Loading...
Larger font
Smaller font
Copy
Print
Contents
KURWISANA KUKURU - Contents
  • Results
  • Related
  • Featured
No results found for: "".
  • Weighted Relevancy
  • Content Sequence
  • Relevancy
  • Earliest First
  • Latest First
    Larger font
    Smaller font
    Copy
    Print
    Contents

    CHITSAUKO 41—KUPARADZWA KWENYIKA

    “Nokuti zvivi zvaro zvasvika kudenga, Mwari warangarira zvisakarurama zvaro … mumudziyo iwoyo marakadira iro, muridirire kaviri. Parakazvikudza nokuzvifadza napo, murirwadzise nokurichemedza; nokuti rinoti mumoyo maro: ndinogara pachigaro chovushe ndiri vahosi, handizi chirikadzi, handingatongovoni kuchema. Saka madambudziko aro achasvika nezuva rimwe, rufu, nokuchema, nenzara: richapiswa kwazvo nomoto, nokuti Ishe Mwari unoritonga, unesimba. Namadzimambo enyika akaita vupombwe nokuzvifadza naro, acharira nokuchema pamusoro paro, … vachiti, Nhamo, nhamo, iwe guta guru, iwe Bhabhironi, guta rakasimba! Nokuti kutongwa kwako kwasvika nenguva imwe.” Zvakazarurwa 18:5-10.KK 390.1

    “Vatengesi venyika,” avo “vakafuma nokuwanda kwefuma yaro,” “vachamira vari kure nokutya kurwadziwa kwaro, vachirira nokuchema, vachiti: Nhamo, nhamo, guta guru rakanga rakapfeka mucheka wakanaka, mutsvuku nomushava, rakanga rakashonga ndarama, nmabwe anokosha, namaparera! Nokuti nenguva imwe fuma hurur yakadai yaparadzwa.” Zvakazarurwa 18:11, 3, 15-17. KK 390.2

    Aya ndiwo madambudziko achawira Bhabhironi nezuva rekutongwa nekushanyirwa kwaro nehasha dzaMwari. Nokuti rakazadza mukombe wezvivi zvaro; nguva yaro yasvika; raibva kuti riparadzwe. Apo izwi raMwari richabviswa kubatwa kwevanhu vake, pachaita kumuka kukuru kwevanhu vakarasikirwa nezvose munguva yehondo huru muupenyu. Apo nguva yemutsa yakanga ichipo, vakanga vakapofumadzwa nekunyengera kwaSatani, vakazvichenura munzira yezvivi zvavo. Vapfumi vakazvikudza pamusoro pekutonga kwavo avo vaiva pasi pavo, asi vakanga vawana hupfumi hwavo nokutyora murairo waMwari. Vakarega maune kubatsira vaiva nenzara, kupfekedza vakanga vasina mbatya, vakarega kuita nekururamisira, uye havana kuita netsitsi. Vakatsvaga kuzvisimudzira nekukudzwa nevamwe vanhu vakasikwa saivo. Iyezvino vatorerwa zvose zvaivaita kuti vaite mbiri ndokusiiwa vave varombo vasina dziviriro. Vanotarisa nokutya zvifanidzo zvavo zvichiparadzwa izvo vakanga vachida kupfuura Musiki wavo. Vakatengesa mweya yavo kune zvinofadza nehupfumi hwenyika, vakasatsvaka kuva vapfumi kunaMwari. Matuso acho ndiko kukundikana kwehupenyu hwavo; zvinofadza zvavo zvashandurwa kuva nduru, pfuma yavo ikava kuora. Zvavakawana muhupenyu hwese zvatsvairwa muchinguva chiduku. Vapfumi vanochema kuparadzwa kwedzimba dzavo dzinokosha, kuparadzirwa kwesirivheri nendarama yavo. Asi mariro avo anonyaradzwa nekutya kwekuti ivo pachavo vamirira kuparadzwa pamwechete nezvimwari zvavo. KK 390.3

