Loading...
Larger font
Smaller font
Copy
Print
Contents
KURWISANA KUKURU - Contents
  • Results
  • Related
  • Featured
No results found for: "".
  • Weighted Relevancy
  • Content Sequence
  • Relevancy
  • Earliest First
  • Latest First
    Larger font
    Smaller font
    Copy
    Print
    Contents

    CHITSAUKO 34—KO VAKAFA VEDU VANOGONA KUTAURA NESU HERE?

    Basa revatumwa vatsvene, rinotaurwa nezvaro muMagwaro, ichokwadi chinonyaradza uye chakakosha kumuteveri wose waKristu . Asi kudzidzisa kweBhaibheri munyaya iyi kwakadzitirwa nekukanganiswa nemanyepo edzidziso dzemanyepo dzine mukurumbira mune zvekunamata. Dzidziso yekurarama nekusingaperi kwevanhu, yakatorwa kubva kudzidziso dzechihedheni, yakasanganisirwa muchitendero cheMakristu munguva yerima guru rekusiya kunamata kwechokwadi, yakabvisa chokwadi, chinodzidziswa zviri pachena muMagwaro chinoti, “vakafa havana chavanoziva.” Vazhinji vave kudaira kuti mweya yevashakabvu ndiyo “mweya yakatumwa kuzoshumira nekuda kwaavo vachava vadyi venhaka yeruponeso.” Izvi zvinoitwa vasingatarisi zvinopupurwa neMagwaro zvekurarama kwevatumwa vekudenga, nebasa ravo munhoroondo yevanhu, vanhu vasati vatanga kufa.KK 335.1

    Dzidziso yekuti munhu ane zvaanoziva murufu, zvikuru sei dzidziso yekuti mweya yevakafa inodzoka kuzoshandira vapenyu,yakagadzirira kune kutenda kuriko mazuva ano mune zvemashavi nemidzimu. Kana vakafa vachigashirwa pamberi paMwari nepamberi pevatumwa vatsvene, nekupiwa ruzivo runopfuvurisa zvavaiziva vachiri vapenyu nemhaka yei vasingadzoki panyika kuzodzidzisa nekuraira vapenyu? Kana zvaive sekudzidzisa kwevadzidzi veBhaibheri vane mukurumbira mukuru kwazvo, kuti mweya yevakafa inofamba famba pamusoro peshamwari dzavo panyika, nemhaka yei vasingabvumirwi kuti vataurirane navo, kuti vavayambire kuti vasapinda muzvakaipa, kana kuvanyaradza mumatambudziko? Ko avo vanodavira mukuti vanhu vakafa vanoziva zviri kuitika vangaramba sei izvo zvinovuya kwavari sechiedza chekudenga chinotaurwa nemweya yave mukubwinya? Iyi inzira inonzi inoyera, iyo Satani anoshandisa kufambisa zvinangwa zvake. Vatumwa vakapanduka vanoita zvaanoda vanovonekwa sevaranda vanobva kunyika yemweya. Vachiti vanogona kubatsira vapenyu kuti vataurirane nevakafa vavo, muchinda werima anoshandisa simba rake nekuroya pfungwa dzavo. KK 335.2

    Ane simba rekuvuyisa pamberi pevanhu mifananidzo yehama dzavo dzakafa kare. Mifananidzo iyi inobuda zvazviri; zvaakanga akaita, mashoko aaishandisa, izwi racho zvinonyatsobuda saizvozvo. Vazhinji zvonyaradzwa nepfungwa yekuti hama dzavo dziri kufara kunyika yekufarisisa nguva dzose kudenga; vasina kana njodzi yavangafungira, vanoterera kumweya “inonyengera, nedzidziso dzemadhimoni.”KK 335.3

