Loading...
Larger font
Smaller font
Copy
Print
Contents
KURWISANA KUKURU - Contents
  • Results
  • Related
  • Featured
No results found for: "".
  • Weighted Relevancy
  • Content Sequence
  • Relevancy
  • Earliest First
  • Latest First
    Larger font
    Smaller font
    Copy
    Print
    Contents

    CHITSAUKO 15—BHAIBHERI NECHIMURENGA CHEMUFRANCE

    Mumakore emuSenjuri yegumi nenhanhatu, basa rekuvandudza chitendero rakaisa Bhaibheri mumaoko evanhu, uye kupinda kwaro munyika dzemuEurope. Dzimwe nyika dzakarigashira nemufaro, semutumwa akabva kudenga. Mune dzimwewo nyika hutongi hwaPapa hwakabudirira kwazvo kuritadzisa kupinda, zvikaita kuti Bhaibheri nechiedza charo, zvisagamuchirwa. Mune imwe yenyika idzi, chiedza ichi chakakwanisa kupinda, asi hachina kugashirwa nedima raivamo. Kwemazana emakore, zvokwadi nemanyepo zvakarwisana kuda kutonga. Pakupedzisira, dima rakakunda, zvokwadi yedenga ikakandirwa kunze. “Kutongwa ndokuku, kuti chiedza chakasvika panyika, asi vanhu vakada rima kupfuvura chiedza” Johane 3:19. Nyika iyi yakasiiwa ichikohwa muchero yenzira yayakanga yasarudza. Simba rekudzora raMweya Mutsvene rakabviswa pakati pevanhu vakanga vazvidza chipo chenyasha dzake. Zvakaipa zvakatenderwa kuti zvizadze chiyero. Pasi rese rikaona matuso ekuramba pachena chiedza chaMwari. KK 164.1

    Hondo yekurwisa Bhaibheri, iyo yakarwiwa kwemakore mazhinji munyika yeFrance, ndiyo yakatungamirira kuzviitiko zvechimurenga chekupandukirwa kwehurumende nevanhu vayo. Chiitiko ichi chakaipa chakauya nekuda kwekutsikirirwa kwakaitwa magwaro neRome. Chakaratidza zviri pachena kunyika dzose kashandiro kemitemo yehutongi hwaPope, chiratidzo chekudzidzisa kwakaitwa neSangano reRoma kwemakore anopfuura chiuru. Kudzvanyirirwa kweBhaibheri nehutongi hwaPapa kwakanga kwataurwa kare nevaporofita, uye munyori weZvakazarurwa anonongedza matuso akashata aizobuda sezvakaita munyika yeFrance, zvichibva pahutongi hwe “murume wezvivi”. KK 164.2

    Ngirozi yaMwari yakataura ichiti: “asi vachatsika guta dzvene netsoka dzavo mwedzi inamakumi mana nemiviri. Ndichapa zvapupu zvangu zviviri simba kuti zviporofite, zvakapfeka masaga, mazuva ane chiuru chinamazana maviri namakuni matanhatu. Ava ndiyo miorivhi miviri, nezvigadziko zvemwenje zviviri zvimire pamberi paShe wenyika. Kana kunomunhu unoda kuvakuvadza, moto uchabuda mumiromo yavo uchiparadza vavengi vavo; kana kunomunhu unoda kuvakuvadza, unofanira kuvurawa saizvozvo. Vane simba rokuzarira denga, kuti mvura irege kunaya namazuva okuporofita kwavo; vane simba pamusoro pemvura kuti ishandure rive ropa, nokurova nyika namadambudziko ose nenguva dzose dzavanoda. Kana vapedza kupupura kwavo, chikara chinokwira chichibva mugomba rakadzika-dzika chicharwa navo, chichavakunda nokuvavuraya. Mitumbi yavo icharashwa munzira dzomuguta guru, rinonzi, nezita rokufananidzira, Sodhoma neEjipiti, pakaroverwavo Ishe wavo pamuchinjikwa. Vanobva kuvanhu namarudzi nendimi, nendudzi, vachavona mitumbi yavo mazuva matatu nehafu vasingatenderi kuti ivigwe mubwiro. Navanogara panyika vachafara nokupembera pamusoro pavo, vachitumirana zvipo, nokuti vaporofita ava vaviri, vakatambudza avo vanogara panyika. Zvino mazvuva matatu nehafu akati apfuvura, mweya wovupenyu, wakabva kuna Mwari, ukapinda mukati mavo, vakamira netsoka dzavo, kutya kukuru kukawira vose vakavavona” Zvakazarurwa 11:2-11. KK 164.3

    Nguva dzinotaurwa apa kuti “mwedzi inamakumi mana nemiviri,” nedzinonzi “makore ane chiuru nemazana maviri ana makumi matanhatu” — nguva idzi dzakafanana, uye dzinotaura nguva iyo Sangano raKristu richatambudzika pasi pehubatwa hweRome. Makore ane chiuru nemazana maviri ana makumi matanhatu ekutonga zvisingapikiswi kwehumambo hwaPapa akatanga mugore ra A.D 538, achinopera mugore ra 1798. Panguva iyi, masoja eFrance akapinda muRome vakasunga Papa ndokuenda naye kuhubatwa kwaakanofira. Kunyangwe pakazosarudzwa umwe Papa panzvimbo yake, hofisi yaPapa hainazve kuzombova nesimba seyaraiva naro kumashure. KK 165.1

    Kutambudzwa kweKereke hakuna kuzoenderera mberi mumakore ane chiuru nemazana maviri ana makumi matanhatu. Mwari netsitsi dzake kuvanhu vake, akapfupikisa nguva iyi yekuyedzwa kwavo. Achitaura pamusoro penguva yekutambudzika yaizowira Sangano rake, Muponesi akati: “dai mazuva iwayo asaitapudzwa, hakuna nyama yairarama: asi nokuda kwevakasanangurwa mazuva iwayo achatapudzwa”—Mateu 24:22. Nokuda kwebasa rekuvandudza chitendero, kushungurudzwa kwevatendi kwakapera gore ra 1798 risati rasvika. KK 165.2

    Pamusoro pezvapupu zviviri, muporofita anotaura kuti: “Ava ndiyo miorivhi miviri, nezvigadziko zvemwenje zviviri zvimire pamberi paShe wenyika.” Munyori wePisarema anoti: “Shoko renyu ndiwo mwenje patsoka dzangu, nechiedza panzira yangu” Zvakazarurwa 11:4; Mapisarema 119:105. Zvapupu zviviri zvinomirira Testamente Yekare neTesatamente Itsva muBhaibheri. Dzose dziri mbiri dzinokosha pakupupura mavambire nemafambiro munguva emutemo waMwari. Dzose dziri mbiri dzinopupura zano reruponeso. Mifananidzo, zvibairo, nezviporofita zve Testamende yekare zvinonongedzera kuuya kweMudzikinuri. Mabhuku mana eEvangeri pamwechete netsamba dzose dzemuTestamente Itsva dzinotaura pamusoro pekusvika kwazoita Muponesi nenzira chaiyo yakanga yaporofitwa neminongedzo. KK 165.3

    Vachaporofita mazuva anechiuru nemazana maviri ana makumi matanhatu vakafuka masaga.” Muchikamu chikuru chenguva iyi, zvapupu zvaMwari zvakanga zvakavanzika. Simba raPapa rakaedza kuviga zvokwadi kubva kuvanhu, pakaiswa zvapupu zvenhema kuti zvipikise huchapupu hweBhaibheri. Apo Bhaibheri rakarambidzwa nevanesimba muSangano nemunyika; apo huchapupu hwaro hwakarasiswa, uye pakaitwa simba rose kuti vanhu nemweya yetsvina vagadzirire pfungwa dzavo kuriramba, apo avo vaida kuriteerera nekurigashira vaivhimiwa nekutengeswa, kushungurudzwa, nekuvharirwa mumajeri, vachiurairwa kutenda kwavo, kana kumanikidzwa kutizira kumakomo, nekumapako enyika—zvinoreva kuti zvapupu zvakatendeka zvaiporofita zvakafuka masaga. Asi zvapupu zvakaramba zvichipupura kwenguva yose yemakore anechiuru nemazana maviri ana makumi matanhatu. Mukati merima guru, kune varume vakatendeka vaida Shoko raMwari, uye vaine godo rekuda kukudzwa Kwake. Njere dzakapiwa kuvaranda vakatendeka ava, uye simba rekuparidza zvokwadi yake munguva iyi yose.KK 165.4

    Asi kana pakaita munhu anovakuvadza, moto uchabuda mumuromo wavo, ugoparadza vavengi vavao: uye kana pane munhu uchavakuvadza, uchaurawa nenzira imwecheteyo” Zvakazarurwa 11:5. Vanhu havagoni kutsika shoko raMwari pasi petsoka dzavo vakasarohwa neshamhu. Kutukwa uku kunotsanangurwa muchitsauko chekupedzisira chebhuku raZvakazarurwa zvichinzi: “Ndinopupurira mumwe nomumwe unonzwa mashoko okuporofita kwebhuku iyi, ndichiti, kana munhu akawedzera pazvinhu izvi, Mwari uchawedzera kwaari madambudziko akanyorwa mubhuku iyi. Kana munhu akabvisa mashoko ebhuku yokuporofita uku, Mwari uchabvisa mugove wake pabhuku yovupenyu, nomuguta dzvene, napazvinhu zvakanyorwa mubhuku iyi “ Zvakazarurwa 22:18, 19.KK 166.1

