Loading...
Larger font
Smaller font
Copy
Print
Contents
KURWISANA KUKURU - Contents
  • Results
  • Related
  • Featured
No results found for: "".
  • Weighted Relevancy
  • Content Sequence
  • Relevancy
  • Earliest First
  • Latest First
    Larger font
    Smaller font
    Copy
    Print
    Contents

    CHITSAUKO 29—MANYUKO ECHITEMA

    Kuvanhu vazhinji, kutanga kwechitema nekutizve nemhaka yei kune chitema inyaya inonetsa kunzwisisa chaizvo. Vanovona mabasa ewakaipa , nematuso azvo nekuparadza kwechitema, vanoshama kuti ko izvi zvingararama sei pamberi paIye anoziva zvose, ane simba rose nerudovo. Apa pane chakavanzika chavasingawaniri tsananguro. Saka mukushaya mhinduro kwavo nekukahadzika, vanopofumadzwa kuchokwadi chakaiswa pachena mushoko raMwari, uye chinokoshera ruponeso. Kune avo mukutsvaka kunzwisisa kwavo panyaya yekuvepo kwechitema, vanoshingaira kutsvaka zvinhu izvo Mwari asina kuzarura kuvanhu; saka havawani mhinduro kune zvinovanetsa izvi; ivava ndivo vanosvika pakushaya chivimbo neshoko, nekuzviwanira zvikonzero zvekuramba Magwaro Matsvene. Asi, vamwevo vanoshaya mhinduro inogutsa yekutanga kwechitema, zvichikonzerwa netsika, nedzimwe dzakamonyoroka dzekududzira Bhaibheri pamusoro pechimiro chaMwari, mhando yehurumende yake, nemirairo yaanoshandisa mukugadzirisa nyaya yechitema.KK 299.1

    Hazvikwanisiki kutsanangura mavambo echitema zvinopa chikonzero chekuvapo kwacho. Asi zvose zvinogona kunzwisisika pamusoro pekutanga kwacho nezvachinova pakupedzisira, kuitira kuti kururama nekurongeka kwaMwari kuvonekwe mumashandire aanoita nechitema. Hakuna chimwe chinobuda pachena zvakasimba muMagwaro sedzidziso yekuti Mwari haasi iye akakonzera chitema munyika; kwakanga kusiri kubviswa kwenyasha pasina kufunga, kana kupererwa muhurumende yekudenga, zvakakonzera kuti kupanduka kumuke. Chitema chakangopinda choga chichikanganisa, zvekuti hapana chikonzero chingapiwa chekupinda kwacho. Chakavanzika nekushamisa, hapana anogona kuchitsanangura; saka kuchiwanira zvikonzero zvekutanga kwacho, kutochitsigira. Chikonzero chekuvapo kwacho chikawanikwa, kana zvakachiita kuti chivepo zvikanzwisisika nekugashirika, hachizovi chitema. Tsananguro yoga yatinayo yechitema ndiyo iri muShoko raMwari; inoti “kudarika murairo;” kushanda kunovonekwa kwemasimba anorwisana nemurairo mukuru werudo uyo uri nheyo yehurumende tsvene.KK 299.2

    Chitema chisati chapinda, kwakanga kune rugare nerufaro, mupasi rose nedenga rose. Zvose zvaiwirirana chaizvo nezvaidiwa neMusiki. Rudo kuna Mwari ndirwo rwaiva chinhu chikuru, kudanana kwevanhu kwakanga kusina rusarura. Kristu Shoko, Mumwe Oga waBaba, akanga ari mumwe chete naBaba vekusingaperi,-vari mumwe chete muchimiro, mumaitire nemuchinangwa,-ndiye oga aikwanisa kupinda mumisangano yekurangana nemuzvinangwa zvaMwari. Kuburikidza naKristu, Baba vakasika zvinhu zvose, zviri kudenga. “Maari zvinhu zvose zvakasikwa, zviri kudenga, . . . kana zviri zvigaro zvevushe kana vushe, kana vabati, kana masimba;” (VaKorosi 1:16,) uye kuna Kristu, akaenzana naBaba, denga rose raipa rukudzo kuna Kristu pamwe chete naBaba.KK 299.3