    Vakaipa vanozadzwa nekuzvidemba, kwete nokuti vakatadza kuita zvakanaka kuna Mwari nekunevamwe vanhu, asi nokuti Mwari akunda. Vanochema kuti zvinhu zvavo zvazvava; asi kwete kuchemera kutendeuka pazvivi zvavo. Dai vaine simba vaiita zvavangakwanisa kuti vakunde. KK 390.4

    Nyika ichaona boka iro riya revanhu vaishorwa nekutukwa, vaishuvirwa kuparadzwa chose, vachipfuura nemumatambudziko, nemuchamupupuri, nemukudengenyeka kwenyika asi vasina chinovawana. Uyo achava moto unoparadza kuvadariki vemurairo wake, ndiye achava bako rekuhwanda kuvanhu Vake.KK 390.5

    Muparidzi uyo akatengesa zvokwadi achida kuwana kukudzwa navanhu ava kuona zvino chimiro nesimba rekudzidzisa kwake. Zvava pachena kuti Ziso risingapotsi raimutevera pose paaisimuka achidzidzisa, paaifamba munzira dzemumisha, paaisangana navana vavanhu muzviitiko zveupenyu. Kaitiro kose kemweya, zvose zvakanyorwa namavara, shoko rose rakataurwa nemuromo, nekuita kwese kwakatungamirira vanhu kuvarairwa vakazorora mumanyepo, zvose izvi kwakanga kuri kukusha mbeu; saka zvino, ava kuona goho racho mukurashwa kwemweya isina simba yakamutenderedza. KK 391.1

    Zvanzi naJehovha: “Vakangopodza vanga romukunda wavanhu vangu zvishoma, vachiti, Rugare, rugare!’ izvo hakuna rugare.” “Nokuti nenhema dzenyu makarwadza moyo wowakarurama, wandisina kuchemedza, makasimbisa maoko owakaipa, kuti arege kudzoka panzira yake yakaipa, aponeswe.”Jeremiah 8:11; Ezekieri13:22. KK 391.2

    “Vane nhamo vafudzi vanoparadza nokuparadzira makwai amafuro angu! … Tarirai ndichakurovai nokuda kwezvakaipa zvamabasa enyu.” “Wungudzai imwi vafudzi, mucheme, wumburukai mumadota, imi vakuru vamapoka; nokuti mazuva okuurawa kwenyu asvika kwazvo; … Vafudzi vachashaiwa matizire, navakuru vamapoka mapukunyukire.” Jeremiah 23:1, 2; 25:34, 35.KK 391.3

    Vaparidzi nevanhu vachaona kuti havana kuita ukama chaihwo naMwari. Vachaona kuti vakapandukira muiti nemupi wemurairo wakarurama nekururamisira. Kuramba zvakatongwa naMwari kwakakonzeresa kumuka kwezvitubu zvizhinji zvechakaipa, nyongano, ruvengo, kusarurama, kusvikira nyika yaita renje huru rehondo, negawa rimwe rehuwori. Ndizvo zvichange zvino zvava kuonekwa nevaya vakaramba kusarudza zvokwadi vachida manyepo. Mashoko haagoni kutsanangura kuzvidemba kukuru kuchabata vanhu vasingateereri apo vachange vachishuva icho chavakarasikirwa nacho nekusingaperi—hupenyu husingaperi. Vanhu avo vainamatwa nenyika nokuda kwehunyanzvi hwavo nekugona kwavo kutaura vave kuona zvino chiedza chezvavakaita. Vave kuona zvino icho chavakarasikirwa nacho nokuda kwekusateerera, uye vachawira pasi patsoka dzeavo vavaizvidza nekunyomba, vachiedza kureurura kuti vanoda Mwari.KK 391.4