    Idzi ndidzo yambiro idzo Mwari akapa kuvanhu maringe nekushandura kwavangaita izvo zvaakataura nekuratidza mushoko rake. Zvose izvi zvinotaurwa naMwari kunaani nani uyo angashandise simba rake rehwezvero achitungamirira vanhu kukusakoshesa mutemo waMwari. Izvi zvinofanira kutyisa nekuvhundutsa vanhu vaya vanotaura vasina hanya vachidukupisa nekusakoshesa shoko raMwari uye vachiti kune zvimwe mariri zvisina kunyanya kukosha kuitwa kana kuteererwa. Vose avo vanokoshesa maonero avo kupfuura zvakataurwa nedenga, navose vanoshandura zvarinoreva vachidudzira nepfungwa dzavo, kana vanozviita kuti zvingonziwo vari kuverenga Bhaibheri asi ivo vachida kufanana nenyika, vese ava vari kuzvitorera chituko ichi. Zvinyorwa zvaMwari, nemutemo wake, ndizvo zvichaera chipimo chechimiro chemunhu wese, uye richatonga nekupa mhosva kuna vese avo vachawanikwa vasina kufanira. KK 166.2

    Kana zvapupu izvi zvapedza; [kana zvichipedzisa] kupupura kwazvo.” Nguva iyo zvapupu zviviri zvaizoshanda nekuporofita zvakafuka masaga yakapera muna 1798. Apo zvakanga zvavakusvika pakupera kwebasa razvo, zvaizofanira kurwiswa nehondo yesimba reuyo atsanangurwa kuti “chikara chakakwira chichibva mugomba rakadzikadzika” . Munyika zhinji dzemuEurope, masimba aitonga Sangano nenyika kwemazana emakore kanga achitungamirirwa naSatani pachake kuburikidza nekushanda kwehofisi yaPapa. Asi zvino apa tava kuratidzwa mashandiro matsva esimba raSatani.KK 166.3

    Yaiva tsika yeRome, mukunyepedzera kwayo kuteerera Mwari, kusiya Bhaibheri rakavharirwa mururimi rwusingazikanwi nevanhu uye rakavanzwa kure navanhu. Pasi pehutongi hweRoma, zvapupu zviviri zvakaporofita “zvakafuka masaga.” Asi zvino rimwe simba, chikara chakakwira kubva mugomba rakadzika-dzika, raifanira kusimuka kuti riite hondo iri pachena neshoko raMwari. KK 166.4

    Guta guru” iro munzira dzaro makaurairwa zvapupu izvi, umo mitumbu yavo yakaonekwa yakarara inonzi Ijipita yepamweya. Panyika dzose dzinotaurwa munhoroondo yemuBhaibheri, Ijipita inonyanyozivikanwa nekuramba zviri pachena kubvuma kuti kuna Mwari mupenyu, nekuramba zvaaitaura. Hakuna humwe hushe hwakabuda pachena nekupanduka zviri pachena kuramba simba reDenga nezvinotaurwa naMwari sezvakaita mambo weIjipita. Apo shoko raisvika kwaari muZita raShe kuburikidza naMozisi, Pharao aipindura nekuzvikudza achiti: “Jehovha ndiye aniko, kuti nditeerere izwi rake, kuti nditendere vaIsraeri kuenda? Handimuzivi iye Jehovha, neni handingatenderi vaIsraeri kuenda” Ekisodo 5:2. Uku ndiko kuti Mwari haako, saka nyika inomiririrwa neIjipita yaizotaura nezwi rinofanana mukuramba zvinotaurwa naMwari mupenyu, uye mweya umwechetewo wekusatenda nekusateerera. “Guta iri guru,” rinofananidzirwawo “pamweya ne “Sodoma.” Kuwora kweSodoma pakutyora murairo waMwari kwakanyatsoonekwa muchimiro chekusazvibata kwevanhu. Saka chimiro ichi chaifanira kuonekwa munyika yaizozadzikisa mashoko eBhaibheri aya.KK 166.5

    Mumashoko emuporofita makore mashoma gore ra1798 risati rasvika, kwaizomuka imwe nyika ichimutswa nesimba raSatani, iine chimiro chekumukira nekurwa neshoko raMwari. Munyika iyi, kupupura kwezvapupu zviviri kwaifanira kunyaradzwa, kuti zvingoratidza chimiro chaPharao chekuramba Mwari, nekusazvibata kwemu Sodoma. Chiporofita ichi chinonyatsobudisa kuzadziswa kwacho kuburikidza nezvakaitika munhoroondo yenyika yeFrance. Munguva yeChimurenga mugore ra1793, “Pasi rese rakanzwa kekutanga dare revanhu, vakanga vazvarwa nekudzidza nezvebudiriro yevanhu, uye vanhu vakanga vachitsvaga kodzero yekutonga imwe yenyika dzaikosha muEurope, vakasimudzira mazwi avo vakabatana kuramba zvokwadi inokosha iyo munhu anofanira kugashira, vakaramba zviri pachena kunamatwa kwaMwari.” — Sir Walter Scott, Life of Napoleon, vol. 1, ch. 17. “France ndiyo nyika bedzi pasi rese iyo zvinyorwa zvenhoroondo yavo zvichiri kuwanikwa, zvinotaura kuti nyika iyi yakasimudza ruoko rwayo kuramba zviri pachena Musiki weDenga nenyika. Kwakanga kuine vanomhura vazhinji, vahedheni vazhinji, uye vacharamba variko muEngland, Germany, Spain, nemudzimwewo nyika; asi France inomira payo yega munhoroondo yepasi rino senyika imwechete iyo, kuburikidza nemutemo wakaitwa nedare rayo reparamende, yakataura kuti hakuna Mwari, izvo zvakaita kuti vanhu vese muguta rayo guru, nevazhinji kune mamwe maguta, varume nevakadzi, vapemberere nemufaro vachigamuchira chidaidziro ichi.”—Blackwood’s Magazine, November, 1870. KK 167.1

    France inomiririrawo chimiro icho chaiwanikwa muSodoma. Panguva yeChimurenga, pakaonekwa munyika chimiro chekusazvibata nekuwora kwetsika zvakangofanana neizvo zvakakonzeresa kuparadzwa kweSodoma neGomorah. Munyori wenhoroondo anoburitsa pamwechete, kuramba Mwari nekusazvibata kwemuFrance, sezvinotaurwa muchiporofita: “Zvakanga zvakabatana nemitemo inorambidza kunamata, zvikadzikisira kukosha kwemuchato- unova mubatanidzwa wakayereswa uyo vanhu vangaita, uchitungamirira mukugadzirwa kwenharaunda yevanhu yakasimba, yakanaka- uchidzikisirwa kusara wangove mubatanidzwa wekuwirirana zviri pamutemo asi zvichipfuura hazvo, apo vanhu vaviri vanogona kupinda nhasi , vozongosiya kana vachida … kana vavengi vakambogara pasi vachitsvaga nzira yekuparadza zvose zvitsvene zvingakudzwa, zvizere nenyasha, kana zvisingafaniri kuparadzwa muhupenyu hwevanhu, kana vavengi vakambogona kudzidzisa zvakaipa kuti zvigosiiranwa senhaka muhupenyu hwevanhu, hapana chimwezve chavanogona kuita kunze kwekugadzira tsika iyi yekuuraya muchato … Sophie Arnoult, muiti wemitambo ane mukurumbira pazvinhu zvine njere zvaakataura akatsanangura nezveBhaibheri neChimurenga chemuFrance akati muchato wakanga wave “hupombwe hwakayereswa”—Scott, vol. 1, ch. 17.KK 167.2

    Shoko rekuti “Apo ishe wedu akaroverwawo pamuchinjikwa.” Iri shoko rechiporofita rakazadziswa muFrance. Hakunazve imwe nyika iyo ruvengo naKristu rwakaratidzwa zviri pachena. Hakunazve imwe nyika apo chokwadi chakasangana nokupikiswa zvinorwadza semuFrance. Mukutambudza vatendi uko France yakaita, yakarovera Kristu pamuchinjikwa kuburikidza nezvakaitirwa vateveri vake.KK 167.3