    Murairo werudo uriiwo waiva nheyo yehurumende yaMwari, rufaro rwezvisikwa zvose rwakanga rwakatsamira pakuwirirana kwazvo nemirairo mikuru yekururama. Mwari anotarisira kubva kuzvisikwa zvake zvose kushumirwa kunobva murudo,- kuremekedzwa kunobva mupfungwa dzekufarira chimiro chake. Haafariri kukudzwa kwekumanikidzirwa, uye kuna vose anopa kusununguka kusarudza, kuti vamushumire nekuda kwavo.KK 299.4

    Asi pane mumwe akatsvaka kukanganisa rusununguko urwu. Chivi chakavamba naiye aitevera Kristu pakukudzwa, uye akange ane simba guru nembiri pakati pevagari vekudenga. Asati atadza, Rusifa akanga ari wekutanga pamakerubi aifukidzira, ari mutsvene asina kusvibiswa. “Zvanzi nalshe Jehova, `Iwe wekuisa chisimbiso chako pachiyero, uzere nehuchenjeri hwakakwana pakunaka.’ Wakanga uri paEdeni, mumunda waMwari; wakanga wakafukidzwa namabwe anokosha emarudzi ose.” “Iwe wakanga uri kerubi rakazodzwa, raifukidzira areka, ndikakugadza ukava pamusoro pegomo dzvene raMwari; waifamba-famba pakati pamabwe omoto. Wakanga wakakwana panzira dzako kubva pazuva rokusikwa kwako, kusvikira kusarurama kwakawanikwa mukati mako”Ezekiel 28:12-15.KK 300.1

    Rusifa angadai akaramba achidikanwa naMwari, achidikanwa nekuremekedzwa nehondo yese yavatumwa vekudenga, achishandisa masimba ake kuropafadza vamwe nekurumbidza Musiki wake. Asi muprofita anoti “Mwoyo wako wakazvikudza nokuda kwokunaka kwako; wakaodza huchenjeri hwako nokuda kwokubwinya kwako; ndakakuwisira pasi, ndakakuisa pamberi pamadzimambo kuti vakuone” Ezekieri 28: 17. Rusifa akatanga zvishoma nezvishoma kusakurira kuzvida nekuda kuzvisimudzira. “Iwe wakati mumwoyo mako: . . . ‘Ndichakwira kudenga, ndichakwiridza chigaro changu choushe kumusoro kwenyeredzi dzaMwari; ndichagara pamusoro pegomo reungano, pamigumo yamativi okumusoro; ndichakwira kumusoro kwamakore, ndichazvienzanisa noWokumusoro-soro” Ezekieri 28: 6; Isaya 14:13, 14. Pane kutsvaka kuti Mwari ave mukuru pakudiwa nekuremekedzwa nezvisikwa zvake, chakava chidiso chaRusifa chekuzvitsvakira iye kukudzwa nekushandirwa navo. Nekuchiva rukudzo rwakanga rwapiwa Mwanakomana naBaba vanogara nekusingaperi, muchinda mukuru pavatumwa akachiva masimba akanga ari aKristu chete. KK 300.2

    Denga rose rakanga rafarira kuratidza nekurumbidza mbiri yeMusiki. Apo Mwari aikudzwa saizvozvo, zvese zvaiva nerugare nekufara. Asi pakauya kukanganisa kumwe chete kwakaisa nyongano murugare rwose rwedenga. Kuzvishumira nekuzvisimudzira, kunopikisana nezano remusiki, kwakamutsa pfungwa dzakaipa muvatumwa avo vaisikudza Mwari chete. Dare rekudenga rakaedza kunyengerera Rusifa. Mwanakomana waMwari akaisa pamberi pake vukuru, nerunako, nekururamisa kweMusiki, nekuera nekusashanduka kwemurairo wake. Mwari pachake ndiye akanga agadza hurongwa hwedenga, mukubva pahurongwa uhwu, Rusifa aishora Musiki wake, nekuzvitsvakira kuparara. Asi yambiro, yakapiwa murudo netsitsi zvisingagoni kupimwa, zvakangomutsa mweya wenharo. Rusifa akabvumira godo kuna Kristu kuti rimukurire, akazvishingisa kwazvo mumazano ake.KK 300.3

