Loading...
Larger font
Smaller font
Copy
Print
Contents
KURWISANA KUKURU - Contents
  • Results
  • Related
  • Featured
No results found for: "".
  • Weighted Relevancy
  • Content Sequence
  • Relevancy
  • Earliest First
  • Latest First
    Larger font
    Smaller font
    Copy
    Print
    Contents

    CHITSAUKO 33—KUNYENGEDZWA KUKURU KWEKUTANGA

    Manyepo makuru kuru kwazvo anopfuvura mamwe ose akatangwa naSatani zviuru zvemakore akapfuvura. Zvinoshamisa kwazvo kuti vashoma nhasi vanozvivona sezvazviri. Asi nawo anobata mweya nekuvabatisisa-Zvino wavakudzidza pamwoyo wemanyepo aya-kuti Satani anoshandisa sei vakafa kubata vapenyu.KK 322.1

    __________________________________________________________________________KK 322.2

    Kubvira kumavambo chaiko emunhu, Satani akatanga basa rake rekunyengera rudzi rwedu. Uyo akanga atanga chimurenga kudenga, aida kuti vagari vepanyika vabatane naye muhondo yake nehurumende yaMwari. Adamu naEva vakanga vachifara kwazvo pavaiterera murairo waMwari, izvi zvaiisa pachena nhema dzakanga dzataurwa naSatani kudenga, kuti murairo waMwari wakanga unehudzvinyiriri, nekupikisana nezvose zvakanakira zvisikwa zvake. Pamusoro paizvozvo godo raSatani rakasimuka paaitarisa musha wakanaka wakanga wagadzirirwa vaviri ava vakanga vasina chitema. Akazvimisira kukonzera kuputsika kwavo kuti kana akavaparadzanisa naMwari nekuvaisa pasi pesimba rake, angatora nyika yose kuti aitonge, agogadza hushe hwake pairi, achipikisana neWekumusoro soro. KK 322.3

    Kudai Satani akavuya nechimiro chake chaicho, angadai akarambwa kamwe kamwe, nekuti Adamu naEva vakanga vayambirwa nezvemhandu yakaipisisa iyi; Asi akashanda murima, asingabudisi chinangwa chake, kuti akwanise kuita zvaaida chaizvo. Achishandisa nyoka sesvikiro rake, chisikwa chaiyedza kwazvo panguva iyi, akataura naEva, “Nhai, ndizvo here kuti Mwari akati, `Regai kudya miti yose yemunda?.” Genesi 3:1. Kudai Eva akanzvenga kuitisana nharo nemuedzi uyu, angadai asina chaimuwana, asi akada kuita hurukuro naye, akawira mumusungo wake. Ndizvo zvinokonzera kuwa kwevazhinji kana nanhasi. Vanonyunyuta nekukahadzika nekuda kwaMwari; uye panekuti vaterere mirairo yaMwari, vanogamuchira pfungwa dzevanhu, dzinenge dzakaviga mazano aSatani madziri.KK 322.4

    “Mukadzi akati kunyoka; Tingadya hedu michero yemiti pamunda, asi kana iri michero yemuti uri pakati pemunda, Mwari akati, Regai kuudya, kana kuubata, kuti murege kufa. Nyoka ikati kumukadzi, hamungafi zvirokwazvo, nekuti Mwari anoziva kuti nemusi wamunoudya nawo, meso enyu achasvinudzwa, mukava saMwari, muchiziva zvakanaka nezvakaipa.” Genesi 3: 4,5. Akatsidza kuti vaizoita saMwari, vaizova neruzivo rwakapfuvura rwavaive narwo kare, uye vaizova nekurarama kwepamusoro. Eva akabvuma kunyengedzwa, akanokurudziravo Adamu, akaitavo chitema. Vakaterera mashoko enyoka, ekuti Mwari akanga asingarevi zvaakataura; vakashaya kutenda muMusiki wavo, vakafunga kuti aivapa miganhu yaikamura kusununguka kwavo, uye kuti vaiwana huchenjeri hukuru nekukwidziridzwa nekuda kwekudarika murairo wake.KK 322.5

    Ko mushure mekutadza Adamu akaziva kuti mashoko aya airevei ekuti, “Nezuva rauchaudya naro uchafa zvirokwazvo?” Akavona achireva zvakanga zvataurwa naSatani here, kuti aizokwidziridzwa muchimiro chake? Dai zvakaita saizvozvo aizove nezvakanaka zvikuru zvaiwanikwa nekudarika murairo, naSatani achiratidzwa kuti aive mubatsiri wevanhu. Asi Adamu haana kuona kuti ndizvo zvaitaurwa naMwari. Mwari akati sechirango chechitema, munhu anofanira kudzokera kuguruva nekuti ndiko kwaakabva: “Uri guruva, uchadzokera kuguruva.” Genesi 3:19. Mashoko aSatani, “Meso enyu achazarurwa,” akaita seechokwadi kana takaatarisa nenzira iyi chete: Adamu naEva pavakanga vatadzira Mwari, meso avo akazarurwa vakavona kutadza kwavo; vakaziva chitema, vakaravira muchero waivava wekudarika murairo. KK 323.1

    Pakati pemunda weEdeni pakanga pakamera muti wehupenyu, muchero wawo waive nesimba rekuti hupenyu hurambe huchienda mberi. Kudai Adamu akaramba achiteerera Mwari, aingadai akaramba anemvumo yekuenda kumuti uyu, angadai akararama nekusingaperi. Asi paakatadza, akarambidzwa kudya pamuti wehupenyu, zvikamuita kuti ave pasi perufu. Chirango chakabva kunaMwari, “Zvauri guruva, uchadzokera kuguruva,” chinoreva kuparara kwehupenyu zvachose. KK 323.2

    Chitsidzo chekusafa chakavimbiswa munhu kana achiterera chete, chakabviswa nekuda kwekudarika murairo. Adamu akanga asingagoni kupa kuchizvarwa chake zvaakanga asina maari; uye pangadai pasina tariro kurudzi rwakaputsika, kudai Mwari asina kuvadzosera kusafa nekupira Mwanakomana wake. Kana nepo “rufu rwakapinda kuvanhu vose, nemhaka yekuti vose vakatadza,” Kristu “akaunza hupenyu husingaperi kuburikidza nechiedza chevhangeri.” VaRoma 5:12; 2 Timotio 1:10. Hupenyu husingaperi hunowanikwa kuburikidza naKristu chete. Jesu akati, “Unotenda kuMwanakomana, unehupenyu husingaperi; asi usingatendi Mwanakomana, haangavoni hupenyu...” Johane 3:36. Munhu wose anokwanisa kuwana chikomborero ichi chinokosha zvisingatauriki kana achiita zvinodiwa. Vose “Vanotsvaka kubwinya, nekukudzwa, nekusafa, vachitsungirira pakuita zvakanaka, uchavapa hupenyu husingaperi.” VaRoma 2:7. KK 323.3

