Loading...
Larger font
Smaller font
Copy
Print
Contents
KURWISANA KUKURU - Contents
  • Results
  • Related
  • Featured
No results found for: "".
  • Weighted Relevancy
  • Content Sequence
  • Relevancy
  • Earliest First
  • Latest First
    Larger font
    Smaller font
    Copy
    Print
    Contents

    CHITSAUKO 19—CHIEDZA MUKATI MEDIMA

    Kubvira kare mumazera nemazera emarudzi evanhu, basa raMwari panyika rinoratidza kakufanana mumashandirwo aro pangava pabasa guru rezvekuvandudzwa kwechitendero kana mafambisirwo ezvekunamata. Zvimiso zvaMwari maringe nekushanda kwake nevanhu hazvishanduki. Masangano anokosha ezvekuparidza mazuva ano ane zvinofanana neekare pamashandiro awo, uye zvakasanganikwa nazvo kare nevakatitangira mubasa zvine chidzidzo chinokosha kwatiri nhasi. KK 218.1

    Hakuna zvokwadi inopfuura nokunzwisisika muBhaibheri seyekuti Mwari kuburikidza naMweya Mutsvene, anotungamirira varanda vake panyika mubasa guru rekuponeswa kwevanhu. Vanhu pachavo, midziyo iri muruoko rwaMwari, yaanoshandisa kuzadzikisa zvinangwa zvenyasha netsitsi dzake. Munhu umwe neumwe ane rupandi rwake rwekuita, uye anopiwa chikamu chechiedza chinoringana nguva yake yaanorarama, uye chinoringana kuti aite basa iro Mwari anomupa. Asi zvakadaro, hakuna munhu, kunyangwe anoremekedzwa neDenga, akambosvika pakunyatsonzwisisa zvakazara zano guru reruponeso, kana kunyatsoona kujeka kwekuzara kwehutsvene huri pabasa rekupoesa iri munguva yake. Vanhu havanyatsonzwisisa zvakazara izvo Mwari anogona kuita kuburikidza nebasa raanovapa kuti vaite; uye havanyatsobata mupfungwa dzavo kukura kweshoko iro vanotaura muZita raMwari.KK 218.2

    “Unganzwisisa zvakadzika zvaMwari here? Ungakwaisa kunzwisisa iye waMasimbaose here? Nokuti ndangariro dzangu hadzizi ndangariro dzenyu, nenzira dzenyu hadzizi nzira dzangu, ndizvo zvinotaura Jehova.” Nokuti denga sezvarakakwirira kupfuura nyika, saizvozvo nzira dzangu dzakakwirira kupfuura nzira dzenyu, nendangariro dzangu kupfuura ndangariro dzenyu.” Nokuti ndini Mwari, hakuna akafanana neni, iye anodanidzira kubva pakutanga zvichaitika pakupedzisira, nokubva panguva yekare-kare zvinhu zvichigere kuitwa.” Jobo 11:7; Isaya 55:8, 9; 46:9, 10.KK 218.3

    Kunyangwe vaporofita chaivo avo vakaitirwa nyasha ndokupiwa kuzarurirwa kwezvinhu zvaMwari naMweya Mutsvene havana kusvika pakunyatsojekerwa zvakazara nekukosha kwezvairatidzwa. Dudziro dzazvo dzaizobudiswa padiki nepadiki mumazera aizotevera, apo vanhu vaMwari vaizoda rairo yaMwari yaiva mumashoko avo. KK 218.4

    Petro, achinyora pamusoro peruponesa runojekeswa muVhangeri, anoti: pamusoro peruponeso urwu, “Navaporofita vakaporofita zvenyasha dzamaizoitirwa imi,v achinzvera kuti nguva ndeipi kana yakadini, yakataurwa noMweya waKristu, wakanga uri mukati mavo, nguva yaakapupura kare zvokutambudzika kwaKristu, nokubwinya kunozotevera izvozvo; Avo vakaratidzwa kuti vakanga vasingazvibatiri ivo, asi imi.” 1 Petro 1:10-12.KK 218.5