    Kuzvikudza mumbiri yake kwakakuchidzira chidiso chake chekuva pamusoro soro. Rukudzo rukuru rwakanga rwaiswa pamusoro paRusifa haruna kugashirwa sechipo chaMwari, uye hazvina kumuita kuti atende Musiki. Akafara mumbiri yake nekuzvikudza, nekutsvaka kuenzana naMwari. Akanga achidikanwa zvikuru nekuremekedzwa nehondo yose yekudenga. Vatumwa vaifarira kuita zvaaitaura, uye akange akapfekedzwa uchenjeri nembiri kupfuvura vose. Asi Mwanakomana waMwari ndiye aizivikanwa semukuru wedenga, pamwechete musimba nehutongi naBaba. Mumatare ose aMwari, Kristu akanga aripo, asi Rusifa asingabvumurwi imomo mumatare ehuMwari. “Nemhaka yei?” akabvunza mutumwa mukuru uyu, “Kristu achifanira kuva nerukudzo rwepamusoro soro? Nemhaka yei iye achifanira kukudzwa kupfuura Rusifa?”KK 300.4

    Achisiya chigaro chake pedyo naMwari, Rusifa akaenda akanomutsa mweya wekusagutsikana pakati pevatumwa. Achishanda nekuvanzika kunotyisa kwazvo, uye kwenguva yakareba asingaburitsi pachena chinangwa chake chaicho achiita sekuti aipa ruremekedzo kuna Mwari, akatsvaka kumutsa kusagutsikana pamusoro pemirairo yaitonga vaigara kudenga, achiti mirairo iyi yaivamanikidza zvisina kufanira. Sezvo zvimiro zvavo zvakanga zviri zvitsvene, akakurudzira kuti vatumwa vatevedzere zvavanoda ivo. Akatsvaka kuwana vanomureverera, nekutaura kuti Mwari akanga amubata zvisina kururama mukupa rukudzo rukuru kuna Kristu. Akataura achiti mukuda kuwana simba repamusoro nerukudzo akanga asingatsvaki kuzvikudza, asi aitsvaka rusununguko rwevagari vose vekudenga, kuti nenzira iyi vaigona kuwana chimiro chiri nani mukurarama kwavo. KK 301.1

    Mwari, mutsitsi dzake huru akava nemwoyo murefu naRusifa. Haana kukurumidza kubviswa pachigaro chake chepamusoro paakatanga kuratidza mweya wekusagutsikana, kunyange paakatanga kupa dzidziso yake yenhema pamberi pavatumwa vakatendeka. Akaramba akachengetwa mudenga kwenguva yakareba akavimbiswa kuregererwa kana aitendevuka nekuzvininipisa. Kushingaira kose uku zvaiitwa nerudo nenjere zvisingagoni kuerwa zvichivavarira kuti zvimwe angaona kukanganisa kwake. Mweya wekusagutsikana wakanga usina kumbozivikanwa mudenga rose kare. Rusifa pachake pekutanga haana kuona kwaakanga achienda zvishoma nezvishoma; akanga asinganzwisisi zvaainzwa mupfungwa dzake. Asi kusagutsikana kwake pakwairatidzwa kuti kwaiva kukanganisa uye kwakanga kusina chikonzero, Rusifa akagutsikana kuti akanga akanganisa, kuti zvaidiwa nemirairo mitsvene zvakanga zvakarurama, uye kuti iye aifanira kuti abvume izvozvo pamberi pedenga rose. Kudai akaita izvozvo, angadai akazviponesa iye navatumwa vazhinjivo. Panguva iyoyo akanga asati arasa ruremekedzo rwake rwese kuna Mwari. Kana nepo akanga asiya chigaro chake chepamusoro sekerubi yekufukidzira, asi dai akazvipira kudzokera kuna Mwari achibvuma muhuchenjeri hweMusiki, nekugutsikana kuzogamuchira chinzvimbo chaaipiwa muzano guru raMwari, angadai akadzorerwa pachigaro chake chekutanga. Asi kuzvikudza kwakamurambidza kuzviisa pasi. Akaramba achiinda mberi pakutsigira pfungwa dzake, achiti akanga asina chikonzero chekutendeuka, akazvipira zvachose kuhondo huru yekurwisana neMusiki.KK 301.2