    Oga akavimbisa Adamu hupenyu mukusateerera ndiye munyengeri mukuru uyu. Nekutaura kwakasimba kwenyoka kuna Eva muEdeni,-“Hamuzofi zvirokwazvo,”-ndiyo mharidzo yekutanga yakaparidzwa pamusoro pekusafa kwemweya. Asi kudaidzira uku, kwakatsamira chete pasimba raSatani, kuri kudzokororwa nevaparidzi vakawanda veChikristu, kuchigashirwa nevanhu vazhinji nekusununguka sezvakwakaitwa nevabereki vedu vekutanga. Chirevo chedenga chinoti, “Mweya anotadza, ndiwo uchafa,” Ezekieri 18: 20 chinonzi chireve kuti, mweya unotadza haungafi, asi uchararama nekusingaperi. Tinoshamiswa nekuona zvinogona kuitwa nevanhu mukudaira mashoko aSatani nekuramba mashoko aMwari zvakadaro. KK 323.4

    Kudai munhu mushure mekutadza akabvumirwa kuenda kumuti wehupenyu, angadai akararama nekusingaperi, nechitema chingadai chakapiwa kusafavo. Asi kerubi inemunondo waipenya “yakachengetedza nzira yaienda kumuti wehupenyu” Genesi 3:24, hakuna kana mumwe wemhuri yaAdamu akabvumirwa kudarika muganhu iwoyo kuenda kumuti unopa hupenyu. Saka hakuna mutadzi anorarama nekusingaperi.KK 323.5

    Asi mushure mekutadza uku, Satani akaraira vatumwa vake kuti vaunze kuvanhu dzidziso yekuti munhu haafi zvirokwazvo nekufurira vanhu kuti vabvume manyepo aya vaizo vatungamirira vanhu mukutenda kuti mutadzi aizorarama nekusingaperi achitambudzwa. Nhasi uno muchinda werima, achishanda nevatumwa vake, anoratidza sekuti Mwari mudzvinyiriri akaipa anehutsinye, vachidzidzisa kuti anokandira mugehena vose vasingamufadzi, achivarwadzisa nekusingaperi mukutsamwa kwake, zvakare kuti pavanenge vachiyuwira vari mumurazvo wemoto usingadzimi, Musiki wavo anenge akavatarisa ari kudenga nekugutsikana.KK 324.1

    Munyengeri mukuru uyu ndizvo zvaanoita, kupfekedza hunhu hwake iye nechimiro chake kuMusiki neMupi wezvinhu zvose zvakanaka kuvanhu. Hutsinye chisatani. Mwari rudo; uye zvose zvaakasika zvakanga zvakaperera, zviri zvitsvene uye zvichikosha, kusvikira chitema chaunzwa nemupanduki mukuru wekutanga. Satani pachake ndiye muvengi anonyengera munhu kuti aite chitema, nekumuparadza kana akwanisa; uye kana abata munhu, amuparadza anozvirumbidza nekupembera nekuparadza kwaaunza. Kana akabvumirwa, anoda kutsvaira vanhu vose kuti vapinde mumambure ake. Kudai kusiri kupindira kwesimba rekudenga, hakuna kana mwanakomana kana mwanasikana mumwe chete waAdamu aingapona. KK 324.2

    Satani anotsvaka kukurira vanhu nhasi, sekukurira kwaakaita vabereki vedu vekutanga, nekuzunza kuvimba kwavo kubva paMusiki, achivatungamirira kuti varege kuvimba nehuchenjeri hwehurumende yake nekururamisira kwemirairo yake. Satani nevaranda vake vanoratidza chimiro chaMwari sechakaipa kupfuvura chavo ivo, vachida kuzvinatsa mukupanduka kwavo nekunyepa kwavo. Munyengeri mukuru uyu anoedza kubvisa hutsinye hwake hwakaipisisa achihuisa pana Baba vedu vekudenga, achida kuratidza sekuti iye ndiye akakanganisirwa zvikuru nekudzingwa kwake kudenga nemhaka yekuti akanga asingabvumi hutongi hwakaipa zvakadaro. Anoratidza nyika rusununguko rwavaigona kuve narwo kana iye achitungamirira, achizvienzanisa nehuranda hunounzwa nemirairo yakawoma yaJehova. Saka achibudirira mukunyengera vanhu kuti varege kuvimba naMwari.KK 324.3

    Zvinopikisana sei nemwoyo werudo netsitsi, kana nemanzwisisire edu ekururamisa, kuti tigashire dzidziso yekuti vakafa vasakarurama vanopiswa nekusingaperi mumoto unopisa kwazvo mugehena risingadzimi; kuti nekuda kwezvitema zvenguva pfupi yehupenyu hwepanyika vanofanira kurwadziswa kwemazuva ose ekurarama kwaMwari. Dzidziso iyi yakadzidziswa kwakawanda, uye yakagashirwa nevazhinji vari mumakereke echiKristu. Mumwe mudzidzi mukuru weBhaibheri akati: “Kurwadziwa kwevanhu mugehena kuchafadza vatsvene nekusingaperi. Kana vachivona vamwe vakaita saivo vakaberekerwa muzvimiro zvakaita sezvavo, vachikandwa mukutambudzika kwakadaro, ivo vachitsaurwa zvichaita kuti vanzwisise kuti vari kufara zvakadii.” Mumwe akashandisa mashoko aya : “panenge pachirangwa vasakarurama nekusingaperi iri midziyo yekutsamwa, hutsi hwekutambudzika kwavo huchakwira kumusoro nekusingaperi pamberi pevakarurama iri midziyo yetsitsi, avo, pane kuti vapindewo mumatambudziko aya, vachati Ameni, Alleluya! Mwari ngaakudzwe!” KK 324.4

    Ndepapi mushoko raMwari panowanikwa dzidziso yakadai? Vakaponeswa vanenge vari kudenga vacharasikirwa nemwoyo yekunzwa tsitsi nekunzwira here, kana kushaya kunzwirawo vamwe vanhu here? Izvi zvichatsinhanhiswa nemwoyo wakaoma here kana nehutsinye hwevasina hanya? Kwete! Iyi haisi dzidziso yeBhuku raMwari. Avo vanodzidzisa manzwisisire atorwa pane zvakanyorwa izvi vanogona kutove vanhu vakadzidza nevarume vakatendeka chaiwo; asi vari kukanganiswa nemano aSatani. Ano vatungamirira mukuminamisa mashoko akasimba emuMagwaro, vachiisa mumashoko kutsamwa negodo zvaanazvo iye, asi zvisiri Mumusiki wedu. “Nehupenyu hwangu ndizvo zvinotaura Ishe Jehova handifariri rufu rwewakaipa, asi kuti wakaipa atendevuke panzira yake; tendevukai, tendevukai panzira dzenyu dzakaipa, nekuti muchafireiko, imi imba yaIsraeri?” Ezekieri 33:11.KK 325.1

