Loading...
Larger font
Smaller font
Copy
Print
Contents
KURWISANA KUKURU - Contents
  • Results
  • Related
  • Featured
No results found for: "".
  • Weighted Relevancy
  • Content Sequence
  • Relevancy
  • Earliest First
  • Latest First
    Larger font
    Smaller font
    Copy
    Print
    Contents

    ZIVISO

    CHIVI CHISATI CHAPINDA MUNYIKA, Adamu aifara kutaurirana naMwari muiti wake pachena; asi kubvira panguva iyo apo munhu akazviparadzanisa naMwari nokuda kwechivi, vanhu vose pasitenderere vakagurwa kubva kumukana uyu mukuru waikosha. Nokuda kwezano roruponeso, nzira yakavapo yokuti vagari vepanyika vagone kuvazve nehukama hweyanano neDenga. “Mwari akambotaurirana navanhu kuburikidza naMwari Mweya Mutsvene.” 2 Petro 1:21.KK 3.1

    Kubvira pamakore zviuru zviviri namazana mashanu okutanga enhorondo yavanhu, kwaive kusina Zvakazarurwa zvaMwari muzvinyorwa. Avo vaive vakadzidza nezvaMwari, vaidzidzisavo vamwe, dzidziso idzi dzaizoburuka kubva kuna baba dzichienda kumwana, zvichingodaro kusvikira kumarudzi aitevedzana. Kugadzirwa kwezvinyorwa zveShoko raMwari kwakatanga munguva yaMoses, Zvakazarurwa zvakafemerwa zvakaiswavo murugwaro rwezvakafemerwa. Basa iri rakaramba richienderera mberi mukati menguva refu inokwana makore chiuru chimwe namazana matanhatu kubva kuna Moses, munyori wenhorondo yokusika uye yomutemo waMwari, kusvikira kuna John munyori nomucherechedzi wezvokwadi yepamusoro-soro yeVhangeri.KK 3.2

    Bhaibheri rinonongedza kuna Mwari saIye Munyori waro; kunyangwe hazvo rakanyorwa namawoko avanhu; uye nomukunyorwa nenzira dzakasiyana kwakaitwa mabhuku arimo, rinotaridzavo zvimiro zvakasiyana zvavanhu vakarinyora. Chokwadi chiri mariri chose, chakapiwa nokufemera kwaMwari (2 Timotio 3:16); kunyangwe zvakadaro chokwadi ichi chaipiwa nokuiswa pachena namanzwi avanhu. Uyo anogara mukusingaperi, kuburikidza noMweya wake Mutsvene Akavhenekera chiedza mundangariro nemoyo yavaranda Vake. Iye akapawo mifananidzo nezviratidzo. Kune avo vakagachidzwa chokwadi ichi, ivo pachavo vakaisa pfungwa dzacho mururimi rwavanhu.KK 3.3

    Mitemo ine gumi yakataurwa naMwari Iye Amene, uye ikanyorwa neruwoko Rwake. Mitemo iyi inobva muhutsvene hwaMwari kwete kumifungo nokunyora kwavanhu. Asi magwaro matsvene, nechokwadi chawo chinobva kuna Mwari, achitsanangurwa norurimi rwavanhu, anotitaridza kubatana kwevanhu nehuMwari. Mubatanidzwa uyu waiva uripo muchimiro chaJesu Kristu, uyo akange ari Mwanakomana waMwari zvekare ari mwanakomana wemunhu. Nokudaro ichokwadi kuti shoko raMwari uye nekuna Kristu kuti “Shoko rakazova nyama rikagara pakati pedu.” Johane 1:14.KK 3.4