    Masimba ose enjere dzake akaiswa pabasa rekunyengera, kuti awane rutsigiro kubva kuvatumwa vakanga vari pasi pake. Kunyange pfungwa yekuti Kristu akanga ambomuyambira nekuyedza kutaura naye, yakaminamiswa kuti ipindirane nezano rake rakaipisisa. Kune avo vakanga vakatendeka kwaari zvikuru, Satani akavaudza kuti akanga atongwa zvisina kunaka, nekuti chigaro chake chainge chisina kupiwa ruremekedzo rwachaikodzera, uye kuti rusununguko rwake rwakanga rwadimburwa. Kubva mukutaura mashoko aKristu achimonyorodzwa, akaenda mberi mukuronga kutaura nhema chaidzo, achipa mhosva kuMwanakomana waMwari yekuronga kumuninipisa pamberi pevagari vose vekudenga. Akatsvakavo kumutsa nyaya yekunyepa pakati pake iye nevatumwa vaiterera. Vose vaakanga asingakwanisi kunyengera nekuunza kurutivi rwake akavapomera mhosva yekushaya hanya nezvidiso zvevagari vekudenga. Basa raaiita iye pachake, akaripomera avo vakasara vakatendeka kuna Mwari. Uye kusimbisa kupomera kwake kusarurama kwaMwari kwaari, akatsvaka kuisa nhema pamashoko nemabasa eMusiki. Yakanga iri tsika yake yekukanganisa vatumwa nenharo dzakavanda pamusoro pezvinangwa zvaMwari. Chose chaiva pachena kunzwisisika, akachifukidza nekuvanzika kukuru, uye nekunyengera kune humhizha akakanda kusatenda pamashoko aJehova aive pachena. Chigaro chake chepamusoro, chaive pedyo kwazvo nehutungamiriri hwedenga hutsvene chakapa simba rakakurisa kune zvaaitaura, vazhinji vakazvigashira kuti vabatane naye mukupandukira hutongi hweDenga. KK 301.3

    Mwari muhuchenjeri hwake akabvumira Satani kuenda mberi nebasa rake, kusvikira mweya wekusagutsikana waibva atanga chimurenga. Zvakanga zvakafanira kuti mazano ake abudirire zvakazara, kuti chimiro chawo chaicho nekwaakarerekera zvionekwe navose. Rusifa, sekerubi yakazodzwa, akanga akasimudzirwa chaizvo. Aidikanwa chaizvo nevagari vekudenga, uye simba rake pamusoro pavo rakange riri guru kwazvo. Hurumende yaMwari yakanga isiri yavagari vekudenga chete, asi yenyika dzose dzaakanga asika; Satani akafunga kuti kana aigona kutora vatumwa vekudenga muchimurenga chake, aizogonawo kutora nyika dzimwe dzose. Akanga ashandisa umhizha mukutaura divi rake renyaya iyi, achiisa uchenjeri hwepamusoro nekubiridzira kuti abudirire. Simba rake rekunyengera rakanga rakakura kwazvo, uye nekuzvifukidza achizviita mumwe munhu munguvo yekunyengera akanga akwanisa chaizvo. Kunyange vatumwa vakasara vakatendeka vakatadza kunyatsovona chimiro chake chaicho, kana kuona kuti mabasa ake aienda kupi. KK 302.1

    Satani akanga aremekedzwa zvikuru uye mabasa ake ose akanga akafukidzwa nezvishamiso zvekuti zvakanga zvakaoma kuratidza vatumwa mamiriro eunhu hwake chaihwo. Kusvika chatumbuka, chitema chakanga chisingaratidzi kuipa sezvachiri. Kusvika panguva iyi chitema chakanga chisati chambovonekwa mudenga raMwari, saka vatumwa vatsvene vakanga vasingagoni kunzwisisa chimiro nekuipa kwacho. Vakanga vasingagoni kuona matuso akaipisisa aibva mukusendeka murairo waMwari parutivi. Satani pakutanga, akavanza basa rake pasi pekuita semunhu aiterera Mwari zvikuru. Aiti anotsvaka kuti akurudzire kukudzwa kwaMwari, nekugadzikana kwehurumende yake, nekutsvakira vagari vose vekudenga rugare. Achiisa kusagutsikana mupfungwa dzevatumwa vakanga vari pasi pake, akanga ashandisa njere kuti zviite sekuti aida kubvisa kusagutsikana mukati mavo. Paaikurudzira kuti pave neshanduko muhurongwa nemirairo yehurumende yaMwari, zvaiitwa nekunyepera achiti ndizvo zvaizochengetedza rugare mudenga. KK 302.2