    Chii chingafadza Mwari pakuona vanhu vachitambudzwa nekusingaperi; kuti anofadzwa nekuwungudza, nekuchema, nekugomera nekurira kwekurwadziwa kwezvisikwa zvake zvaanenge akarembedza mumurazvo wemoto wegehena? Ko manzwi aya ekurwadziwa kukuru ekuchema, anganakidze senziyo here munzeve dza Iye anerudo Rusingaperi. Zvinotaurwa zvichinzi kurwadzisa kusingaperi uku kuchaitwa kune vasakarurama kucharatidza ruvengo rwaMwari rwechitema sechinhu chakaipa chinoparadza rugare nekurongeka kwedenga nenyika. Haiwa kumhura kunotyisa kwazvo! Zvinoita sekuti kuvenga kwaMwari chitema ndicho chikonzero chinoita kuti aite kuti chirambe chiripo. Nemhaka yekuti mumaonere evadzidzisi veBhaibheri ava, kuramba vanhu vachitambudzwa pasina tariro yetsitsi kunoshatirisa vanhu vari kutambudzwa zvekuti pavano popota mukutuka nekumhura, vanoramba vachiwedzerwa mhosva dzavo. Mbiri yaMwari haisimbiswi nekuramba achiwedzera nekukudza chitema nekusingaperi.KK 325.2

    Pfungwa dzemunhu hadzigoni zvachose kufungidzira kukura kwechakaipa chakakonzerwa nemanyepo ekuti vanhu vacharangwa nekusingaperi. Dzidziso yeBhaibheri, yakazara nerudo nekunaka yakazara nekunzwira, inotadziswa kuwonekwa nefungidziro yezvakaipa, zvakazara nekutyisidzira. Kana tikatarisa kuti Satani anokanganisa sei mufananidzo wechimiro chaMwari, zvingashamisa here kuona kuti Musiki wedu akazara netsitsi anotyiwa, anozezwa nekuvengwa? Kuwonekwa kwaMwari nenzira dzakamonyokoroka idzi kwapararira munyika yose zvichibva padzidziso dzinoitwa pamberi pevanhu vazhinji kwakakonzera kuti kuve nezviuru nemamirioni evasingatendi. KK 325.3

    Fungidziro yekutambudzwa nekusingaperi ndeimwe yedzidziso dzemanyepo inosanganisirwa muwaini yehupombwe hweBabironi yaakanwisa marudzi ose Zvakazarurwa 14:8 ; 17:2. Kuti Vafundisi vaKristu vakagashira dzidziso yenhema iyi nekuiparidza pamberi pevanhu, chishamiso chikuru. Vakazvigashira kubva kuRoma, sekugashira kwavakaita Sabata renhema. Ichokwadi zvakadzidziswa nevarume vakuru vakanaka; asi chiedza panyaya iyi chakanga chisina kusvika kwavari sekuuya kwachakaita kwatiri. Vaifanira kuparidza zvaienderana nechiedza chakanga chavapenyera munguva yavo, Isuwo tine mungava wekuparidza zvinoenderana nezvatakazarurirwa munguva yedu. Kana tikabva pazvipupuriro zveshoko raMwari tikagashira dzidziso dzenhema nemhaka yekuti madzibaba edu akazvidzidzisa, tinoendavo pasi pechituko chinopiwa Bhabhironi; tirikumwawo waini yeupombwe hwaro.KK 325.4

    Vazhinji vanonzwa dzidziso yekutsva nekusingaperi, inovakonzera kuenda kune mamwe manyepo akasiyana neaya.Vanovona kuti Magwaro anoratidza Mwari ari Mwari werudo nemutsa, saka zvinoramba kuti vabvume kuti angaisa zvisikwa zvake mumoto usingadzimi. Asi vakabatirira papfungwa yekuti mweya haufi sechimiro chawo chekusikwa nacho, havavone zvimwe zvavangadaira kunze kwekuti munhu wose achazongoponeswa pakupedzisira. Vazhinji vanoti yambiro dzemuBhaibheri ndedzekutyisidzira chete kuti vanhu vateerere, zviri zvinhu zvisingazozadziswi. Saka mutadzi anogona kurarama muchindini chemafaro ake, asina hanya nezvinodiwa naMwari, asi achitarisira kuzongogashirwa naMwari pakupedzisira. Dzidziso iyi, yekufungidzira tsitsi dzaMwari, asi vanhu vachiramba kururamisa kwake, zvinofadza pfungwa dzenyama nekusimbisa vasakarurama muzvivi zvavo.KK 326.1

    Kuratidza kuti vanotenda kuti vanhu vose vachazoponeswa vanoshonyorora sei Magwaro kuti vachengetedze dzidziso dzavo dzinoparadza mweya, zvakafanira kutarisa panezvanotaura ivo. Pamariro emurume wechiduku akanga asinganamati, akanga afira panzvimbo paakaitira, Mufundisi anodaira mukuponeswa kwevanhu vose akasarudza kuparidza kubva panyaya yaDavidi, “wakanga anyaradzwa pamusoro paAmunoni, achiti wafa hake.” 2 Samueri 13:39. KK 326.2

    “Ndinobvunzwa kakawanda,” akadaro muparidzi, “chii chichaitika kune vanhu vanobva munyika vari vatadzi, vanofa vari muchimiro chekupandukira Mwari, vanofa nguvo dzavo dzine mavara matsvuku emhosva pamberi paMwari dzisina kugezwa, vanofa sezvakaita murume wechiduku uyu, vasina kana kumbonyepera kurarama mukunamata. Tinogutsikana neMagwaro; mhinduro dzawo dzichatipedzera dambudziko iri. Amnoni akanga akaipa chaizvo, akanga asina kutendevuka, akanga adhakiswa, akadhakwa kudaro kubva avuraiwa. Davidi akanga ari muprofita waMwari, anofanira kuva aiziva kuti zvaizonakira mwanakomana wake here akana kuti kwete munyika inovuya. Ndezvipi zvaive mumwoyo wake? ‘Mweya waMambo Davidi wakashuva kuenda kunaAbisoromi: nemhaka yekuti akanga nyaradzwa pamusoro paAmnoni avona kuti akanga afa hake.”KK 326.3