    Kana vaitwa kuti vadaire kuti vakafa vavo vanodzoka kuzotaura navo, Satani anokonzera kuti vavonekwe vaya vakaenda kumakuva vasina kugadzirira. Vachiti vari kufara kudenga, nekutove nezvigaro zvikuru kudenga, izvi zvoita kuti manyepo anodzidziswa akure, ekuti hapana musiyano pakati pevakaipa nevakanaka. Dzimwe nguva avo vanonzi vakabva kunyika yemweya vanotoyambira zvinhu zvechokwadi. Zvino kana vanhu vozvitenda, vanochiisa dzidziso inopikisana nekutenda muMagwaro. Vachiita sevane hanya chaizvo nehupenyu hwehama dzavo dziri panyika, vanounza nhema dzinoparadza. Nechikonzero chekuti vanotaura zvimwe zvinhu zvechokwadi, nedzimwe nguva kuti vanogona kutaura zvinhu zvaichaitika nemazvo, zvinoita kuti vanhu vafunge kuti ndezvechokwadi; nedzidziso dzavo dzenhema dzinobva dzagashirwa nevazhinji nekusakahadzika, zvichibva zvadairwa sezvinhu zvechokwadi, sedzidziso dzechokwadi dzeBhaibheri. Murairo waMwari unoiswa parutivi, neMweya wenyasha unozvidzwa, neropa resungano rotorwa sechinhu chisiri chitsvene. Mweya iyi inoramba humwari hwaKristu, nekuisa Musiki seakaenzana navo. Nekunyengera kumwezve mupanduki mukuru nehondo yake naMwari, yakatanga kudenga, ine makore angaita zviuru zvitanhatu (6 000) panyika. KK 335.4

    Vazhinji vanoramba zvemweya izvi vachiti hakuna zvakadaro inhema chete dzinoitwa nesvikiro. Kunyange hazvo chiri chokwadi chekuti ndezvemanyepo, pane zvimwe zvinoratidza simba risiri remunhu. Mabatiro azere nezvishamiso ekutanga kwemashai nemudzimu zvemazuva ano zvinoratidza kuti kwakanga kusiri kunyengera kana kuchenjera kwemunhu, asi kuti raive basa revatumwa vakaipa, vakatanga nezvekusvikirwa iri imwe yetsika dzinoparadza mweya yevanhu zvachose. Vanhu vazhinji vachabatwa mumusungo wekuti zvemashai nemidzimu ndezvekunyepa hapana zviripo, asi kana vazosangana nemasimba ewakaipa aya vachashamiswa kuona simba risiri remunhu riri pabasa, zvovanyengera, vagosvika pakuzvigashira sesimba guru raMwari.KK 336.1

    Vanhu ava vanotarisira pasi zvinotaurwa neMagwaro pamusoro pezvishamiso zvinoitwa naSatani nevanomushandira. N’anga dzaFarao dzakaita zvakaitwavo naMosisi dzichibatsirwa nemasimba aSatani. Pauro anopupura achiti, Kristu asati adzoka kechipiri, kuchavapo nekuratidza kwakadaro kwemasimba aSatani. Kudzoka kwaIshe kuchatangirwa “nebasa raSatani nesimba rose, nezviratidzo, nezvinoshamisa zvenhema, nekunyengera kose kwekusarurama” 2 VaTesaronika 2 :9, 10. Nemuapostora Johane achitsanangura mabasa esimba rezvishamiso achaitwa mumazuva ekupedzisira, anoti,: “Chinoita zviratidzo zvikuru, zvekuti chinoburusira moto unobva kudenga panyika pamberi pavanhu; chinonyengera vanogara panyika nezviratidzo zvachakapiwa kuti chizviite” Zvakazarurwa 13:13, 14. Havasi vanongonyepedzera vari kutaurwa apa. Vanhu vachanyengedzwa nezvishamiso zvichaitwa nevaranda vaSatani nesimba ravainaro, zvisiri zvinhu zvavanonyepedzera kuita.KK 336.2