    Asi kunyangwe vaporofita ava vasina havo kupiwa kunzwisisa kwakazara zvinhu zvavairatidzwa, vaishingaira kutsvaga chiedza chose icho Mwari anofara kupa vanhu vake. “Vaibvunza nekutsvagisisa,” “vachinzvera izvo vaipiwa nekucherechedza nguva iyo Mweya waKristu waiva mavari waireva.” Ichi chidzidzo chakadini nhasi kuvanhu vaMwari muChiKristu nhasi, avo vakagadzirirwa shoko iroro rezviporofita kuti rivabatsire! “Avo vakaratidzwa kuti vakanga vasingazvibatiri ivo, asi imi.” Cherechedza varanda vaMwari avo vekare apo “vainzvera nekutsvagisisa” izvo zvaiva nechekuita nemazera aizovatevera mberi asi akanga asati avapo. Yenzanisa shungu dzehutsvene dzaiva navarume ava vekare, nekushaya hanya kwavakuonekwa nhasi muneavo vakapiwa nyasha dzeDenga idzi mumakore anhasi. Iri ishoko guru rekutsiura avo nhasi vanoda zvenyika nemafaro ayo, vachigutsikana kuti zviporofita izvi hazvinganzwisisiki nhasi! KK 218.6

    Kunyangwe zvazvo pfungwa dzevanhu dzichipera nekuguma zvekusasvika pakunyatsonzwisisa zveUyo ane ndangariro dzakakwirira, kana kunyatsonzwisisa kubata kwezvinangwa Zvake, asi zvinorevawo kuti dzimwe mhosho nekusajekerwa uku zvinouya nekuda kwekushaya hanya nechido kwevanhu saka havazosviki pakafanira nyasha dzeDenga. Kazhinji kacho ndangariro dzevanhu, uyevo dzevaranda vaMwari, dzinodzivirirwa nekuda kwemiono yevanhu, tsika dzevanhu uye dzidziso dzemanyepo, saka vanhu vanozongoona madzerere eizvo zvakazarurwa naMwari muShoko rake. Ndizvovo zvakaitika kuvadzidzi vaJesu, kunyangwe Muponesi pachake akanga ari pakati pavo. Ndangariro dzavo dzakanga dzakadzikatirwa nedzidziso dzevanhu dzaitendwa mumazuva avo maringe nezvaMesiya ainzi aizouya semuchinda aipfuura, uyo aizosimudza Israeri oisiya yave pahushe hwekutonga nyika, saka havana kuzonzwisisa shoko rake paaitaura nezvekutambudzika kwake nerufu rwake. KK 219.1

    Kristu pachake akavatuma neshoko raiti “Nguva yazadziswa, vushe bwaMwari bwaswedera pedo, tendevukai, mutende Evhangeri.” Marko 1:15. Shoko iri rakanga riine hwaro muchiporofita chaDhanere 9. Vhiki dzinamakumi matanhatu nepfumbamwe dzakanga dzatemwa nemutumwa kuti dzichaguma pakuonekwa “kwaMesiya Muchinda.” Nokudaro vadzidzi vakava netariro huru nerufaro rwekugadzwa kwaizoitwa chigaro chehushe hwaMesiya paJerusarema. KK 219.2

    Vadzidzi vakaparidza Vhangeri iro Kristu akanga avapa kunyangwe zvazvo ivo pachavo vainge vasina kunyatsorinzwisisa zvaraireva. Kunyangwe zvazvo zvavaidanidzira zvaiva nehwaro kubva pana Danieri 9:25, havana kuzoona kuti pavhesi rinotevera muchitsauko chimwechetecho, Mesiya aizogumiswa. Kubva pakuzvarwa kwavo vakanga vatendeswa kuti kwaizouya hushe hwunopenya hwepanyika, zvinova zvakapofumadza ndangariro dzavo dzikatadza kuzonzwisisa zvaireva chiporofita ichi mumashoko aKristu. KK 219.3

    Vakaita basa ravo rekuzivisa rudzi rweVaJudha rukoko rwenyasha, uye panguva iyo vaitarisira kuti Mesiya agadzwe pachigaro chaDhavidi, vakamuona achibatwa sembavha, achirohwa, achizvidzwa, nekutongwa kuti aroverwe pamuchinjikwa weKalvary. Kurwadziwa kukuru nekukuhunika kwakabata moyo yevadzidzi ava mumazuva apo Tenzi wavo akanga akarara mubwiro! KK 219.4