    Mumazana emakore, ropa revatsvene raingodeurwa. Ma Waldenses vakadeura ropa ravo mumakomo ePaedmont “nokuda kweshoko raMwari, nokupupura kwaJesu Kristu,’ uyewo kupupura kumwecheteko kwezvokwadi kwakaitirwa hama dzavo, vanhu verudzi rwema Albigenses muFrance. Mumakore eRuvandudzo, vateveri vechitendero ichi vakaurawa nekushungurudzwa kunotyisa. Madzimambo nevanoremekedzwa, madzimai anokudzwa nemhandara, vanozvikudza nevanofarira kuita jee vemunyika, vakanga vazvigutsa meso avo pakuona kurwadziwa kwevanhu vaifira Jesu. Vanhu vakanga vakashinga verudzi rwema Huguenots, pavairwirwa kodzero dzeizvo zvinofanira kuyereswa mumoyo yevanhu, vakadurura ropa ravo mumapani apo vairwa hondo iyi. Vanhu vaipinda masangano akanga abuda muRoma vakanzi vaiva vatyori vemurairo wenyika, saka mutongo wakaiswa pamusoro pavo, vakavhimiwa semhuka dzesango. KK 168.1

    Sangano raiva murenje, ” vanova vanhu vechiKristu vakanga vasara muFrance muSenjuri yegumi nemasere, vakanga vakahwanda mumakomo arizasi kwenyika yeFrance, vakanga vachikoshesa kutenda kwemadzibaba avo. Pavaibuda kuti vanosangana mupapani emakomo vachinamata, vaidzingirirwa senyoka, vobatwa vachinoiswa muhuranda hweupenyu hwese mumajere. Vanhu vemuFrance vakanga vakarurama, vakachena, nevaiva nenjere, vakasungwa, vakaiswa mukushungurudzwa kunotyisa, pakati pembavha nevaurayi (ona Wylie, b.22, ch.6. ). Vamwewo, vainge vatoitirwa tsitsi, vaipfurwa vofira panzvimbo, asina chekuzvidzivirira nacho, vowira pasi nemabvi avo vachifira mumunamato. Mazana evatana, madzimai akanga asingagoni kuzvidzivirira, nevana vadiki vasina mhosva, vaisiiwa vakafa mumapani enzvimbo dzavaisangana. Mukufamba kwavo nzendo dzemumakomo nemasango, vanhu ava vaitanga vasangana, saka zvakanga zvisisashamisi kuwana “panzvimbo ina dzega-dzega, zvitunha zvakapararira, kana mitumbi yakarembera mumiti’. Nyika yavo yakanga yashandurwa nekuparadzwa nemunondo, nedemo, nezvikokohono, ikaitwa renje guru raipisa tsitsi.” “Hutsinye uhwu hwakaitwa … kwete munguva rerima, asi munguva yekugona kutonga kwamambo Louis wegumi nechina (XlV). Zvidzidzo zveScience ndizvo zvakasimudzirwa, nyaya dzedzidzo ndikakurumbira mumatare emadzimambo nekukudzwa kwevanhu vehunyanzvi, zvikabva zvatadzisa basa renyasha nehunyoro hwerudo.”—Ibid., b. 22, ch. 7. KK 168.2

    Asi pakati pezvakaitwa zvikuru zvinopfuura nekushata pakati pezvakaipa zvakamboitwa nevavengi munhoroondo, kupondwa kwakaitwa vanhu pachiitiko chinodaidzwa kuti “St Batholomew Massacre.” Nyika ichiri kurangarira nekutya chiitiko ichi chekuparadza zvinotyisa. Mambo weFrance, achikurudzirwa nevaprisita veRoma, akatendera kuitwa kwebasa rakaipa iri. Bhera rairidzwa pakati pehusiku ndiro raidaidzira kuitwa kwechivi ichi chehutsinye. Vatendi vaipinda maSangano akanga abuda muRoma nekuratidzira, vakanyangirwa vakarara mudzimba dzavo husiku, vachivimba kuti mambo wavo wavakanga vapa chichemo aizovachengetedza, asi vakakwekweredzwa pasina shoko reyambiro, vakanopondwa. KK 168.3

    Sezvakaita Kristu ari mutungamiri asingaonekwi nameso achitungamirira vana veIsraeri kubuda muIjipita, ndizvowo zvakaita Satani achitungamirira mhondi idzi padzaita basa rekuwedzera huwandu hwevanhu vaiurairwa Jesu. Kwemazuva manomwe, kuurawa zvisina tsitsi uku kwakaenderera mberi muguta reParis, asi mazuva matatu ekutanga akaitwa nehasha dzinokunda mashoko kutsanangura. Hazvina kuzogumira muguta guru bedzi, asiwo kuburikidza nechirevo chaMambo, zvakatekeshera kunamamwe matunhu nemaguta kwese kwaiwanikwa vatendi vemaSangano aya. Kwakanga kusingasarudzi zera remunhu kana chimiro chake kuti murume here kana mukadzi. Paisatariswa kuti mwana mucheche asina mhosva here kana kuti mutana akwegura. Vanokudzwa nevarombo, vakuru nevaduku, madzimai nevana, vakawisirwa pasi vese pamwechete. Kuparadza upenyu uku kwakaenderera mberi muFrance kwemwedzi miviri. Vanhu vanosvika zviuru makumi manomwe vaive maruva enyika iyi vakaparadzwa.KK 168.4

    Nhau dzekuparadza uku padzakasvika munzeve dzevafundisi vesangano kuRoma, pakaita mufaro mukuru usina magumo. Muprisita weSangano munzvimbo ye Lorraine akapa nhume yakauya neshoko iri zvipo zvine zana rezviuru; ukuwo mumatunhu akaita se St Agelo kwakanzwika kutinhira kwemazwi erufaro ekuremekedza, mabhera erufaro akaridzwa; zvoto zvemitambo zvikabakidzwa husiku hwukaita kunge masikati; ukuwo Papa Gregory wegumi nechitatu (XIII) achibatsirwa nevatevedzeri vake nevakuru vesangano, akafamba rwendo rurefu kuenda kuKereke yaiva panzvimbo ye St Louis, apo muPrisita weSangano pa Lorraine achiimba mashoko ekuti “Te Deum-(tinokutendai Mwari)”… akapiwa menduru semucherechedzo wekutenda basa rehumhondi hukuru, ukuwo muguta reVatican kunogona kuonekwa zvinyorwa zvemifanidzo zveVasari, zvinoratidza nekutsanangura maitirwo akaitwa basa iri, uye mambo achironga ari mumusangano wekuronga kunyangira vatendi vakarivara, nebasa racho maitirwo arakazoitwa. Pope Gregory akatumira Charles chipo cheruva rwendarama; uye mushure memwedzi mina kuparadza uku kwaitwa, … akateerera achisvotwa mharidzo yakazoitwa nemuPrisita wekuFrance, … uyo aiparidza achitaura kuti “zuva iro kwakava nemufaro mukuru nekupemberera, apo baba mutsvene akagamuchira shoko, akapinda muguta dzvene kunotenda Mwari na St Louis” — Henry White, The Massacre of St. Bartholomew, ch. 14, par. 34. KK 169.1

    Mweya umwechetewo wakakurudzira vavengi pachiitiko che St Bartholomew Massacre ndiwo wakatungamirira zviitiko zveChimurenga. Jesu akanzi aiva wemanyepo, kusheedzera kwevahedheni vemuFrance kukati: “Paradzai chose munhu uyu asina basa,” apa kuchirehwa Kristu. Kumhura Mwari nekudheerera denga uye huipi hunonyangadza zvaifambirana, uye pfungwa dzevanhu, nemasimba ehutsinye nehuipi, ndizvo zvainyanya kusimudzirwa. Pazvose izvi, rukudzo runoyera rwaipiwa kuna Satani; uye mukudaro, Kristu, nechimiro chake chezvokwadi, kuchena, nerudo rwake rwusina chindini, zvairoverwa pamuchinjiko. KK 169.2

    “Asi chikara chinokwira chichibva mugomba rakadzika-dzika chicharwa navo, chikavakunda, nokuvavuraya.” Simba rairamba kuti kunaMwari rakatonga muFrance munguva yeChimurenga uye kutonga kwehutsinye, rakarwa hondo yakadaro richirwisa Mwari neshoko rake Dzvene zvisati zvamboonekwa munyika. Kunamatwa kwaMwari kwakarambidzwa nedare reParamende. MaBhaibheri akatorwa muvanhu akaunganidzwa achipiswa pamberi peruzhinji rwevanhu, uyewo pachitaurwa mashoko ekuzvidza. Mutemo waMwari zvino wakanga watsikwa pasi petsoka dzavanhu. Masangano anoita zvekuburitswa nekudzidzwa kweBhaibheri akamiswa kushanda. Zororo repavhiki rakabviswa, panzvimbo yaro pakaiswa mutemo wekucherechedza zuva regumi apo vanhu vaipemberera vachiita mafaro nekumhura Mwari. Rubhabhatidzo nechirairo chaTenzi zvakarambidzwa nekudzimwa. Ukuwo kumakuva kwakatanga kunyorwa zvisheedzero pamakuva evanhu zvakajeka zvaitaura kuti rufu rwaive kurara nekusingaperi.KK 169.3