    Muchinda werima, anoisa masimba ake ose mukunyengedza, anoshanda nehumhizha zvekuti miedzo yake inosvikira vanhu vemarudzi nezvimiro zvose. Kune vanhu vakadzidza, nevepamusoro, anovaedza nehun’anga zvakadzidza zvine huchenjeri, izvi zvichimuita kuti akwanise kukwevera vazhinji mumiteyo yake. Huchenjeri hunopiwa nezvemweya izvi hunotsanangurwa naJakobo achiti, “kuchenjera uku hakuburuki kuchibva kumusoro, asi ndekwenyika, kwenyama, kwemweya wakaipa.” Jakobo 3:15. Izvi, munyengeri mukuru uyu anozvivanza, kana zvakanakira muyedzo wake kuti zvivanzwe. Uyo akavuya ane kubwinya kwevatumwa vekudenga pamberi paKristu murenje achimuedza, anovuya kuvanhu nenzira inovakwevera kwaari zvine simba, semutumwa wechiedza. Anobata pfungwa nekuuya nenyaya dzinofadza; anotekenyedza pfungwa nekuratidza zvinonakidza, anokwezva mwoyo yevanhu achiratidza rudo netsitsi nenzira dzakapinza. Anotekenyedzera pfungwa kukwira mudenga kumusoro, achikonzera vanhu kuti vadade nehuchenjeri hwavo zvinovaita kuti mumwoyo yavo vazvidze Iye anogara nekusingaperi. Uyu ane simba akakwanisa kuenda neMudzikinuri wenyika pagomo rakakwirira, nekumuratidza hushe hose hwenyika nembiri yaho, achaisa miyedzo yake kuvanhu zvinokanganisa pfungwa dzeavo vose vasina kudzivirirwa nesimba dzvene.KK 336.3

    Satani anonyengera vanhu nhasi uno sekunyengera kwaakaita Eva muBindu reEdeni, nekunyepera kwekupuruzira munhu, nekumutsa shungu maari dzekuda kuwana ruzivo runorambidzwa, nekumutsa chidiso chekuzviisa pamusoro. Kwakanga kuri kufarira zvakaipa izvi kwakakonzera kuwa kwake iye, kuburikidza nazvovo anotsvaka kuparadzavo vanhu. “Muchava saMwari kuziva zvakanaka nezvakaipa” Genesi 3:5 akadaro. Zvemweya izvi zvinosanganisa zvemashai nezvemidzimu zvinodzidzisa vanhu kuti, “munhu chisikwa chiri kukwirira; kuti kubva pakuberekwa munhu ari kukwira achiita zviri nani, kusvikira kana kuhupenyu husingaperi, achifanana naMwari.” Zvinodzidzisa zvekuti:, “Pfungwa imwe neimwe ichazvitonga, haitongwi nemumwe.” “Rutongo rwacho runenge rwakanaka, nemhaka yekuti nderwekuzvitarisa iwe pachako . . . . Chigaro chekutonga chiri mauri.” Mumwe mudzidzisi wezvemashai akati, “paakatanga zvemweya izvi” kwakamuka maari, “Vamwe vanhu vakaita seni vakanga vari vamwari vasina kutadza.” Mumwezve anoti, “Munhu wose akarurama akaperera ndiKristu.”KK 337.1

    Saka pachinzvimbo chekururama nekuperera kwaMwari asingafi, ari Iye chete anofanira kuremekedzwa nekunamatwa; pachinzvimbo chemurairo wake wakarurama wakaperera, uri chiero chechokwadi chinofanira kusvikirwa nemunhu, Satani akatsinhanisa nechimiro chemunhu wenyama chakaputsika, sechinhu choga chinofanira kuremekedzwa nekunamatwa, saicho chiyero choga chichashandiswa pakutonga, kana kuti chimiro chinotarisirwa. Uku kuenda mberi, kusiri kwekukwirira, asi kwekutodzikira.KK 337.2