    Kristu akanga auya panguva chaiyo uye nenzira chaiyo yakanga yerehwa nechiporofia. Huchapupu hweshoko hwakanga hwazadziswa zvakakwana mukushanda kwake kose. Akanga aparidza vhangeri yeruponeso uye “shoko rake rakanga riine simba.” Moyo yevanhu vaimuteerera yakanga yatenda kuti zvaiva zveDenga. Shoko neMweya waMwari zvakanga zvapupura kutumwa kweMwanakomana waMwari.KK 219.5

    Vadzidzi vakaramba vakabatirira nerudo rusingafi panaTenzi wavo. Asi ndangariro dzavo dzaiva dzakaputirwa nemhute yekusanzwisisa nekusatenda. Mukutambudzika kwavo uku havana kuzonzwisisa nekurangarira mashoko aKristu apo ainongedzera kutambudzikwa kwake nerufu zvaizouya. Kana Jesu weNazareta aiva iye Mesiya wezvokwadi, vaizopinda here mukutambudzika nekukuhunika kwakadaro.? Uyu ndiwo mubvunzo waishungurudza mweya yavo apo Muponesi akanga akarara muguva rake mumaawa asina tariro eSabata iroro raiva pakati pezuva rekufa kwake nerekumuka kwake. KK 219.6

    Kunyangwe zvazvo dima rehusiku hwekutambudzika rakadzikatira vateveri vaJesu ava, asi havana kusiiwa vari voga. Muporofita anonyora achiti: “Kana ndigere murima, Jehovha achava chiedza changu. Uchandibudisira kuchiedza, ndichaona kururama kwake.” “Kunyangwe rima haringandivanzi kwamuri, asi husiku hunopenya samasikati, rima nechiedza zvafanana.” Mwari wakataura: “Akarurama anobudirwa nechiedza parima.” “Mapofu ndichaafambisa nenzira yaasingazivi, ndichaatungamirira, rima ndichariita chiedza pamberi pavo, nezvakakombama ndichazviruramirsa. Zvinhu izvi ndichazviita, handingavasiyi.” Micah 7:8, 9; Mapisarema 139:12; 112:4; Isaya 42:16.KK 219.7

    Kudanidzira kwakaitwa nevadzidzi muZita raShe kwakanga kuri kwazvokwadi, uye zviitiko zvainongedzera zvaizotevera. ““Nguva yazadziswa, vushe bwaMwari bwaswedera pedo, ndiro rakanga riri shoko ravo. ‘Pakupera kwenguva iyi’- vhiki dzinamakumi matanhatu nepfumbamwe dza Dhanere 9, idzo dzaifanira kutandavara kusvika pana Mesiya, “Wakazodzwa Mutsvene”— Kristu akagamuchira kuzodzwa kwake namweya Mutsvene pakubhabhatidzwa kwake naJohane murwizi Jorodhani. Uye Ushe hwaMwari uhwo vakanga vaparidza kuti hwasvika, hwakazadzikiswa murufu rwaKristu. Humambo uhwu hwakanga husiri kwepanyika sekudzidziswa kwavakanga vaitwa. Hwakanga husiri uhwo hunozouya mberi hunonzi hauzofi uye huchatonga pasi rose huchipiwa kuvatsvene vaMwari, humambo husingaperi, apo marudzi ose achazomuteerera. Dhanere 7:27. Sekushandiswa kwazvinoitwa muBhaibheri, shoko rokuti “Humambo HwaMwari” rinoreva zvose zviviri zvinoti Humambo hweNyasha ne HuMambo hweKubwinya. Humambo hweNyasha hunoburitswa pachena naPauro muTsamba yake kuVaHebheru. Mushure mekutendeka Kristu sandiye mumiririri anonzwira uyo: “unogona kutinzwira tsitsi pavutera bwedu” muApostori anoti: “Naizvozvo ngatiswedere tisingatyi kuchigaro chovushe chenyasha, kuti tinzwirwe ngoni, tiwane nyasha.” VaHebheru 4:15,16. Chigaro chenyasha chinomirira humambo hwenyasha; nokuti kuvapo kwechigaro zvinorevawo kuvapo kwehushe. Mukutaura kwaKristu kuzhinji mumifananidzo, aishandisa mashoko ekuti “Ushe hwekudenga” achireva kubata kwenyasha tsvene mumoyo yevanhu. KK 220.1