    “Saka ndeipi pfungwa inobuda apa? Hazvirevi here kuti kurwadziwa nekusingaperi chakanga chisiri chimwe chezvaaidavira? Saka tinovona mashoko akasimba anotsigira zvinofadza, anotsigira pfungwa yakanaka yekuti pakupedzisira vanhu vose vachacheneswa kuti vagare nerugare. Akanyaradzwa avona kuti mwanakomana wake afa hake. Asi nemhaka yei zvakadaro? Nekuti neziso rechiprofita aigona kutarisa mberi kuneremangwana rekubwinya, achivona mwanakomana wake, abviswa mumiedzo yehupenyu huno, asunungurwa kubva muhuranda hwechitema nekucheneswa kubva munezvinosvibisa zvechitema, uye mushure mekuitwa mutsvene nekudzidziswa zvimwe, anosanganiswa neboka remweya yakakwidzwa kumusoro iri pakufara. Chaimunyaradza chete, ndechekuti mukubviswa munyika ino yechitema nekutambudzika mwanakomana wake waaidisa akaenda kwekuti kufemera kweMweya Mutsvene kwaimubatsira kubvisa mweya wakaipa nekuvhurwa kwepfungwa dzake achivona huchenjeri hwedenga nekunaka kwerudo rusingaperi, nekugadzirirwa chimiro chakacheneswa kuti agone kufara mukuzorora munharaunda yemusha wekudenga.KK 326.4

    “Mupfungwa idzi, tinonzwisisa sekuti ruponeso rwedenga haruna kutsamira pazvinhu zvaunoita muhupenyu huno; kana pakushanduka kwemwoyo kweungaitike nhasi uno, kana panezvaunodavira, kana muchitendero chako.”KK 327.1

    Nenzira iyi uyo anozviti mufundisi waKristu, anodzokorora manyepo akataurwa nenyoka muEdeni: “Hauzofi zvirokwazvo.” “Nemusi wamunozvidya nawo meso enyu achasvinudzwa, mukava sevana mwari.” Anoti mutadzi mukuru, mhondi, mbavha, nemhombwe,-kana vazofa vanogadzirirwa kuti vapinde muhupenyu hunofadza nekusingaperi.KK 327.2

    Ko mushonyorori weMagwaro uyu anotorepi pfungwa dzake idzi? Kubva mumutsara mumwechete unotaura nezvekunyaradzwa kwaDavidi mukufamba kwenguva kubva pakufa kwemwanakomana wake. Mweya wake “wakashuva kuenda kumwanakomana wake Absaromi: Nekuti akanga anyaradzwa pamusoro paAmnoni, achiti wafa hake. Kurwadziwa kwekurasikirwa kwaderedzwa nenguva, pfungwa dzake dzakabva kuvakafa dzichienda kumwanakomana wake mupenyu, akanga atiza pamusha nekuda kwekutya mhosva yake. Izvi zvinoratidza kuti Amnoni akarara nehanzvadzi yake, ari chidhakwa, paakafa, akamhanyiswa kuenda kurugare rusingaperi, ikoko kuti anatswe nekukwaniswa kuti agare nevatumwa vasina kumbotadza! Ingano inofadza yakagadzirirwa kugutsa vane mwoyo usina kutendeuka! Iyi ivhangeri yaSatani chaiyo inonyatsoita basa rake nemazvo. Zvingatishamisa here kuti nedzidziso dzakadai kusarurama kwakawanda?KK 327.3

    Zvakaitwa izvi nemudzidzisi wenhema uyu zvinoratidza maitiro evazhinji. Mashoko mashoma shoma anokwatanurwa kubva mundima yawo muMagwaro, kazhinji zvinokonzera kuti mashoko aya areve zvakasiyana kwazvo nezvaanoreva ari panzvimbo pawo chaipo. Mashoko aya amira pawo oga anominamiswa nekushandiswa kusimbisa dzidziso dzenhema dzisina tsigiro mushoko raMwari. Huchapupu hwakapiwa hwekuti Amnon aive chidhakwa ari kudenga, kufungidzira chete kunopesana chaizvo nezvino taurwa neshoko raMwari zviri pachena mumagwaro, zvekuti zvidhakwa hazviende kudenga. 1 VaKorinte 6:10. Izvi ndizvo zvinoshandiswa nevasina kutenda vanovaraidza kukahadzika mumwoyo yavo, vanoramba kutenda chokwadi kuchiita nhema. Vazhinji vanyengedzwa nemashoko avo anotaurwa nehuchenjeri aya vachisvusvudzirwa kusvika vakotsira muma nyepo anobva mupfungwa dzevanhu vasina kundevuka ava. KK 327.4

    Kudai chaiva chokwadi kuti mweya yevanhu vose inonanga kudenga pavanongofa, vanhu vaingatoda rufu kupfuura hupenyu. Manzwisisire akadai akakonzerawo vazhinji kuti vazviuraye. Pavanenge vawirwa nematambudziko mazhinji enyika ino nenhamo nekukuhuniswa, zvinoita sezviri nyore kugumisa hupenyu hwavo, nekubhururuka vachienda mumafaro emunyika isina magumo iyi.KK 327.5

    Mwari akazvitaura mushoko rake kuti achatonga nekuranga vanodarika murairo wake. Avo vano zvinyengera vachiti Mwari anetsitsi zvekuti haangambo paradzi vatadzi, vanofanira kungotarisa pamuchinjiko wepaKarivhari. Rufu rweMwanakomana waMwari akanga asina chaanopomerwa runopupura kuti “mubairo wezvivi ndirwo rufu,” kuti kudarika kwose kwemurairo waMwari kunofanira kurangwa zvakakodzera. Kristu akanga asina chitema akava chitema nekuda kwemunhu. Akatakura mhosva yekusaterera, nekuvanzirwa chiso chaBaba, kusvika mwoyo wake wapwanyika hupenyu hukapera ipapo. Kuzvipira kose uku kuchiitirwa kuti vatadzi vadzikinurwe. Hakuna imwe nzira yaigona kusunungura munhu kubva mutuso rechitema. Vose vanoramba kururamiswa kwakapiwa nemutengo unodhura zvakadaro vanofanira kuzvitakurira mhosva dzavo nechirango chekudarika kwavo. KK 328.1

    Ngatimbotarisai kuti Bhaibheri rinoti kudii nevanhu vasingadi Mwari nevasina kutendeuka, avo vanoiswa nevaparidzi ava venhema, kudenga, kunzvimbo yevatsvene, nevatumwa vanofara. “...Ini ndichapa unenyota zvinobva patsime remvura yohupenyu asigatengi.” Zvakazarurwa 21:6. Chitsidzo ichi ndechevanhu vane nyota chete. Hakuna mumwe asi avo chete vanoziva kushaiwa kwavo mvura yehupenyu, nekuitsvaka vachizvipira kurasikirwa nezvimwe zvose, ndivo vachapiwa. “Unokunda uchagara nhaka yezvinhu izvi: ndichava Mwari wake, iye uchava mwanakomana wangu.” Zvakazarurwa 21: 7. Nepanozve, zvinodiwa kuti munhu aite zvaiswa pachena. Kuti munhu agare nhaka yezvinhu zvose, tinofanira kudzivisa nekukurira chitema. KK 328.2