    Murairo wechokwadi kune zvepfungwa nezvepamweya, wekuti ukaramba wakatarira chinhu, unofanana nacho. Pfungwa dzinojairira zvishoma nezvishoma kuzvinhu zvadzinenge dzagariswa pazviri kwenguva yakareba. Dzinobva dzanyura muzvinhu zvadzajaira kuda nekuremekedza. Munhu haagoni kukwirira kupfuvura chiyero chake chekuchena pahupenyu, kana pakunaka, kana chokwadi chake. Kana achizvivona iye ari chiyero chepamusoro soro, haazosviki kumwe kunopfuvura ipapo. Asi anotoramba achidzika nekudzikira pasi. Nyasha dzaMwari chete ndidzo dzinogona kusimudzira munhu. Kana munhu akasiiwa akadaro, nzira yake ndeyekudzika chete.KK 337.3

    Kune munhu anozviregerera, anoda kufara chete, anoda zvakaipa zvenyama zvemweya izvi , zvemashai nemidzimu zvinovuya kwaari zvisina kunyanya kuvanda sezvazvinoita kumunhu akadzidza wepamusoro; kwekuti mukushatisa kwazvo zvinosvika zvichitowirirana nezvakajairika kwaari. Satani anodzidza zvose zvakashata nemunhu, anocherechedza zvivi zvose zvingaitwa nemunhu , achironga kuti mikana yekuita chitema ichi igare iripo pauri. Anoedza vanhu mune zvinhu zvakanaka zviri pamurairo, achivakonzera kuti vapfurikidze mwero kuburikidza nekusazvidzora, kuti vadzikire pasimba, remuviri remupfungwa nemukuzvidzora pakuita zvakashata. Akaparadza uye achirikuparadza zviuru kuburikidza nekusazvidzora pazvidiso nezvishuvo zvenyama, achikonzera munhu kuti ave semhuka. Uye kupedzisa basa rake, anoti, kuburikidza nemweya iri munyika, “ruzivo chairwo runoisa munhu pamusoro pemurairo wose;” achiti , “zvose zviripo, zvakanaka;” nekutizve, “Mwari haapi munhu mhosva;” achitivo, “zvivi zvose zvinoitwa hazvina mhosva.” Kana vanhu vakakonzerwa kuti vabvume kuti chidiso chemwoyo kana nyama ndiwo murairo mukuru wekupedzisira, kuti kusununguka ndiyo mvumo, uye kuti munhu haana mumwe achamubvunza zvaanoita, asi iye pachake ndiye anogona kuzvibvunza, ndiani angashamiswa kuti huvori nekuipa zvatekeshera kumativi ose? Vazhinji zhinji vanodaira dzidziso dzinovasiya vakasununguka kuita zvavanoda vachiterera zvinodiwa nenyama. Masimba ekuzvidzora akasungirirwa paruchiva, masimba epfungwa neemweya anotsikirirwa pasi pesimba rehumhuka, Satani ofara achitsvairira vazhinji mumambure ake vanozviti vateveri vaKristu.KK 337.4

    Asi hapana anofanira kunyengedzwa nemanyepo anotaurwa nemweya iyi nemashai nemidzimu. Mwari akapa nyika chiedza chakakwana chekuti igone kuona miteyo yaSatani. Sezvaratidzwa kare, pfungwa dziri nheyo dzezvemweya izvi, zvemashai nezvemidzimu dzinorwisana nemashoko ari pachena chena Mumagwaro. Bhaibheri rinoisa pachena kuti vakafa hapana chavanoziva, kuti njere dzavo dzapera hadzo; havachina mugove nekusingaperi pane zvose zvinoitwa pasi pezuva; havachina zvavachaziva pamifaro kana kusuwa kwevaya vavaida chaizvo panyika.KK 338.1