    Saizvozvowo chigaro chokubwinya chinoreva humambo hwekubwinya; uye humambo uhwu hunotaurwa naKristu mumashoko ake anoti: “Zvino Mwanakomana womunhu uchauya nokubwinya kwake navatumwa vatsvene vanaye, uchagara pachigaro chake chovushe chinobwinya; namarudzi ose achavunganidzwa pamberi pake.” Mateo 25:31, 32. Humambo uhwu huchiri mberi. Hahuzogadzwi kusvikira kudzoka kwaJesu kechipiri.KK 220.2

    Humambo hwenyasha hwakagadzwa pakarepo panguva iyo apo munhu akaputsika, apo zano rekuponesa rudzi rwakatadza rwakagadzwa. Hushe uhwu hwakararama muzvinangwa nevimbiso dzaMwari, uye kuburikidza nekutenda, vanhu vaizogona kuva vagari vahwo. Asi hahuna kunyatsogadzwa kusvikira Kristu afa. Kunyangwe mushure mekutanga kwake basa panyika, Muponesi akaremerwa nekusindimara nekusatenda kwevanhu, zvekuti angadai akadzokera shure achirega chibayiro chepaKarivari. Kunyange mubindu reGetsimani, mukombe wekunyadziswa wakanga uchidedera uri muruoko rwake. Angadai ipapo akapisika ziya reropa pachiso chake ndokusiya rudzi rwakatukwa kuti rwufire muzvivi zvarwo. Dai akaita izvi, kungadai kusina rudzikinuro kuvanhu vakaputsika. Asi apo Muponesi akapa upenyu hwake uye apo akadanidzira pakubuda kwemweya wake achiti: “Zvapera,” ipapo zano reruponeso rakazadziswa. Vimbiso yeruponeso yakapiwa kunaAdamu naEva yakazadziswa. Humambo hwenyasha, uhwo pashure hwakanga hwuri muvimbiso yaMwari, hwakabva hwazadziswawo. KK 220.3

    Naizvozvo, rufu rwaKristu, chiitiko icho vadzidzi vakanga vachiona semagumo nekuparara kwetariro yavo, ndicho chakava kusimbiswa kwetariro yavo nekusingaperi. Kunyangwe chakavavigira kukuhunika kukuru kunorwadza, asiwo chakava ndicho chikwekwenhero chekusimbisa kuti kutenda kwavo ndekwazvokwadi. Chiitiko chakavaunzira kuchema nekushungurudzika, ndicho chakavigira rudzi rwose rwaAdhamu tariro, inova ndiyo hwaro hweupenyu nerufaro rusingaperi kunenavotenda munaMwari mumarudzi nemazera ose.KK 220.4

    Zvinangwa zvetsisti dzisingaperi kumarudzi ose zvinosvika kuburikidza neicho chakakuhunitsa vadzidzi. Apo moyo yavo yakanga yatorwa nesimba rekudzidzisa kwake nenyasha dzake, apo iye “aitaura sezvisina kumboitwa nemunhu,” asiwo, mukati mekunzwisisa rudo rwaKristu sendarama yakaidzwa, makanga makavhenganiswa mavari nengura yekuzvikudza kwenyika netariro yechindini. Kunyangwe mumba yepamusoro musi wePaseka, panguva iyo Muponesi anga avakupinda mumumvuri weGetsimani, pakati pevadzidzi pakanga paine kurwisana: “Nharo dzakamuka pakati pavo kuti ndiyani kwavari achanzi mukuru.” Luka 22:24. Muono wavo wakanga wakazara nepfungwa yechigaro, korona uye mbiri, apo pamberi pavo muponesi akanga akatarisana nekunyadziswa nekurwadziwa muGetsimani, mudare rekutongwa, nemuchinjikwa weKarivari. KK 221.1

    Kuzvikudza kwemoyo yavo, nenyota yekuda mbiri yepanyika, zvakavatungamirira kuti vabatirire zvakasimba padzidziso dzepanyika dzemanyepo dzenguva yavo, zvikaiita kuti mashoko aMuponesi asanzwikwa mavari ezvechimiro cheHumambo hwake, ayo ainongedzera kurufu nematambudziko zvaiva mberi kwake. KK 221.2

