK 315.3

    Kududzirwa kweMagwaro kusina kutwasuka, kwakamonyoroka, nefungidziro zhinji dzinorwisana munyaya dzezvekunamata, zvinowanikwa pakati pemaKristu, mabasa emuvengi wedu mukuru, kuitira kukanganisa pfungwa kuti vanhu vasavona chokwadi. Kupesana nekusagadzikana kunowanikwa mumakereke echiKristu zvinokonzerwa netsika dziriko dzekuminamisa maMagwaro kutsigira pfungwa inenge ichifarirwa. Pane kudzidza shoko raMwari zvine hudzamu nekuzvininipisa kwemwoyo kuti munhu awane ruzivo rwezvidiso zvaMwari, vazhinji vanotsvaka kuwana zvisina kujairika kana zvakasiyana nezvakagara zviripo.KK 315.4

    Mukuedza kumisa dzidziso dzisiri idzo netsika dzisiri dzechiKristu, vamwe vanotora zvikamu zveMagwaro kubva pandima dzazvo, vachitora chidimbu chendima imwe kuti vabudise zvavanoda, asi chidimbu chendima chavanenge vasiya chichiburitsa zvinopesana chaizvo nezvavanenge vataura. Nekunyengera kwenyoka, vanozvisungirira mumashoko avasingazogoni kutsanangura, kuti vazadzise kufunga kwavo kwenyama. Ndizvo zvavanoita vazhinji vachikanganisa shoko raMwari. Vamwevo, vanofunga zvakapinza, vanotora mifananidzo yemuMagwaro Matsvene, voidudzira kuti zvipindirane nekufungidzira kwavo, vasingaisi pfungwa dzavo pakupupura kweMagwaro kuti anozvidudzira oga, vachiisa zvitsva izvi zvavakafunga sedzidziso dzeBhaibheri.KK 315.5

    Pose pose panodzidzwa Bhaibheri pasina kunamata nemweya wekuzvininipisa, mweya unoda kudzidza, ndima dzakareruka nedzakawoma kunzwisisa dzinogona kubviswa pane zvadzinoreva chaizvo. Vana vanosarudza ndima dzakadai kubva muMagwaro kuti dzitaure zvavanodavo, dzichidudzira sezvavanoda, vachipa izvi kuvanhu, vachinyima vanhu mukana wekuzviverengera Bhaibheri kuti vanzwisise chokwadi chirimo voga. Bhaibheri rose rinofanira kupiwa kuvanhu sezvariri. Zvaive nani kuti vasatombodzidziswa Bhaibheri zvachose, pane kupiwa dzidziso dzemuMagwaro dziri kududzirwa zvakaminamiswa zvakadaro.KK 316.1

    Bhaibheri rakagadzirirwa kutungamirira vose vanoda kuziva kuda kwaMwari Musiki wavo. Mwari akapa kuvanhu shoko rechiprofita chezvokwadi; vatumwa kana naKristu pachake vakavuya kuzozivisa Danieri naJohane zvinofanira kukurumidza kuiitika. Zvinhu zvinokoshera ruponeso rwedu hazvina kusiiwa zvakavanzika. Hazvina kuziviswa nenzira inokanganisa nekurasisa vanotsvaka chokwadi nemwoyo wose. Vakadaro Jehova kuburikidza nemuprofita Habakuki, “Nyora zvawaratidzwa, zvivonekwe kwazvo, . . pamahwendefa, kuti zvigone kuverengwa neanomhanya” Habakuki 2:2. Shoko raMwari riri pachena kune avo vose vanoriverenga nemwoyo wakapera nekunamata. Munhu wose akaperera achawana chiedza chechokwadi. “Chiedza chinodzvarirwa wakarurama” Pisarema 97:11. Hakuna kereke ingakura muhutsvene kana nhengo dzayo dzisingatsvaki chokwadi nekushingaira sevanotsvaka pfuma yakavanzwa. KK 316.2