    Pamusoro paizvozvo, Mwari akarambidza zviri pachena kutaurirana kose nemweya yevakaenda. Munguva yevaHeberu kune boka raiita, sezvinotaurwa nevemashai nemidzimu vanhasi kuti vanokwanisa kutaurirana nevakafa. Asi “vavuki ava” sekudaidzwa kwaiitwa vashanyi ava vainzi vanobva kune dzimwe nyika, vanonzi neBhaibheri “mweya yemadhimoni.” (Enzanisa Numeri 25:1-3; Pisarema 106: 28; 1 VaKorinde 10:20; Zvakazarurwa 16:14). Basa rekutaurirana nemidzimu nevavuki rinodaidzwa neBhaibheri sechinhu chinonyangadza Mwari, uye chairambidzwa zvekuti munhu anozviita aifanira kuvurawa (Revitiko 19:31; 20: 27). Zita rekuti mashai nemidzimu nehun’anga nhasi rinoshovorwa nezvazhinji. Nyaya yekuti munhu anokwanisa kutaurirana nemweya yakaipa zvinotorwa senyaya dzekare kare muNguva Yerima rekusaziva Mwari. Asi zvemweya izvi zvemashai nemidzimu zvine vateveri zviuru zvemazana, hongu vangasvika mamirioni, izvo zvakapindavo nemusainzi, zvazaravo mumakereke, nekugashirwa mumabumbiro edzihurumende, kana mudzimba dzemadzishe-kunyengedzwa kukuru uku rumutsiriro chairwo, neidzimwe nzira dzakavanda, dzehuroyi nehun’anga hwakarambidzwa kare.KK 338.2

    Kudai pasina chimwe chinoratidza chimiro chaicho chemweya iyi, chemashai nemidzimu, zvakangokwana kumuKristu kuti mweya iyi hairatidzi kusiyana pakati pekururama nechitema, pakati pemuapostora waKristu, akanaka akaperera, nevaranda vaSatani vakaipisisa. Nekuratidza munhu akaipisisa seari kudenga, achikudzwa zvikuru ikoko, Satani ari kuti kunyika: “Hazvinei kuti wakaipa sei; hazvinei kuti unotenda here kana kuti hautendi muna Mwari neBhaibheri,rarama sezvaunoda; denga musha wako.” Vadzidzisi vezvemashai nemidzimu vanoti, “Munhu wose anoita zvakaipa wakanaka pamberi paMwari, uye Ishe vanovafarira; kana kuti, Mwari werutongo aripiko?” Maraki 2:17. Shoko raMwari rinoti, “Vane nhamo vanoti zvakaipa ndizvo zvakanaka, uye zvakanaka kuti ndizvo zvakaipa, vanoisa rima panzvimbo yechiedza, nechiedza panzvimbo yerima” Isaya 5:20.KK 338.3

    Mweya inonyengera iyi inovuya iri muzvimiro zvevaapostora ichiita kuti vapikise zvakanyora vachivudzwa neMweya Mutsvene vachiri panyika. Vanoramba kuti Bhaibheri rakabva kuna Mwari, nekudaro vanobvarura nheyo dzetariro yeChikristu, nekudzima mwenje unoratidza nzira yekudenga. Satani anoita kuti nyika yose itende kuti Bhaibheri ingano zvadzo dzisina kuitika, kana kuti ibhuku rakanga rakanakira mavambo evanhu, asi ikozvino risangafaniri kuteererwa kana kuti rinotofanira kurasira kure sebhuku risingachashandi. Pachinzvimbo cheBhaibheri shoko raMwari anoisa mabasa ezvemweya. Iyi ndiyo nzira yaane simba kwazvo mairi; nenzira iyoyi, anoita kuti nyika itende zvaanoda. Bhuku rinofanira kumutonga iye nevateveri vake anoriisa murima pakavanda, umo chaimo maanoda kuti rive; Muponesi wenyika yose anomuita kuti ave munhuvo zvake. Semavuto eRoma akanga akarinda guva raJesu akaparadzira nhema dzakaiswa mumuromo mavo nevaprista nevakuru kuedza kuramba kumuka kwake, ndizvo zvinongoitwavo nevatendi vezvenhema vemashai nemidzimu pavanoedza kuratidza sekuti hapana chinoshamisa pahupenyu hwaMuponesi wedu. Vaedza kubvisa Jesu pamberi pevanhu, vanokokera vanhu kuzvishamiso zvavo ivo, vachiti izvi zvinopfuvura mabasa aKristu nekure.KK 339.1