    Mhosho iyi yakavatungamirira mukuyedzwa kwakaoma, asi kwakafanira, uko kwakatenderwa kuti vadzidziswezve. Kunyangwe vadzidzi vakarasika kuziva zvaireva shoko ravo, uye vakatadza kuona zvavaitarisira, asi vakaparidza yambiro iyo Mwari akavapa, saka Muponesi achavapa mubairo wekutenda kwavo uye acharemekedza kuteerera kwavo. Kwavari, vakapiwa basa rekudanidzira kumarudzi ose ivhangeri inobwinya yekumuka kwaMuponesi. Matambudziko akatenderwa kuti vasangane nawo achivagadzirira basa iri guru. KK 221.3

    Mushure mekumuka kwake, Jesu akazviratidza kuvadzidzi vake munzira yekuenda kuEmausi, uye, “Akatanga kunaMozisi navaporofita vose, akavadudzira zvakanyorwa pamusoro pake mumagwaro ose.” Luke 24:27. Moyo yevadzidzi yakamutswa, kutenda kwavo kukasimudzirwa. Vakazvarwa patsva mutariro mhenyu, kunyangwe nguva apo Jesu akanga asati azvizivisa kwavari.KK 221.4

    Chaiva chinangwa chake kuti azarure ndangariro dzavo mukunzwisisa nekusima kutenda kwavo pa-“shoko rouporofita rakasimba kwazvo.” Aishuvira kuti zvokwadi imere midzi mundangariro dzavo, kwete nekuti ainge avapa huchapupu hwekuti ndiye, asi nokuda kwehumbowo husina mubvunzo hwaipiwa nezvimiso zvemurairo nemirau yezvipiriso uyewo nezviporofita zvemu Testamende Yekare. Zvaikosha kuti vadzidzi nevateveri vaKristu vave nekutenda kwakangwara, kwete pachezvavo ivo, asi kuti vasvitse ruzivo rwaKristu kunyika namarudzi ose. Nokudaro, sedanho rekutanga, Kristu akanongedzera vadzidzi vake “kunaMozisi navaporofita vose.” Uhwu ndihwo huchapupu hwakapiwa naMuponesi pakumuka kwake zvichiratidza kukosha kwezvinyorwa zveTesatamende Yekare. KK 221.5

    Pakava neshanduko yakakosha mumoyo yevadzidzi apo meso avo achiona kamwezve chiso chine rudo chaTenzi wavo. Nenzira yakazara, kupfuura pakutanga, vakanga vaona “akanga arehwa naMozisi, nemurairo, navaporofita.” Kusanzwisisa, nekushungurudzika kwakavabata pakutanga, kwakatorerwa nzvimbo nevimbo yakazara, iyo yajekesa kutenda kwavo. Zvinofadza sei kuti mushure mekukwira kwake kudenga “vakarambira mutemberi, vachirumbidza nokukudza Mwari.” Vanhu vazhinji vaiziva nezverufu runorwadza rwaTenzi, vaitarisira kuona zviso zvevadzidzi vakasuruwara, zvine kusanzwisisa nekukundikana; asi vakaona zviso zvizere nemufaro werukuriro. Idi kuti vadzidzi ava vakanga vawana kugadzirirwa kwakakura kuti vaite basa rakanga riri pamberi pavo. Vakanga vapfuura nemumiyedzo yakadzama iyo yavakatenderwa kusangana nayo, zvikabuda pachena kuti, kana muono wemunhu warasika, shoko raMwari rinokurira. Mukuenderera mberi, chii chaizoputsa kutenda kwavo kana kutonhodza rudo rwavo? Mukuchema kwakadzama vakanga vawana “kunyaradzwa kune simba,” netariro yakanga “ine simbiso yakabata” “tariro isingazununguswi, yakasimba.” VaHebheru 6:18, 19. Vakanga vari zvapupu zvenjere nesimba raMwari, uye vaka “ziva kwazvo kuti kunyangwe rufu, kana vupenyu, kana vatumwa, kana vanesimba, kana zvazvino, kana zvinouya, kana masimba, kana kwakakwirira kana kwakadzika, kana chinhu chimwe chakasikwa.” Zvaisagona kuvaparadzanisa nerudo rwaMwari, ruri muna Krisu Jesu, Ishe wedu,” vakatiwo, “pazvinhu izvi zvose, tiri vakundi nokupfuvurisa, naiye wakatida.” Varoma 8:38, 39, 37. “Shoko raMwari rinogara nokusingaperi,” saka “ndiyaniko uchavapa mhosva? Kristu ndiye wakafa, uri kurudyi rwaMwari, unotinyengeterera.” 1 Peter 1:25. Romans 8:34.KK 221.6