    Rakanyorwa munguva dzakasiyana, nevanhu vaiva vakasiyana zvikuru, pazvimiro zveupenyu, mabasa, zvipo zvendangariro nezvepamweya, mabhuku ari muBhaibheri anotaridza mukaha mukuru pakusiyana kwawo uye nhau dzaibatwa maari. Nzira dzakasiyana dzokutsanangura zvinhu dzaishandiswa nevanyori vakasiyana; kazhinji, chokwadi chimwe chete chaigona kunyatsotsanangurwa nomumwe munyori kupfuura mumwe. Apozve vanyori vazhinji vachitsanangura nyaya imwe chete vachishandisa nzira dzakasiyana kubata zvakakosha zvayo, kumuverengi asina hanya, asingadzamisi ndangariro, uye anoverenga shoko mumaonero ake iye mune zvaakarerekera, anogona kuona kupokana nekusiyana mushoko. Kumuverengi ane hanya, anozvininipisa neanodzamisa ndangariro, anoona kuwirirana kwenheyo dzeshoko raMwari.KK 3.5

    Sokupiwa kwarakaitwa kuburikidza nevanhu vakasiya-siyana, chokwadi chinoiswa pachena munzira dzacho dzakatsaukana. Umwe munyori anogona kudzamirwa zvine simba nechikamu chimwe munhau inenge ichitariswa; anonyanya kubata nyaya dzinonyanya kuwirirana nezvaakasangana nazvo muhupenyu hwake kana zvinoenderana nesimba rake rokutsanangura zvaanoona. Umwewo anobatawo chimwe chikamu chakasiyana nechoumwe okohomedzawo chokwadi chinobudapo, umwe neumwe wavo ari pasi poutungamiri hwaMwari Mweya Mutsvene, anotsinhira nokukohomedza izvo zvakanyanya kuva netsimbidziro mundangariro dzake—chikamu chechokwadi chakasiyana nezvimwe asi paine kudyidzana kwakaperera muidi rose. Zvokwadi yose inoratidzwa neyakafemerwa, inobatana pakugadzira chinhu chimwe chakaperera nokunaka, chinokwanira vanhu vose kwose kwose muzvimiro nemunezvavanosangana nazvo muupenyu.KK 4.1

    Zvakafadza Mwari kupa zvokwadi yake kuvanhu kuburikidza navamwe vanhu, uye kuburikidza naiye mbune muMweya Mutsvene. Mweya unoyera wakapa vanhu simba nokuvagonesa kuita basa iri. Waitungamira ndangariro mukusarudzwa kwezvainge zvakafanira kutaurwa kana kunyorwa, “ndarama” inokosha yakange yakaiswa mumidziyo yevhu, kunyangwe zvakadaro yakanga iri yabva kudenga kunaMwari. Kupupura kwaiunzwa kuburikidza nomukusapera kwetsananguro dzendimi dzavanhu, asi kunyangwe hazvo zvakadaro, kupupura kwaMwari. Kune mwana waMwari anoteerera, nokutenda anoona mukati memanyoro matsvene kupenya kwesimba rinoyera, rakazara nyasha nechokwadi.KK 4.2

    Mushoko rake, Mwari akapa kuvanhu ruzivo rwakafanira kuvanhu kuti vagashire kuponeswa. Magwaro matsvene anofanira kugashirwa muvanhu sechinhu chine simba, uye kuratidzwa pachena kusingatadzi kwekuda kwaMwari. Ndiwo hwaro nechiyero chedi chehunhu, chiratidzo chedzidziso dzekururama muidi nechiyero chemabasa. “Rugwaro rwose rwakafuridzirwa naMwari rwunobatsira pakudzidzisa nokuraira, nokururamisa, nokuranga kuri mukururama kuti munhu waMwari akwane, agadzirirwa kwazvo mabasa ose akanaka.” 2 Timotio 3:16-17.KK 4.3

    Kunyangwe chiri chokwadi kuti Jehovah vakaratidza kuda kwavo kuvanhu kuburikidza neShoko Ravo, izvi hazvina kuita kuti hutungamiriri nehuvepo hwakagara huripo hwaMwari Mweya Mutsvene huzonzi hahusisina kukoshwa. Nenzira inokosha, Mwari Mweya Mutsvene akatovimbiswa kuvatendi naMwari Mwanakomana waMwari iye Jesu Kristu mudzikinuri wedu. Mweya Mutsvene aizouya kuti azarure zviri mukati memagwaro matsvene kuvaranda vake, kuvhenekera nokuisa dzidziso yavo muupenyu. Sezvo wakanga uri Mweya Mutsvene waMwari wakafemera Magwaro matsvene, hazvigoneki kuti Mweya Mutsvene adzidzise chero chinhu chinopokana nezvakanyorwa mumagwaro.KK 4.4