    Ichokwadi kuti zvemweya nemashai nemidzimu zvave kushandura chimiro chazvo, zvichiviga zvimiro zvinogona kurambwa zvikuru, zvave kupfeka bhachi reChikristu. Asi zvazvinotaura pamberi pevanhu nezvazvinonyoresa kwemakore angasvika makumi mana. Imomo chimiro chazvo chakabuda pachena. Dzidziso idzi hadzigoni kurambwa kana kuvigwa.KK 339.2

    Kana muchimiro chazviri nhasi uno, mazvisingagashiriki kupfuvura kare,zvinotove nenjodzi yakatokura, nemhaka yekunyengera kwakavanda kwazvo. Kare zvaimboshora Kristu neBhaibheri, asi nhasi zvinoita sezvinogashira zvose. Asi Bhaibheri ravakududzirwa nenzira inofadza mwoyo usina kushanduka, chokwadi charo chinokosha chichishaiswa basa. Rudo runotariswa nekubvumwa sechimiro chikuru chaMwari, asi runodzikiswa kusvika kwave kungonzwa chete kuri munyama, kunosiya mupatsano muduku duku pakati pezvakanaka nezvakaipa. Kururamisira kwaMwari, nekushora kwake chitema, zvinorairwa nemurairo wake mutsvene, zvose hazvitariswi. Vanhu vanodzidziswa kuti vavone mirairo ine gumi serugwaro rwakafa. Nyaya dzinonakidza, dzinoroya pfungwa ndidzo dzinotungamirira vanhu kuti varambe Bhaibheri senheyo yekutenda kwavo. Kristu anobva angorambwa sekare; asi Satani apofumadza vanhu zvakadaro zvekuti havavoni kunyengedzwa uku.KK 339.3

    Vashoma kwazvo vanovona kunyengera uku kwemweya iyi nemashai nemidzimu nenjodzi yekuzviisa pasi pemasimba aya. Vazhinji vanopinda mazviri, kuti vangogutsa havi yavo yekuda kuziva zvinoitikamo. Havazvidaviri zvekuti vaingazadzwa nekutya nekunetsekana kana vaingafunga nezvekuisa hupenyu hwavo pasi pemasimba emweya iyi. Asi vanofamba nenzira dzakarambidzwa idzi, muparadzi mukuru uyu anobata nechisimba pamusoro pavo achivaitisa zvavasingadi. Vakangomubvumira chete kushandisa pfungwa dzavo, anobva avabata huranda. Hazvizogoneki musimba ravo voga, kubva mumusungo wake, nemusimba rake rinovakwezva nekuroya pfungwa. Hakuna chimwe kunze kwesimba raMwari chete, rinopiwa semhinduro kukumbira kwakaperera kwekutenda, chinogona kusunungura vanhu ava vakabatwa mumuteyo wake.KK 339.4

    Vose vasingazvidzori patsika dzakaipa nehunhu hwechitema, kana kufarira havo chitema chavanoziva mumirangariro yavo, vanokoka miyedzo yaSatani. Vanozviparadzanisa naMwari nekuzvibvisa kukuchengetedzwa kwavo nevatumwa; apo wakaipa paanotumira kunyengera kwake, havana chidziviriro, saka vanokasika kuwisirwa pasi. Avo vanozviisa musimba rake, havazivi kuti nzira yavo iyi ichavasvitsepi. Avawisira pasi, muedzi mukuru uyu anovashandisa sevamiririri vake kuti vakwezvere vamwevo kukuparadzwa.KK 340.1