    Zvanzi naJehovha: “Vanhu vangu havanganyadziswi.” Joel 2:26. “Kuchema kungavapo madekwana, asi mufaro uchauya mangwanani.” Psalm 30:5. Apo vadzidzi vakasangana naMuponesi nezuva rokumuka kwake, moyo yavo yakapiswa mukati mavo apo vaiteerera mashoko ake; apo vaitarisa musoro, maoko nemakumbo ake izvo zvakanga zvakuvadzwa nokuda kwavo; apo, asati akwidzwa kudenga Jesu akaenda navo kunzvimbo dzakaita seBethani, achisimudza maoko ake achivatuma achiti: “Endai mupasi rose muparidze Evhangeri, tarirai ndinemi nguva dzose” (Marko 16:15; Mateu 28:20); uye apo nezuva rePentecosti, Munyaradzi akavimbiswa akaburuka, simba rinobva kudenga rikasvika, mweya yavatendi ikafadzwa nekuvepo kwaTenzi wavo—saka naivowo, sezvaakaita iye, nzira yavo yakatungamirira mukufira shoko raMwari nekuzvipira. Havaigona kutsinhanisa hushumiri hwavo nezvimwe zvisiri nyasha dzake, uye korona yekururama, yavaizogashira pakuonewa kwake, hazvingaenzaniswi nechigaro chepanyika, icho chaimbova tariro yavo pamazuva ekare? Uyo “anogona kuita nokupfuurisa kukumbira nekunzwisisa kwedu,” akanga avatendera, mukuwadzana naye mukutambudzika kwake, rufaro rwake, rufaro rwekuunza vanakomana vazhinji mukubwinya, rufaro rusingatsananguriki, mbiri ine hudzamu, iyo Pauro anotaura kuti: “kutambudzika kwedu, kwechinguvana, hakungagoni kuenzaniswi.” KK 222.1

    Zvaksanganikwa nazvo nevadzidzi avo vakaparidza “Evhangeri yeHumambo” pakuuya kwaJesu kwekutanga, zvine hushamwari nezvichasanganikwa nazvo neavo vachaparidza shoko rekudzoka kwake kechipiri. Apo vadzidzi vaibuda kunoparidza vachiti, “Nguva yaringana, Ushe hwaMwari hwasvika,” ndizvo zvakaitawo Miller neshamwari dzake apo vakaparidza shoko renguva refu, rechiporofita chenguva yekuguma chaibuditswa pachena neBhaibheri chakanga choda kuzadzikiswa, chaiti rutongo rwatosvika, uye humambo husingaperi hwakanga hwasvika. Kuparidza kwevadzidzi maringe nenguva kwakanga kwakasendama panguva yevhiki dzinamakumi manomwe dzaDanere 9. Shoko rakaparidzwa naMiller neshamwari dzake raidaidzira kupera kwemazuva ane zviuru zviviri namazana matatu sezviri muna Danere 8:14, apo guva yemavhiki makumi manomwe iri chidimbu chemazuva ayo emuna Danere 8:14. Kuparidza kwezvikwata zviviri izvi kwakanga kuine hwaro mukuzadziswa kwezvikamu zvakasiyana asi zviri zvenguva imwechete yechiporofita ichi cha 8:14.KK 222.2

    Sezvakaitawo vadzidzi vekutanga, Miller neshamwari dzake pachavo vakanga vasinganyatsonzwisisa zvakazara shoko ravakanga vachiparidza. Mhosho dzakanga dzadzidziswa kwenguva refu mukereke dzakavatadzisa kusvika pakunyatsodudzira zvimiso zvinokosha zvechiporofita ichi. Nokudaro, kunyangwe zvazvo vaiparidza shoko iro Mwari akanga avapa kuendesa kunyika, vakatadza kunyatsorinzwisisa zvakazoita kuti vapinde munguva yekukuhunika kukuru. KK 222.3