    Kutya Jehovah kwakadzidziswa zvichinzi kwaisava kuvamba kwehuchenjeri asi kuti kwaitova kuvamba kwehupenzi. Zvese zvine chekuita neungano dzekunamata Mwari zvakarambidzwa zvikadzimwa, kunze kweungano chete dzekupemberera kusunnunguka kwenyika. Bishopi wemuParis akanga agadzwa zviri pamutemo akasheedzwa nedare reParamemnde kuti azomira zviri pamurairo pamberi achiitiswa zvinotyisa kutsanangura sekunge pari kutambwa mutambo pamberi pemakurukota edare … Akaunzwa achitungamirirwa pakupinda netsika dzose dzaizivikanwa pamurairo, asi kuti azotaura pamberi pewungano kuti chitendero chaakanga adzidzisa kwemakore mazvhinji, chaiva pasina asi zvakarongwa nehuchenjeri hwevaPrisita, uye chaiva chisina hwaro munhoroondo yehupenyu hwevanhu panyika kana muzvokwadi inoyera. Akaiitiswa kuti arambe, achishandisa mazwi makuru anorema asi ari pachena, kuti hakuna chinonzi Mwari anofanira kunamatwa waakanga iye atsaurirwa kwaari, akanzivo ataure kuti kubvira panguva ino akanga iye ave kupira ruremekedzo rwake nehupenyu kurusununguko, kuyenzana kwevanhu, huchenjeri, pamwe nehunhu. Akabva atura patafura yaiva pamberi pake zvishongo zvake zvese zvehuPrisita hweSangano, achibva agashirwa nekumbundirwa muhushamwari hutsva nemutungamiri wedare. VaPrisita vazhinji vakanga varasika vakatevedzerawo zvakanga zvaitwa neumwe wavo”— Scott, vol. 1, ch. 17.KK 170.1

    “Navanogara panyika vachafara nokupembera pamusoro pavo, vachitumirana zvipo, nokuti vaporofita ava vaviri vakatambudza avo vanogara panyika.” Vahedheni muFrance vakanga vanyaradza izwi rinotsiura rezvapupu zvaMwari zviviri. Shoko rezvokwadi rakarara rafa munzira dzemaguta ayo, zvekuti avo vese vanovenga kurairwa nezvimiso zveshoko zvemutemo waMwari vakafara kwazvo. Vanhu vakaramba pachena Mambo weKudenga. Sevatadzi vekare, vakadaidzira vachiti: “Mwari angaziva Seiko? Wokumusorosoro angava nokuziva here?” Mapisarema 73:11.KK 170.2

    Nohushingi hwekumhura hunotyisa, hwakaoma kutenda, umwe muPrisita wenzira itsva akati: “Mwari, kana uriko, tsivira zita rako rakuvadzwa. Ndinokuvimbisa kuramba kukuteerera, usatomboyedza zvako kutanga mheni dzekutinhira kwako. Ndiyani mushure meizvi angatenda kuti uriko?”—Lacretelle, History 11:309; in Sir Archibald Alison, History of Europe, vol. 1, ch. 10. Izvi ndiwo maungira chaiwo ezvakataurwa naPharao paakabvunza kuti “Jehovha ndiye aniko kuti nditeerere izwi rake” “handimuzivi iye Jehovha.” KK 170.3

    Asi “Benzi rakati mumoyo maro Mwari haako” Mapisarema 14:1. Mwari vanotaura nekutonga pamusoro pevadzivisi vezvokwadi vachiti: “Vupenzi bwavo bwuchavonekwa navose” — 2 Timothy 3:9. Mushure mekunge France yaramba kunamatwa kwaMwari mupenyu, “Akakwirira ari kumusoro anogara mukusingaperi, ” zvakangotora nguva shoma nyika isati yawira muzvifananidzo zvinonyadzisa, nekuda kwekunamata chimwari chehuchenjeri hwemunhu, chaiva muchimiro chemukadzi anopambadza pfuma nekusazvidzora. Izvi zvakaitwa nedare guru rehurumende raimiririra vanhu venyika yose, zvakaitwawo nedare repamusoro rehutongi hwenyika! Umwe munyori wenhoroondo anoti: “Umwe wemitambo yenguva yehupenzi iyi inomira isingaenzaniswi nekuda kwekushaya pfungwa nekushaya rukudzo. Musiwo wedare guru wakazarurwa kukapinda boka revaimbi, vachitangirwa nani, nhengo dzedare rekutongwa kwedunhu dzakapinda zvakarongeka dzichiimba rwiyo rwekurumbidza rusununguko, vachiperekedza, mukadzi akanga akavhara uso aimiririra chimwarikadzi chaizonamatwa mune ramangwana chavaitumidza zita rekuti “Chimwarikadzi Chekushandisa pfungwa.” Mukadzi uyu akapinzwa mudare, akandomiswa parutivi rwerudyi rwemutungamiri wedare … akazooonekwa semusikana aiita zvekutamba achitandadza vanhu … kumunhu uyu, aikodzera kumiririra chimwari hezivo chavainamata, Dare Guru rehurumende yeFrance rakapa vanhu kuti vanamate izvi.KK 170.4

    “Chiito ichi chehupenzi chisina rukudzo kunaMwari chaiva nzira yemafaro, uye kugadzwa kwechimwarikadzi chekunamata njere chakavandudzwa chikatevedzerwa munyika yese, munzvimbo dzakadaro dzine vagari vaida kuzviratidza kuti vane kodzero mukushanduka kwenyika. (Scott, vol. 1, ch. 17).KK 171.1

    Mutauri weparuzhinji akavamba nyaya yekunamatwa kwezivo yevanhu akataura achiti: “Makurukota edare, kaitiro kekunge kugarwa aka kakavhura nzira yekufunga. Maziso acho aiona madzerere zvekuti haana kukwanisa kutarisana nechiedza. Nhasi gungano guru raungana pasi pemumvuri mukuru, apo kekutanga paita maungira ezvokwadi. Ipapo vanhu vemuFrance vapemberera chinamato choga chechokwadi, -cherusununguko, chekushandisa Pfungwa. Ipapo ndipo patakagadzira zvidiso zvekubudirira kwemapazi ehurumende inozvitonga. Ipapo ndipo patakarasha zvimwari zvisingabatiki nePfungwa, tichigamuchira icho chinoonekwa, chakagadzirwa nehunyanzvi hwezvinoonekwa”— (M. A. Thiers, History of the French Revolution, vol. 2, pp. 370, 371) .KK 171.2

    Apo chimwarikadzi chakaunzwa mudare guru, muapridzi uyu akachibata neruoko ndokutendeukira kuungano achiti: “Vanhu, mirai kuramba muchibvunda pamberi pekutinhira kusina simba kwaMwari akagadzirwa nekutya kwenyu. Kubva zvino, musatenda umwe mutsvene kunze kwePfungwa. Nhasi ndirikukupai chifananidzo chake chakaisvonaka nekuchena; kanamuchazova nezvimwari, bairai bedzi kunechakaita seichi…Hwararai pamberi pedare guru rinonzi Rusununguko rwekushandisa pfungwa.” KK 171.3

    Chimwarikadzi chiya musure mekuganuchirwa nemutungamiri wedare, chaksungirirwa pamotokari yakanaka, chikafambiswa, pakati pechaunga chikuru chevanhu, kuenda kuimba yekunamata yakanga yakavakwa pa Notre Dame, kti chinotora nzvimbo yaMwari. Ipapo chakanokwidzwa pamusoro peAritari huru, chikanaamatwa nevose vakanga varipo.”— (Alison, vol. 1, ch. 10). KK 171.4

    Mushure meizvi, chiitiko chakatevera ndechekupiswa kwebhaibheri pamberi peruzhinji rwevanhu. Panechimwe chiitiko, boka revanhu vainzi “The Popular Society of the Museum” vakapinda muimba inoungana ruzhinji muguta vachidanidzira kuti: “kufunga ngakurarame nekusingaperi” (Vive la Raison!) ” uye vakanga vakatakura pamusoro pedanda zvipenga zvakanga zvasara pakupiswa kwemabhuku esangano, anosanganisira Bhaibheri, iro rakanzi nemukuru hwedare “rakanga raripa muripo mumoto mukuru, wehupenzi hwarakanga raitisa rudzi rwevanhu.” — (Journal of Paris, 1793, No. 318. Quoted in Buchez-Roux, Collection of Parliamentary History, vol. 30, pp. 200, 201) .KK 171.5

    Hutongi hwanaPapa ndihwo hwakanga hwavamba basa iri rakanga rave kupedziswa nevanhu vanoti hakuna Mwari. Mitemo yeRome ndiyo yakanga yagadzira hwaro hwechimiro ichi pakugarisana, zvematongerwo enyika, uye zvechitendero, zvakanga zvavekuyeredza France kusiya ave matongo. Vanyori panotaura pamusoro penguva iyi yeshanduko vanoti kupfuudzira mwero uku kwakazovapo kuchabvunzwa pamusoro pechigaro cheSangano. Nerutongo rwakatendeka, zvivi izvi zvichabvunzwa kuSangano. Tsika yanaPapa yakanga yaisa muchetura mupfungwa dzevatongi venyika kuti varwise vaparidzi veshoko raMwari, zvichinzi vamukiri vemadzimambo, chinova chinhu chakazokonzeresa kuraya rugare nerunyararo munyika. Hunyanzvi hweRome ndihwo hwakanga hwafemera mweya hwehutsinye nehudzvinyirir hwakanga hwakuchionekwa zvino pahutongi hwemadzimambo. KK 172.1