    Vanhu vave kuona zvino kuti vakarasiswa. Vachapomerana mhosva yekutungamirirana kukuparadzwa; asi vose vachabatana pakupomera mhosva kuvaparidzi. Vafudzi vasina kutendeka vakaporofita zvisina maturo; vakatungamirira vateereri vavo kuzvidza mutemo waMwari nekutambudza avo vaiuchengeta uri mutsvene. Zvino, mukutambudzika kwavo, vadzidzisi ava ndipo pavachareurura kunyika mabasa avo ekunyengera. Vazhinji-zhinji vachabatwa nehasha huru. Vachachema vachiti: “Taraswa! imi ndimwi chikonzero chekuparadzwa kwedu;”, saka vachamukira vafudzi venhema. Vanhu avo vaisimbovayemura zvikuru, vachataura zvituko zvikuru pamusosro pavo. Maoko mamwechetewo aisimbovapfekedza korona achasimudzwa kuvaparadza. Minondo yakanga yakagadzirirwa kuuraya vanhu vaMwari ichashandiswa kuuraya vavengi vavo. Mhirizhonga nekudeura ropa zvichazara pese-pese.KK 391.5

    “Mubvumo uchasvika pamugumo wenyika pamene; nokuti Jehovha unegakava namarudzi; uchatonga nyama yose; kana vari vakaipa, uchavaisa kumunondo.” Jeremiah 25:31. Kwemakore zviuru zvitanhatu, hondo huru yanga ichirwiwa; Mwanakomana waMwari neVatumwa vake veDenga vanga vachirwisana nesimba rewakaipa, vachiyambira, kuonesa, nekuponesa vana vevanhu. Zvino, vose vaita sarudzo dzavo; vakaipa vaita mubatanidzwa naSatani mukurwisa kwake Mwari. Nguva yasvika yekuti Mwari vamiririre simba remutemo wavo wakakandirwa muhuruva. Zvino, hondo huru iya haichingori nasatani bedzi, asi nevanhuwo. “Jehovha une gakava namarudzi.” “Uchaisa vakaipa kumunondo.” KK 392.1

    Mucherechedzo wekusunungurwa wakaiswa pamusoro peavo “vanochema nekugomera nokuda kwezvakaipa zvinoitwa.” Zvino mutumwa werufu anoenda, uya anoratidza mumuono waEzekieri achiratidzwa sevarume vakabata minondo inoparadza, avo vakapiwa simba vachinzi: “urayai vose vatana namajaya nemhandara, navana navakadzi; asi regai kuswedera kunoumwe ane chiratidzo; mutange panzvimbo yangu tsvene.” Muporofita anoti: “Ipapo vakatanga navatana vakanga vari pamberi peimba.” Ezekieri 9:1-6. Basa rekuparadza richatangira pakati peavo vaizviti ndivo vatariri vemweya yevanhu. Varindi venhema ndivo vachatanga kuwa. Hapana vachanzwirwa tsitsi kana kuregererwa. Varume, vakadzi, mhandara nevacheche vose vachafa pamwechete.KK 392.2

    “Jehovha uchabuda panzvimbo yake kuti arove vanogara panyika nokuda kwezvakaipa zvavo: nenyikawo ichafukura ropa rayo, ikasazofukidzazve vakaurawa vayo.” Isaiah 26:21. “Uku ndiko kurova Jehovha kwaacharova nako ndudzi dzose dzavanhu vakarwa neJerusarema, nyama yavo ichawora vamire namakumbo avo, meso avo achavorera mumakomba awo, norurimi rwavo ruchaorera mumiromo yavo. Zvino nezuva iro kunyonganiswa kukuru kunobva kuna Jehovha kuchavapo pakati pavo; mumwe nomumwe uchabata ruoko rwowokwake, uye ruoko rwake ruchasimudzirwa ruoko rwowokwake.” Zekaria 14:12, 13. Mukupenga kwehasha dzavo nekusazvidzora, uye kuburikidza nekudururwa kwehasha dzaMwari dzisina kuvhenganiswa, vagari vakaipa vepanyika vachawira pasi—Vaprisita, Vatongi nevanhu vapfumi, varombo, vakakwirira nevapasi. “Nezuva iro, vakavurawa naJehovha vachavapo kubva kunomumwe mugumo wenyika kusvikira kunemumwe mugumo wenyika; havangachemwi, kana kuunganidzwa, kana kuvigwa.” Jeremiah 25:33. KK 392.3