    Mukutsanangura Danere 8:14, “Kusvikira madekwana namangwanani ane zviuru zviviri namazana matatu; ipapo nzvimbo tsvene ichanatswa.” Miller, sezvambotaurwa, akagamuchira pfungwa yakanga yakajairika yaitendwa mumazuva ake yekuti kunatswa kwenzvimbo tsvene kwaireva kucheneswa kwenyika nemoto pakuuya kwaTenzi. Nokudaro paakaona kuti zvaiva pachena kuti kupera kwemazuva echiporofita aya kwakanga kwarehwa zviripachena, akaisa dudziro yekuti nguva yaitaurwa yaiva yekudzoka kwaJesu kechipiri. Mhosho yake yakabva pakutenda dzidziso yakanga yakajairika paitaurwa nezve Senjuari.KK 222.4

    Mukushanda kweSenjuari yepanyika, iyo yaiva mumvuri wechibairo nehuprisita hwaKristu, kucheneswa kwenzvimbo tsvene ndiko kwaiva rusando rwekupedzisira rwaiitwa nemuprista Mukuru kamwe pagore. Ndiro raiva basa rekugumisa rusando rwekuchenura—apo kwaibviswa nekuraswa chivi chaIsraeri yose. Izvi zvaimirirawo basa rekupedzisira raizoitwa neMuprisita mukuru kuDenga, pakubviswa nekudzimwa kwezvivi zvavanhu vake, avo vakanyorwa mazita mumagwaro eDenga. Rusando urwu rwunosanganisira basa rekubvunzurudza, rinova basa rekutonga; uye basa iri ndiro richateverwa nekuuya kwaKristu nemakore eDenga aine simba nekubwinya kukuru; nokuti kana ouya, mhaka dzavanhu dzose dzinenge dzapera kuongororwa. Jesu anoti: “Mubairo wangu ndinawo, kuti ndipe mumwe nemumwe sezvaakabata.” Zvakazarurwa 22:12. Iri basa rerutongo richaitika kutanga tevere kuuya kwechipri kwaJesu, rinodaidzirwa nemutumwa wekutanga mushoko remuna Zvakazarurwa 14:7: “Ityai Mwari, mumupei mbiri; nokuti nguva yake yekutonga yasvika.” KK 223.1

    Avo vakaparidza shoko iri vakaparidza shoko rakafanira panguva yakafanira. Asi sezvakaparidzwa nevadzidzi vekutanga vachiti “Nguva yazadziswa, Hushe hwaMwari hwasika, zvichibva pachiporofita chaDanere 9, asi vaitadza kucherechedza kuti rufu rwaMesiya rwaiporofitwa mundima imwecheteyo, saka Miller neshamwari dzake vakaparidza shoko ravo vakamira pana Danieri 8:14 na Zvakazarurwa 14:7, rinovawo shoko raifanira kuzadziswa Kristu asati auya. Apo vadzidzi vakatadza kunzwisisa humambo hwaizogadzwa pakupera kwemavhiki makumi manomwe, saizvozvowo maAdventists vakaitawo mhosho pakudoma chiitiko chaizoitika pakupera kwechiporofita chemazuva anezviuru zviviri zvinamazana matatu. Munyaya dzose mbiri idzi, paiva nekugashira, kwete kutenda kudzidziso dzaiva dzakarasika dzaitendwa munguva idzodzo asi dzichirasisa ndangariro kubva kuzvokwadi. Mapoka maviri evaparidzi aya, akazadzisa kuda kwaMwari pakusvitsa shoko kuvanhu ezvaidiwa naMwari, uye vose mapoka maviri, nokuda kwemhosho, vakainda mukukuhunika kukuru.KK 223.2