    Jehova vanotaura kuburikidza naIsaya, “Iti pamusoro pewakarurama, kuti achava nemufaro;” “Wakaipa ane nhamo ! Iye haangavi nemufaro, nekuti uchapiwa mubayiro wemavoko ake.” Isaya 3: 11. “Kunyange mutadzi akaita zvakaipa rune zana,” anodaro muchenjeri “akava nemazuva mazhinji, kunyange zvakadaro ndinoziva zvirokwazvo kuti vanotya Mwari, vanotya pamberi pake, vachagara zvakanaka; asi akaipa haangagari zvakanaka.” Muparidzi 8:12, 13. Pauro anopupura achiti mutadzi anozviwunganidzira “kutsamwa nezuva rekutsamwa, nekuratidzwa kwekutonga kwakarurama kwaMwari; iye uchapa mumwe nemumwe paakaita napo;” “nekutambudzika nenhamo kumweya mumwe nemumwe wemunhu unoita zvakaipa.” VaRoma 2:5, 6, 9.KK 328.3

    “Hakune mhombwe, kana munhu unetsvina, kana unochiva, (ndiye unonamata zvifananidzo) ungadya nhaka muvushe hwaKristu naMwari.” VaEfeso 5:5. “Tsvakai rugare nevanhu vose nevutsvene, nekuti kunze kwaho hakuna munhu uchavona Ishe.” VaHeberu 12:14. KK 328.4

    “Vakaropafadzwa vanoita mirairo yake, kuti vave nesimba rekuuya kumuti wehupenyu, vapinde nepamasuvo eguta. Kunze ndiko kunembwa, navaroyi, nemhombwe, nevavurayi, nevanonamata zvifananidzo navose vanoda nhema vachidziita.” Zvakazarurwa 22:14, 15. Mwari akataurira vanhu nezvechimiro chake nezvaachaita nechitema. “Jehova, Jehova, Mwari azere nyasha nengoni, anononoka kutsamwa, ane tsitsi huru nezvokwadi, anochengetera vane zviuru zvemazana nyasha dzake, anovakanganwira zvakaipa zvavo nekudarika kwavo nezvivi zvavo, asi asingapembedzi munhu ane mhosva.” Eksodo 34:6, 7. “Vakaipa achavaparadza vose.” Pisarema 145:20. “Kana vari vadariki, vachaparadzwa pamwechete; pakuguma kwavo vakaipa vachaparadzwa.” Pisarema 37:38. KK 328.5

    Simba rehurumende yedenga richashanda kurwisa kupanduka; asi zvese zvinozoitika mukuranga kune kururamisira uku zvinowirirana nechimiro chaMwari saMwari wetsitsi, ane mwoyo murefu uye akarongeka. KK 328.6

    Mwari haamanikidzi kana kutongera munhu zvaanofanira kuda nekugashira. Haafariri kuteererwa kwehuranda. Anoda kuti zvisikwa zvemaoko ake zvimude nemhaka yekuti anokodzera kudiwa. Anoda kuti zvimude kubva mukufarira huchenjeri hwake, nekurongeka kwake nekururamisa kwake. Vose vanonyatsonzwisisa zvimiro izvi zvose vachamuda nemhaka yekukweverwa kwaari nekuda kwezvaari. KK 329.1

    Hunyoro netsitsi nerudo zvakadzidziswa muhupenyu hwamuponesi wedu, ndizvo zvinobatsira kuratidza zvidiso nechimiro chaMwari. Kristu akaisa pachena kuti hapana chaaidzidzisa kunze kwezvaaipiwa naBaba vake. Mirairo yehurumende yedenga inowirirana zvakanakisa nemurairo wamuponesi, “idai vavengi venyu.” Mwari anotonga vasakarurama, kuti zvinakire nyika yose, kunyange kuna ivo vanowirwa nezvirango zvaMwari. Aigona kuva fadza kana achizviita zvichiwirirana nemirairo yehurumende yake nekururamisira kwechimiro chake. Ano vakomberedza nezviratidzo zverudo rwake anovapa ruzivo rwemutemo wake, nekuvatevera nerukoko rwetsitsi dzake; asi vano zvidza rudo rwake vachimhura mutemo wake, nekuramba tsitsi dzake. Kunyange vachigara vachigashira zvipo zvake, vanozvidza Mupi wazvo; vanovenga Mwari nemhaka yekuti vanoziva kuti anovenga zvivi zvavo. Ishe vane mwoyo murefu nekusarurama kwavo; asi nguva ichasvika hayo pakupedzisira, apo vachatemerwa magumo avo. Angasunungura here vapanduki ava kurutivi rwake? Angavamanikidza here kuita kuda kwake? KK 329.2

    Ava vakasarudza Satani semutungamiriri wavo, vaigara pasi pesimba rake, havagoni kumira pamberi paMwari. Kuzvidza kunyengera, kurarama zvisina kunaka, hutsinye zvakarukirirwa muzvimiro zvazvo. Vangagona kupinda mudenga here kunogara nekusingaperi nevaya vavaizvidza nekuvenga panyika? Chokwadi hachifechaka gashirika kumurevi wenhema, kuzvininipisa hakugoni kugutsa chindini, nekuzvida, kuchena kweupenyu hakugashiriki nemunhu anehuwori, rudo rune kuzviramba harugoni kuve rwakanaka kuchindini. Denga ringapei kumunhu anoda zvenyika neanozviitiira zvinhu zvake chete nechindini. KK 329.3

    Kudai vanhu vanenge vakararama hupenyu hwavo vachimukira Mwari vangangotorwa vachienda kudenga ipapo, vonoona, hupenyu hwakaperera hutsvene hwakagara huriko — Mweya wose wakazadzwa nerudo, huso hose huchipenyeswa nerufaro, nziyo dzinobata mwoyo dzinoridzwa dzichirumbidza Mwari neGwaiana, nechiedza chisingaperi chichipenyera vakadzikinurwa kubva pachiso chaiye anogara pachigaro —Kuti avo vose vane mwoyo wakazadzwa neruvengo kuna Mwari, wechokwadi nehutsvene vaigona here kusangana neboka rekudenga nekuimbavo pamwechete navo rwiyo rwekurumbidza? Vangamira here pamberi pekubwinya kwaMwari nekweGwaiana? Kwete, kwete, vakapiwa makore emutsa kuti vagadzire zvimiro zvedenga, asi Havana kudzidzisa pfungwa dzavo kuti dzide zvakachena, nekuda kuzvirarama, Havana kumbodzidza mutauro wedenga, parizvino nguva yacho hapasisina. Hupenyu hweku pandukira Mwari hwakavaita kuti vasafanira denga. Hutsvene hwedenga, kuperera, nerugare rweko zvinozovanetsa kugara mazviri, kubwinya kwaMwari kunova moto unoparadza kwavari. Vangashuva kutiza kubva pamberi penzvimbo tsvene iyi. Vangada havo kuparara, kuti vavigwe kuchiso chaiye akafa kuvadzikinura. Magumo evasakarurama vakatozvitongera kare kuburikidza nesarudzo dzavo. Kusava kwavo kudenga ndekwekuzvisarudzira voga, kuchienderanavo zvakare nekururama netsitsi kudivi raMwari.KK 329.4