    Anodaro muprofita Isaya: “Zvino kana vachiti kwamuri, bvunzai masvikiro nevavuki, vanorira nekuita zevezeve: Ko vanhu havafaniri kubvunza Mwari wavo here? Ko vanofanira kubvunza vakafa pamusoro pavapenyu here? Dzokerai kumurairo nekuzvipupuriro! Kana vasingatauri sezvinoreva shoko iri, havangavi nechiedza chemangwanani” Isaya 8:19, 20. Kudai vanhu vaida kugashira chokwadi chakaiswa pachena muMagwaro, chinotaura nechimiro chemunhu nechimiro chevakafa, vaizokwanisa kuona zvinotuarwa nemweya iyi yemashai nemidzimu sekushanda kwaSatani nesimba nezvishamiso zvekunyepera. Asi pane kurasa zvidiso zvenyama, nekuramba chitema chavanodisa zvakadaro, vazhinji vanotsinzina meso avo kuchokwadi kuti vasavona chiedza, vachiramba vachienda mberi nemabasa avo, vachishaya hanya neyambiro, Satani achirukira miteyo yake pavari, nekuzovaparadza. “Nekuti havana kugamuchira rudo rwezvokwadi, kuti vaponeswe. Saka Mwari unovatumira simba rekukanganisa, kuti vatende nhema” 2 VaTesaronika 2:10, 11. KK 340.2

    Avo vanopikisa dzidziso dzemweya wemashai nemidzimu havarwisani nevanhu chete, asi naSatani nevatumwa vake. Vapinda mumakwikwi nemasimba nevakuru nemweya yakaipa iri munzvimbo dzakakwirira. Satani hazopi kana kamukana kaduku duku, kunze kwekuti asaidzirwa kumashure nesimba revatumwa vekudenga. Vanhu vaMwari vanofanira kugona kusangana naye, sezvakaita Muponesi wedu, nemashoko anoti, “Zvakanyorwa zvichinzi.” Satani ikozvino anogona kutauravo zvinobva muMagwaro sezvaaiita mumazuva aKristu, achimonyorotsa dzidziso dzawo kuti asimbise nhema dzake. Avo vachamira munguva ino yematambudziko vanofanira kuzvinzwisisira zvipupuriro zveMagwaro voga.KK 340.3

    Vazhinji vachasangana nemweya yakaipa iri muzvimiro zvehama dzavo kana shamwari dzavo, vachitaura nhema dzakaipisisa. Vashanyi ava vachakwezva mwoyo yedu zvakasimba, nekuita zvishamiso kusimbisa zvavanenge vachitaura. Tinofanira kugadzirira kuvadzivisa nechokwadi chemuBhaibheri chekuti vakafa havana zvavanoziva, uye kuti avo vanovonekwa saizvozvo mweya yakaipa. KK 340.4

    Pamberi pedu chaipo pane, “nguva yekuedzwa, ichawira nyika yose, ichiedza vose vanogara panyika” Zvakazarurwa 3:10. Vose vane kutenda kusina kutsamira pashoko raMwari vachanyengedzwa nekukurirwa. Satani, “anoshanda nekunyengera kose kwekusarurama” kuti atonge vana vevanhu; nekunyengera kwake kucharamba kuchingokura. Asi anokwanisa kubudirira chete kana vanhu vachizvipa voga kumiyedzo yake. Avo vanotsvakisisa ruzivo rwechokwadi, nekushingaira kuchenesa mweya yavo kuburikidza nekuterera, vachiita zvavanokwanisa kugadzirira hondo iyi, vachawana kudzivirirwa kwakakwana muna Mwari wechokwadi. “Nemhaka yekuti wakachengeta shoko rekutsungirira kwangu, Ini ndichakuchengetavo,” (Zvakazarurwa 3:10) ndicho chitsidzo chaMuponesi. Anogona kutumira vatumwa vose vari kudenga nekukurumidza kunodzivirira vanhu vake, pane kusiya munhu mumwechete anovimba naye kuti akurirwe naSatani.KK 340.5