    Pakuuya kwaKristu, vakaipa vachabviswa panyika yose—vachamedzwa nemweya womuromo wake, nekuparadzwa nekupenya kwechiedza chake. Kristu achatora vanhu Vake kuenda navo kuguta raMwari, ipapo nyika ichabvisirwa vagari vayo. “Tarira Jehovha unobvisa zvose panyika nokuiparadza, nokuitsindikira, nokuparadza vagere mairi.” “Nyika ichabvisirwa zvose zvayo, ichaparadzwa chose; nokuti Jehovha akataura shoko iro.” “Nokuti vakadarika mirayiro, vakakanganisa mitemo, nokuputsa sungano isingaperi. Saka kutuka kwaMwari kwapedza nyika, navageremo vava nemhosva, saka vagere munyika vapiswa, vangosara vanhu vashoma.” Isaya 24:1, 3, 5, 6. KK 392.4

    Nyika yose inoita serenje risingagari vanhu. Matongo emumaguta nemumisha zvakaparadzwa nekudengenyeka kwenyika, kukadzura miti, nekuparadzira mabwe, achikandwa negungwa kunosakadza chiso chenyika pachayo, akazara pamusoro payo uye mipata ichavhurika panyika ichiratidza nzvimbo dzakanga dzakagara hwaro hwemakomo ayo achabvarurwa kubva pamidzi yawo. KK 392.5

    Zvino chiitiko chichaitika icho chaisimboitwa semuenzaniso murusando rwekupedzisira pazuva rekuchenurwa. Kana hushumiri hwemunzvimbo tsvene-tsvene hwapera, uye zvivi zvevana veIsraeri zvabviswa kubva musenjuari kuburikidza neropa rechipiriso chezvivi, ipapo mbudzi yaAzazeri yaichipirwa iri mhenyu pamberi paJehovha; ipapo, pamberi peungano, MuPrisita Mukuru aireurura zvivi pamusoro payo “zvakaipa zvose zvavana vaIsraeri nokudarika kwavo kose, izvo zvivi zvavo zvose, ngazviiswe pamusoro wembudzi.” Revhitiko 16:21. Nenzira imwecheteyo, basa rekunatsa musenjuari yekudenga rapedzwa, zvino ipapo pamberi paMwari nevatumwa vekudenga, nemhomho yevanhu vakaponeswa, zvivi zvevanhu vaMwari zvichaiswa pamsoro paSatani; ipapo achabva atongerwa mhosva dzezvakaipa zvose zvakapa vanhu kuita. Sezvakaita mbudzi yaAzazeri iyo yairasirwa kunyika yerenje isingagari vanhu, naizvozvo Satani achasiiwa munyika yakaitwa dongo, isingagari vanhu uye nyika yerenje. KK 393.1

    Munyori waZvakazarurwa anoporofita kurasirirwa kwaSatani uye chimiro chisina kurongeka icho nyika ichasvitswa pachiri, uye anotaura kuti chimiro ichi chichagara chakadaro kwemakore anegumi remazana. Mushure mekuratidza zviitiko zvekudzoka kwaShe kechipiri nekuparadzwa kwevakaipa, chiporofita chinoenderera mberi chichiti: “Zvino ndakaona mutumwa achibururuka kudenga, anekiyi yegomba rakadzika-dzika neketani huru muruvoko rwake. Akabata shato, nyoka yekare, ndiye Dhiyabhorosi naSatani, akamusunga makore ane gumi ramazana. Akamukandira mugomba rakadzika-dzika, akamupfigiramo, akaisa chisimbiso pamusoro pake, kuti arege kuzonyengera marudzi kusvikira makore ane gumi ramazana apera: shure kwaizvozvo unofanira kusunungurwa chinguva chiduku.” Zvakazarurwa 20:1-3. KK 393.2