    Mweya wekusunguka wakanga waenda neBhaibheri. Pese paigashirwa vhangeri, pfungw dzevanhu dzaimutswa. Vaitanga kurasa makashu akanga avasunga muhuranda hwekusaziva, muzvivi, nekutenda mashura. Vaitanga kufunga nekuita sevanhu. Madzimabo aizviona nekudedera vachitya kubviswa pazvigaro zvavo. KK 172.2

    Rome haina kunonoka kuwedzera kutya negodo remadzimabo. Mugore ra1525 umwe Papa akati kumutongi wemuFrance: “hupenzi uhu, (kuratidzira kwemakristu kuRoma), hauzi kuzongovhiringidza nekuparadza chitendero bedzi, asi masimba ese, nevanokudzwa, nemitemo, nezvinotongwa, nezvigaro zvese.”— (G. de Felice, History of the Protestants of France, b. 1, ch. 2, par. 8) . Makore mashoma akatevera, mumiriri waPope akayambira Mambo achiti: “Changamire, musanyengerwa, varatidziri ava vachapidigura hutungamiri hwese kusananganisira hweKereke nehurumende … chigaro chamambo chiri panjodzi sezvakangoitawo Aritari…Kuuya kuchaita chinamato chitsva kuchaunzawo hurumemnde itsva.”- (D’Aubigne, History of the Reformation in Europe in the Time of Calvin, b. 2, ch. 36) . Vadzidzi vaBhaibheri vakabva vatanga kutendekera pakuita kwevanhu vakadzidzisa kuti dzidziso dzevanhu vakabuda muSangano reRoma dzakanga “dzichikwezvera vanhu kuzvinhu zvitsva zvehupenzi; zvaizobvisa kuteererwa kwemadzimambo nevanhu vavo, zvozokanganisa zvikuru zvose Sangano nehurumende yenyika.” Nenzira iyi Sangano reRome rakagona kurwisanisa nyika yeFrance nebasa reKuvandudza chitendero. “Zvaiitirwa kusimudzira chigaro chamambo, kuchengetedza vanokudzwa, nekuchengetedza mitemo, saka munondo wekutambudza vatendi wakabudiswa mumuhara wawo ukasimudzwa muFrance.” -( Wylie, b. 13, ch. 4) .KK 172.3

    Vatongi venyika Havana kuziva nepadiki zvapo michero yaizobuda pamitemo yavo yavakaisa. Kudzidziswa kweBhaibheri kungadai kwakabetsera kudyara mumoyo nepfungwa dzevanhu zvimiso izvo zvekururama, kuzvidzora, chokwadi, kuyenzana nekupa, izvo zvinova hwaro hwekubudirira kwenyika. “Kururama kunokurisa rudzi” naizvozvo “nokuti chigaro choushe chinosimbiswa nokururama” (Zvirevo 14:34; 16:12.) “Basa rokururama richava rugare”, “zvibereko zvokururama zvichava kunyarara nokutendeka nokusingaperi” (Isaya 32:17) . Uyo unoteerera murairo mutsvene kazhinji kacho anoremekedza nekuteerera mirairo yenyika. Uyo anotya Mwari achakudzawo Mambo mukuita kwake zvose zvakanaka pakutonga. Asi nyika yeFrance mukusafara kwayo yakarambidza Bhaibheri nevateveri varo. Mukupera kwemazana emakore achitevedzana, varume vakatendeka, vaiva nepfungwa dzakajeka nehunhu hwakasimba, avo vaiva nehushingi hwekumiririra kutenda kwavo vakzvigadzirira kutambudzikira zvokwadi- kwemazana emakore varime ava vakatambura vari mumajere, vakaurawa vachipondwa. Zviuru zvavo vakpona nekutiza; izvi zvikaitika kwemakore anosvika mazana maviri namakumi mashanu kubva pakatanga basa rekuparidza kudzorera vanhu kubhaibheri KK 172.4

    Vashoma vanhu vakazvarwa vakakura muFrance vasina kumboona kutambudzwa kwevatendi vevhangeri panguva yavo, avo vaizotiza vachienda nenjere dzavo, nekugona kwavo Mabasa, nekurongeka kwavo, uye setsika yehupenyu, vaizonobudirira nekupfumisa nyika dzavaitizira kwadziri. Pavaipfimisawo nyika idzi zvairevawo kuti ivo vaisara vasina chavainacho. Dai zvose zvakadzingwa zvakashanda kupfumisa nyika yefrance, dai mumakore mazana matatu, hunyazve hwezvekuita Mabasa hwakachengetedzwa muFrance, vanhu ava vakarima ivhu remunyika iyi, dai hunyanzwi hwavo hwezvekugadzira zvinhi hwakaramba huri munyika, uye dai mumakore mazana matatu aya njere dzakapinza idzi dzakaramba dziri munyika dzichiburitsa zvinyorwa, dzichiita hunyanzvi yeSainzi nemichina, dzichitungamirira munezvekutongwa kwematunhu, vakashinga vaya vachirwa muhondo dzekudzivirira nyika, njere idzo dzaigadzira mitemo yekutongwa kwenyika, uye chitendero cheBhaibheri chichisimbisa njere nekutongwa kufunga kwevanhu, pangadai pakaita mbiri yakadini yaitenderedza nyika yefrance! Yaizova nyika huru, yakabudirira, inemufaro- iri muyenzaniso kumarudzi- izvi zvaigoneka! KK 173.1

    Asi mweya wehubofu nekusagona kuona zvinokosha wakadzinga mudzidzisi wehunhu kubva munyika, nyanzvi yekurongeka, avo vese vaimiririra chigaro chamambo vakatendeka, vakataura kuvarume vakanga vachaita kuti nyike ive chadzera chekubudirira vachiti, “imi vembiri panyika’, sarudzai zvamungada, kuuraiwa kana kuenda kunyika dzeutiziro. Pakupedzisira zvakaita kuti kuparara kwenyika iyi kuzadzikiswe; kwakasara kusina pfungwa dzingadziviswa; kusina chitendero chingaiswa kurufu, kusina vanipikisa hurumemnde vangaiswa kumajere”—(Wylie, b. 13, ch. 20) . Kushanduka kwehutongi muFrance, nematambudziko acho ese ndiwo akava matuso acho. “Nekutiza kwakaita vanhu vainzi maHuguenots, kwakaunza munyika kudzikira kwehupenyu. Maguta kanga achikura munezvekugadzirwa kwezvinhi akatanga kudonha; matunhu kaknga achimboibva muenzvekurima kadzokera kuva renje rekare; kusafunga zvakapinza nekuora kwehunhu zvakatevera nguva yekubudirira yakanga yadzoserwa sure. Guta reParis rakava musha wevarombo, varwere nevatana, uye zvinofungidzirwa kuti pakazotanga chimurenga, kwaknga kunevarombo vaipemha muparis vaisvika zviuru mazana maviri vaionekwa vachinopemha zvekudya paruoko rwamambo. Masoja aPapa chete ndivo vaibudirira munyika yakanga ichiwora, uye vaitonga nehumbimbindoga pamusoro pezvikoro nemaKereke, majere nenzvimbo dzekupondera vanhu.” KK 173.2

    Vangeri ringadai rakaunza muFrance minduro pamatambudziko ese anechekuita nezvematongerwo enyika, zvekugarisana kwevanhu, izvi zvakashaisa remuromo kuvafundisi, madzimambo, makurukota eparamende, zvikazopedzisira zvawisira nyika yose mukupandukirana nekuparara. Asi pasi pehutongi hweRome, vanhu vakanga varasa zvidzidzo zvakaropafadzwa zvinoti: kuzvipira nerudo rusina chindini zvakapiwa naMuponesi. Vakanga vatungamirirwa kubva patsika yakanaka yekuzviramba nokuda kwerudo kunevamwe. Vapfumimhavana kuwana kutsiurwa kuti varege kudzvinyirira varombo avo vakasara vasina rubatsiro mukubatata kwavo nokudzikisirwa. Chindini chevapfumi nevanemasimba chakaramba chichikura nekuremera vamwe. Kwemazana emakore, makaro nekushaya hanya kwevanokudzwa zvakaita kuti varwadzise nekutorera vanoshaya zvishoma zvavakanga vainazvo. Vapfumi vaikanganisira varombo, ukuwo varombo vachivenga vapfumi.KK 173.3

    Mumatunhu mazhinji, dzimba nemimda zvaiva mumaoko evanokudzwa, zvikaita kuti vashandi vese vave maroja; uye vese vakava pasi pehutongi wevaridzi vedzimba dzavairoja, avao vaivamanikidza kuti vaite zvavaida nekuvatorera pfuma shoma yavaiva navyo nedzire dzisina kutsarukana. Mutoro wekutsigira sangano pamwechete nenyika wakaiswa pamusoro pevanhu vepasi, avo vaitorerwa mitero yakakurisa nevakuru vehurumende pamwechete nevafundisi veSangano. “kuita zvinofadza vanokudzwa waiva mutemo unofanira kutevedzwa; zvaiva nani kuti varimi nevanoshaiwa vafe havo nenzara vachigutsa vatongi vavo.KK 174.1