    Mweya Mutsvene haana kupiwa—uye haangazopihwi kuti ataure zvinopokana memagwaro matsvene; nokuti Shoko raMwari ndiro rinotaura pachena kuti izwi raMwari ndiro chiyero chinofanira kuyera dzidziso dzose namabasa. Muapostora Johane anoti; “musatenda mweya yose, asi yedzai mweya kuti muone kana ichibva kuna Mwari; nokuti vaporofita vazhinji venhema vakaburukira munyika.” 1 Johane 4:1. Isaiah anotiwo: “Dzokerai kumurairo nokuzvipupuriro! Kana vasingarevi zvinoreva shoko iri, havangavi nechiyedza mavari.” Isaya 8:20.KK 4.5

    Kuzvidza kukuru kwakakandwa pamusoro pebasa raMwari Mweya Mutsvene nedzidziso dzenhema, dzevaipupura kuve vachimutswa nemweya waMwari vachipupura pachena kuti vakanga vasingachadi hutungamiriri hweShoko raMwari. Vaitungamirwa nokurashika kwendangariro dzavo kufunga kuti zvose zvavaifunga nekuda kunzwa kana kuita rakange riri izwi raMwari mumoyo yavo. Asi mweya yaivamutsa wakanga usiri Mweya Mutsvene waMwari. Uku kutevera ndangariro, vanhu vachirasha Magwaro matsvene kunokonzera nyongano bedzi, kunyengerwa nokuparadzwa. Izvi zvose zvinongoshanda bedzi kuendesa mazano asatani kumberi. Sezvo hushumiri hweMweya Mutsvene waMwari hwakakosha, kusangano raKristu, nderimwe zano rasatani, kuburikidza nedzidziso dzakatsauka nevanemanyawi, kuti vaise kuzvidza pamusoro pebasa raMwari Mweya Mutsvene zvobva zvaita kuti vanhu vaMwari vasiye hwaro hwesimba rakapihwa naIshe Amene.KK 5.1

    Mukati merunyararo neShoko raMwari, Mweya Mutsvene aizofanira kuenderera mberi nebasa rake munguwa yose yaiparidzwa vhangeri. Kubvira panguva iyo apo magwaro matsvene ainyorwa Testamende yekare zvose netsva, Mwari Mweya Mutsvene haana kumira basa rokupa chiyedza kuvanhu mumwe nomumwe, kusingaverengwi zvakazarurwa zvaizounganidzirwa murugwaro. Bhaibheri pacharo, rinotsanangura nzira dzaishandiswa naMwari Mweya Mutsvene kuti vanhu vagamuchire chenjedzo, yambiro, mazano, pamwe nenzira dzakanga dzisinei nedzakashandiswa paifemerwa Bhaibheri. Kunotaurwazve nezvevaporofita vakamutswa kare munguva dzakasiyana-siyana vane zvinyorwa zvavo zvisimo mumagwaro. Nenzira imwe chetewo, mushure mokunge Magwaro matsvene anyorwa, Mwari Mweya Mutsvene haana kumira basa rake, rokuvhenekera, kuyambira, nokunyaradza vana vaMwari.KK 5.2