    Asi Mwari vakakwanisa kusvitsa shoko reyambiro nenzira yavo pakutendera kwavo kuti shoko risvike nenzira iyi. Zuva guru rakanga rasvika, uye nekutendera kwaMwari vanhu vakasvika pakuyedzwa panguva yakafanira, kuitira kuti zvibudise pachena chimiro chemoyo yavo. Shoko iri rakanga rakananga kuyedza nekunatsa Sangano raMwari. Rakanga riri kutungamirira pakuratidza vanhu kuti vaone kwakarerekera zvidiso zvavo kana zvingava kunyika kana kunaKristu neDenga. Vaitaura ivo kuti vanoda Muponesi; saka zvino vaifanira kuratidza rudo rwavo. Vakanga vakagadzirira here kusiya zvidiso zvenyika, vachigamuchira rufaro rwekudzoka kwaShe? Shoko iri rakanga rakagadzirwa nenzira yekuti rivabatsire kuongorora chimiro chavo chechokwadi chepamweya; uye rakanga ratumwa mutsitsi dzaMwari kuti rimutse chidiso chekutsvaga Tenzi nekutendeuka nekuzvininipisa. KK 223.3

    Zvakadarowo nenguva yekukuhunika kukuru, kunyangwe yakauya nekuda kwemhosho yekusagona kunzwisisa shoko ravakapiwa, yaifanira kutariswa kurutivi rwayo rwakanaka. Nguva iyi yaiyedza moyo yeavo vakagashira yambiro. Mukutarisana nenguva inorwadza iyi, vakanga vachizorasa kutenda mushoko raMwari here? Kana kuti, vaizozvininipisa mukunyengetera vachitsvakisisa kuti ndepapi pavangadaro vakaita mhosho mukunzwisisa zvairehwa nechiporofita? Vangani vakabva mukutya, nemukufarira zvenyika? Vangani vakanga vasingarevesi nemoyo wese uye vasingatendi? Vazhinji-zhinji vaizviti ivo vanoda kuona kudzoka kwaShe. Apo vaitarisirwa nedenga kuti vatambudzike nekusekwa nenyika, apo muyedzo wekunonoka kudzoka kwaShe nekukuhunika waivabata, vazosiya kutenda here? Nokuti Havana kunzwisisa nzira dzaMwari mukushanda kwake navo, vaizosiya here zvokwadi parutivi iyo yakanga ichitsigirwa zviripachena nehuchapupu hweshoko Rake?KK 223.4

    Kuyedzwa uku kwaizoburitsa pachena kusimba kweavo vaiva nekutenda kwezvokwadi, avo vaiteerera zvokwadi yaidzidziswa muShoko uye nemweya waMwari. Kuyedzwa uku kwaivadzidzisazve chidzidzo chekuti zvine njodzi kutenda kudzidziso nedudziro dzevanhu, tichisiya kutendera kuti Bhaibheri rizvidudzire roga. Kuvana vaMwari vekutenda, kutambudzika nekurwadziwa uku kwakanga kwaunzwa nemhosho yekusadudzira shoko nemazvo kwaiunza nzira yekugadzirisa zvakanga zvakanganisika. Zvaivatungamirira kuti vanyatsonzvera shoko rezviporofita zvakadzama. Vaizowana chidzidzo chekuva nehanya yakadzama nekungwarira hwaro hwekutenda kwavo, nekugona kuramba zvose zvinotendwa nevanhu muChiKristu zvisiri chokwadi kunyangwe zviine mukurumbira wakakura sei, asi zvisingabvi mushoko raMwari.KK 224.1

    Kuvatendi ava, sezvakaitawo kuvadzidzi vekutanga, izvo zvakavawira panguva iyi zvikaita kunge rima guru pakunzwisisa kwavo, zvakanga zvichazojekeswa mumashure nekufamba kwenguva. Pavaizoona “kwekupedzisira kwaTenzi,” vaizonzwisisa kuti, zvisinei nekushungurudzika kwavakamboita panguva iyi nekuda kwemhosho dzavo, zvinangwa zvaMwari kwavari zvakanga zvichakamira sekuronga kwake. Vaizodzidza kubva padambudziko iri rakaropafadzwa kuti “Mwari ane tsitsi, nenyasha huru” uye kuti “Nzira dzake ndidzo tsitsi, nezvokwadi kune avo vanochengeta sungano yake nezvipupuriro zvake.” KK 224.2

    Larger font
    Smaller font
    Copy
    Print
    Contents