    Vanhu vaimanikidzwa panguva yega-yega kuti vagare vachibvunza nekuita zvinodiwa nevatongi vavo. Hupenyu hwevaishanda muminda hwaiva wekufondotswa nebasa zvinosiririsa; kugunun’una kwavo, kana vaingakuiita, kwaigashirwa nehasha dzakaomarara. Matare edzomhosva ainyanya kuteerrea vanokudzwa kana vakakwidzwa kudare nemurombo; kugashidzwa fufuro ndihwo hwaiva hupenyu wevatongi vematare edzimhosva; uye kungochinja pfungwa kana maonero kwaitwa nevanokudza kwaitova nesimba remutemo, izvi zvikaita kuti huwori kuwire kusvika hwapararira neyika yese. Pamitero yaitorwa kuburikidza nevashandiri vehurmende nevafundisi vesangano, mishoma yacho ndiyo yaisvika kuhomwe yamambo kana yeSangano; mizhinji yaigumira muhomwe dzavo kuti vagutse makaro avo. Varume ivava vaitorera vavhu mitero kusiya vave varombo, ivo vakanga vakasunungurwa pakuripa mitero, uye mutemo waivapa kodzero ivo chete wekuwana Mabasa muhurumende. Boka revanhu vaive nerombo rakanaka rekuwana Mabasa nepfuma ava raisvika huwandu hunoita zviuru zana anezviuru makumi mashanu, asi kuti vagutswe pamakaro avo vaida mamirioni emari yaifanira kubva kuvarombo vaitambudzika vasina Tariro muhupenyu. KK 174.2

    Dare ramabo rakasara rave remafaro nekushaya hanya. Pakanga pasina hukama hwekuvimbana pakati pevanhu nevatongi. Kufungirana kwaivapo panezvose zvaingada kuitwa nehurumemde nekuti zvaitungamirirwa nechindini. Kwemakore anopfuura makumi mashanu chimurenga chisati chasimuka, chigaro choushe chaitingwa namabo Louis wegumi nechishanu (XV), uyo, kunyangwe munguva dzakaipa idzodzo, aizivikanwa samambo wehusimbe, kushaya mano, uye aida mafaro. Nekuda kwehutongi hwakakombama, uye vashandi varombo vepasi vasina ruzivo, nyika yakawira pasi munyaya dzezveupfumi, vanhu vakagumbuka zvikuru, zvekuti hazvaida ziso remuporofita kuona kumukirana kwaizotevera pamberi. Payambiro dzose dzaipiwa nanachipangamazano vake, mabo aiwaopindura achiti: “Edzai kuita kuti zvinhu sezvazviri zvirambe zvichienda mberi kunyangwe ini ndichiri pachigaro uye ndiri mupenyu; kana ndazofa zvingazovawo hazvo zvazvichava.” Kuedza kukurudzira kuti paitwe matanho eshanduko zvakashaya basa. Mambo aiona zvakaipa izvi, asi akanga asina zano kana hushing rekuzvigadzirisa. Nhamo yakanga irikuzowira nyika yeFrance yakanyatsoburitswa pachena zvedi mumashoko ake echindiniasina njere paakapindura kuti: “kana ini ndabva, kuchauya dutu!”KK 174.3

    Pakushanda kwayo kuti imutse ruvengo rwemadzimambo, negodo revatongi, Rome yakafurira madzimambo nevatongi kuti vagare vakaisa vanhu muhubatwa, vachiziva zvavo kuti zvichapedza simba rehurumende, izvi vachizviitira kuti pakupedzisira uchava mukana wavo wekuzotonga zvese madzimambo nevanhu vavo. Nemuono urimberi, Rome yakaisa mitemo yaizoisa vanhu pasi pehutongi hwayo zvachose, zvekuti makashu avo aizosunga mweya yevanhu; saka kuti vazogona kuramba vari pasi pehutongi hwavo, vanbu nhasi vaifanira kupiwa rusununguko runovasungirira mangwana. Chimwe chakaitwa neRome chakaipisisa kupfuura kurwadziwa panyama, kuwora kwehunhu hwevanhu. Nekushaiswa Bhaibheri, nekusadzidziswa kwetsika dzakanaka dzekubvisa chindini, vanhu vakasara vakatenderredzwa nekushaya zivo pamwe nekutenda mashura, uye vakanyura muhuipi hwese hwaivatadzisa kuti vagone kuzvitonga kana kuumba hurumende yakanaka. KK 175.1

    Asi mashandiro ezvinhu izvi akazopfuura paifungidzirwa neRome. Panzvimbo yekuisa vanhu pasi pehutongi hwedzidziso dzayo, basa rayo rakagadzira vanhu kuvaita vahedheni nevapanduki. Vanhu vakavenga maitiro eRome vakazvidza basa revaprisita. Vakaona vafundisi sebazi rezve kudzwinyirirwa kwavo. Mwari wavaiziva ndimwari weRome; dzidziso dzayo ndidzo dzaiva chitendero chavo bedzi. Vakaona sekuti makaro eSangano nehutsinye ndiyo michero inbva mudzidziso dzeBhaibheri, saka vakavenga zvese.KK 175.2

    Rome yakanga yetadza kumiririra chimiro chaMwari ikakanganisa zvimiso Zvake, saka zvino vanhu vakatanga kuramba Bhaibheri pamechete nemupi waro. Rome yakanga yatungamirira vanhu kuita kutenda kusina maziso mudzidziso dzayo, idzo dzayaiti ndiro bhaibheri. Semhinduro kuzvinyorwa izvi, vanyori vakafanana naVoltaire nevamwe vake vakasarudza kurasa Shoko raMwari zvachose vakaparidzira kwese kwese muchetura wechihedheni. Rome yakanga yatswa vanhu muduri rayo redare; zvino veruzhinji, vakanga vakuvadzwa nekudzikisirwa, saka mukuedza kupukunyuka pahubatwa hwayo, vakabvisa kuzvidzora kwese. Vanhu vakanga vatsamwisa nehumbimbindoga nehutsotsi hwavakaona kwemakore mazhinji, saka vakaramba zvokwadi nenhema zvese pamwechete; zvekuti avo vakazotanga dzidziso yakaipa iya yekukudza pfungwa dzavo, vakaita mhosho yekutenda pfungwa dzavo vachifunga kuti ndirwo rusununguko. KK 175.3

    Pakutanga kwakaita chimurenga, mambo akatendera kuti vanhu vaunze vamiririri vavo vakanga vakapfuura muhuwandu dare revatongi pamwechete nevafundisi vakasaniswa. Iye mambo aifunga kuti izvi zvaizomupa simba iye mumaoko ake, asi vanhu Havana kuzozvigamichira kuti vamutendere kutungamira hurukuro mudare semaonero ake. Vanhu vainechidiso chekuti vagadzirise zvakaipa zvaivatambudza mukugara kwavo, vasunda nesimba kuti vaida kuona shanduko ichiitwa mukuvakwa patsva kwemararmiro evanhu munyika. Chaunga ichi chevanhu vakanga vaine hasha dzekutambudzika nenhamo kwenguva refu, chakasarudza kutanga chimurenga cheshanduko yaizobvisa nekutsiva avo vaivaomesera muhupenyu kubva pazvigaro zvekutonga. Vanhu vaimbodzvinyirirwa ava vakanga vadzidza kubva kuvadzvinyiriri vavo saka zvinhu zvakapidiguka, zvikaita kuti vaimbotonga vabatwe nesimba neavo vavaimbodzvinyirira. KK 175.4

    France yakasara isina mufaro nekuti yakanga yave kukohwa neropa goho rayakadyara. Matuso ekuzvipa kwayo pasi peRome akanga akaoma. Panzvimbo iyo France yakanga yaisa chibayiro chekuuraya vatsvene ichitungamirirwa nerome, ndipowo panzvimbo iyo Chimurenga chakaisa matandana ekutanga ekubata muchina waishandiswa kugura misoro yevadzvinyiriri. Panzvimbo imwecheteyo apo pakaurairwa vatendi waJesu vekutanga vachifira kuparidza shanduko muchitendero mumakore eSenjuri yekumi nenhanhatu, ndipowo panzvimbo imwecheteyo pakadimburwa misoro yevadzvinyriri vekutanga musenjuri yegumi nesere. Mukuramba bhaibheri, iro ringadai rakanza kurapwa pakati pevanhu, France yakanga yazarura masuo kukapinda kusazvidzora nekuparadza. Kudzora kweShoko raMwari pakwakashaikwa munyika, zvakazoonekwa kuti mitemo yevanhu haigoni kumisa hasha dzevanhu dzinesimba kana dzasimuka.; saka nyika yakapinda mumhirizhonga yakumukkirana zvinotyisa. Hondo yekurwisa Bhaibheri yakagadza chikamu chenguva apo pasi rese rakaona kaitiro kehasha dzevanhu. Runyararo nerufaro zvakanga zvisisimo mumisha nemumoyo yevahu. Hakuna munhu akanga akagadzikana panguva iyi. Uyo aikunda nhasi, mangana aifuma achirongerwa, nekutongwa nekuparadzwa. Mhirozhonga neruchiva ndizvo zvakava kudya kwemazuva ese, pasina anogona kuzvimisa. KK 176.1