    Jesu Kristu akavimbisa vadzidzi vake kuti; “Asi Munyaradzi, Mweya Mutsvene achatumwa naBaba muZita Rangu, iye uchakudzidzisai zvose, nokukuyeudzirai, zvose zvandakareva kwamuri.” Johane 14:26; 16:13. Magwaro anodzidzisa pachena kuti zvitsidzo izvi zvaisava zvavaapostora bedzi mumazuva avo asi zvitsidzo zvaKristu kumarudzi ose avanhu munguva dzose. Muponesi anovimbisa vateweri vake kuti, “ndinemi mazuva ose kusvikira pakuguma kwenyika” Mateu 28:20. Pauro anoti zvakare zvipo nokuzviratidza kwaMweya Mutsvene, zvakaiswa musangano kuti vatsvene vakwanisirwe basa ravo rokushumira, nerokuvaka. Muviri; kudzimara isu tose tisvike pavumwe bgokutenda nokuziva Mwanakomana waMwari, napamunhu wakura, napachiyero chovukuru bgokuzara kwaKristu.” VaEfeso 4:12,13.KK 5.3

    Achinamatira vatendi vepaEfeso, mupostori Pauro anoti; “Kuti Mwari waShe wedu Jesu Kristu, baba vokubgwinya akupei Mweya wokuchenjera nowokuzarurirwa; mavhenekerwa meso omwoyo wenyu, kuti muzive kuti kudana kwake kunetariro yei, nefuma yokubwinya kwenhaka yake pakati pavatsvene.” VaEfeso 1:17-19. Basa romweya Mutsvene, rokuvhenekera ndangariro nekuratidza pfungwa zvakadzama zveshoko raMwari ndicho chikomborero chaitsvakirwa sangano repa Efeso.KK 5.4

    Mushure mokuzviratidza kunesimba kwaMwari Mweya Mutsvene pazuva rePentecosti, Petro akakurudzira vanhu kuti vatendeuke vabhabhatidzwe muzita raKristu, kuti varegererwe zvivi; anotaura achiti: “Muchagashira chipiwa cheMweya Mutsvene nokuti chipikirwa ndechenyu, navana venyu, navose vari kure vanozodanwa naShe Mwari wedu.” Mabasa Avaapostora 2:38,39.KK 6.1

    Mukubatana kuri pedyo nezviitiko zvezuva guru raMwari, Ishe achishandisa muporofita Joel akavimbisa kuzviratidza kwaMwari Mweya Mutsvene nenzira yakatsanangurika. Joere 2:28. Chiporofita ichi chakawana kuzadziswa muchidimbu panguva yakadururwa Mweya Mutsvene pazuva rePentecosti; asi chichawana kuzadziswa kuzere pakuratidzwa kwenyasha dzaMwari dzinoyera idzo dzichange dzichitungamirira mukupedziswa kwebasa revhangeri.KK 6.2

    Hondo Huru iri pakari pezvakanaka nezvakaipa icharamba ichikura kusvikira pakupera kwenguva. Munguva dzamarudzi nemazera avanhu, hasha dzaSatani dzakanga dzichiratidzwa nehukukutu hukuru kuKereke yaKristu; asi Mwari akadira nyasha neMweya Mutsvene kuSangano nekuvanhu vake kuti vawane Simba rokugona kumira vasinga kundwi naSatani. Apo Vaapostora vaKristu vaizoenda neshoko revhangeri kunyika dzose nekurinyorera kumarudzi ose avanhu aizotevera, nenzira yakatsanangurika vaiva vakafukidzwa nokuvhenekerwa mundangariro neMweya Mutsvene. Asi apo Sangano richinanavira kusvika munguva yokudzikinurwa kwaro, Satani achashanda nesimba rakawedzerwa; “akatsamwa, nokuti unoziva kuti uchine nguva duku” Zvakazarurwa 12:12. “Kuuya kwake Satani anouya nesimba rose, nezviratidzo, nezvinoshamisa zvenhema.” 2 Vatesaronika 2:9. Kwemakore anokwana zviuru zvitanhatu idzi pfungwa nendangariro dzanga dzakazara umhizha nezivo yapamusoro-soro dzaiva dziri mungirozi yaidikanwa ichiva pahutungamiri hukuru hwedzimwe ngirozi. Asi zvino basa rese raSatani kwave kushandisa simba nezivo yake yose kuti anyengere vanhu nokuvaunzira kuparadzwa. Hwose hudzamu hwehuipi hwasatani noumhizha hwake hwose mukunyengera zvaakanga achiwedzera mumakore ose aya achazozviunza kuvana vaMwari kuti kutambura kwavo kukure muhondo yokupedzisira. Kunyangwe muchinge muri munguva dzokutambudzika kukuru, vadzidzi vaKristu vanofanira kuturira kunyika yambiro yokuuya kwaKristu. Vanhu vanofanira kugadzirirwa kuti vazogona kumira pamberi pake kana iye ouya. “Musine ruvara, musine mhosva.” 2 Petro 3:14. Panguva iyi, kufukidzwa nenyasha uye nesimba kwakatsanangurika, kuchange kwakakoshera sangano sapamazuva evaApostora.KK 6.3