    Mukugadzirisa kwake chitema, Mwari aigona kushandisa kururama nechokwadi chete. Satani aigona kushandisa zvakanga zvisingakwanisi kushandiswa naMwari- manyepo nekunyengedzera. Akatsvaka kuita shoko raMwari rive semanyepo, nekushonyorora zano rehurumende yake pamberi pavatumwa, achiti iye Mwari akanga asina kuita zvakanaka pakupa mirairo nemitemo kuvagari vekudenga; achiti mukutsvaka kutererwa nekuzviisa pasi kubva kuzvisikwa zvake, akanga achitsvaka kuzvisimudzira chete kwake iye Mwari. Saka zvinofanira kuratidzwa pamberi pevagari vekudenga, nenyika dzose kuti hurumende yaMwari yakarurama, nemutemo wake wakakwana. Satani akanga aita kuti zviite sekuti iye ndiye aikurudzira kugadzikana nekunaka kwekudenga nepasi. Chimiro chechokwadi chemunyengeri uyu, nechinangwa chake chaicho zvinofanira kunzwisisika nevanhu vose. Anofanira kuwana nguva yekuzviratidza zvaari chaizvo kuburikidza nemabasa ake akaipa.KK 302.3

    Nyongano yaakakonzera mudenga, Satani akaipomera pamurairo waMwari nehurumende yake. Kuipa kwese akataura zvakasimba achiti zvaibva muhutungamiri hutsvene. Akataurazve kuti chakanga chiri chinangwa chake chekugadzirisa mirairo yaJehova kuti ive yakanaka. Saka zvakanga zvakafanira kuti iye aratidze chimiro chezvaaireva nekuratidza zvaizobuda pakushandura kwake murairo mutsvene. Mabasa ake anofanira kumupa mhosva. Satani akange ataura kubva pakutanga kuti akanga asiri kupanduka. Denga nenyika zvinofanira kuona munyengeri uyu afumurwa. KK 303.1

    Kunyange pazvakabvumiranwa kuti iye akanga asingagoni kuramba achigara kudenga, Huchenjeri husingaperi hahuna kuparadza Satani. Sezvo kushumira kwerudo kuri iko chete kunogashirika pamberi paMwari, ruremekedzo rwezvisikwa zvake runofanira kubva pakunzwisisa kururama nekunaka kwake. Vagari vekudenga nedzimwe nyika dzose vakanga vasingagoni kunzwisisa chimiro kana matuso echitema, panguva iyoyo vaisazogona kuona kururama netsitsi dzaMwari kudai akaparadza Satani. Kudai akaparadzwa nekukasika, vaizobatira Mwari nekuda kwekutya, zvisingabvi murudo. Simba remunyengeri uyu raisaparadzwa zvachose, kana mweya wekupanduka ungadai usina kubviswa zvachose. Chakaipa chinofanira kuregerwa kuti chitumbuke. Kuitira kuti zvinakire denga rose nenyika yose kwemazera ose, Satani anofanira kubudisa pachena zvinangwa zvake, nemashoko ekupomera hurumende yaMwari anofanira kuvonekwa sezvaari chaizvo nezvisikwa zvose, uye kuti kururamisa netsitsi dzaMwari nekusashanduka kwemutemo wake zvisvike pachiyero pekusamutsa muvhunzo nekusingaperi. KK 303.2

    Kupanduka kwaSatani kwaifanira kuva chidzidzo kudenga nenyika mumazera ose aizotevera, huchapupu husingaperi kuchimiro nematuso anorwadza echitema. Kutonga kwaSatani, zvakwaizoita pavanhu navatumwa kwaizoratidza chibereko chekuisa hutongi hutsvene parutivi. Zvaizopupura kuti kuvepo kwehurumende yaMwari nemutemo wake ndizvo zvaiita kuti zvisikwa zvose zvaakanga aita zvigare zvakanaka. Saka nhoroondo yekupanduka uku yaizove chidziviriro chisingaperi kuzvisikwa zvose zvine njere, kuti zvisanyengerwa nechitema, kuzvidzivirira kubva mukuita chitema vakazosangana nechirango chinorwadza chechitema.KK 303.3

    Kusvikira pakunopera kwehondo mudenga, mupanduki uyu akaramba achienda mberi mukuzviruramisa. Pazvakadaidzirwa kuti iye nevese vaiwirirana naye vanofanira kudzingwa kubva kunzvimbo inofadza yekumusoro, mutungamiri wevapanduki uyu akaita mhiko pachena yekushora mutemo weMusiki. Akaenda mberi achitaura kuti vatumwa vakanga vasineyi nemurairo, vaifanira kusununguka, vachisiyiwa vachiita kuda kwavo, kwaivatungamirira kuita zvakanaka nguva dzose. Akatuka nekushora mirairo mitsvene kuti inodzivisa rusununguko rwavo, akataura zvine simba kuti chakanga chiri chinangwa chake chekuti mutemo ubviswe; achiti vawana rusununguko urwu, hondo yose yekudenga yaizosvika pachimiro chakakwirira nekubwinya kukuru mukurarama kwavo. KK 303.4