    Mambo, vafundisi, nevanokudzwa vese vakamanikidzwa kuzvipa kuvanhu avo vakanga varikupenga nehasha dzinehutsinye. Nyota yavo yekutsiva yaizongogutswa bedzi kana vakauraya mambo; asi avo vakatongera mambo rufu navowo vakamutevera kumatandanda kunouraiwa. Pakarongwa kuti kuurawe vanhu vose vaifungidzirwa kuti ndivo vakanga varonga Chimurenga ichi. Majere akazara akapfachukira nevasungwa, paneimwe nguva kwakanga kunavasungwa vaisvika zviuru mazana maviri panguva imwechete. Mumaguta enyika ese makaitwa zvinotyisa zvinokunda mazwi kutsanangura. Mapato echimurenga akamuka akawanda zvekuti akazotanga kurwisanawo pachawo, nyika yeFrance ikashanduka kuva bani rehondo yevanhu vazhinji, vaisundwa nehasha dzezvidiso zvavo. “Muguta reParis, kumukirana kwaiva mutemo wezuva rega-rega, uye vagary vemo vakanga vaparadzana muzvipoka-zvipoka zvekuvengana, izvi zvaisagutsikana kana chimwe chipoka chisina kuparadzwa. Kuwedzera panhamo iyi, nyika yefrance yakabva yapindawo mukurwa nedzimwe nyika huru dzemuEurope. “Nyika yakasara isisna mari, masoja achiratidzirawo vachida muhoro wavo, vanhu nuguta reParis vakatanga kufa nenzara, kumatunhu enyika kukaparadzwa nemapoka anopfuurikidza mwero, budiriro ikashaikwa munyika kukangosra mhirizhonga nehutsinye”. KK 176.2

    Vanhu vakanga vadzidziswa hutsinye hwese uhu pamutongero weRome. Zuva rekutsiva rakanga rasvika. Yakazosvikawo nguva yekuti vateveri vaJesu vabatwe nekuurawa nekuiswa mumajere. Kare vanhu ava vakanga vambotambura vachidzingirirwa kuenda kunyika dzeupoteri. Rome yakatanga kuona masimba akaipa ayakanga yagadzira aingogutsikana nekudeura ropa. “Muenzaniso wekutambudza vanhu uyo vafundisi vemuFrance vakaratidza kwemakore mazhinji, wakanga wavekuvadzokera ivo nesimba rinopfuura nekuipa. Matanda ekudimbura misoro akatvuka neropa revaprisita. Majeri nemakomba makanga mabozadzwa kare nemaHuguenots, makanga zvino Mazara nevaya vakavatambudza. VaPrisita weRome vakatambudzika vakasungwa nemaketani nekumanikidzwa, vafundisi vesangano reKaturike vakasangana nenhamo dzose idzo kereke yavo yakanga yambonesa vanhu kare. KK 176.3

    “Kwakazosvikawo mazuva ayo apo kwakagadzirwa mutemo wakaisvoipa; uchigadzirwa nedare risinapfungwa, apo munhu ainzi haafaniri kukwazisa muvakidzani wake kana kunamata … nokuti izvi kwainge kuri kupara mhosva ingatongerwa rufu; ndokubva kwaiswa vasori vaigara vakahwandira mumakona, kuti vanenge vapara mhaka iyi vaiswe kumatanda ekupondwa uko kwaiurawa vanhu manganani ega-ega; ukuwo majere akazara nevasungwa, sezvaiita zvikepe zvaichengeterwa varanda, izvo zvaigara zvichiyerera ropa richipinda munyanza … munzira dzemuguta reParis, ngoro dzaigara dzakazara dzichitakura vapari vemhosva iyi, vamiririri, avo vakanga vatumwa nedare rinokudzwa kumapazi, vaiunza miviko yekawamzwa manyepo anehutsinye, zvisina kumboonekwa muguta. Banga remuchina wekugura misoro raisimuka richidzika nekunonoka mumaziso evaurayi. Midungwe yakareba yevasungwa yaifambiswa ichisundwa nemasaga akazara mabhora esimbi. Zvikepe zvakazara vasungwa zvaiboorwa maburi anopinza mvura kuti zvinyure munyanza. Guta reLyons ralashandurwa kuva renje. MuArras, makarambidzwa rufu rwunorwadza rwaingapiwa vasungwa. Rwizi Loire, rurefu rwemuFrance, kubvira kumusoro kwaro kuSaumur kusvika kunyanza, mazazo eshiri dzedenga aionekwa achiita mabiko ekudya zvitunha zvevanhu, zvimwe zvzkanga zvakasonanidzwa pamwechete kana kumbundirana. Hakuna tsitsi dzairatidzwa kumurume kana mukadzi kana zera remunhu. Huwangu hwevakomana nevasikana vechidiki vanemakore angaita gumi nemanomwe vakauraiwa nehurumende yehutsinye iyi, hunosvika kumazana nemazanan. Vana vacheche vaibvutwa pazamu ramai vachiroverwa pamiseve yematanda yakanga yakagadzirwa. Munguva pfupi yemakore gumi, vanhu vazhinji-zhinji vakanga vaparadzwa. KK 177.1

    Izvi zvese zvaiitika nenzira iyo Satani akanga akaronga. Ndizvo zvaaishandira kwemakore mazhinji kuti zvibudirire. Basa rake ndeerekunyengera kubva kwekutanga kusvika kumagumo, uye chinangwa chake ndechekuunza nhamo nematambudziko pamusoro perudzi rwevana vevanhu, kuti akanganise nekusvibisa basa remaoko aMwari, kuti asvibise zvinangwa zvinoyera zverudo rwaMwari, kuti aunze kuchema meDenga. Nenzira dzake dzakarongwa nehunyanzvi anonyengera ndangariro dzevanhu, oita kuti vanhu vashoore nekupomera Mwari, sezvinonzi matambudziko ese aya arikubva pakuronga kwaMwari. Nenzira imwecheteyo, kana avo vanga vambotambudzwa nekuwisirwa pasi nehutsinye hwake vakazowana rusununguko, anovakurudzira kuti vatsive nohutsinye nekupfuurikidza mwero. Zvese izvi zvinoonekwa nevanotonga nechisimba nehudzvanyiriri semunongedzo werusununguko. KK 177.2

    Kana chakaipa chikaonekwa nenguwo yacho, satani anoshandura ochipfekedza imwe nguwo yekurasisa, vazhinji vochigashirazve nemufaro sezvavamboita chekutanga. Vanhu pavakaona kuti hurumende yetsika dzeRome yaiva nehunyengeri, ndokubva satani atadza kuramba achifambisa basa rake kuburikidza nevamiririri vake rekutyora mutemo waMwari, akaita kuti vanhu vafunge kuti nyaya dzese dzekunamata manyepo nehunyengeri, uye kuti Bhaibheri manyepo nengano dzemano; uye, vachirasira pasi zvitsvene zvaMwari, vakazvipa musimba risingatuvidzvi rekurasika.KK 177.3

    Mhosho inourayisa yakaitwa ikaunza nhamo kuvagari venyika yeFrance, yaiva yekutsinzinyira chokwadi ichi chikuru chekuti: rusunguko rwechokwadi rwunowanikwa munezvakanyorwa pamutemo waMwari. “Haiwa, dai wakateerera hako mirairo yangu! Rugare rwako rungadai rwakaita sorwizi, nokururama kwako samafungu egungwa.” “Zvanzi naJehovha, vakaipa havana rugare.” “Asi ani nani anonditeerera achagara zvakasimba, Achagadzikana, asingatyi zvakaipa”- (Isaiah 48:18, 22; Proverbs 1:33). KK 178.1

    Vanoramba Mwari, vahedheni, nevakapandukira Mwari nekuramba mutemo wake; asi matuso avo anoratidza pachena kuti zvakanakira munhu kuterera Mashoko Matsvene aMwari. Avo vangatadza havo kuverenga chidzidzo ichi kubva mubhuku raMwari, vangaverenga havo kubva munhoroondo yemarudzi evanhu.KK 178.2

    Satani paakashanda kuburikidza neSangano reRome achibvisa vanhu kubva pakuteerera, Mabasa ake akanga akavanzika, uye basa rake rakanga rakavigwa zvakadaro zvekuti kudzikira kwehunhu nenhamo dzakapinda muvanhu hazvina kuonekwa sematuso ekusateerera. Asiwo simba rake rakatodziviswa nekushanda kwaMweya Mutsvene zvekuti zvinangwa zvake Satani hazvina kuzosvika pazvaifanira kusvika chaipo. Vanhu Havana kuita hanya yekunyatso tsvakurudza nekuona kuti nhamo dzavo dzaibva papi chaipo. Asi panguva yeChimurenga ichi, Bhaibheri rakanyatso sendekwa parutivi zviripachena nedare rehurumende yenyika. Zvekuti mukuzobata kwakaita masimba erima pakati pevanhu, zvaiva pachena kunavose kuti chii chakonzeresa.KK 178.3