    Mashoko ekuti “gomba rakadzika-dzika” zvichireva chimiro chenyika mukusagadzikana kwayo nerima, ane humbowo muMagwaro. Maererano nechimiro chenyika, “pakutanga,“ zvakanyorwa muBhaibheri zvinoti: “nyika yakanga isina kugadzirwa isina chinhu, uye rima guru rakanga riripo pamusoro pemvura yakadzika.” Izwi rechiHebheru rakashandurwa kuti “pakadzika” rinowanikwa mubahibheri rechigiriki rinonzi Septuagint iro rakadudzirwa kubva Testamende yeKare muchiHebheru ndiro vara rimwechete rakadudzirwa kuti “gomba rakadzika-dzika” muna Zvakazarurwa 20:1-3; Genesis 1:2. Chiporofita chinotiudza kuti nyika ichambodzorerwa kwechinguva pachimiro ichi. Achitarisira zuva guru raMwari, muprofita Jeremiah anotaura kuti: “Ndakatarira nyika, ndikaiona yaparadzwa, isina chinhu; ndikatarira denga rose, asi rakanga risina chiedza. Ndakatarira makomo ndikaona achidedera, nezvikomo zvichizununguka. Ndakatarira ndikasaona vanhu, neshiri dzose dzokudenga dzakanga dzatiza. Ndakatarira ndikaona nyika yakanga ichibereka zvakanaka yashanduka renje, namaguta ayo ose akanga akoromoka.” Jeremiah 4:23-26.KK 393.3

    Uyu ndiwo musha waSatani nengirozi dzake kwemakore anegumi remazana. Achasungirwa kugara panyika ino bedzi, asina mukana wekushanyira dzimwe nyika dzisina kuwa kuti arege kunokanganisa vagari vadzo. Nenzira iyi, ndizvo zvinoreva kusungwa kwake: nokuti hapana vanhu vasara panyika, avo vaangashandisira simba rake. Achadziviswa zvachose kushandisa simba rake rekunyengera nekuparadza iro ranga riri chombo chake chaanofarira kwemazana emakore KK 393.4

    Muporofita Isaya, apo aitarisa mberi panguva iyo Satani achawisirwa pasi akataura kuti: “Haiwa, wawa Seiko uchibva kudenga iwe nyamasase, iwe mwanakomana wamambakwedza! Wakandwa Seiko pasi, iwe wekuwisira marudzi pasi! … Iwe wakati mumoyo mako, Ndichakwira kudenga, ndichakwiridza chigaro changu choushe kumusoro kwenyeredzi dzaMwari … Ndichakwira kumusoro kwemakore, ndichazvienzanisa noWokumusoro-soro. Kunyangwe zvakadaro uchaderedzwa kusvikira paSheori, kusvikira pakadzika pegomba. Vanokuona vachakucherekedza, vachakutarira vachiti, Ko uyu ndiye munhu aidederesa nyika, aizunungusa ushe; aishandura nyika ifanane nerenje, aiparadza maguta ayo, airamba kusunungura vasungwa vake vaende kumusha here?” Isaiah 14:12-17. KK 394.1

    Kwemakore zviuru zvitanhatu, basa raSatani rekupanduka “rakaita nyika idedere,” “akaita nyika ishanduke renje, nokuparadza maguta ayo.” Haana kuzarurira vasungwa vake kuti vabude mutorongo.” Kwemakore zviuru zvitanhatu imba yake yejeri yakagashira vanhu vaMwari, uye angadai akavachengeta muhubatwa nekusingaperi; asi zvino Kristu akadambura misungo yake nekusunungura vasungwa. KK 394.2

    Kunyangwe nevakaipawo zvino vaiswa kure nesimba rake, saka asara ega nengirozi dzake panyika kuti vaone michero yakaunzwa nechituko chezvivi. “Madzimambo ose amarudzi, iwo ose, anovata achikudzwa, mumwe nomumwe paimba yake yeguva. Asi iwe waraswa kure nobwiro bwako, sedavi rinonyangadza … Haungavigwi pamwechete navo, nokuti wakaparadza nyika yako, wakauraya vanhu vako.” Isaiah 14:18-20. KK 394.3

    Kwemakore chiuru, Satani achafamba nekupota pakufara nekukura kwenyika isina vanhu achiona matuso ekupandukira kwake mutemo waMwari. Munguva iyi, kutambudzika kwake kuchava kukuru. Kubvira pakuwa kwake, upenyu hwake hwekusazorora hwakaita asaona kana kucherechedza kaitiro kake; asi zvino achatorerwa simba rake achisiiwa kuti afunge rupandi rwaakaita kubva pakupandukira kwake hurumende yeDenga, uye achifungisisa nekutya nhamo yaakatarisana nayo mberi kwake apo anofanira kuzotambudzika nokuda kwezvakaipa zvose zvaakaita nemugove wake wekurohwa pamusoro pezvivi zvaakakonzeresa vanhu kuita.KK 394.4