    Nekudaidzira, kusununguka, vanhu vanopofumadzwa kumanyepo emuvengi, asi iye achishanda nguva dzose nekuzvimisira kuti azadzise chinangwa chake. Paanobudirira kutsinhanisa Bhaibheri nefungidziro dzevanhu, murairo waMwari unoiswa parutivi, makereke ove pasi pehuranda hwechitema, asi ivo vachiti vakasununguka. KK 316.3

    Kuvazhinji, tsvakurudzo dzesainzi dzatove chituko. Mwari akatendera kuti zvinhu zvakawanda zvizivikanwe kuburikidza nesainzi nedzidzo, asi kunyange pfungwa dzakapinza chaizvo, kana dzisina kutungamirirwa neshoko raMwari mutsvakurudzo dzavo, vanogona kukanganiswa pavanoedza kutsvakurudza vukama huri pakati pesainzi nezvakazarurwa zvaMwari.KK 316.4

    Ruzivo rwevanhu muzvinhu zvenyika ino nerwezvinhu zvemweya haruna kuperera uye haruna kukwana, saka vazhinji havagoni kunyatsoenzanisa kunzwisisa kwavo kwesainzi nezviri muMagwaro. Vazhinji vanogamuchira fungidziro dzakawanda vachifunga kuti isainzi, vofunga kuti shoko raMwari rinofanira kupimwa nedzidziso dzinoumbwa kubva muna izvozvi, “zvinonzi isainzi”. Havagoni kunzwisisa Musiki nemabasa ake, saka nemhaka yekuti havakwanisi kutsanangura izvi nemanzwisisire avo ekusikwa kwezvinhu, zvinotaurwa neBhaibheri zvinonzi hazvina kukwana hazvingadairwi. Avo vanoramba kutenda muzvinyorwa zveTestamende Yekare neItsva, vanoenda mberi zvekare nekuramba kuvapo kwaMwari, vachipa simba rose rehuMwari kuzvinhu zvakasikwa. Kana varega kubata panheyo yakasimba iyi, vanodzungaira mumatombo nemumasango ekusatendeka. KK 316.5

    Saka vazhinji vachirasika kubva kukutenda, vachinyengerwa nadiabhorosi. Vanhu vanoda kuchenjera kupfuvura Musiki wavo, huchenjeri hwevanhu hwaedza kutsvaka nekutsanangura zvakavanzika zvisingazozivikanwi kusvikira nekusingaperi. Asi kana vanhu vaingatsvaka nekunzwisisa izvo Mwari zvaakazivisa pamusoro pake, nezvinangwa zvake, vaingavona kubwinya, nesimba, nembiri yaJehova zvaivabatsira kunzwisisa, kudukupika kwavo, zvichivaita kuti vagutsikane nezvaakavazarurira nevana vavo.KK 317.1

    Hunyanzvi hwaSatani hwekunyengera hunokonzera kuti vanhu varambe vachingotsvaka nekubvunzisisa izvo Mwari zvaasina kuzivisa, nezvaasina kumboda kuti tizive kana kunzwisisa. Ndizvo zvakakonzera kuti Rusifa arasikirwe nenzvimbo yake kudenga. Akatanga kusagutsikana nemhaka yekuti zvakavanzika zvaMwari zvose zvakanga zvisina kuzarurirwa kwaari. Akashaya hanya zvachose nezvaakaisirwa pachena zvaaifanira kuita nekuda kwechigaro chake chakanga chakakwirira. Mukuisa mweya wakadarovo muvatumwa vaive pasi pake, akakonzera kuputsika kwavo. Saka ikozvino anotsvaka kuzadza pfungwa dzevanhu nemweya wakadaro uyu, nekuvatungamirira kuti vasateerera Mwari.KK 317.2