    Nekubatana, Satani nehondo yake vakakanda kushora kose pana Kristu, vachiti kudai vasina kutsiurwa, vangadai vasina kupanduka. Saka nekusindimara nekushora mukusaterera kwavo, vachitsvaka kumukira hurumende yaMwari, asi mukushora kwavo vachiti ivo ndivo vakanga vasina mhosva asi vaito- dzvinyirirwa. Mupanduki mukuru uyu nevaimutevere vakazodzingwa kubva kudenga zvachose. KK 304.1

    Mweya mumwe chete uyu wakakonzera chimurenga mudenga, uchiri kufemera kumukira panyika. Satani anoramba achienda mberi pavanhu tsika yaakatanga nevatumwa. Mweya wake ikozvino unotonga muvana vekusaterera. Saiye vanotsvaka kupwanya zvisungo zvemurairo waMwari vachivimbisa vanhu rusununguko kuburikidza nekutyora zvirevo zvemurairo. Kudzorwa kubva muchitema kuchiri kumutsa mweya weruvengo nenharo. Kana mashoko aMwari ekuyambira anzwikwa kuhana, Satani anotungamirira vanhu kuti vazviruramise vachiramba kudzorwa uye nekutsvaka kutsigirwa nevamwe munzira yavo yechitema. Pane kuti vagadzirise zvavanokanganisa, vanomutsira hasha kune arikuvadzora, zvichiita sekuti iye avadzora ndiye aita kuti vanhu vawomerwe. Kubva mumazuva aAbero wakarurama kusvikira munguva yedu, uyu ndiwo mweya unoratidzwa kune avo vanozvimisira kudzivisa chitema. KK 304.2

    Nekutaura zvisiri izvo pamusoro pechimiro chaMwari kwakangofanana nekwaakaita kudenga, achimuita kuti avonekwe semudzvinyiriri akaipisisa, Satani akafurira vanhu kuti vatadze. Abudirira mukuita izvi, akataura zvakasimba kuti zvisungo zwaMwari zvisina kururama ndizvo zvakakonzera kuti vanhu vatadze, sezvazvakakonzeravo kupanduka kwake iye Satani.KK 304.3

    Asi Uyo unogara nekusingaperi anotaura pachena nezvechimiro chake achiti: “Jehova, Jehova, Mwari azere nenyasha nengoni, anononoka kutsamwa, ane tsitsi huru nezvokwadi, anochengetera vane zviuru zvemazana nyasha dzake, anovakanganwira zvakaipa zvavo nekudarika kwavo nezvivi zvavo, asi asingapembedzi munhu ane mhosva” Eksodo 34:6, 7. KK 304.4

    Mukudzingwa kwaSatani kubva kudenga, Mwari akaratidza kururamisira kwake, nekuchengetedza kukudzwa kwechigaro chake. Asi munhu paakatadza nekunyengerwa nemweya wakaputsika uyu, Mwari akaratidza rudo rwake nekupa Mwanakomana wake akanga ari mumwe oga kuti afire rudzi rwevanhu vakanga vatadza. Mukudzikinurwa kwevanhu chimiro chaMwari chinoratidzwa. Chirevo chemuchinjikwa chinoratidza denga nenyika kuti gwara rechitema rakatorwa naRusifa harigoni zvachose kupomera kuti rakakonzereswa nehurumende yaMwari. KK 304.5

    Mukupikisana pakati paKristu naSatani, mumazuva akararama Muponesi panyika ino, chimiro chemunyengeri mukuru uyu chakafukurwa pachena. Hakuna chakadzipura rudo kuna Satani kubva mumwoyo yevatumwa vekudenga nezvimwe zvisikwa zvose zvisina kutadza, sezvakaitwa nehutsinye hwake pana Muponesi wepasi rose. Kumhura kwakakura zvakadaro kwekutaurira Kristu kuti amunamate, kushinga kuzere nekumudzikisira kwekumutakura nekumuisa pamusoro pegomo nepamusoro petemberi, huipi hwekumutaurira kuti azvikandire pasi kubva panzvimbo yakareba zvakadaro, godo rekushaya kurara achimuvhima kubva panzvimbo nenzvimbo, kufemera vaprista nevanhu kuti varambe rudo rwake, uye nepakupedzisira kudaidzira kuti, “Ngaaroverwe! Ngaaroverwe!”-izvi zvose zvakamutsa kushamiswa nehasha dzedenga nenyika.KK 304.6