    Kusungwa kwaSatani kuchaunza mufaro kuvanhu vaMwari. Muporofita Isaya anoti: “Zvino nezuva iro kana Jehovha achikuzorodza pakuchema kwako, napakutambudzika kwako, napakubata kwako kunorema kwawakabatiswa nako, uchaimba rwiyo urwu pamusoro pamambo weBhabhironi, uchiti, Haiwa, mumanikidzi wapera sei! ... Jehovha wakavhuna mudonzvo wowakaipa, netsvimbo youshe yevabati; Iye airova marudzi avanhu nehasha nokurova kusingaperi.” Isaya 14: 3-6.KK 394.5

    Panguva yemakore ane gumi ramazana kubva parumuko rwekutanga kusvika pane rwechipiri, kutongwa kwevasakarurama kuchatora nzvimbo. Mupostori Pauro anotsanangura kuti kutonga uku kuchaitika mushure mekudzoka kwaJesu kechipiri. “Saka regai kutonga chinhu nguva isati yasvika, kusvikira Ishe avuya, iye uchabudisa pachena zvinhu zvakavanzika zverima, nokuratidza mifungo yomoyo.” 1 Vakorinde 4:5. Danieri anotaura kuti kana Wakakwegura pamazuva achisvika, “Vatsvene veWokumusoro-soro vakaruramisirwa, nguva ikasvika yokuti vatsvene vapiwe ushe.” Danieri 7:22. Panguva iyi vakarurama vachatonga samadzimambo navaprisita kunaMwari. Johane anoti muna Zvakazarurwa: “Ipapo ndakaona zvigaro zvovushe, vakagara pamusoro pazvo vakapiwa simba rokutonga.” Zvakazarurwa 20:4, 6. Iyi ndiyo nguva, sezvakaporofitwa naPauro, apo: “Vatsvene vachatonga nyika.” 1 Vakorinde 6:2. Pamwechete naKristu vachatonga vasakarurama, vachienzanisa Mabasa avo nezvakanyorwa mubhuku yemurairo, iro Bhaibheri, vachipa mutongo wehupenyu umwe nehumwe zvinoenzanirana nemabasa akaitwa nemuviri. Mugove uchapiwa vakaipa uchatemwa, zvinoringanirana nemabasa avo; uye zvichanyorwa mberi kwemazita avo mubhuku rerufu.KK 394.6

    Sataniwo nevatumwa vake vachatongwa naKristu nevanhu vake. Pauro anoti: “Ko hamuzivi here kuti muchatonga vatumwa?” 1 Vakorinde 6:3. NaJudha anotaurawo achiti: “Navatumwa vasina kuchengeta nzvimbo yavo asi vakasiya pavaifanira kugara, Wakavachengeta muzvisungo zvisingaperi pasi perima guru kusvikira kutongwa kwezuva guru.” Judha 6. KK 395.1

    Pakupera kwemakore ane chiuru ndipo pane rumuko rwechipiri. Ipapo vasakarurama vachamutswa kubva kuvakafa vachimira pamberi paMwari kuti vagashidzwe rutongo rwekuparadzwa sezvakanyorwa. Ndiko saka munyori waZvakazarurwa, mushure mekutsanangura rumuko rwevakarurama, anoti: “Vamwe vakafa havana kumukazve kusvikira makore ane gumi ramazana apera.” Zvakazarurwa 20:5. Uyewo Isaya, achitaura pamusoro pevakaipa anoti: “Vachaunganidzwa pamwechete, sezvinounganidzwa vasungwa mugomba, vachipfigirwa mutorongo, zvino kana mazuva mazhinji apfuvura, vachashanyirwa.” Isaiah 24:22.KK 395.2

    Larger font
    Smaller font
    Copy
    Print
    Contents