    Muprofita Isaya anotaura nekunyengedzwa kunotyisa kuchawira pamusoro pevasakarurama, kuchivaita kuti vanzwe sekuti havana chavangaitwa nerutongo rwaMwari: “Takaita sungano nerufu, takatenderana neSheori, kana shamhu, inokukura, ichipfuura, haingasviki kwatiri, nekuti nhema takadziita utiziro hwedu, takanovanda pasi pekunyengera” Isaya 28:15. Vari kutsanangurwa pano vanosanganisira avo vane mitsipa yakawoma vachizvisimbisa kuti hakuna kuparadzwa kwevatadzi; kuti vanhu vose, hazvinei kuti vakashata sei, vachakwidzwa kudenga, kuti vaite sevatumwa vaMwari. Nenzira yakasimba kune avo vanoita sungano nerufu nekuwirirana nehadesi, vanoramba chokwadi chakapiwa nedenga sechidziviriro chevakarurama pazuva rematambudziko, nekubvuma kuvanda panhema dzinopiwa naSatani panzvimbo yacho,-manyepo anotyisa ezvemweya yemashai nemidzimu.KK 341.1

    Hupofu hwevanhu venguva iyi hunoshamisa zvisingatsananguriki. Zviuru zvinoramba shoko raMwari zvichiti harikodzeri kugashirwa, asi nemwoyo ine kuzvimisira vachigashira nhema dzinonyengera dzaSatani. Vasingatendi nevaseki vanoshora kutenda kwakasimba kweavo vanorwira nekutsigira chokwadi chevaprofita nevaapostora, vanozvitsausa nekusarudza kuseka zvakataurwa neMagwaro pamusoro paKristu nezano reruponeso, nekurangwa kuchaitwa vanoramba chokwadi. Vanomutsa tsitsi huru kwazvo muvanhu vasingavoni zviri pachena, vasina simba, nevanodaira mashura zvinovatadzisa kunzwisisa kuda kwaMwari nekuterera mirairo yake. Vane kugutsikana kwakakura zvakadaro zvekuti, vanoita sevakaita sungano nerufu nekuita chibvumirano nehadesi,-sekuti vakavaka mudhuri usingakwanisi kuyambuka pakati pavo nehasha dzaMwari. Hakuna chingamutsa kutya kwavo. Vakazvipira zvakadaro kumunyengeri, vakabatana naye zvakadaro, nekuzadzwa nemweya wake zvakadaro zvekuti ivo havasisina simba kana chidiso zvekuti vabve kumuteyo wake.KK 341.2

    Kubva kare Satani akanga achigadzirira basa rake rekunyengera nyika yose kekupedzisira. Nheyo yebasa rake yakadzikwa kare paakavimbisa Eva muEdeni, “Hamuzofi zvirokwazvo., Nezuva ramuchadya pamuti, meso enyu achazarurwa, muchava sevamwari, muchiziva zvakanaka nezvakaipa” Genesi 3:4, 5. Zvishoma nezvishoma akagadzirira basa rake guru rekunyengera mukutangisa zvemweya yemashai nemidzimu. Haasati asvika panoperera zano rake; asi richasvikwa muchikamu chekupedzisira chenguva. Anodaro muprofita: “Ipapo ndakavona mweya yetsvina mitatu yakaita sematafi ichibva mumuromo weshato nemumuromo wechikara, nemumuromo wemuprofita wenhema; Nekuti ndiyo mweya yakaipa inoita zviratidzo inoenda kumadzimambo enyika yose, kuvakokera kukurwa pazuva iro guru raMwari wemasimba ose” Zvakazarurwa 16:13, 14. Kunze kwevanhu avo chete vanochengetwa nesimba raMwari, kuburikidza nekutenda mushoko rake, nyika yose ichakweverwa kukunyengera nekurasika uku. Vanhu nekukasika vari kuvaraidzwa nekukwezverwa mudanga rerufu, mavanozomutswa chete nekudirwa kwekutsamwa kwaMwari.KK 341.3

    Jehova anoti: “Kururamisira ndichakuita rwonzi, nekururama ndichakuita chekururamisa nacho; chimvuramabwe chichakukura utiziro hwenhema, mvura ichafukidza nzvimbo yekuvanda. Sungano yenyu yamakaita nerufu ichadzimwa, nekutenderana kwenyu neSheori hakungamiri; kana shamhu, inokukura, ichipfuura, muchatsikwa pasi nayo” Isaya 28:17, 18.KK 342.1

    Larger font
    Smaller font
    Copy
    Print
    Contents