    Semvura yemuMurove waNoa, moto wezuva iri uchaisa pachena kutonga KwaMwari kwekuti vatadzi havarapike zvachose. Havana mavari chingaita kuti vade kuterera Mwari. Zvidiso zvavo zvakasimbiswa mukurwisa Mwari, kana hupenyu hwapera, hazvichagoni kushandura pfungwa dzavo kuti dzitange kufunga zvakasiyana —hazvichagoni kubva kuzvakaipa vachienda kukuterera, kubva kuruvengo vachienda kurudo. KK 330.1

    Mukurega Kaini mhondi ari mupenyu, Mwari akapa nyika muenzaniso wezvaizoitika kana mutadzi, aibvumirwa kurarama, kuti arambe achingotadza zvisina muganhu. Kuburikidza nedzidziso yaKaini nemuenzaniso wake, zviuru nezviuru zvevana vake vakatungamirirwa muchitema, kusvikira “kuipa kwevanhu kwakanga kwave kukuru panyika, nendangariro dzekufunga kwemwoyo yavo dzakanga dzakaipa bedzi nguva dzose.” “Nyika yakanga yakavora pamberi paMwari, nyika yakanga izere nekumanikidzana.” Genesi 6:5; 11 KK 330.2

    Munyasha dzake kunyika, Mwari akaparadza vakaipa vakanga varimo panguva yaNoa. Munyasha, dzake akaparadza vagari veSodoma vaive nehunhu hwakavora. Kuburikidza nesimba rekunyengera raSatani, vaiti vezvakaipa vanowana kunzwirwa nekuyemurwa, zvinovaita kuti vagone kuramba vachitungamirira vamwe kukupanduka. Ndizvo zvazvakanga zvakaita mumazuva aKaini neaNoa, nemumazuva aAbrahama naRoti; ndizvo zvazvakangoitavo mumazuva edu. Inyasha kudenga nenyika kuti Mwari aparadze vanoramba nyasha dzake pakupedzisira.KK 330.3

    “Nekuti mubairo wezvivi ndirwo rufu; asi chipo chekungopiwa chaMwari ndiho hupenyu husingaperi munaKristu Jesu, Ishe wedu.” VaRoma 6:23. Hupenyu zvahuri nhaka yevakarurama, rufu ndiyo nhakavo yevasakarurama. Mosisi akazviisa pachena kuvaIsraeri, “Tarira ndaisa pamberi pako nhasi upenyu nezvakanaka, nerufu nezvakaipa.” Deuteronomio 30:15. Rufu runotaurwa muvhesi iyi harusi irwo rwakataurwa kunaAdamu, nekuti vanhu vose vanopinda pasi pechirango chekutadza kwake ichi. Urwu “rufu rwechipiri” runoenzaniswa nehupenyu husingaperi.KK 330.4

    Nekuda kwechitema chaAdamu, rufu rwakapinda kuvanhu vose. Vanhu vose vanopinda muguva zvakafanana. Asi kuburikidza nezano reruponeso, vose vanofanira kumutswa kubva kumakuva. “Kuchavapo kumuka kwevakafa kwevakarurama nevasakarurama.” Mabasa 24:15. “...Nokuti vose sezvavanofa munaAdamu, saizvozvovo vose vachararamiswa munaKristu.” 1 VaKorinde 15:22. Asi pane musiano unoiswa pakati pemapoka maviri aya achamutswa. “...Vose vari mumabwiro vachanzwa inzwi rake, vachabuda; avo vakaita zvakanaka, kukumuka kwehupenyu avo vakaita zvakaipa, kukumuka kwekutongwa.” Johane 5: 28, 29. Avo vose “vakanzi vakakodzera” kuti vamukire hupenyu, “vakaropafadzwa vatsvene.” “...Rufu rwechipiri harunesimba pamusoro paivava...” Zvakazarurwa 20:6. Asi vasina kuregererwa kuburikidza nekutendevuka nekutenda, vanofanira kugashira chirango chekudarika kwavo,- “mubairo wezvivi.” Vanorangwa zvichisiyana nekureba kwenguva nekukura kwekurwadziwa, “zvichienderana nemabasa avo,” asi zvichizoguma nerufu rwechipiri. Sezvo zvaiva zvisingagone kuti Mwari muchimiro chake chekururamisira nenyasha aponese mutadzi ari muzvivi zvake, anomubvisira mugove wekurarama, kwaakaratidza oga nemararamire ake kuti haana kukukodzera. Munyori akafemerwa anoti, “Kwasara chinguva chiduku, akaipa haachazovipo; Zvirokwazvo, iwe uchacherekedza zvakanaka paaigara, asi haachazovipo.” Mumwezve anoti, “Vachaita sevasina kumbovapo.” Pisarema 37:10; Obadia 16. Vakaputirwa nehuipi, vanonyura mukusabatsira, nekuraswa nekusingaperi.KK 330.5

    Ndiko kuchave kupera kwechitema, nematambudziko ose nekuparadza kose kwakabva machiri. Muimbi anoti, “Makaparadza vakaipa, makadzima zita ravo nekusingaperi-peri. Vavengi vakapera, vakaparadzwa nekusingaperi.” Pisarema 9:5, 6. Johane munaZvakazarurwa, akatarisira chimiro chaizogara nekusingaperi, anonzwa kurumbidza kunobva kudenga nepasi, pasina kana kamwe kaizwi kanokanganisa kuimba uku. Zvisikwa zvose panyika nekudenga zvakanzwikwa zvichipa mbiri kunaMwari. Zvakazarurwa 5:13. Kunenge kusina vanhu vakaraswa vangatuka Mwari, pavanenge vachizvonyongoka mukurwadziwa kusingaperi; hakuna vakaipa vari mumoto vangasanganisa kuchema kwavo nerwiyo rwevakaponeswa.KK 331.1

    Pamanyepo ekuti mweya wemunhu haufi, paanofa ndipo pane hwaro hwedzidziso yekuti vakafa vanoziva, dzidziso yakafanana neyekuti vatadzi vanotambudzika nekusingaperi, zvinopikisana nedzidziso dzeMagwaro, nezvingafungwa, nekunzwirana kwedu vanhu. Zvinodzidziswa nevazhinji ndezvekuti vakaponeswa varikudenga vanoziva zvose zvinoitika panyika, zvikuru sei pamusoro pehupenyu hwehama, dzavo dzavakasiya. Asi zvingafadza sei vakafa kuziva matambudziko evapenyu, kupupura zvitema zvinoitwa nevadikanwi vavo, nekuvavona vachitambudzika, nekukuhuniswa, nekugomera kose kwehupenyu? Chii chingafadza mudenga kuneavo vakatarisa zvirikuitika kuhama dzavo panyika? Uye ipfungwa yakaipa sei yekuti panongobuda mweya mumunhu, mweya wemutadzi unobva wanokandwa mumurazvo wemoto wegehena! Vangapinda mukusuwa kwakadii avo vanovona hama dzavo dzichipinda muguva dzisina kugadzirira, kupinda mukutambudzika kusingaperi nechitema! Vazhinji vakakanganisika pfungwa nekuedza kufunga zvakadai.KK 331.2