    Avo vanoramba kugashira chokwadi chiri pachena chinobaya cheBhaibheri, vanoramba vachitsvaka ngano dzinovafadza dzinonyaradza hana dzavo. Dzidziso dzavanoparidzirwa kana dzisina simba repamweya, dzisingadaidziri kuzviramba nekuzvininipisa, ndidzo dzavanofarira nekukurumidza kugamuchira. Vanhu ava vanodzikisira simba repfungwa kuti vagutse zvidiso zvavo zvenyama. Vanovona sekuti vakangwara zvikuru zvekuti havangatsvaki muMagwaro nemwoyo wakapwanyika nekunamata kwakaperera kuti Mwari avatungamirire, kuti vadzivirirwe kubva kunhema. Satani akagadzirira kupa zvinodiwa nemwoyo yevanhu, uye anogadzika nhema dzake pachinzvimbo chechokwadi. Ndizvo zvakaitwa naanapapa kuti vawane simba pamusoro pepfungwa dzevanhu, nekurambavo chokwadi nekuti chine muchinjikwa mukati, maProtestandi anoteveravo nzira imwechete. Avo vose vanoramba shoko raMwari kuti vadzidze zvavanowana mumirairo yevanhu, kuti vasasiyana nenyika, vachasiiwa kuti vagashire nhema dzinoparadza pachinzvimbo chechokwadi chezvekunamata. Nhema dzose dzingafungwa dzichagashirwa neavo vanoramba chokwadi nekuzvidira. Uyo anotarisa nekushora kukuru imwe mhando yemanyepo zvinomuitira nyore. Zvikuru kugashira rumwevo rudzi rwemanyepo. Muapostora Pauro, achitaura nezvevanhu “vasina kugamuchira rudo rwezvokwadi, kuti vaponeswe.” Anoti saka Mwari unovatumira simba rekukanganisa, kuti vatende nhema, kuti vose vasina kutenda zvokwadi, asi vakafarira zvisakarurama, vatongwe” 2 VaTesaronika 2:11, 12. Neyambiro yakadai yatinopiwa, zvinoda kuti tigare takangwarira kuti tinogashira dzidziso dzakaita sei.KK 317.3

    Mamwe manyepo makuru emunyengeri mukuru uyu idzidziso dzenhema nekunyengera kwakahwanda mumashura ezvemweya. Achinyepera semutumwa wechiedza, anoparadzira mambure ake paasingambofungidzirwi. Kudai vanhu vaingadzidza Bhuku raMwari nekunyengetera kwakaperera, kuti varinzwisise, havaizosiiwa vari mudima kuti vagashire dzidziso dzekunyepa. Asi pavanoramba chokwadi, vanowira munjodzi yekuzoparadzwa nemanyepo.KK 317.4

    Dzimwe nhema dzine njodzi idzidziso inoramba huMwari hwaKristu, ichiti iye haana kumborarama asati auya munyika ino kekutanga. Dzidziso iyi inodairwa nevanhu vazhinji vonoti vanodaira Bhaibheri, asi inopikisana zviri pachena nemashoko anotaurwa naMuponesi wedu pamusoro pehukama hwake naBaba, chimiro chake chehuMwari, nekuvapo kwake kusikwa kusati kwaitika. Hazvigoni kudzidzwa nekugashirwa pasina kushonyororwa kweMagwaro. Hazvingodzikisiri chete maonere evanhu basa rerudzikinuro, asi kunodzikisa rudairo muBhaibheri seShoko rakabva kuna Mwari. Izvi zvinoita kuti zvive nenjodzi huru kwazvo, nekuitavo kuti dzidziso iyi iwome kupikisana nayo. Kana vanhu vakaramba kupupura kweMagwaro akafemerwa kwaanoita pamusoro pehuMwari hwaKristu, hazvibatsiri kuitisana nharo navo, nemhaka yekuti hazvinei kuti munhu ataura zviri pachena sei hakuna chavachabvuma. “Zvino munhu sezvaakaberekwa haagamuchiri zvinhu zveMweya waMwari; nekuti vupenzi kwaari; haazvinzwisisi, nekuti zvinonzwisiswa neMweya” 1 VaKorinde 2:14. Hakuna kune vanodaira manyepo aya vangakwanisa kunzwisisa chimiro chaicho nebasa raKristu, kana zano guru raMwari rekudzikinura munhu.KK 318.1