    Kuburikidza nokuvhenekerwa nomweya waMwari mutsvene, zviitiko zvemuhondo huru pakati pezvakanaka nezvakaipa zvakazarurirwa munyori webhuku iri. Kubva panguva nenguva ndaitenderwa kuona kushanda, mumikana yenguva dzakasiyana-siyana hondo huru pakati paKristsu, Ishe weupenyu, muvambi wokuponeswa kwedu, naSatani, ishe wezvivi, muvambi vezvakaipa, chisikwa chokutanga kumhura nokuputsa murairo waMwari unoyera. Ruvengo rwaSatani Kuna Kristu anorwutaridza paanopokana nevateveri vaKristu Jesu. Ruvengo rwumwecheterwo kumurairo waMwari, nezano rimwechete rekunyengera rinoita kuti manyepo ataridzwe sokuti ndicho chokwadi, apo mitemo ichiiswa panzvimbo yewaMwari, vanhu vachigombedzerwa kunamata chisikwa vasinganamati musiki. Izvi zvose zvinoonekwa munhorondo yezvakaitika kare. Kubata kwasatani kuti humwari hwaMwari hwuzvidzwe navanhu, uye kuti vanhu vagashire chimiro chisiri chaMwari, kuti vamutye panzvimbo yokumuda; kuyedza kwake kubvisa murairo waMwari mutsvene, achitungamira vanhu kufunga kuti vakasunungurwa pakuchengeta mitemo yaMwari; nokutambudza kwake vose avo vanopikisa kunyengera kwake, izvi zvose akaramba achizviita kubvira kare. Munhorondo yamadzibaba vokutenda, vaporofita navaApostora nemunhorondo yavakaurayirwa kutenda kwavo pamwe navashumiri verumutsiriro rwokururama.KK 6.4

    Muhondo huru yokupedzisira, Satani achashandisa zano rimwechetero, achitaridza mweya umwechete, achishandisa donzvo rimwe chete sakare. Izvo zvakambovapo zvichavapozve kusiya kwekuti bope nehondo zvirikuuya, rinenge rakakurisa zvisati zvakamboonekwa munyika. Kunyengera kwaSatani kuchange kwakahwanda zvikurusa, kurwa kwake kuine simba. Kana zvichibvira, aizotungamirira mukurashwa kunyangwe navasanangurwawo. Marko 13:22.KK 7.1

    Apo Mweya Mutsvene waMwari wakazarurira kundangariro dzangu chokwadi chikuru chinokosha cheinzwi raMwari, nezviitiko zvekare nezvimwe zvaizova kumberi, ndakarairwa kuti ndiudzewo vamwe pamusoro pezvandakange ndaratidzwa—kuronda nhoroondo yehondo huru munguva dzakare, zvikuru sei kuti ndizojekesa zvizere Hondo Huru yakange irikukasika kuswedera kumberi—munguva inouya. Mukuita basa iri, ndakayedza kutsaura, nekuunganidza pamwe chete zviitiko munhorondo yesangano nenzira yekuti zvikwanisike kuronda kuzarurwa kwechokwadi chinokosha icho chaiuya panyika munguva dzakasiyana-siyana chikaita kuti Satani atsamwe, pamwe neavo vaiva musangano asi vachida nyika. Chokwadi ichi chakange chichitaurwa nezvapupu “vasina kuda hupenyu hwavo kusvikira pakufa.”KK 7.2