    Ko Magwaro anoti kudii nezvinhu izvi? Davidi pachake anoti munhu haazivi zvinoitika kana afa. “Mweya wake unobuda, iye ndokudzokera pasi pake; nezuva iro mano ake anopera.” Pisarema 146:4. Soromoni anopupura zvimwe chete izvozvo achiti: Nekuti vapenyu vanoziva kuti vachazofa: asi vakafa havana chavanoziva; Rudo rwavo, nekuvenga kwavo, negodo ravo, zvose zvanguva zvapera hazvo; havachina mugove nekusingaperi pazvose zvinoitwa pasi pezuva.” Hakuna basa, kana zano, kana zivo, kana uchenjeri paSheori kwaunoenda.” Muparidzi 9:5, 6, 10.KK 331.3

    Mukupindurwa kwemunyengetero wake, Hezekia akawedzerwa hupenyu nemakore gumi nemashanu, mambo akapa Mwari kutenda nekuda kwetsitsi dzake. Murwiyo urwu anotaura kuti anofarira chii: “Nekuti Sheori harigoni kukuvongai, rufu harugoni kukurumbidzai; vanoburukira kugomba havangagoni kutarira zvokwadi yenyu. Mupenyu, mupenyu, ndiye uchakuvongai, sezvandinoita nhasi...” Isaya 38:19. Dzidziso yakajairika inoti vakafa vakanaka vari kudenga, varikufara, varikurumbidza Mwari nerurimi rusingafi; asi Hezekia haana kuona kufara kwakadaro murufu. Nemashoko ake anowirirana nemuimbi: “Nekuti parufu hapana achakurangarirai; ndiani achakuvongai paSheori?” “Vakafa havarumbidzi Jehova, kunyange ani naani anoburukira kwakanyarara.” Pisarema 6:5; 115:17.KK 331.4

    Petro nezuva rePentakosti, akaisa pachena kuti tateguru wedu Davidi “vakafa, vakavigwa, guva ravo riri pakati pedu kusvikira nhasi.” “Nekuti Davidi haana kukwira kudenga.” Mabasa 2:29, 34. Chokwadi chekuti Davidi anoramba ari muguva kusvikira zuva rerumuko, chinoratidza kuti vakarurama havaendi kudenga kana vafa. Kuburikidza nerumuko chete, uyewo nemhaka yekuti Kristu akamuka kuvakafa, ndizvo zvichaita kuti Davidi azogara kurudyi rwaMwari.KK 332.1

    Pauro akativo: “Kana vakafa vasingamuki, saka Kristu haana kumutswavo kuvakafa, kana Kristu asina kumutswa kutenda kwenyu hakubatsiri chinhu; muchiri muzvivi zvenyu. Naivo vakafa munaKristu vakafa zvachose.” 1 VaKorinde 15:16-18. Kana kwemakore angaita 4000 vakarurama vainanga kudenga pakufa, ko Pauro aizotaura sei kuti kana kusina rumuko rwevakafa, “avo vakafa munaKristu vakaparara zvachose?” Rumuko rwaisazove nebasa.KK 332.2

    Munhu akazvipira kufira kutenda kwake, Tyndale, achitsigira kutenda kwedzidziso yekuti vakafa vavete, achipikisana nemunamati wechipapa anotaura nesimba achiti: “Nyaya yekuti Mwari akavaisa muDenga, kana mugehena kana munzvimbo yekunatsurudzwa, inoparadza pfungwa yaKristu na Pauro inoratidza rumuko.” “Kana vanhu vakafa varikudenga, chindivudzai kuti nemhaka yei vasina kunaka sevatumwa? Uyezve pachadiwa here rumuko? KK 332.3

    Ichokwadi kuti tariro yekurarama murufaro mushure mekufa yakatungamirira vanhu vazhinji mupasi rose kushaya hanya nedzidziso yeBhaibheri yerumuko. Pfungwa iyi yakavonekwa naDr. Adam Clarke, akati: “Dzidziso yerumuko inenge yakafungwa nezvayo zvakanyanya neMakristu ekutangangisisa kupfuvura zvairi kuitwa mazuva ano! Izvi zvinoitika sei? VaApostora vaigara vachiikurudzira nyaya iyi, vachikurudzira vateveri vaMwari kuti vagare vakagadzirira, vachiterera nekufara nekuda kwerumuko. Asi vateveri vavo vemazuva ano vanotaura nyaya iyi nenguva dzirikure! Saka vaapostora vakaparidza, maKristu ekutanga vakaitenda; saka isu tinoparidza, nevanotiterera vachitenda. Hakuna dzidziso muvhangeri inokosheswa kudarika dzimwe dzidziso; uye hakuna dzidziso pakunamata kwanhasi inoshairwa hanya kudarika dzimwe!” KK 332.4

    Izvi zvakaramba zvichiitika kusvikira chokwadi chinoshamisa cherumuko chave pedyo nekukanganikwa, nekutadza kuvonekwa zvachose nemaKristu. Saka munyori wezvekunamata anemukurumbira akanyora achitsanangura mashoko aPauro emuna 1 VaTesaronika 4:13-18, achiti: “Mune zvose zvingadiwa pakunyaradza, dzidziso yekusafa kwevakarurama inotipa kugutsikana mudzidziso yeKudzoka Kwechipiri kwaIshe wedu. Pakufa kwedu Ishe anotidzokera. Izvi ndizvo zvatinofanira kumirira nekurindira. Vakafa vakatopinda mukubwinya kare. Havamiriri hwamanda kuti vatongwe nekupinda mukuropafadzwa.”KK 332.5

    Asi ave pedyo nekusiya vadzidzi vake, Jesu haana kuvataurira kuti vaizokasika kuuya kwaari. “Ndinoenda kunokugadzirirai pekugara,” Akadaro. ” Kana ndaenda kunokugadzirirai pokugara, ndichavuyazve, kuti ndikugamuchirei kwandiri.” Johane 14:2, 3. NaPauro anotiudzazve kuti, “Ishe amene achaburuka kudenga nekudanidzira , nezwi reMutumwa Mukuru, nehwamanda yaMwari: vakafa muna Kristu vachatanga kumuka: zvino isu vapenyu vakasara kusvika pakuuya kwaIshe tichatorwa pamwechete navo mumakore, kuti tichingamidze Ishe mudenga: naizvozvo tichave naShe nguva dzose.” Anoenda mberi achiti, “Nyaradzanai nemashoko aya.” 1 VaTesaronika 4: 16-18. Mashoko ekunyaradza aya akasiyana zvakadai nezvinotaurwa nemufundisi anoparidza zvekuponeswa kwevanhu vose atambotaura nezvake kumusoro. Uyu ainyaradza shamwari dzaichema nechitsidzo chekuti hazvinei kuti hama yavo yakafa yakanga isina kururama sei, paakangofema mweya wake wekupedzisira aibva atogashirwa pakati pevatumwa. Pauro anotiratidza hama kukuuya kwaShe kurimberi, apo misungo yeguva paichadamburwa, “vakafa munaKristu” vachizomutsirwa hupenyu husingaperi.KK 333.1