    Mamwezve manyepo ari kupararira kwazvo ndeekudaira kuti hakuna munhu anonzi Satani, uye kuti shoko iri rinongoshandiswa chete muBhaibheri kuti riratidze pfungwa nezvidiso zvemunhu zvakaipa.KK 318.2

    Dzidziso inotaurwa zvikuru nevaparidzi vane mukurumbira yekuti kudzoka kwaKristu kunoitika kumunhu mumwe nemumwe paanofa, zvinotirwa kuti vanhu vasagadzirira kudzoka kwake chaiko mumakore. Kwemakore mazhinji, Satani akanga achingoti, “Tarirai ari muimba yemukati,” (Mateo 24: 23-26). Vanhu vazhinji vakarasika nekudaira manyepo aya. KK 318.3

    Dzidziso yenyika inotizve munamato hauna basa. Vanhu vesainzi vanoti hakuna mhinduro chaiyo yemunamato, vanoti uku kutyora mirairo yemasikirwe ezvinhu, chinova chishamiso, uye hakuna zvishamiso zvacho. Denga nenyika, vanodaro, zvinotevera mirairo yakagadzwa kare, Mwari pachake haana chaangaita chinopikisana nemirairo iyi. Saka vanoti Mwari anosungwa nemirairo yake kuita sekuti kushanda kwemirairo yaMwari kunomusiya asisina simba pamusoro payo. Dzidziso iyi inopikisana nezvinorehwa muMagwaro. Kristu nevadzidzi vake havana here kuita zvishamiso? Muponesi mumwechete uyu ane tsitsi anorarama nhasi, achiri kungoda kuterera minyengetero yekutenda sezvaiita achafamba panyika ino pakati pevanhu. Zvakasikwa zvinobatirana nezvekudenga. Rutivi rwezano raMwari kutipa, mukupindura minyengetero yekutenda, zvaaisapa kudai tisina kukumbira. KK 318.4

    Manyepo asingaverengeki nedzidziso dzinofadza vanhu zviri kupinda mumakereke echiKristu. Hazvikwanisiki kuyera kuipa kungabuda mukubvisa chimwe chezvimiso zvakarairwa neshoko raMwari. Vashoma vanoita izvi vanomira nekuramba chokwadi chimwechete. Vazhinji vanoenda mberi vachibvisa dzidziso dzechokwadi zvishoma nezvishoma kusvikira vave vahedheni chaivo. KK 318.5

    Manyepo anobuda mudzidziso dzenhema dzeChikristu achibvisa vanhu vazhinji pakusatenda vaingadai vakatenda Magwaro. Hazvigoni kuti munhu adaire mudzidziso dzinopikisana nekunzwisisa kwake kwekururama, kwetsitsi, nekwekurongeka, uye sezvo izvi zvichimiswa sedzidziso dzeBhaibheri, anoramba kuzvigashira seshoko raMwari.KK 318.6