    NdiSatani akafurira nyika kuti irambe Kristu. Muchinda wezvakaipa akashandisa simba rake rose nekunyengera kose kuti aparadze Jesu; nekuti akanga avona kuti rudo netsitsi zvaMuponesi, hunyoro nemwoyo murefu wake zvairatidza chimiro chaMwari kunyika. Satani aipikisana nezvose zvaitaurwa neMwanakomana waMwari, akashandisa vanhu kuzadza hupenyu hwaMuponesi nekurwadziwa nekusuwa. Manyepo anehuchenjeri aaida kushandisa kukanganisa basa raJesu, ruvengo rwakaratidzwa kuburikidza nevana vekusaterera, kupomera kwake kwakazara nehutsinye kuna Iye aive nehupenyu hwaive nemuenzaniso usina mumwe wakadaro mukunaka, zvose zvaibva mushungu dzekuda kutsiva. Shungu dzegodo rakanga rakazara mumwoyo, ruvengo nekuda kudzorera, zvakaputikira paKarvari pamusoro peMwanakomana waMwari, denga rose rakatarisa nerunyararo rwekushamiswa nekunetseka nezvaiitika.KK 305.1

    Pakazadziswa chipiriso, Kristu akakwidzwa kumusoro, achiramba kuremekedzwa nevatumwa kusvikira apiwa zvaaikumbira, “Ndinoda kuti avo vamakandipa, vavevo neni apo pandiri” Johane 17: 24. Zvino nerudo nesimba zvisingatsananguriki mhinduro yakavuya ichibva pachigaro chaBaba ichiti:, “Vatumwa vose vaMwari ngavamunamate” VaHeberu 1:6. Hapana kana kagwapa kakaenda pana Jesu. Kuzvininipisa kwake kwapera, kuzvipira kwake kwakwaniswa, akapiwa zita rinopfuvura mamwe ose.KK 305.2

    Zvino kutadza kwaSatani kwakamira kusina kana chekutaura kuzviruramisa. Akanga aratidza chimiro chake chaicho semurevi wenhema nemhondi. Zvakavonekwa pachena kuti mweya mumwechete waaitonga nawo vana vevanhu, avo vakanga vari pasi pesimba rake, angadai akaushandisa kudai akabvumirwa kutonga vagari vose vekudenga. Akanga ataura kuti kudarika murairo waMwari kwaipa rusununguko nekusimudzirwa; asi zvakavonekwa kuti zvaiunza huranda nekudzikira.KK 305.3

    Manyepo aSatani ekupomera chimiro chedenga nehurumende yacho zvakabuda sezvazviri chaizvo. Akanga apomera Mwari kuti aida kusimudzirwa iye chete mukutsvaka kuzviisa pasi nekuterera kwezvisikwa zvake, uye aitaura kuti Musiki aiti zvisikwa zvose zvinofanira kuzviramba, asi Iye pachake akanga asingazvirambi. Zvino zvakanga zvavonekwa kuti ruponeso ruve pavanhu vakatadza, Mutongi wedenga nenyika akanga azvipira zvikurusa zvaingaitwa nerudo chete; nekuti “ndiko kuti Mwari wakanga achiyananisa nyika naye muna Kristu” 2 VaKorinde 5:19. Zvakavonekwavo kuti apo Rusifa mukutsvaka kwake kukudzwa nehukuru, Kristu kuti aparadze chitema, akazvininipisa, nekuterera kusvika murufu.KK 305.4

    Mwari akanga aratidza kuvenga kwake nzira yekupanduka. Denga rose rikavona kururamisira kwake kuchiratidzwa, mukupiwa mhosva kwaSatani nemukudzikinurwa kwemunhu. Rusifa akanga apika kuti kana mutemo waMwari usingashandurwi, nekurangwa kweakautyora kusingagoni kuregwa, mutadzi wose haangagashirwi pamberi peMusiki nekusingaperi. Akanga atura kuti munhu wezvivi akanga ave pasingakwanisiki kuti aponeswe saka vakanga vave vake kuti avaparadze. Asi kufa kwaKristu dzakave nharo dzekumirira vanhu dzakanga dzisingakwanisi kukundwa. Chirango chemurairo chakaiswa pamusoro pake Uyo akanga akaenzana naMwari, uye munhu akanga akasununguka kugashira kururama kwaKristu, uye nehupenyu hwekukumbira kuregererwa nekuzvininipisa aigona kukukurira, seMwanakomana waMwari akanga akurira simba raSatani. Naizvozvo Mwari akarurama, Ari Iye anoruramisa vose vanodaira muna Jesu.KK 305.5