    Munhu mumwe nemumwe asati apinda mudzimba dzakaropafadzwa, nyaya dzavo dzinofanira kumboongororwa, nezvimiro zvavo nebasa avo zvinofanira kupfuvura nepamberi paMwari. Vose vanofanira kutongwa nezvakanyorwa mumabhuku, vachipiwa mubairo wavo zvinoenderana nemabasa avakabata. Rutongo uru haruitiki parufu. Tarisa mashoko aPauro: “Nekuti wakatara zuva, raachatonga nyika naro nekururama, kuburikidza nemurume waakagadza; akasimbisa shoko iro kunavose, pakumumutsa kuvakafa.” Mabasa 17: 31. Apa muapostora anoisa pachena kuti kune nguva yakatarwa, ichavuya, apo kutongwa kwenyika kuchaitwa.KK 333.2

    Judasi anotaura nezvenguva imwechete iyi achiti: “Nevatumwa vasina kuchengeta vukuru hwavo, asi vakasiya pavaifanira kugara, wakavachengetera munzvimbo inerima risingaperi kusvikira pakutongwa kwezuva guru.” Anodzokororazve mumashoko anoti: “Tarira, Ishe wakavuya nevatsvene vake vanezviuru zvemazana, kuti atonge vose, nekurova vose vasingadi Mwari pamusoro pemabasa avo ose okusada Mwari, avakaita nekusada kwavo Mwari, nepamusoro pemashoko ose makukutu akataurwa nevatadzi vasingadi Mwari.” Judasi 6, 14, 15. Johane anotaura kuti “akavona vakafa, vaduku nevakuru, vamire pamberi pechigaro chaMwari chekutonga; bhuku dzikazarurwa;...vakafa vakatongwa nezvakanga zvakanyorwa mumabhuku.” Zvakazarurwa 20:12. KK 333.3

    Asi kana vakafa varikutofara kudenga kana kuti vari kuzvonyongoka nekurwadziwa mumurazvo wemoto mugehena, rutongo runozodiwa rwei zvekare? Dzidziso dzeshoko raMwari panyaya idzi dzinokosha hadzina kuvanzika zvakare hadzipikisani; dzinogona kunzwisiswa nevanhuvo zvavo. Asi ipfungwa dzipi dziripachena dziri pachokwadi dzingavona huchenjeri kana kururamisira mudzidziso dziripo ikozvino? Ko vakarurama, mushure mekufeya feya kwenyaya dzavo murutongo, vacharumbidzwa here vachinzi, “makaita zvakanaka imi varanda vakatendeka,...pindai mumufaro waShe wenyu,” Mateo 25:23. Kana ivo vanga vagara varimo kare, zvimwe kwemakore akawanda kwazvo? Vakaipa vachadaidzwa here kubva munzvimbo yavo yekutambudzwa nemoto kuti vapiwe chirango chavo neMutongi wepasi rose achiti, “Ibvai kwandiri imi makatukwa endai kumoto usingadzimi kusvikira wapedza basa rawo rose?” Mateo 25:41. Haiwa, hupenzi hwakadii uhu! Kumhura nekushora kwakadii kunoitwa huchenjeri nekururamisira kwaMwari!KK 333.4

    Fungidziro yekurarama nekusingaperi kwemweya wemunhu ndeimwe yedzidziso dzekunyepa idzoRoma, yakawana kubva kuchihedheni, ikairukira mukunamata kweChikristu. Martin Luther akaiisa pamwechete “nengano dzinoumba murwi wendove wenhema dzeRoma.” Achitsanangura mazwi aSoromoni muna Muparidzi, ekuti vakafa Havana chavanoziva: “Imwe nzvimbo inoratidza kuti vakafa havana chavanonzwa....anoti, hakuna basa, kakuna sainzi, hakuna ruzivo, hakuna huchenjeri ikoko. Soromoni anoti vakafa vakarara, hapana kana chavanonzwa. Nekuti vakafa varere ipapo pavari, vasingaverengi mazuva kana makore, asi kana vamutswa, vanoita sevangorara kanguva kaduku duku.” KK 334.1

    Hapana muMagwaro Matsvene panowanikwa mashoko anoti vatsvene vanoenda kumubairo wavo kana vasakarurama kukurangwa kwavo pakufa. Vaprofita nevakuru havana kusiya shoko rinosimbisa zvakadaro. Kristu nevadzidzi vake havana kusiya kana chimedu cheshoko rakadaro. Bhaibheri rinoisa pachena kuti vakafa havaendi kudenga ipapo. Vanoziviswa kwatiri sevanhu vakarara kusvikira parumuko. 1 VaTesaronika 4:14; Jobo 14:10-12. Nezuva iro rwodzi rwesirivha parunodamburwa, mbiya yendarama ichiputswa, (Muparidzi 12:6,) pfungwa dzemunhu dzinoparara. Avo vanoenda kuguva vanonyarara. Hapana chavachaziva pane zvinoitwa pasi pezuva. Jobo 14:21. Kuzorora kwakaroparopafadzwa kumutsvene akaneta! Nguva, ingareba kana kupfupika yakaita sechinguva chiduku kwavari. Vanovata; kuti vamutswirwe hupenyu husingaperi nehwamanda yaMwari. “Nekuti hwamanda icharira, ipapo vakafa vachamutswa mukusavora.... Zvino kana ichi chinovora chafuka kusavora; nechichi chinofa chafuka kusafa, ipapo shoko rakanyorwa richaitika, rinoti: Rufu rwakamedzwa nekukunda . . . ” 1 VaKorinde 15:52-55. Pavanodaidzwa kubva mukuvata kwavo kukuru, vanotanga kufunga pavakapedzisira. Chinhu chavakanzwa chekupedzisira kurwadza kwerufu, pfungwa yekupedzisira yavakave nayo yakanga iri yekupinda muguva. Pavanomuka kubva muguva, pfungwa yavo yekutanga inofadza ichanzwikwa mumaungira ekuimba kwe, kudaidzira, “Iwe rufu rumborera rwako ruripiko? Iwe guva kukunda kwako kuripiko?” 1 VaKorinde 15: 52-55. KK 334.2

    Larger font
    Smaller font
    Copy
    Print
    Contents