    Ichi ndicho chinangwa chaSatani. Hakuna chimwe chinangwa chake chinopfuura chekuparadza kutenda kwevanhu muna Mwari nemushoko rake. Satani anomira semutungamiriri wehondo huru yevanoramba kutenda, achishanda nesimba rose kuti akwevere vanhu kwaari. Zvave kuita sekuti ndiwo mararamire emazuva ano kusatenda. Kune vanhu vazhinji kwazvo vanotarisa nekushora Shoko raMwari sezvavanoita Mumunyori waro-nemhaka yekuti rinotsiura chitema nekusachikurudzira. Avo vanoramba kuterera, zvarinotaura, vanoshingaira kuramba simba raro. Vanoverenga Bhaibheri, kana kuriterera richitaurwa kubva pamatafura matsvene, kuti varitsvakire mhosva chete kana kushora mharidzo. Vazhinji vanove vahedheni kuti varambe kuita zvavanofanira kuita vasina anovapa mhosva. Vamwe vanotora pfungwa dzekusatenda zvose nekuda kwekuzvikudza nekusaperera kwavo. Vanoda zvinhu zvisina kuoma kuti vasatarisirwa kuita chinhu chinokudzwa, chinoda kuitwa nemwoyo wose, nekuzviramba, vanoda kuti vanzi vanoziva zvepamusoro nekutsoropodza Bhaibheri. Pakawanda apo pfungwa dzemunhu dzinogumirwa, kana dzikasajekeserwa nenjere dzekudenga, saka vanozowana mukanavo wekutsoropodza. Kune vazhinji vanofunga kuti hushasha kumira kurutivi rwevasingatendi nevahedheni. Asi pasi pekunyepedzera kuva pachokwadi, zvinozovonekwa kuti vanhu ava vanosundwa nekuzvikudza nekudada. Vazhinji vanofarira kutsvaka kubva muMagwaro zvinonetsa pfungwa dzevamwe. Vamwe vanombotanga vachipikisa nekushoropodza, vanomira divi risiri iro, vachingoda kuita nharo chete. Vanenge vasingazivi kuti vari kuzvimoneredza mumusungo wemuteyi weshiri. Pavanotaura kusatenda kwavo pachena, vanonzwa sekuti vanofanira kuramba vamire ipapo. Saka vanobatana pamwechete nevasingatendi, vachizvipfigira masuo eParadiso.KK 319.1

    MuMagwaro, Mwari akataura zvakakwana nezvinoratidza huMwari hweshoko iri. Chokwadi chinokoshera ruponeso rwedu chiri pachena imomo. Nekubatsirwa neMweya Mutsvene, uyo akavimbiswa kuna vose vanomutsvaka nemwoyo wose, munhu wose anogona kunzwisisa chokwadi ari oga. Mwari akapa vanhu nheyo yakasimba yekuvakira kutenda kwavo.KK 319.2

    Asi pfungwa dzevanhu hadzigoni kunyatsonzwisisa mazano nezvinangwa zvaMwari asingagumi. Hatigoni nekutsvaka kwedu kuwana Mwari. Hatifaniri kuedza kusimudza mucheka wakavhara kubwinya kwake neruvoko rune kuzvikudza. Muapostora anoshamiswa, “Haiwa kufuma kwekuchenjera nekuziva kwaMwari kwakadzika sei! Kutonga kwake hakunganzverwi, nenzira dzake hadzingarondwi!” VaRoma 11:33. Tinogona kungonzwisisa mabasa ake kwatiri, nezvinomusunda kuti atiitire zvaanoita, kuti tivone rudo rusingaperi netsitsi zvakabatana musimba risingaperi. Baba vedu vari kudenga vanoraira zvose nehuchenjeri nekururama, uye isu hatifaniri kushaya kugutsikana nekutenda, asi kuti tikotamire pasi murukudzo. Vachatiratidza zvavanoda zvakafanira kuti tizvizive, asi kupfuvura apa tinofanira kuvimba neRuvoko rwavo rune masimba ose, neMwoyo wakazara nerudo.KK 319.3

    Mwari akatipa zvikonzero zvakakwana zvekuti titende, asi haazobvisi mikana yose inogona kumutsa mibvunzo nekusatenda. Vose vanotsvaka pekurembedza kukahadzika kwavo vachapawana. Uye avo vanoramba kugashira nekuterera shoko raMwari kusvikira zvipingaidzo zvose zvabviswa, nemibvunzo yavo yose yapindurwa zvekusara pasisina mukana wekukahadzika, havazombowani chiedza chekuti vatende.KK 319.4