    Mumagwaro aya enhoroondo, tinokwanisa kuona mviro-mviro dzehondo iri kumberi kwedu. Zvichitariswa nemukujekesa kweshoko raMwari, uye nokuvhenekera kweMweya wake, tinoona nenzira isina kuhwanda mano ewakaipa uye nenjodzi dzinofanira kunzvengwa neavo vanofanira kuonekwa vasina chipomerwa pamberi paShe pakuuya kwake.KK 7.3

    Zviitiko zvikuru zvakatara kufambira mberi kwebasa rerumutsiriro rwokururama munguva dzekare, inyaya dziri munhorondo, dzinozikanwa pasi rese nenyika yama Protestanti. Inyaya dzine chokwadi chokuti hapana munhu anogona kumira achipokana nadzo nokuda kweumbowo huripo. Nhoroondo iyi ndaipa muchidimbu, zvichienderana nechinangwa chebhuku, uye nekutsanangura nepapfupi kunotofanira kuti kuitwe. Nyaya dzine chokwadi nehumbowo dzakarongedzwa panzvimbo duku yakafanira kuti dzinyatsonzwisisika pane zviitiko zvaienderana nadzo. Pane dzimwe nguva apo Munyori wenhorondo aiunganidza zviitiko zvakaitika, kuti nepapfupi pawanikwe kunzwisisika kwenhau inenge ichitsanangurwa, kana kuti aitsanangura nyaya nepapfupi senzira yakafanira, manzwi ake anonyorwa mundima asi nedzimwe nhambo, hapana mucherechedzo wakajeka unogona kupihwa nokuda kwokuti zvinenge zvakabva kumunyori wenhorondo zvinenge zvisiri kuda kushandiswa sekuti iye muzvinamasimba, asi kuti mashoko ake anosimbisa chokwadi chenhau inenge ichikurukurwa. Pakutsanangura zvakaitika nemawonero eavo vanofambisira basa reshanduko yokururama munguva dzedu, kushanda kumwe chete ndiko kuri kuitiswa zvinyorwa zvakanyorwa.KK 7.4

    Hachisi chinangwa chebhuku rino kuti riunze chokwadi chitsva maererano nokutambura kwakaitika munguva dzekare, asi kuti chokwadi chine humbowo chibatsire vaverengi kuti vaziwe zvichawira nyika pamberi. Kana zvichitariswa muchimiro cheHondo Huru pakati perima nechiyedza, zvinyorwa zvose zvenhorondo yehondo dzekare, zvinooneka kuti panotova nemawonero matsva; uye kuti kuburikidza nazvo, chiyedza chinovhenekera muneramangwana, chichijekesa nzira yeavo vakaita savavhangeri vokutanga, vachadanwa kuti vaizopupura shoko raMwari apo nyika inenge ichivazvidza.KK 8.1

    Mukuzarura zviitiko zvemuhondo huru pakati pezvakanaka nezvakaipa, kuisa pachena mafambiro asatani, nenzira dzakafanira vatendi kuti vashandise kuti vamukunde; uye nokuunza zano rinogutsa rokupedza dambudziko guru rechivi, kuisa rujeko pamusoro pekwakatangira chivi uye mhedzisiro yacho yokuparadzwa kuitira kuti kunaka nokururamisa kwaMwari kuonekwe mumashandiro aanoita nezvisikwa zvake zvose; uye kutaridza, kuyera, kusaganhuka kwemitemo yake. Iri ndiro donzvo guru rebhuku rino. Chishuwo chemunyori webhuku rino kuti Mweya idzikinurwe kubva kumasimba erima kuti yose iwanewo nhaka yavatendi muchiyedza chokukudza Iye akatida, akazvipa panzvimbo yedu. Uyu ndiwo munamato wokurevesa wemunyori.KK 8.2

    E.G.W.KK 8.3

    Larger font
    Smaller font
    Copy
    Print
    Contents