    Niyka yeFrance payakaramba zvirpachena nekusendeka parutivi Bhaibheri, vanhu vakaisvoipa nemweya yerima vakabudirira kugadzira chinhu icho chaidikanwa naSatani— rudzi nehumambo husingateveri kana kudzorwa nemutemo waMwari. Nekuda kwekuti rutongo pamusoro pechivi ichi haruna kukasika kusvika, “moyo yevanakomana vevanhu inotsungirira kuita zvakaipa” (Muparidzi 8:11). Asi kuputswa kwemutemo wakarurama mutsvene kunofanira kutungamirira mukuparadzwa. Kunyangwe zvavo kuparadzwa kusina kuuya panguva iyoyo, huipi hwevanhu ndihwo hwakasanobata hushe mukuparadza. Mazana emakore ekurasika nekuparwa kwemhosva zvakanga zvichiunganidzira hasha dzezuva guru rekutsiva; uye apo mukombe wezvakaipa pawakazara, vanozvidza mwari vakazodzidza kuti chinhu chakaipa kuzvidza zvitsvene nemoyo murefu waMwari. Simba remweya mutvene waMwari wekudzora nekubata mhepo, iro rinoshanda kumisa simba rakaipa rehutsinye hwasatani, rakabviswa nesimba guru, zvekuti uyo anongofarira hake kuona kutambudzika kwevanhu akatenderwa kushanda madiro ake. Avo vose vakanga vasarudza kubata hushe pamwechete nemupanduki vakasiiwa vachikohwa goho ravo kusvikira nyika yazara nemhosva dzakakura kudarika mashoko anganyorwa kutsanangura. Kubva mumatunhu akanga ari munhamo kusvika kumaguta kwakanzwika kuungudza, kuchema kwekurwadziwa kukuru. France yakazununguswa sekunge paine kudengenyeka kwenyika. Chitendero, mitemo, kugarisana kwevanhu, mhuri, nyika, neSangano—zvese izvi zvakawisirwa pasi neruoko rusina tsitsi rwakanga rwasimudzwa kuputsa mutemo waMwari. Ichokwadi chakataurwa nemuchenjeri: “Wakaipa uchawiswa nezvakaipa zvake.” “Kunyangwe mutadzi akaita zvakaipa rune zana, akava namazuva mazhinji, kunyangwe zvakadaro, ndinoziva zvirokwazvo kuti vanotya Mwari, vanotya pamberi pake: asi wakaipa haangagari zvakanaka” Zvirevo 11:5; Muparidzi 8:12, 13. “Zvavakavenga zivo, vakasazvitsaurira kutya Jehovha;” “Naizvozvo vachadya zvibereko zvenzira yavo; vachagutswa namano avo” Zvirevo 1:29, 31.KK 178.4

    Zvapupu zvakatendeka zvaMwari, zvakanga zvaurawa nesimba rinomhura iro, “rakakwira richibva mugomba rakadzika-dzika”, zvaisazonyardzwa kwenguva yakareba. “Zvino mazvuva matatu nehafu akati apfuvura, mweya wovupenyu, wakabva kunaMwari, ukapinda mukati mavo, vakamira netsoka dzavo, kutya kukuru kukawira vose vakavavona” (Zvakazarurwa 11:11) . Maiva mugore ra1793 apo mitemmo nechirevo chekumisa chitendero nekurambidza Bhaibheri zvakaitwa nedare ReParemende yeFrance. Makore matatu nehafu akatevera, pakazoitwa chisungo chekubvisa mitemo iyi, kukatenderwa kuverengwa kwebhaibheri, izvi zvichiitwa nedare rimwechetero. Nyika yakamira ichishamisika nekukura kwenjodzi yakanga yakonzerwa nekuramba Zvirevo Zvitsvene, vanhu vakadzidza kukosha kwekutenda munaMwari neShoko rake sehwaro hwehuchenjeri nehunhu. Zvanzi naJehovha: “Ndiyaniko wawakatuka nokuzvidza? Wakazvikudza kunaniko nezwi rako, meso ako akatarira kunaniko kudenga? NdiMutsvene waIsraeri!” (Isaya 37:23). “Naizvozvo, tarirai, ndichavazivisa, ndichavazivisa panguva ino chete ruoko rwangu nesimba rangu; vachaziva kuti zita rangu ndiJehovha” (Jeremiya 16:21) KK 179.1

    Pamusoro pezvapupu zviviri, muporofita anowedzera kutaura achiti: “Ipapo vakanzwa izwi guru, rinobva kudenga, richiti kwavari: kwirai pano. Vakakwira kudenga negore, vavengi vavo vakavavona” Zvakazarurwa 11:12. Sezvo France yakanga yaita hondo nezvapupu zviviri zvaMwari, zvakazoukudzwa zvakanga zvisina kumboonekwa. Mugore ra1804, kwakaparurwa Sangano rezvekunyorw nekushambadzwa kweBhaibheri rinonzi “The British and Foreign Bible Society.” Iri rakateverwa nekurongwa kwemamwe masangano akadaro, akanga aine mapazi mazhinji mudunhu reEurope. Mugore ra1816, kwakatangawo ku America sangano rakadaro rinonzi: “The American Bible Society.” Pakavambwa kweSangano reBhaibheri reku Britain, Bahibheri rakadhindwa rikatendererdzwa mundini dzinosvika makumi mashanu. Kusvikira nhasi Bhaibheri raiswa mundimi dzinopfuura mazana mazhinji. KK 179.2

    Makore anosvika makumi mashanu gore ra 1792 risati rasvika, kwakanga kwaitwa basa shoma rekuparidzwa kweVhangeri kunyika dzirimhiri kwenyanza. Hakuna mibatanidzwa yebasa iri yakanga yatangwa, uye kwaiva nemaKereke mashoma akanga achiita basa rekuparidzira vhangeri kunyika dzevahedheni. Asi pakunopera kweSenjuri yegumi nesere pakaitika shanduko huru. Vanhu vakatanga kusagutsikana nezvaibuda padzidziso dzekushandisa pfungwa sechimwari, vakatanga kuona kukosha kwezvakaburitswa pachena neMweya waMwari mushoko rake nezvechitendero. Kubva panguva iyi, muono wekuparidza vhangeri kune dzimwe nyika wakamutswa ukafambiswa nekukura zvakanyanya. KK 179.3

    Budiriro irikuitika munezvekudhindwa kwezvinyorwa yakawedzera kufamba kwebasa rekuendeswa kweBhaibheri kuvanhu. Kuwedzera kwezvekushandisa panyaya dzekufambiswa kwemashoko pakati pemarudzi evanhu, kuputswa kwemidhuri yaiparadzanisa vanhu/ marudzi kare, nekudonha kwakaita hutongi waPapa mune zvematongerwo enyika kwakazarura nzira yekufambiswa nekupinda kweShoko raMwari. Kwemakore mazhinji, Bhaibheri ratengeswa zvisina zvimhingamupinyi mumaguta eRome, uye raendeswa kunyika dzose dzinogara vanhu pasi rino. KK 179.4

    Murume wekusatenda anonzi Voltaire, akambotaura achizvikudza achiti: “Ndaneta pandinonzwa vanhu vachidzokorora mashoko ekuti varume gumi nevaviri ndivo vakatanga chitendero cheChikristu. Ndicharatidza kuti murume umwechete anoringana kuchiwisira pasi.” Asi zvino kwapfuura marudzi nemarudzi evanhu iye afa. Mamirioni evanhu vakabata nekushanda muhondo yekurwisa bhaibheri. Asi harisati raparadzwa, zvekuti paiva nevanhu zana mumazuva aVoltaire, iyezvini pave nevanhu zviuru gumi, uye ichokwadi kuti pavewo nemaBhaibheri zviuru zana. Mumazwi eumwe muparidzi wevhangeri wemazuva ekutanga eruvandudzo, achitaura pamusoro peKereke yeChikristu anoti: “Bhaibheri chipfuriro chapedza sando zhinji.” Zvanzi naJehovha: “Hakuna nhumbi yokurwa inopfurwa ingauya kuzorwa newe ingabudirira; rurimi rumwe norumwe runokukwirira kpakutongwa ruchapiwa mhosva” Isaya 54:17. KK 180.1

    “Asi shoko raMwari wedu richgara nokusingaperi.” “Mirairo yake yose yakasimba. Yakasimba nokusingaperi-peri, yakaitwa nezvokwadi nokururama” Isaya 40:8; Mapisarema 111:7, 8. Chese chinovakwa pamusoro pesimba remunhu chichawisirwa pasi; asi chose chichavakwa pamusoro pehwaro hweShoko raMwari risinadzimi chichamira nekusingaperi. KK 180.2

    Larger font
    Smaller font
    Copy
    Print
    Contents