    Kushaya kuvimba naMwari ndivo muchero unotumbuka mumwoyo usina kutendevuka, uyo unovengana naMwari. Asi kutenda kunofemerwa neMweya Mutsvene, uye kunokura chete kana kuchishandirwa. Hakuna munhu angasimba mukutenda asina kushingaira kwaanoisa. Kusatenda kunosimba pakunokurudzirwa, uye kana vanhu, pane kuti varambire pane zvakaratidzwa naMwari kuti vachengetedze kutenda kwavo, vakatanga kubvunzisisa nekutsvakisisa tunhu tuduku duku, kusatenda kwavo kunosimbiswa.KK 320.1

    Asi avo vanobvunzurudza zvitsidzo zvaMwari nekukahadzika nazvo, nekusavimba nekusagashira zvitsidzo zvenyasha dzake, vanenge vachitomushora, uye zvavanoita, pane kuti zvikwevere vamwe kuna Kristu, zvinotozovadzinga kubva kwaari. Miti isingabereki, inoparadzira mashizha ayo kure nepedyo, ichivharira zuva kune zvimwe zvakamera pasi payo nekuzvikonzera kuziya nekurukutika nekufa nekuda kwekutonhora kwemumvuri. Basa ravanoita richaramba riri chapupu chinovapikisa nekusingaperi. Vanodyara mbeu yekusatenda nekukahadzika iyo ichavapa goho risingakoni. KK 320.2

    Kune nzira imwechete inofanira kutorwa neavo vanoda kutsvaka chokwadi vachitiza kusatenda. Pane kubvunzurudza nekunyunyuta neizvo zvavasinganzwisisi, ngavaterere chiedza icho chakavajekera kare, zvinoita kuti vazogashira chimwe chiedza chikuru. Ngavaite basa rose rakaiswa pachena kwavari, vachaitwa kuti vanzwisise nekupiwa simba rezvinhu zvari kukahadzika mazviri. KK 320.3

    Satani anogona kuisa manyepo pedyo pedyo nechokwadi zvekuti avo vanoda kunyengedzwa vanonyengedzwa, avo vasingadi kuzviramba nekuzvipira kunodiwa nechokwadi, asi haagoni kubata nesimba rake munhu anoda nemwoyo wose, zvisinei nemutengo wekuti azive chokwadi. Kristu ndiye chokwadi, “neChiedza chinovhenekera munhu wose anovuya munyika” Johane 1:9. Mweya wezvokwadi wakatumwa kuti atungamirire vanhu muzvokwadi yose. Uye nepamusoro peMwanakomana waMwari zvakanzi, “Tsvakai munowana.” “Kana munhu achida kuita kuda kwake, achaziva nezvedzidziso yake” Mateo 7:7; Johane 7:17.KK 320.4

    Vateveri vaJesu vanoziva zvishoma shoma zvezvavanorongerwa naSatani nevatumwa vake. Asi Iye anogara kumatenga uchakunda mazano avo ose aya, kuti zvidiso zvake zvakadzama zvizadziswe. Jehova anobvumira vanhu vake kuti vapinde mumiyedzo inotyisa, kwete nekuti anofarira kuona kushungurudzwa nekutambudzwa kwavo, asi nemhaka yekuti izvi zvakakoshera kukukurira kwavo pakupedzisira. Haangavadziviriri nembiri yake kubva kumiedzo nekuti basa rematambudziko aya kuvagadzirira kudzivisa simba rezvakaipa mavari. KK 320.5

    Vanhu vakaipa kana madhimoni havangakwanisi kudzivisa basa raMwari, kana kubvisa chiso chake kuvanhu vake, kana vachida, nekuzvipira, nemwoyo yakapwanyika, vachirevurura zvivi zvavo nekuzvirasha, nemukutenda vachitsvaka zvitsidzo zvake. Muedzo mumwe nemumwe, simba rimwe nerimwe rinovarwisa, riri pachena kana kuti rakavanzika, zvinogona kudziviswa. “Zvisingaitwi nesimba kana nehondo, asi neMweya wangu, ndizvo zvinotaura Jehova wehondo” Zakaria 4:6. KK 320.6