    Asi kwakanga kusiri kuzadzisa rudzikinuro rwevanhu chete uko kwakavingwa naKristu panyika pano kuti azotambudzwa nekufa. Akavuya “kuzoratidza mutemo pachena nekuuita kuti uremekedzwe.” Kwakanga kusiri kubatsira vagari vepano pasi chete kuti vakwanise kukoshesa mutemo sezvaunofanira kukosheswa; asi kwakanga kuri kuzoratidza kunyika dzose dzekudenga nepasi kuti mutemo waMwari haushanduki. Kana zvawaitaura zvaisiiwa parutivi, Mwanakomana waMwari akanga asingafaniri kupa hupenyu hwake kuchenesa kudarikwa kwawo. Rufu rwaKristu runoratidza kuti haushanduki. Uye kuzvipira kwerudo rukuru rwakasunda Baba neMwanakomana, kuti mutadzi adzikinurwe, kunoratidza kunyika dzose pasi nekudenga-zvisingakwanisiki kuitwa neimwe nzira kunze kwezano rekuchenurwa-kuti kururamisira netsitsi ndidzo nheyo dzemutemo nehurumende yaMwari.KK 306.1

    Murutongo rwekupedzisira zvicharatidza kuti hapana chikonzero chekuti chitema chivepo. Mutongi wepasi rose paachada kuziva kubva kuna Satani kuti, “Nemhaka yei wakandimukira iwe, nekupamba vanhu vehushe hwangu?” Munhu akatanga nezvakaipa uyu haangapi chikonzero. Muromo wose uchanyaradzwa, nehondo huru yose yevapanduki ichashaya zvekutaura. KK 306.2

    Muchinjikwa weKarvari, paunenge uchitaura kuti mutemo haushandurwi, unenge uchitaurawo kunyika dzose pasi nekudenga kuti mubairo wezvivi rufu. Mumashoko ekuchema kwekupedzisira kwaMuponesi, “Zvapera,” bhera rerufu rwaSatani rakaridzwa. Hondo huru yakanga iripo kwenguva dzakareba kudai yakatongwa, nekubviswa kwekupedzisira kwezvakaipa kwasimbiswa. Mwanakomana waMwari akapfuvura nepamasuo erufu, kuitira kuti, “nekufa kwake iye aparadze uyo unesimba rerufu, iye diaborosi” VaHeberu 2:14. Kuda kuzviisa pamusoro kwaRusifa, kwakamutungamirira kuti ati, “Ndichakwira kudenga, ndichakwiridza chigaro changu chevushe kumusoro kwenyeredzi dzaMwari; ..., ndichazvienzanisa neWekumusoro-soro” Isaya 14: 13, 14; Ezekieri 28: 18, 19. Mwari anotaura nesimba achiti: “...Ndikakushandura ukava madota panyika pamberi pavose vanokuona... vuye haungazovi chinhu nekusingaperi.” Kana “zuva rinouya; rinopisa sechoto...ipapo vose vanozvikudza, navose vanoita zvakaipa, vachava semashanga; zuva rinovuya, richavapisa, rikasavasiyira mudzi kana davi ndizvo zvinotaura Jehova wehondo” Maraki 4:1.KK 306.3

    Denga rose nepasi zvichapupura chimiro nematuso echitema. Nekubviswa kwacho zvachose, izvo zvingadai zvakaunza kutya pakutanga muvatumwa nekubvisa rukudzo kuna Mwari zvichasimbisa rudo nerukudzo rwake pamberi pehondo yose yevanhu vanoda kuita kuda kwake, vane mutemo wake mumwoyo yavo. Chakaipa hachichazovonekwizve. Shoko raJehova rinoti, “nhamo haingamukizve rwechipiri” Nahumi 1:9. Mutemo waMwari, uyo wakazvidzwa naSatani sejoko revuranda, uchakudzwa semutemo wekusunungura. Zvisikwa zvakaedzwa zvikavonekwa zvakakwana hazvichafuratidzwi zvakare kubva kwaari uyo anechimiro chakaratidzwa zvakazara pamberi pavo serudo rusinganzwisisiki nehuchenjeri husingagumi.KK 306.4

    Larger font
    Smaller font
    Copy
    Print
    Contents