    “Nekuti meso aShe ari pamusoro pavakarurama, nenzeve dzake dzakazaruka pakukumbira kwavo . . . . Ndianiko uchakuitirai zvakaipa, kana muchishingairira zvakanaka?” 1 Petro 3:12, 13. Balami akati atorwa mwoyo nemubairo waifadza, akaita zvehun’anga pamberi paIsraeri nekupira zvipiriso pamberi paJehova akatsvaka kuisa chituko kuvanhu vake, Mweya waMwari wakarambidza zvakaipa zvaaida kutaura, Balami akamanikidzwa kuti ataure achiti: ” Ini ndingatuka seiko asina kutukwa naMwari; Ini ndingatsamwira seiko asina kutsamwirwa naJehova? Regai ndife rufu rwewakarurama, nemagumo angu ngaave seake.” Mushure mekupazve chipiriso, muprofiti akaipa uyu akati; “Wakatoropafadza; lye wakatopafadza, ini handigoni kuzvishandura.” Haana kuona zvakaipa kuna Jakobo; Haana kuona zvakashata kuna Israeri; Jehova Mwari wake anaye, Vanopupurira mambo pakati pavo.” “Zvirokwazvo hakuna un’anga kuna Jakobo, uye hakuna kuuka kuna Israeri; Zvino zvicharehwa pamusoro paJakobo napamusoro paIsraeri, zvakaitwa naMwari!” Numeri 23:8, 10, 20, 21, 23. Asi kechitatuzve aritari yakavakwa, Barami akada kuisa chituko, asi muromo wemuprofita uyu wakamanikidzwa neMweya waMwari ukataura kubudirira kwevasanangurwa vake, nekutuka hupenzi negodo zvevavengi vavo: “Mumwe nemumwe anokuropafadza, ngaaropafadzwe, mumwe nemumwe anokutuka, ngaatukwe” Numeri 23:8, 10, 20, 21, 23; 24: 9.KK 321.1

    Vana vaIsraeri vakanga vakavimbika kuna Mwari panguva iyi: kana vairamba vachiterera murairo wake, hapana simba panyika kana kugehena raingavakurira. Asi chituko icho Barami chaasina kutenderwa kutaura pamusoro pevanhu vaMwari, pakupedzisira akagona kuchiunza pamusoro pavo, akakwanisa kuvapinza muchitema nekunyengera. Pavakatyora murairo waMwari, vakazviparadzanisa naye, vakasiiwa kuti vanzwe simba remuparadzi. KK 321.2

    Satani anoziva kuti munhu asina kusimba zvachose anogara muna Kristu ane simba rakawandisa kukunda hondo yose yerima, uye kuti kana akazviratidza pachena, anodziviswa. Saka naizvozvo anotsvaka kubvisa mauto emuchinjikwa kuchidziviriro chavo chakasimba, iye achivavandira nehondo yake, akagadzirira kuparadza vose vanofamba famba munzvimbo yake. Mukuzvininipisa koga kwekuzvipira muna Mwari nekuterera mirairo yake yose, tinogona kuchengetedzwa. Hapana munhu akachengetedzeka zuva rimwe chete kana nguva imwe chete asina kunyengetera. Zvikuru sei tinofanira kutsvaka Mwari kuti tinzwisise shoko rake. Mariri munoiswa pachena mano emuedzi uyu, nenzira dzaanogona kukundwa nadzo. Satani imhare mukutaura Magwaro, achiisa dudziro dzake pandima dzaanoda kushandisa kutiwisira pasi. Tinofanira kudzidza Bhaibheri nekuzvininipisa, tisingakanganwi kutsamira kwedu pahuchenjeri hwaMwari. Patinenge tichigara takangwarira mazano aSatani, tinofanira kunamata nekutenda nguva dzose, “Musatiisa pakuedzwa.”KK 321.3

    Larger font
    Smaller font
    Copy
    Print
    Contents